Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchira mishonga ipi neipi inobva muropa here?

Mhinduro inokosha ndeyokuti Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi ropa. Tinodavira zvakasimba kuti mutemo waMwari paropa hauchinji kuti uenderane nepfungwa dzinochinja-chinja. Zvisinei, nyaya itsva dzinomuka nemhaka yokuti ropa zvino rinogona kuiswa muzvikamu zvina zvikuru zvinoriumba uye zvikamu zviduku zvezvinoriumba izvozvo. Pakusarudza kana zvakakodzera kugamuchira zvinhu zvakadaro, muKristu anofanira kutarira zvinopfuura zvakanaka zvingawanwa mukurapa uye njodzi dzingavapo. Zvaanova nehanya nazvo ndezviya zvinotaurwa neBhaibheri uye zvazvingazoita paukama hwake naMwari Wemasimba Ose.

Nyaya huru dziri nyore chaizvo. Seyamuro yokuti uone kuti nei zvakadaro, funga nezvedzimwe nyaya dzomuBhaibheri, dzezvakaitika, uye dzezvokurapa.

Jehovha Mwari akaudza tateguru wedu tose Noa kuti ropa rinofanira kubatwa sechinhu chinokosha. (Genesi 9:3, 4) Gare gare, mitemo yaMwari kuna Israeri yakaratidzira utsvene hweropa: “Munhu upi noupi waveimba yaIsraeri, kana wavatorwa . . . anodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo anodya ropa.” Nokuramba mutemo waMwari, muIsraeri aigona kusvibisa vamwe; saka Mwari akawedzera kuti: “Ndi[chamubvisa] pakati porudzi rwake.” (Revhitiko 17:10) Gare gare, pamusangano womuJerusarema, vaapostora nevarume vakuru vakarayira kuti tinofanira ‘kurega ropa.’ Kuita izvozvo kunokosha sokurega unzenza nezvidhori.—Mabasa 15:28, 29.

Kareko ‘kurega’ kungave kwakarevei? VaKristu havana kudya ropa, risina kugwamba kana rakagwambiswa; uye havana kudya nyama yemhuka isina kubuda ropa. Zvakanzi zvirege kudyiwawo zvaiva zvokudya zviya zvaiwedzerwa ropa, zvakadai semasoseji eropa. Kudya ropa mune imwe yenzira idzodzo kwaizotyora mutemo waMwari.—1 Samueri 14:32, 33.

Vanhu vakawanda munguva dzekare vangave vasina kushushikana nokudyiwa kweropa, sezvatinogona kuona mumanyoro aTertullian (mazana emakore echipiri neechitatu C.E.). Achipindura pomero dzenhema dzokuti vaKristu vaidya ropa, Tertullian akataura nezvemadzinza aisimbisa zvibvumirano nokuravidza ropa. Akatiwo: “Paiitwa shoo munhandare, [vamwe] vaiva nenyota yokukara vaitora ropa reanenge ane mhosva . . . somushonga wokurapa tsviyo dzavo.”

Kuita izvozvo (kunyange zvazvo vamwe vaRoma vakanga vachizviita nezvikonzero zvoutano) kwakanga kwakaipa kuvaKristu: “Kunyange pazvokudya zvedu zvezuva nezuva hapana ropa remhuka,” akanyora kudaro Tertullian. VaRoma vaishandisa zvokudya zvine ropa kuti vaedze kutendeseka kwevaKristu vechokwadi. Tertullian akawedzera kuti: “Zvino, ndinokubvunzai kuti chirudzii, kuti imi zvamunovimba [kuti vaKristu] vanosemeswa neropa remhuka, imi ndipo pamunovati vanokara ropa revanhu?”

Nhasi, vanhu vashoma vangafunga kuti mitemo yaMwari Wemasimba Ose inofanira kufungwa nezvayo kana chiremba avati vaisirwe ropa. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvechokwadi zvichida kuramba zvichirarama, tinosungirwa kuteerera mutemo waJehovha paropa. Izvi zvinorevei tichifunga nezvemarapiro ari kuitwa mazuva ano?

Zvokuisirwa ropa rose pazvakatanga kujairwa pakapera Hondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha zvakaona kuti izvozvo zvaipesana nomutemo waMwari—uye tichiri kudavira izvozvo. Asi mishonga yave ichichinja nokufamba kwenguva. Nhasi, kuisira ropa kwakawanda hakusi kweropa rose asi kwechimwe chezvinhu zvikuru zvinoriumba: (1) masero matsvuku; (2) masero machena; (3) maplatelet; (4) plasma (serum), yakaita mvura mvura. Zvichitsamira pamamiriro ezvinhu omurwere, vanachiremba vangati aisirwe masero matsvuku, masero machena, maplatelet, kana plasma. Kuisira zvinhu izvi zvikuru zvinoriumba kunoita kuti chikamu chimwe cheropa chigoveranwe pavarwere vakawanda. Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti kugamuchira ropa rose kana kuti chipi nechipi chezvinhu izvozvo zvina zvikuru zvinoriumba kutyora mutemo waMwari. Zvinokosha kuti, kuchengeta mutemo uyu unobva muBhaibheri kwazvidzivirira pangozi dzakawanda, dzinosanganisira hosha dzakadai sehepatitis neAIDS dzinogona kubatwa muropa.

