Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudyara Mbeu Dzechokwadi choUmambo

Kudyara Mbeu Dzechokwadi choUmambo

Kudyara Mbeu Dzechokwadi choUmambo

“Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana.”—MUPARIDZI 11:6.

1. Nhasi vaKristu vari kudyara mbeu mupfungwai?

KURIMA kwaiita basa rinokosha munzanga yechiHebheru yekare. Ndicho chikonzero nei Jesu, uyo upenyu hwake hwose ari munhu hwakapedzerwa muNyika Yakapikirwa, akaisa nyaya dzezvokurima mumienzaniso yake. Somuenzaniso, akafananidza kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nokudyara mbeu. (Mateu 13:1-9, 18-23; Ruka 8:5-15) Nanhasi, tingava tichirarama munzanga inoita zvokurima kana kuti kwete, kudyara mbeu dzomudzimu munzira iyi ibasa rinokosha kwazvo rinoitwa navaKristu.

2. Basa redu rokuparidza rinokosha sei, uye ndezvipi zvimwe zvinhu zviri kuitwa nhasi kuti riitwe?

2 Iropafadzo huru kudyarawo chokwadi cheBhaibheri munguva ino yomugumo. VaRoma 10:14, 15 inoratidza zvakanaka kukosha kwebasa iri ichiti: “Uyewo, vachanzwa sei pasina mumwe munhu anoparidza? Uyewo, vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: ‘Dzakanaka sei tsoka dzeavo vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!’” Zvino zvave kutokosha zvikuru kupfuura kare kuti tipfuurire nepfungwa dzakanaka mukuzadzika iri basa ratakapiwa naMwari. Nechikonzero ichocho Zvapupu zvaJehovha zvakanyura zvizere mukubudiswa nokuparadzirwa kwemaBhaibheri uye mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri mumitauro 340. Kugadzirwa kwezvinhu izvi kunoda vanhu vanopfuura 18 000 vanozvipira padzimbahwe ravo uye pamahofisi emapazi munyika dzakasiyana-siyana. Uye Zvapupu zvinoda kusvika mamiriyoni matanhatu zvinogoverana mukuparadzira mabhuku eBhaibheri aya pasi pose.

3. Chii chiri kuitwa nokudyarwa kwechokwadi choUmambo?

3 Zvibereko zvokushanda nesimba uku zvii? Somumazuva okutanga-tanga kwechiKristu, vakawanda nhasi vari kugamuchira chokwadi. (Mabasa 2:41, 46, 47) Zvisinei, chinokosha zvikuru kupfuura nhamba huru yevaparidzi voUmambo vachangobhabhatidzwa ndechokuti uchapupu uhwu hukuru hunoita kuti zita raJehovha ritsveneswe uye kuti arevererwe kuti ndiye Mwari wechokwadi bedzi. (Mateu 6:9) Uyezve, ruzivo rweshoko raMwari rwuri kuvandudza upenyu hwevakawanda uye rwunogona kutungamirira kuruponeso rwavo.—Mabasa 13:47.

4. Vaapostora vakanga vane hanya zvakadini navanhu vavaiparidzira?

4 Vaapostora vaiziva zvizere kukosha kwokupa upenyu kwamashoko akanaka, uye vaidawo zvikuru vanhu vavakanga vachiparidzira. Izvi zviri pachena kubva mumashoko omuapostora Pauro, paakanyora kuti: “Zvataiva norudo rukuru kwazvo nemi, takafara zvikuru kukupai, kwete mashoko akanaka aMwari bedzi, asi mweya yeduwo, nokuti makadiwa nesu.” (1 VaTesaronika 2:8) Mukuratidza kuva nehanya kwechokwadi navanhu kwakadaro, Pauro navamwe vaapostora vaitevedzera Jesu nengirozi dzokudenga, dziri kuitawo zvikuru basa iri rinoponesa upenyu. Ngationgororei mabasa anokosha ayo ava vashandi vokudenga vaMwari vanoita mukudyara chokwadi choUmambo, uye ngationei kuti muenzaniso wavo unotikurudzira sei kuita basa redu.

Jesu—Mudyari Wechokwadi choUmambo

5. Jesu aishingairira zvikurukuru basai paakanga ari panyika?

5 Jesu, murume akakwana, akanga ane simba rokugovera zvinhu zvakanaka zvakawanda nenzira yokunyama kuvanhu vomunguva yake. Somuenzaniso, angadai akapedza pfungwa dzenhema dzakawanda dzezvokurapa dzomuzuva rake, kana kuti angadai akawedzera kunzwisisa kwavanhu mune zvimwe zvinhu zvesayenzi. Asi, akajekesa pakutanga-tanga muushumiri hwake kuti basa rake rakanga riri rokuparidza mashoko akanaka. (Ruka 4:17-21) Uye ushumiri hwake hwave kuda kupera, akatsanangura kuti: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37) Saka akashingairira kudyara mbeu dzechokwadi choUmambo. Kudzidzisa vanhu vaakanga achirarama navo pamusoro paMwari nezvinangwa zvake kwaikosha zvikuru kupfuura dzidzo ipi neipi zvayo iyo Jesu angadai akavapa.—VaRoma 11:33-36.

