Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mienzaniso Yakanaka—Iri Kukubatsira Here?

Mienzaniso Yakanaka—Iri Kukubatsira Here?

Mienzaniso Yakanaka—Iri Kukubatsira Here?

“MAKAVA muenzaniso kuvatendi vose vomuMakedhoniya nevomuAkaya.” Muapostora Pauro akanyorera mashoko aya kuvaKristu vakatendeka vaigara muTesaronika. Muenzaniso wavaigadza kune vavaitenda navo wairumbidzwa zvechokwadi. Uyezve, vaTesaronika pachavo vaibvuma muenzaniso wakanga wagadzwa naPauro neshamwari dzake. Pauro akati: “Mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nokutaura kwoga asiwo nesimba nomudzimu mutsvene nokutendiswa kwakasimba, sokuziva kwamunoita kuti takava vanhu vorudzii kwamuri nokuda kwenyu; uye makava vatevedzeri vedu.”—1 VaTesaronika 1:5-7.

Hungu, Pauro akaita zvakawanda zvinopfuura kuparidza mharidzo. Upenyu hwake chaihwo hwaiva mharidzo—muenzaniso wokutenda, wokutsungirira, uye wokurega zvimwe zvinhu. Nemhaka yeizvi, Pauro neshamwari dzake vakasvika pakupesvedzera zvine simba upenyu hwevaTesaronika, vachivaita kuti vagamuchire chokwadi va“chitambudzika zvikuru.” Kunyange zvakadaro, Pauro nevaaishanda navo havasivo chete vaipesvedzera zvakanaka vatendi ivavo. Muenzaniso wevamwe vakatsungirira kutambudzika waikurudzirawo. Pauro akanyorera vaTesaronika kuti: “Hama, makava vatevedzeri veungano dzaMwari dziri muJudhiya dziri pamwe naKristu Jesu, nokuti makatangawo kutambudzwa nevanhu vekwenyu zvinhu zvakafanana nezvavari kutamburawo pamaoko avaJudha.”—1 VaTesaronika 2:14.

Jesu Kristu—Muenzaniso Mukuru

Kunyange Pauro pachake akanga aita muenzaniso wakafanira kutevedzerwa, haana kukundikana kududza Jesu Kristu somuenzaniso mukuru unofanira kuteverwa nevaKristu. (1 VaTesaronika 1:6) Kristu aiva uye ndiye Muenzaniso wedu mukuru. Muapostora Petro akanyora kuti: “Makadanirwa izvozvi, nokuti kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.”—1 Petro 2:21.

Zvisinei, Jesu akapedza upenyu hwake ari munhu anoda kusvika makore 2 000 apfuura. Zvino ano“gara muchiedza chisingasvikiki” sechisikwa chomudzimu chisingafi. Zvazvakadaro, hapana “munhu akambomuona kana anogona ku[mu]ona.” (1 Timoti 6:16) Saka, tingamutevedzera sei? Imwe nzira ndeyokudzidza nhoroondo ina dzeBhaibheri dzoupenyu hwaJesu. Evhangeri dzinopa nzwisiso younhu, upenyu, ne“mafungire” zvake. (VaFiripi 2:5-8) Nzwisiso yokuwedzera ingawanikwa nokunyatsodzidza bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, rinotaura nezvezviitiko zvoupenyu hwaJesu mumashoko akadzama uye munhevedzano yokuverengwa kwenguva. *

Muenzaniso waJesu wokuzvipira wakava nezvawakaita zvakasimba pamuapostora Pauro. Akaudza vaKristu vokuKorinde kuti: “Kana ndiri ini ndichashandisa uye ndichanyatsoshandiswa nomufaro zvikuru nokuda kwemweya yenyu.” (2 VaKorinde 12:15) Mafungire akafanana neaKristu akadini! Sezvatinofungisisa muenzaniso waKristu wakakwana, isuwo tinofanira kukurudzirwa kumutevedzera mumararamiro edu pachedu.

Somuenzaniso, Jesu akatidzidzisa kuti tinofanira kuvimba nechipikirwa chaMwari chokugovera mune zvokunyama. Asi akaita zvakawanda kupfuura izvozvo. Akaenzanisira kutenda kwakadaro uye kuvimba naJehovha zuva nezuva. Akati: “Makava ane maguru uye shiri dzedenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Mateu 6:25; 8:20) Kufunga zvinhu zvokunyama kunodzora kufunga nezviito zvako here? Kana kuti upenyu hwako hunopa uchapupu hwokuti uri kutsvaka Umambo pakutanga here? Uye zvakadini nemafungiro ako pabasa raJehovha? Akaita seaya here oMuenzaniso wedu, Jesu? Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu haana kungoparidza kushingaira asi akaenzanisira kushingaira kukuru muzviitiko zvakawanda. (Johani 2:14-17) Uyezve, muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wakaitwa naJesu pakureva nezvorudo! Chokwadi, akabayira upenyu hwake pachake nokuda kwevadzidzi vake! (Johani 15:13) Uri kutevedzera Jesu here nokuratidza rudo kuhama dzako dzechiKristu? Kana kuti unobvumira kusakwana kwevamwe kuvhiringidza kuvada kwaunovaita here?