Zvisinei, sezvo ropa richigona kuongororwa kutopfuura zvinoitwa pazvinhu zvikuru izvozvo zvinoriumba, mibvunzo inomuka pamusoro pezvikamu zviduku zvinobva muzvinhu zvikuru zvinoumba ropa. Zvikamu izvozvo zvinoshandiswa sei, uye muKristu anofanira kufungei paanosarudza zvaanofanira kuita nazvo?

Ropa rakaoma kunzwisisa. Kunyange plasma—90 muzana yayo iri mvura—inotakura mahormone akawanda, munyu, maenzyme, uye zvokudya, zvinosanganisira mamineral neshuga. Plasma inotakurawo mapuroteni akadai sealbumin, zvinogwambisa ropa, uye zvinorwisa hosha. Nyanzvi dzinobvisa uye dzinoshandisa mapuroteni eplasma akawanda. Somuenzaniso, chinogwambisa ropa chinonzi factor VIII chave chichipiwa kune vane ropa risingagwambi, vasingatani kubuda ropa. Kana kuti mumwe munhu akabatwa nedzimwe hosha, vanachiremba vangamuti abayiwe majekiseni egamma globulin, yakabviswa muplasma yeropa revanhu vaiva nezvinorwisa utachiona hwacho nechekare. Mamwe mapuroteni eplasma anoshandiswa mukurapa, asi zvataurwa pamusoro apa zvinoratidzira kuongororwa kungaitwa chinhu chikuru chinoumba ropa (plasma) kuti zvikamu zviduku zviwanikwe. *

Sokupa kungaita plasma yeropa zvikamu zviduku zveropa zvakasiyana-siyana, zvimwe zvinhu zvikuru zvinoriumba (masero matsvuku, masero machena, maplatelet) zvinogona kuongororwa kuti zvinhu zviduku zvibviswe. Somuenzaniso, mumasero machena ndimo mungabva mainterferon uye mainterleukin, anoshandiswa kurapa hosha dzinokonzerwa noutachiona uye kenza. Maplatelet angaongororwa kuti abudise chinoporesa ronda. Uye mimwe mishonga iri kugadzirwa inosanganisira (pakutanga-tanga) zvakabviswa mune zvinoumba ropa. Kurapa kwakadaro hakusi kuisirwa zvinhu zvikuru zvinoriumba izvozvo; kunowanzosanganisira zvinhu zviduku-duku kana kuti zvikamu zviduku zvinobva imomo. VaKristu vanofanira kugamuchira zvikamu zviduku izvozvi mukurapwa nemishonga here? Hapana zvatingataura. Bhaibheri haritauri zvakawanda, saka muKristu woga woga anofanira kuzvisarudzira nehana yake pamberi paMwari.

Vamwe vaizoramba chero chinhu chipi zvacho chakabva muropa (kunyange zvikamu zviduku zvakagadzirirwa kurwisa hosha kwenguva pfupi). Ndiwo manzwisisire avanoita murayiro waMwari woku‘rega ropa.’ Vanofunga kuti mutemo wake kuvaIsraeri wairayira kuti ropa rinenge rabviswa pamhuka ‘riteurirwe pasi.’ (Dheuteronomio 12:22-24) Nei izvozvo zvichikosha? Hungu, kugadzira gamma globulin, zvinogwambisa ropa zvomuropa, zvichingodaro, kunoda kuti ropa riunganidzwe roongororwa. Nokudaro, vamwe vaKristu vanoramba zvigadzirwa zvakadaro, sokuramba kwavanoita kuisirwa ropa rose zvaro kana kuti zvinhu zvaro zvina zvikuru zvinoriumba. Chisarudzo chavo chomwoyo wose, chinobva muhana yavo chinofanira kuremekedzwa.

Vamwe vaKristu vanosarudza zvakasiyana naizvozvo. Ivowo vanoramba kuisirwa ropa rose, masero matsvuku, masero machena, maplatelet, kana kuti plasma. Asi, vangabvumira chiremba kuti avarape nechikamu chiduku cheropa chakabviswa muzvinhu zvikuru zvinoriumba. Kunyange pano pangava nokusiyana. Mumwe muKristu angagamuchira jekiseni regamma globulin, asi angabvuma kana kusabvuma jekiseni rine zvimwe zvinhu zvakabviswa mumasero matsvuku kana machena. Zvisinei, pane zvose hazvo, chii chingaita kuti vamwe vaKristu vafunge kuti vangagamuchira zvikamu zviduku zveropa?