6, 7. (a) Jesu akaita mhikoi inoshamisa asati akwira kudenga, uye ari kuizadzisa sei? (b) Maonero anoita Jesu basa rokuparidza anokuita kuti uite sei iwe pachako?

6 Jesu akazvitaura pachake kuva Mudyari wechokwadi choUmambo. (Johani 4:35-38) Akaparadzira mbeu dzamashoko akanaka pamukana uri wose. Kunyange paakanga ave kufa padanda, akazivisa mashoko akanaka nezveparadhiso yapasi yomunguva yemberi. (Ruka 23:43) Uyezve, kuva nehanya zvikuru kwake kuti mashoko akanaka aparidzwe hakuna kupera norufu rwake padanda rokutambudzikira. Asati akwira kudenga, akarayira vaapostora kuti varambe vachidyara mbeu dzechokwadi choUmambo uye kuti vaite vadzidzi. Ipapo Jesu akaita chipikirwa chinoshamisa. Akati: “Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.”—Mateu 28:19, 20.

7 Namashoko aya Jesu akaita mhiko yokutsigira, kutungamirira, uye kudzivirira basa rokuparidza mashoko akanaka “mazuva ose kusvikira pakuguma kwegadziriro yezvinhu.” Kusvika kuzuva redu chairo, Jesu anopfuurira kufarira basa rokuparidza evhangeri. Ndiye Mutungamiriri wedu, anotarisira kudyarwa kwechokwadi choUmambo. (Mateu 23:10) Zvaari musoro weungano yechiKristu, ane mutoro pamberi paJehovha webasa iri renyika yose.—VaEfeso 1:22, 23; VaKorose 1:18.

Ngirozi Dzinozivisa Mashoko Anofadza

8, 9. (a) Ngirozi dzakaratidza sei kufarira zvechokwadi zviitiko zvavanhu? (b) Zvinogona kunzi tiri chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo kungirozi mupfungwai?

8 Jehovha paakasika nyika, ngirozi “[dz]akaimba . . . [dzi]chipururudza nomufaro.” (Jobho 38:4-7) Kubva panguva iyoyo, izvi zvisikwa zvokudenga zvakaratidza kufarira chaizvo zviitiko zvavanhu. Jehovha akazvishandisa kuendesa zviziviso zvake kuvanhu. (Pisarema 103:20) Izvi ndezvechokwadi zvikurukuru mune zvine chokuita nokuparadzirwa kwamashoko akanaka muzuva redu. Muzvakazarurwa zvaakapiwa, muapostora Johani akaona “ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga” iine “mashoko akanaka asingaperi kuti izivise semashoko anofadza kune avo vanogara pasi, uye kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu, ichiti nenzwi guru: ‘Ityai Mwari mumupe mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika.’”—Zvakazarurwa 14:6, 7.

9 Bhaibheri rinotaura nezvengirozi se“midzimu yebasa rinoitirwa vanhu vose, yakatumwa kuzoshumira avo vachagara nhaka yoruponeso.” (VaHebheru 1:14) Sezvo ngirozi dzinoita mabasa adzakagoverwa nomwoyo wose, dziine mukana wokuticherechedza nebasa redu. Sokunge tiri panzvimbo yemitambo iri pachena zvikuru, tinoita basa redu pamberi pavateereri vokudenga. (1 VaKorinde 4:9.) Zvinozorodza nokufadza sei kuziva kuti hatisi kushanda toga pakuva vadyari vechokwadi choUmambo!

Tinoita Basa Redu Nomwoyo Wose

10. Zano rinoshanda riri pana Muparidzi 11:6 ringashandiswa sei kubasa redu rokuparidza evhangeri?

10 Nei Jesu nengirozi vachifarira basa redu zvakadaro? Jesu akapa chikonzero chimwe paakati: “Ndinokuudzai, mufaro unovapo pakati pengirozi dzaMwari pamusoro pomunhu mumwe anoita zvivi anopfidza.” (Ruka 15:10) Isuwo tinofarira vanhu zvechokwadi zvakadaro. Nokudaro, tinoita zvatinogona kuti tiparadzire mbeu dzechokwadi choUmambo kwose kwose. Mashoko aMuparidzi 11:6 anogona kushandiswa kubasa redu. Ipapo Bhaibheri rinotirayira kuti: “Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nokuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.” Chokwadi, pamunhu mumwe chete anobvuma shoko redu pangava nemazana kana kunyange zviuru zvinoriramba. Asi sengirozi, tinofara kunyange apo “munhu mumwe anoita zvivi” anobvuma shoko roruponeso.

