Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hwakakwana Hakusi Kungorotawo Zvakwo!

Upenyu Hwakakwana Hakusi Kungorotawo Zvakwo!

Upenyu Hwakakwana Hakusi Kungorotawo Zvakwo!

Nyika yakakwana —inorevei kwauri? Fungidzira nzanga yavanhu isina utsotsi, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka, nzara, urombo, kana kusaruramisira. Vose vane utano hwakanaka uye vane pfungwa dzakagadzikana. Hapana kusuruvara kana kuti kusafara nokuti kunyange rufu rwabviswa. Zvine pfungwa here kupanga nyika yakadaro?

NEPO vachibvuma kubudirira kwesayenzi uye ruzivo rwokugadzira zvinhu, vanhu vakawanda havabvumi chaizvoizvo kuti uchenjeri kana kuti ruzivo rwomunhu rwuchaita kuti pave nenyika yakakwana umo vose vachagara murugare nomufaro. Asiwo, hazvirambiki kuti pfungwa yomunhu ndeyokuda kuvandudza zvinhu uye kururamisa kusakwana. Chokwadi, kungorotawo zvakwo hakungabatsiri vasina dzimba nevarombo, kana kuti kugutsa vakaremara navanorwara vanopanga kuyamurwa mukutambura kwavo. Mano evanhu okuita zvinhu haagoni kungoita kuti pave nenyika yakakwana. Zvisinei, pasinei nenhamo nokudzvinyirira zviripo, pane zvikonzero zvakasimba zvokutenda kuti nyika yaungati yakakwana yava pedyo zvechokwadi.

Paunofunga nezvoupenyu hwakakwana, ungafunga nezvoupenyu hwaJesu Kristu. Jesu akanga asiri iye oga munhu akakwana akamborarama pasi pano. Adhamu naEvha, vakasikwa mumufananidzo waMwari, vakava noupenyu hwakakwana muparadhiso. Zvisinei, vakarasa mamiriro ezvinhu akaisvonaka aya nemhaka yokupandukira kwavakaita Baba vavo vokudenga. (Genesi 3:1-6) Zvisinei, Musiki akaisa chido chokurarama nokusingaperi muvanhu. Muparidzi 3:11 inopupurira kuti: “Chinhu chimwe nechimwe [Mwari] akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.”

Nepo kusakwana nechivi zvakatungamirira vanhu kuupenyu hwo“kusava nematuro” uye hwo“uranda hwokuora,” cherechedza mashoko anonyaradza omuapostora Pauro anoti: “Zvisikwa zviri kumirira nemwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokusava nematuro, kwete nokuda kwazvo asi naiye akazviisa pasi pakwo, nokuda kwetariro yokuti zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:19-21) Bhaibheri rinojekesa kuti gadziriro dzaMwari dzokudzorera upenyu hwevanhu hwakakwana dzakaitwa kuti dziwanikwe nokuna Jesu Kristu.—Johani 3:16; 17:3.

Kuwedzera kutariro iyi inoshamisa yenguva yemberi, tose tine mukana wokukura mumudzimu, tichiita kuti kufambira mberi kwedu kuonekwe kunyange zvino.

Edza Kuva Anonzwisisa

Jesu Kristu akaona nhau yokukwana kuva inokosha zvikuru zvokuti akaudza vateereri vakawanda kuti: “Naizvozvo munofanira kuva vakakwana, sezvo Baba venyu vokudenga vakakwana.” (Mateu 5:48) Chaizvoizvo Jesu aititarisira kuva vasingambotadzi here mugadziriro yakaipa iripo zvino? Aiwa. Zvechokwadi tinofanira kuedza kushandira kuva norupo, mutsa, uye kuda vamwe vedu, asi tinowanzokundikana kuita zvakarurama. Kunyange mumwe wevaapostora vaJesu akanyora kuti: “Kana tikareurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama zvokuti anotikanganwira zvivi zvedu nokutichenesa pakusarurama kwose. Kana tichitaura kuti: ‘Hatina kuita chivi,’ tiri kumuita murevi wenhema, uye shoko rake harisi matiri.”—1 Johani 1:9, 10.

Kunyange zvakadaro, tingavandudza nzira yatinozviona nayo neyatinobata nayo vamwe, tichidzivisa kunyanyisa. Ndiani angawana mushonga uri nani wokuwana unhu hwakanaka, hunonzwisisika hunopfuura hunowanikwa muShoko raMwari, Bhaibheri? Kushandira unhu hwakadai sokuva nomufaro nomwero kuchatibatsira kubata navamwe kubasa, newatakaroorana naye, uye navabereki vedu kana kuti vana. Muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti: “Garai muchifara munaShe. Zvakare ndinopamhidzazve, Farai! Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.”—VaFiripi 4:4, 5.