Nyaya ye“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri muNharireyomurindi yaJune 1, 1990, yakataura kuti mapuroteni eplasma (zvikamu zviduku) anobva muropa romukadzi ane pamuviri achienda kugadziriro yeropa iri yoga yomwana achangonambwa. Saka amai vanopfuudza maimmunoglobulin kumwana wavo, vachigovera zvinodiwa zvinodzivisa kubatwa nehosha. Ari oga, masero matsvuku omwana achangonambwa paanopedza nguva yawo yaanowanzorarama, chikamu chawo chinotakura mhepo yokufema chinogadzirwa. Chimwe chacho chinova bilirubin, inoyambuka rukuvhute ichienda kuna amai yozoburitswa netsvina yavo yomumuviri. Vamwe vaKristu vangati sezvo zvikamu zviduku zveropa zvichigona kupfuudzwa kune mumwe munhu mugadziriro ino yakasikwa yakadaro, vangagamuchira chikamu chiduku cheropa chakabviswa muplasma kana kuti masero.

Chokwadi chokuti mafungiro uye zvisarudzo zvehana zvingasiyana chingareva kuti nyaya yacho haikoshi here? Kwete. Inokosha. Asi, pane chokwadi chisingachinjiki. Mashoko ari pamusoro apa anoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kuisirwa ropa rose uye zvinhu zvaro zvikuru zvinoriumba. Bhaibheri rinorayira vaKristu ‘kurega zvinhu zvakabayirwa zvidhori, ropa, uye ufeve.’ (Mabasa 15:29) Kupfuura izvozvo, kana yava nyaya yezvikamu zviduku zveropa zvinobva muzvinhu zvikuru zvinoriumba chero zvipi zvazvo, muKristu mumwe nomumwe, anyatsofungisisa nokunyengetera, anofanira kuzvisarudzira nehana yake.

Vanhu vakawanda vaizoda kugamuchira kurapa kupi nokupi kungaita sokunobatsira nokukurumidza, kunyange kurapa kune ngozi dzoutano dzinozivikanwa, sezvakaita zvinhu zvinobva muropa. MuKristu wechokwadi anoedza kuva nemaonero anosvika kure, ari pakati nepakati anobatanidza kwete zvinhu zvomuviri chete. Zvapupu zvaJehovha zvinoonga kuedza kugovera kurapa kwakanaka, uye zvinotema ngozi dzacho/nezvakanaka zvokurapa kupi nokupi. Zvisinei, kana yava nyaya yezvinhu zvinobva muropa, zvinoona nokungwarira kuti zvinotaurwa naMwari uye ukama hwazvo noMupi wedu woUpenyu zvinokosha sei.—Pisarema 36:9.

Chikomborero chakadini kuti muKristu ave nechivimbo chakadaro sechaiva nomunyori wepisarema uyo akati: “Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha uchapa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama. Jehovha . . . , wakaropafadzwa munhu anovimba nemi”!—Pisarema 84:11, 12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaOctober 1, 1994 uye yechiNgezi yaJune 15 1978. Mafemu anogadzira mishonga akagadzira mibatanidzwa yezvinhu zvakasiyana-siyana zvisingatorwi muropa uye zvinogona kunzi zvishandiswe panzvimbo pezvimwe zvikamu zviduku zveropa zvaishandiswa kare.

[Bhokisi riri papeji 30]

MIBVUNZO INGABVUNZWA CHIREMBA

Kana uchifanira kuvhiyiwa kana kurapwa nezviya zvinobatanidza zvinhu zvomuropa, bvunza kuti:

Vashandi vose vokurapa vanobatanidzwa vanozviziva here kuti, somumwe weZvapupu zvaJehovha, ndinoda kuti pasave neropa randinoisirwa (ropa rose, masero matsvuku, masero machena, maplatelet, kana kuti plasma yeropa) chero mumamiriro ezvinhu api neapi?

Kana mushonga upi noupi uchanzi ushandiswe ungave wakagadzirwa ne“plasma” yeropa, masero matsvuku kana machena, kana kuti ma“platelet”, bvunza kuti:

Mushonga wacho wakagadzirwa nechimwe chezvinhu zvina zvikuru zvinoumba ropa here? Kana zvakadaro, mungatsanangura zvawakaita here?

Mushonga uyu unobviswa muropa ungashandiswa wakawanda sei, uye munzirai?

Kana hana yangu ikandibvumira kugamuchira chikamu chiduku ichi, ingozii dzokurapa dziripo?

Kana hana yangu ikandiita kuti ndirambe chikamu chiduku ichi, kumwe kurapai kungashandiswa?

Kana ndazofungazve nezvenyaya iyi, ndirini pandingakuzivisai zvandinenge ndasarudza?