11. Kushandisa mabhuku anotaura nezveBhaibheri kungabudirira zvakadini?

11 Zvakawanda zvinodiwa mukuparidzwa kwamashoko akanaka. Chimwe chinokosha chinobatsira mubasa iri mabhuku akadhindwa anotaura nezveBhaibheri anoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Mune dzimwe nzira, mabhuku aya akafananawo nembeu dzinoparadzirwa kwose kwose. Hatizivi kwaachabudirira. Pane dzimwe nguva bhuku ringachinjanwa mumwe asati arirava. Jesu nengirozi vangatotungamirira zviitiko mune mamwe mamiriro ezvinhu kuti izvi zviitike kuti zvibatsire vane mwoyo yakarurama. Funga nezvezvimwe zviitiko zvinoenzanisira kuti Jehovha angaita sei kuti pave nemigumisiro isingatarisirwi uye inoshamisa achishandisa mabhuku akasiyirwa vanhu.

Basa raMwari Wechokwadi

12. Magazini yekare yakabatsira sei imwe mhuri kusvika pakuziva Jehovha?

12 Muna 1953, Robert, Lila, nevana vavo vakabva muguta hombe vachienda muimba yepapurazi yekare yakaparara-parara muruwa rwePennsylvania, muU.S.A. Vachangotamiramo, Robert akafunga kuisa imba yokugezera nechepasi pamasitepisi pakanga pakavharwa. Apedza kubvisa mapuranga akawanda, akawana kuti mbeva dzakanga dzachengeta mapepa akabvaruka, mateko enzungu, namamwe marara seri kwamadziro. Ipapo, pakati pazvo zvose, pakanga pane kopi yemagazini yeThe Golden Age. Robert akanyanya kufarira nyaya yaitaura nezvokurera vana. Akaororwa zvikuru nenhungamiro inobva muBhaibheri yakajeka yakapiwa mumagazini yacho zvokuti akaudza Lila kuti vakanga vave kuzopinda “chitendero che The Golden Age.” Mumavhiki mashomanana chete, Zvapupu zvaJehovha zvakauya pasuo ravo, asi Robert akavaudza kuti mhuri yacho yaifarira “chitendero cheThe Golden Age” chete. Zvapupu zvakatsanangura kuti Golden Age zvino yakanga yave nezita idzva, Mukai! Robert naLila vakatanga kudzidza Bhaibheri nguva dzose neZvapupu, uye nokufamba kwenguva vakabhabhatidzwa. Ivowo vakadyara mbeu dzechokwadi muvana vavo uye vakakohwa zvakawanda. Nhasi, nhengo dzinopfuura 20 dzemhuri iyi, kusanganisira vana vose vanomwe vaRobert naLila, vashumiri vaJehovha Mwari vakabhabhatidzwa.

13. Chii chakaita kuti vamwe vakaroorana muPuerto Rico vatange kufarira Bhaibheri?

13 Makore 40 akapfuura, William naAda, vaviri vakaroorana vanobva kuPuerto Rico, vakanga vasingafariri kudzidza Bhaibheri. Nguva dzose Zvapupu zvaJehovha pazvaigogodza pasuo ravo, vakaroorana ava vainyepedzera kunge vasiri pamba. Rimwe zuva William akashanyira nzvimbo yaiva noungwanjangwanja hwezvinhu kuti anotenga chinhu chaidiwa pane chaida kugadzirwa kumba. Paakanga ave kubva, akaona bhuku rerudzi rwegirini inon’aima riri mugaba hombe remarara. Rainzi Religion, bhuku rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha kare muna 1940. William akaenda nebhuku racho kumba uye akafara nokurava nezvemusiyano uri pakati pechitendero chenhema nechechokwadi. Nguva yakatevera apo Zvapupu zvaJehovha zvakashanya, William naAda vakateerera shoko razvo nomufaro uye vakatanga kudzidza Bhaibheri nazvo. Mwedzi yakati gare gare vakabhabhatidzwa paGungano Ramarudzi Akawanda roKuda kwaMwari muna 1958. Kubvira ipapo, vakabatsira vanhu vanopfuura 50 kuti vave vamwe vehama dzedu dzechiKristu.

