Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unodavira Zvausingaoni Here?

Unodavira Zvausingaoni Here?

Unodavira Zvausingaoni Here?

MUMWE munhu paanoti, ‘Ndinodavira zvandinoona chete,’ haasi kutaura zvinhu sezvazviri. Chaizvoizvo, tose tinodavira zvinhu zvatisingaoni.

Somuenzaniso, kuchikoro ungadai wakaita kumwe kuedza kwokuratidza kuvapo kwesimba remagineti. Zvingaitwa seizvi: Mwaya mafufu esimbi papepa. Chiisa pepa racho pamusoro pemagineti. Pepa racho parinozunguzwa, zvichiita sokuti mashiripiti, mafufu esimbi anoungana pedyo nokunogumira magineti oita patani yomunoendera simba remagineti. Kana wakaita izvozvo, waiona chaizvoizvo simba remagineti here? Kwete, asi zvainoita pamafufu esimbi zvinooneka zvakajeka, zvichikupa zviratidzo zvinobvumisa kuti simba remagineti riripo.

Tinobvuma pasina mubvunzo zvimwe zvinhu zvatisingagoni kuona. Patinotarira pamufananidzo wakanaka kana kuyemura chivezwa chakanaka, hatipokani kuvapo kwomunyori womufananidzo wacho kana muvezi. Saka patinotarira mapopoma kana kuyeva kunyura kwezuva, hatifaniri kuitwa kuti tifungewo kuti iwo anogona kuva mabasa oMunyori wemifananidzo kana kuti Muvezi Mukuru here?

Zvinoita Kuti Vamwe Varege Kudavira

Zvinoshamisa kuti vamwe vanhu vakarega kudavira kuvapo kwaMwari nemhaka yezvavakadzidziswa muchechi. Izvi ndozvakaitika kune mumwe murume wokuNorway akaudzwa kuti Mwari anopisa vanhu vakaipa muhero yemoto. Murume wacho akatadza kunzwisisa kuti ndiMwari worudzii aizotambudza vanhu munzira iyoyo, saka akatanga kusadavira kuvapo kwaMwari.

Zvisinei, gare gare murume wacho akabvuma kuongorora Bhaibheri, achibatsirwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Akashamiswa kudzidza kuti Bhaibheri haridzidzisi kuti vakaipa vanotambudzwa muhero yemoto. Bhaibheri rinofananidza rufu nehope. Muguva, hatinzwi kurwadziwa; hatina zvatinoziva zvachose. (Muparidzi 9:5, 10) Murume wacho akadzidzawo kuti vanhu avo Mwari anotonga kuva vakaipa zvisingachinjiki vacharamba vari muguva nokusingaperi. (Mateu 12:31, 32) Vamwe vakafa vose vachamutswa munguva yaMwari yakafanira, vane tarisiro yokuwana upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu eParadhiso. (Johani 5:28, 29; 17:3) Tsananguro iyi yakaratidza kuva nomusoro. Yakawirirana namashoko omuBhaibheri okuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Murume uyu akatendeseka akaramba achidzidza Shoko raMwari uye, nokufamba kwenguva, akasvika pakuda Mwari weBhaibheri.

Vamwe vanoramba kuvapo kwoMusiki ane rudo nemhaka yokupararira kwenhamo nokusaruramisira. Vanobvumirana nomurume wokuSweden akambonongedza kudenga akabvunza kuti: “Kumusoro ikoko kungava sei naMwari ane masimba ose, ane rupo zvikuru apo isu tine uori hwakawanda kudai nouipi pasi pano?” Nemhaka yokuti hapana aigona kupindura mubvunzo wake, iyewo akava mumwe asingadaviri kuvapo kwaMwari. Gare gare akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu ZvaJehovha. Akadzidza kuti Shoko raMwari rinopa mhinduro inogutsa kumubvunzo wekare-kare iwoyo wokuti, Nei Mwari achibvumira uipi? *

Murume uyu akatendeseka akadzidza kuti kuvapo kwouipi pachakwo hakuratidzi kuti Mwari haapo. Kuti tienzanisire: Munhu angagadzira banga richashandiswa kucheka nyama. Mutengi angatenga banga racho orishandisa, kwete kuti acheke nyama, asi kuti aponde. Chokwadi chokuti banga racho rashandiswa zvisirizvo hachiratidzi kusavapo kwomuiti waro munzira ipi neipi. Saizvozvowo, chokwadi chokuti nyika haina kushandiswa maererano nechinangwa chayakaitirwa hachirevi kuti haina Musiki.

Bhaibheri rinodzidzisa kuti basa raMwari rakakwana. Iye “haanyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) Mwari anopa zvipo zvakanaka kuvanhu, asi zvimwe zvezvipo zvacho zvakashandiswa nenzira isiriyo, zvichikonzera kutambura kusingatauriki. (Jakobho 1:17) Zvisinei, Mwari achapedza kutambura. Adaro, “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, . . . vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:11, 29.

Murume wokuSweden ambotaurwa akanzwa tsitsi paakaona kutambura kwevamwe vanhu. Chaizvoizvo, kunzwira vamwe tsitsi kwake kunosimbisa kuvapo kwaMwari. Zvakadaro sei?

Kune vanhu vakawanda, chingatotsiva kudavira muna Mwari chete kudavira mhindumupindu. Nyanzvi dzemhindumupindu dzinodzidzisa “kupukunyuka kwezvakasimba kupfuura zvimwe”—kuti vanhu nemhuka zvinokwikwidzana mumarudzi azvo kuti zvirarame. Zvakasimba zvinorarama; zvisina simba zvinofa. Dzinoti ndomaitikire ezvinhu omuzvarirwo. Asi kana zviri zvo“muzvarirwo” kuti zvisina kusimba zvife kuti zvisiyire nzvimbo zvakasimba, tingagona sei kutsanangura chokwadi chokuti, kufanana nomurume wokuSweden, vamwe vanhu vakasimba vanonzwa tsitsi pavanoona kutambura kwevamwe vavo?

Kusvika Pakuziva Mwari

Hatigoni kuona Mwari nokuti haana chimiro chemunhu. Asi, Mwari anoda kuti timuzive. Imwe nzira yatinogona kumuziva nayo ndeyokucherechedza mabasa ake anoshamisa—“mifananidzo” ne“zvivezwa” zvechisiko. Pana VaRoma 1:20, Bhaibheri rinoti: “Zvaari [Mwari] zvisingaoneki zvinonyatsooneka kubvira pakusikwa kwenyika, nokuti [zvi]nonzwisiswa nezvinhu zvakaitwa, iro simba rake risingagumi nokuva Mwari kwake.” Hungu, sezvo kudzidza mufananidzo kana kuti chivezwa kuchigona kukuita kuti unzwisise unhu hwomunyori womufananidzo wacho, kufungisisa pamabasa aMwari anoshamisa kunogona kukubatsira kuti uzive zviri nani unhu hwake.

Chokwadi, hatingapinduri mibvunzo yose inonetsa youpenyu nokungotarisa pamabasa aMwari okusika. Asi tinogona kuwana mhinduro dzemibvunzo iyoyo nokutsvaka muShoko raMwari, Bhaibheri. Kwaiva kurava Bhaibheri nepfungwa dzakavhurika kwakaita kuti varume vaviri vambodudzwa vasvike pakugumisa kuti Mwari ariko uye kuti ane basa nezvose zvinoitika kwatiri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kuti uwane mashoko okuwedzera pazvikonzero zvaMwari zvokubvumira uipi, tapota ona bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You?, chitsauko 10, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]

J. Hester naP. Scowen (AZ State Univ.), NASA