Kubatsira Kunoita Kunzwisisa

Kana uchinzwisisa pane zvaunotarisira ndokudzivisa kuda zvinhu zvakakwana chete kwokuzvitambudza uye kwokuzvikuvadza, unozvibatsira pamwe chete navamwe. Kuziva zvaunonyatsokwanisa kuita kunobatanidza kuva wechokwadi neanonzwisisa pane zvaunoda kuita. Yeuka, Mwari akatisika kuti tirarame pasi pano uye kuti tigutsikane nebasa rinokosha rinobatsira isu navamwe.—Genesi 2:7-9.

Kana wave uchinyanya kuzviomesera, wadii kunyengetera kuna Jehovha? Kuwana nyasha dzaMwari kuchakuyamura zvikuru. Jehovha anoziva maumbirwe atakaitwa nokusakwana kwedu, saka haasi asinganzwisisi kana kuti akaoma kufadza. Munyori wepisarema anotivimbisa kuti: “Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho, anorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:13, 14) Tinoonga sei kuti Mwari anobata navanhu munzira yetsitsi yakadaro! Anoziva patinogumira, asi tinogona kuva vanokosha mumaziso ake savana vanodiwa.

Pane kuda zvinhu zvakakwana chete, kuchenjera kwakadini kushandira kunzwisisa kwomudzimu uye maonero akanaka! Uyezve, tinogona kuva nechokwadi chokuti hapana angadzivisa Jehovha kuzadzika chinangwa chake chokusimudzira vanhu kusvika pakukwana pasi poUmambo hwaMwari. Asi kukwana kwavanhu kunorevei?

Upenyu Hwakakwana Huri Nani Pane Kuda Zvinhu Zvakakwana Chete

Kukwana hakurevi kuva anoda zvinhu zvakakwana chete. Vaya vane ropafadzo yokurarama muParadhiso pasi pano mukutonga kwoUmambo hwaMwari zvechokwadi havazovi vanhu vanotarisira zvakanyanya, vanozviti vakarurama. Chimwe chezvinodiwa kupukunyuka kutambudzika kukuru ndiko kuonga kwomwoyo wose chibayiro chorudzikinuro, sezvakataurwa neboka guru ravanhu vamarudzi akawanda rakarondedzerwa nomuapostora Johani kuti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.” (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14) Vose vachapukunyuka kutambudzika kukuru kuri kusvika vachafara kuti Kristu akafa nokuzvidira nokuda kwavo uye nokuda kwavose vanotenda maari. Chibayiro chake chorudo chinoita kuti pave nechikonzero chokuti vasunungurwe zvechigarire pakusakwana kwavo nokusava nesimba kwavo.—Johani 3:16; VaRoma 8:21, 22.

Upenyu hwakakwana huchange hwakaita sei? Pane kuita makwikwi uye kuzvikudza, rudo nomutsa pakati pavanhu zvichaita kuti upenyu huve hwakafanira kurarama, zvichibvisa kufunganya nokusanyatsozviremekedza. Asi, upenyu hwakakwana hahuzonetesi kana kuti kufinha. Shoko raMwari haripi mashoko ose eParadhiso asi rinotsanangura rudzi rwoupenyu hwatingatarisira richiti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achigaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa.”—Isaya 65:21-23.

Pane kunetseka kuti Umambo hwacho huchaita kuti pave nevaraidzo, zvitoro, ruzivo rwokugadzira zvinhu, kana kuti zvokufambisa zvorudzii, zvifungidzire uchinakidzwa nokuzadzika kwamashoko aya anoti: “Bere negwayana zvichafura pamwe chete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Ha[zvi]ngakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 65:25) Upenyu hwakakwana huchava hwakasiyana sei nohuripo nhasi! Kana ukasvika pakuonekwa somumwe wevanokodzera kurarama panguva iyoyo, uchava nechikonzero chokuvimba kuti Baba vako vokudenga vane rudo vachafarira iwe nemhuri yako. “Farikanya kwazvo kuna Jehovha; iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.”—Pisarema 37:4.

Upenyu hwakakwana hausi kungorotawo zvakwo. Chinangwa chaJehovha chorudo nokuda kwavanhu chichaitwa zvakazara. Iwe nemhuri yako mungava pakati pevaya vachamutsirwa kukukwana kwavanhu ndokurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari. Bhaibheri rinofanotaura kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Tinogona kuvandudza nzira yatinozviona nayo uye vamwe, tichidzivisa kuda zvinhu zvakakwana chete kana kuti kunetsa

[Mufananidzo uri papeji 7]

Wadii kuzviona uchitonakidzwa nemamiriro ezvinhu ane rugare neakarurama muParadhiso?