14. Sezvinoratidzwa nechimwe chiitiko, mabhuku edu anotaura nezveBhaibheri angaitei?

14 Karl akanga achingova namakore 11 uye ane misikanzwa yakati. Zvairatidzika kwaari sokuti aigaropinda muchinetso. Baba vake, muparidzi weMethodist wokuGermany, vakanga vamudzidzisa kuti vanhu vakaipa vanotsva muhero kana vafa. Saka Karl aitya hero zvikuru. Rimwe zuva muna 1917, Karl akaona pepa rakadhindwa mumugwagwa uye akarinhonga. Sezvaairirava, meso ake akakurumidza kutarisa pamubvunzo wokuti: “Hero chii?” Pepa racho raiva rokukoka vanhu kuhurukuro yavose yaitaura nezvehero, yaitsigirwa neVadzidzi veBhaibheri, vanozivikanwa seZvapupu zvaJehovha nhasi. Rinenge gore gare gare, pashure pepurogiramu dzakawanda dzokudzidza Bhaibheri, Karl akabhabhatidzwa, achibva ava mumwe weVadzidzi veBhaibheri. Muna 1925 akakokwa kunoshanda padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha—paachiri kushanda. Basa rechiKristu reanopfuura makore makumi masere rakatanga nepepa raiva mumugwagwa.

15. Jehovha angaitei, sezvaanoona zvakakodzera?

15 Chokwadi, vanhu havana mano okugona kuziva kana ngirozi dziine chokuita zvakananga nezviitiko izvi uye kuti kusvika pamwero wakadini. Kunyange zvakadaro, hatimbofaniri kuramba kuti Jesu nengirozi vanoshingairira basa rokuparidza uye kuti Jehovha anogona kutungamirira zvinhu sezvaanoona zvakakodzera. Izvi nezvimwe zvakaitika zvakawanda zvakadai zvinoenzanisira zvakanaka zvingangoitwa namabhuku edu pashure pokunge abva mumaoko edu.

Takaronzeswa Pfuma

16. Tingadzidzei mumashoko a2 VaKorinde 4:7?

16 Muapostora Pauro akataura nezve‘pfuma iri mumidziyo yevhu.’ Pfuma iyoyo ibasa rakapiwa naMwari rokuparidza, uye midziyo yevhu vanhu avo Jehovha akapa pfuma iyi. Sezvo vanhu ivavo vasina kukwana uye vaine mano mashoma, Pauro anoenderera mberi achitaura kuti mugumisiro wokupiwa kwavo basa rakadaro ndewokuti “simba rinopfuura romuzvarirwo rive raMwari kwete rinobva matiri.” (2 VaKorinde 4:7) Hungu, tinogona kuvimba naJehovha kuti agovere simba rinodiwa kuti tigone kupedza basa riripo.

17. Tichasangana nei sezvatinodyara mbeu dzechokwadi choUmambo, uye kunyange zvakadaro nei tichifanira kuramba tiine tariro?

17 Kakawanda tinotofanira kurega zvimwe zvinhu. Zvingave zvakaoma kana kuti zvichinetsa kushanda mune dzimwe ndima. Kune dzimwe nzvimbo uko vanhu vakawanda vangaratidzika sevasingakendengi zvikuru, kunyange kuva noruvengo. Pangava nokuedza zvakaoma munzvimbo dzakadaro pasina kubudirira kunooneka. Asi zvose zvatingaita zvingashanda kana zvakawanda zviri mungozi. Yeuka kuti mbeu dzaunodyara dzinogona kupa vanhu mufaro zvino uyewo upenyu husingaperi munguva yemberi. Mashoko ePisarema 126:6 akaratidza kuva echokwadi kakawanda, anoti: “Unofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, uchadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.”

18. Tingaramba tichichenjerera ushumiri hwedu sei, uye nei tichifanira kudaro?

18 Ngatitorei mukana uri wose wakakodzera kuti tidyare mbeu dzechokwadi choUmambo nomwoyo unoda. Ngatisambokanganwa kuti, kunyange zvazvo tiri isu tinodyara uye kudiridza mbeu, Jehovha ndiye anoita kuti dzikure. (1 VaKorinde 3:6, 7) Asi, kungofanana naJesu nengirozi vanoita chikamu chavo chebasa racho, Jehovha anotitarisira kuti tiite ushumiri hwedu kwazvo. (2 Timoti 4:5) Ngatirambe tichichenjerera kudzidzisa kwedu, mafungiro edu, uye kuita kwedu ushumiri nomwoyo wose. Nei? Pauro anopindura kuti: “Nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.”—1 Timoti 4:16.

Tadzidzei?

• Basa redu rokudyara riri kuva nemigumisiro yakanaka munzirai?

• Jesu Kristu nengirozi vari kuitawo sei basa rokuparidza evhangeri nhasi?

• Nei tichifanira kuva vadyari vechokwadi choUmambo vemwoyo wose?

• Patinosangana nokusakendenga kana ruvengo muushumiri hwedu, chii chinofanira kutiita kuti tipfuurire?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kufanana nevarimi muIsraeri yekare, VaKristu nhasi vanoparadzira mbeu dzechokwadi choUmambo nomwoyo unoda

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa nokuparadzira mabhuku anotaura nezveBhaibheri akasiyana-siyana mumitauro 340