Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Usingafaniri Kuda Zvinhu Zvakakwana Chete?

Nei Usingafaniri Kuda Zvinhu Zvakakwana Chete?

Nei Usingafaniri Kuda Zvinhu Zvakakwana Chete?

Uri kuedza zvakaoma kuita zvose zvaunogona nguva dzose here? Zvakajeka kuti kuita kwako izvozvo kungakubatsira munzira dzakawanda nevaya vakakupoteredza. Asiwo, vamwe vakazozviita zvakapfuuridza uye vakava vanoda zvinhu zvakakwana chete. Izvozvo zvinorevei?

ZVIMWE zvezvinoreva kuti “kuda zvinhu zvakakwana chete” ndezvokuti i“pfungwa yokuona chinhu chose chisina kukwana sechisingadiwi.” Zvimwe wakasangana navanhu vanofunga saizvozvo. Ungaona kuti zvinhu zvakanyanyisa zvavanotarisira kune vamwe zvingakonzera zvinetso zvakawanda, zvichiita kuti pave nokusagutsikana nokuodzwa mwoyo. Vanhu vakadzikama zvikuru vanobvuma kuti kuda zvinhu zvakakwana chete mupfungwa yakapfuuridza uye yokutarisira zvakawanda kwokusafunga mukurarama kwedu kwose zvechokwadi hakudiwi. Ndechimwe chinhu chinofanira kukurirwa. Zvisinei, chinetso ndechokuti kana tichitaura nezvemaitiro edu pachedu kana kuti mafungiro, zvingava zvakaoma kuziva pfungwa yokuda zvinhu zvakakwana chete, saka zvakaoma kuikurira.

Nelson ane mutoro mukuru uye zvinetso zvakawanda zvokugadzirisa. Nguva dzose anoongorora nhamba, uye anoona uwandu hwezvinogadzirwa sechinhu chinokosha zvikuru. Kuda zvinhu zvakakwana chete kunowanzoonekwa sokunodiwa kuti ubudirire mukukwikwidzana kwamabasa. Kunyange vamwe vangaonga kushanda zvakanaka kunoitwa naNelson, kuda kwake zvinhu zvakakwana chete kunomuita kuti ave nezvinetso zvoutano, zvakadai sokutemwa nomusoro uye kuora mwoyo. Unozviona uchiita saNelson here?

Vechiduku vanobatwawo nokuda zvinhu zvakakwana chete. Somwana, Rita wokuRio de Janeiro, aida kuenda kuchikoro. Akaedza kusava nomukurumbira, asi airwadziwa kwazvo kana akatadza kunyatsopasa. Rita anoti: “Kubvira ndichiri muduku, ndaizvienzanisa navamwe vaiva nenguva yakawanda, nepo ndaigara ndine zvakawanda zvokuita uye ndichimhanyira kuita zvinhu. Handina kumbonzwa ndiine nguva yokuzorora nokuti nguva dzose paiva nezvinhu zvaifanira kuitwa.”

Somusikana muduku, Maria aichema nokuvhiringidzika paaisagona kuita sezvaiitwa navamwe. Uyezve, mukutsvaka kwake unyanzvi hwakakwana mune zvemimhanzi, aiwanzoora mwoyo uye ainetseka pane kuti anakidzwe nokuridza kana kuimba. Mumwe musikana wokuBrazil, Tânia, uyo akaedza kuva akachenjera ndokudzivisa makwikwi, akabvuma kuti achiri kuzvigadzira zvaanoda kuita zvakakwirira zvakanyanya, kuchikoro nokumba. Akafunga kuti vanhu vaisazomuda kudai basa rake rakanga risina kunyatsokwana. Uyezve, pane dzimwe nguva Tânia aitarisira kuti vamwe vaite zvakawandisa, zvakamuita kuti aore mwoyo uye asuruvare.

Kunyange unyanzvi, kushingaira, uye pfungwa yokugutsikana pachako zvichikosha, kunzwa kwakaipa, kwakadai sokutya kukundikana, kungaguma kwavapo nokuda kwokuvavarira kuita zvinhu zvisingakwanisiki. Vabereki navamwe vangataura zvavanoda kuti zvinyatsoitwa mubasa rokuchikoro kana kuti mumitambo izvo vechiduku vanoona zvakaoma kuzviita. Somuenzaniso, amai vaRicardo vaitarisira zvakanyanyisa kwaari, vachida kuti azova chiremba, azoridza piyano, uye azotaura mitauro inoverengeka. Ungaona here kuti zvaifungidzirwa izvi, zvakanyanyisa, zvinokonzera zvinetso kana kuti kuora mwoyo?

Kudzivisirei Kuda Zvinhu Zvakakwana Chete?

Kunyatsogona basa, kunyatsoita zvinodiwa nomazvo uye zvakaisvonaka, zviri kudiwa. Saka vanhu vanofanira kukwikwidzana mumabasa. Chimwe chinhu chinokonzera kuti vakawanda vashande zvakaoma zvikuru ndiko kutya kurasikirwa nezvinhu zvinovararamisa. Vamwe vashandi vanoita sowezvemitambo anozvishandisa zvakanyanya kwazvo kuti apfuure mukurumbira wanga uripo. Saka, paanotarisana namakwikwi akaoma, anganzwa achimanikidzwa kuti azvirovedze zvakatonyanya, zvichida achishandisa zvinhu zvine makemikoro kuti avandudze uye—anotarisira—kukunda. Pane kutsvaka utano hwakaisvonaka, kuda zvinhu zvakakwana chete kunoita kuti vanhu “vakurudzirwe nokutya kukundikana” kana kuti “kukurudzirwa kuva vokutanga.”—The Feeling Good Handbook.

Chokwadi, vamwe vanofunga kuti zvavangaita mukudzidza kana kuti mumitambo zvingavandudzwa nguva dzose. Zvisinei, maererano naDr. Robert S. Eliot, “kuda zvinhu zvakakwana chete kutarisirwa kwezvinhu zvisingazombofi zvakaitika.” Anowedzera kuti: “Kunoumbwa nokuva nemhosva, kuzvidzivirira, uye kutya kusekwa.” Nokudaro, ndeechokwadi sei mashoko aMambo akachenjera Soromoni anoti: “Ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu unovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.”—Muparidzi 4:4.

Ungaita sei kana ukanzwa uchiwanzoda zvinhu zvakakwana chete? Ichokwadi here kuti kana ukaedza zvakaoma, uchaora mwoyo kwazvo? Ungada kuva asingarayiri zvikuru nokuva asinganyanyonetsekana nokuda kunatsa here? Zvinorevei kuva akakwana? Haupangi kushandisa zvakazara zvaunokwanisa here asi uchidzivisa kuda zvinhu zvakakwana chete? Kana vanhu vasina kukwana vachigona kushandisa mano avo avakapiwa naMwari kuwana zvinhu zvinobatsira vamwe, fungidzira zvingaitwa navanhu mumamiriro ezvinhu akakwana uye vachitungamirirwa naMwari!

[Mufananidzo uri papeji 4]

Vabereki kana kuti vamwe vangada kukwana, izvo zvisingagoni kuwanikwa nevaduku