Mukuedza kwatinoita kutevera muenzaniso waKristu, tinowanzokundikana. Asi zvechokwadi Jehovha anofadzwa nokuedza kwatinoita ku‘pfeka Ishe Jesu Kristu.’—VaRoma 13:14.

“Mienzaniso Kuboka”

Nhasi muungano pane vanhu vangashanda semienzaniso yedu here? Zvechokwadi varimo! Hama dziri munzvimbo dzakagadzwa dzomutoro ndidzo dzinofanira kugadza muenzaniso zvikuru. Pauro akaudza Tito, aishumira ungano dzomuKirete uye aigadza vatariri, kuti mukuru wose akagadzwa aifanira kuva murume “asina chaanopomerwa.” (Tito 1:5, 6) Saizvozvowo muapostora Petro akarayira “varume vakuru” kuva “mienzaniso kuboka.” (1 Petro 5:1-3) Uye zvakadini nevaya vanoshanda sevashumiri vanoshumira? Vanofanirawo kuva “varume vanoshumira zvakanaka kwazvo.”—1 Timoti 3:13.

Zvechokwadi, hazvingavi zvechokwadi kutarisira kuti mukuru wose kana mushumiri anoshumira achava nyanzvi huru muzvinhu zvose zvoushumiri hwechiKristu. Pauro akaudza vaKristu vomuRoma kuti: “Tine zvipo zvakasiyana maererano nomutsa usina kufanirwa watakapiwa.” (VaRoma 12:6) Hama dzakasiyana-siyana dzinoita zvakanaka muzvinhu zvakasiyana-siyana. Hazvina pfungwa kutarisira kuti vakuru vachaita uye vachataura zvinhu zvose munzira yakakwana. “Tose tinokanganisa kakawanda,” rinodaro Bhaibheri pana Jakobho 3:2. “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.” Zvisinei, pasinei nokusakwana kwavo, saTimoti, vakuru vangango“va [mienzaniso] kune vakatendeka pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.” (1 Timoti 4:12) Vakuru pavanodaro, zvichava nyore kuvaya vari muboka kushandisa zano raVaHebheru 13:7 rinoti: “Yeukai vari kukutungamirirai, . . . sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavo unoguma sei tevedzerai kutenda kwavo.”

Mimwe Mienzaniso Yemazuva Ano

Kwemakumi emakore akapfuura, vamwe vasingaverengeki vakazviratidza kuva mienzaniso yakanaka. Zvakadini nezviuru zvevafundisi vanozvipira vaka“siya dzimba kana vanun’una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda” kuti vaite basa rechiKristu munyika dzokumwe? (Mateu 19:29) Fungawo nezvevatariri vanofambira nevadzimai vavo, varume nevakadzi vanoshumira sevazvipiri pamahofisi eWatch Tower Society, uye mapiyona anoshumira kuungano. Mienzaniso yakadaro ingakurudzira vamwe here? Mumwe muevhangeri wechiKristu muAsia anoyeuka mumwe mufundisi wekirasi yechisere yeWatchtower Bible School of Gilead. Anoti hama yakatendeka iyi yai“da kutarisana nemikuze youmhutu uye unyoro hwokunze hwakaipa. . . . Chaiorora kwazvo aiva mano ayo okupa mharidzo mumitauro yose yechiChina nechiMalay kunyange zvazvo yaibva kuEngland.” Muenzaniso uyu wakanaka kwazvo wakaitei? Hama yacho yakati: “Kudzikama kwayo nechivimbo zvakandikurudzira kuda kuva mufundisi pandaizokura.” Hazvishamisi kuti hama iyi yakazova mufundisi.

Watch Tower Publications Index ine nyaya dzakawanda dzakarongwa dzoupenyu dzakabuda mumagazini eNharireyomurindi neMukai! Nyaya idzi dzinotaura nezvevanhu vakasiya mabasa okunyika uye vavariro, vakakurira kuneta, vakachinja unhu hwavo zvinoshamisa, vakaramba vaine mafungire akanaka munguva yokutambura, uye vakaratidza kushingaira, kutsungirira, kuvimbika, kuzvininipisa, uye pfungwa yokurega zvimwe zvinhu. Nezvenyaya idzi, mumwe muravi akanyora kuti: “Dzinondiita kuti ndive muKristu anozvininipisa zvikuru uye anoonga sezvandinoverenga zvakasangana nevamwe, uye dzakandibatsira kuti ndisazvifunga zvakanyanya kana kuti kuva noutsinye.”

Uyezve, usakanganwa mienzaniso yakanaka kwazvo iri muungano mako chaimo: misoro yemhuri isingakundikani kutarisira mune zvokunyama uye zvomudzimu zvemhuri yadzo; hanzvadzi—kusanganisira vanaamai vari voga—vanobata nokuoma kwokurera vana asi vachingoshingaira kushanda muushumiri; vanhu vakwegura uye ndonda vanoramba vakatendeka pasinei noutera hunowedzera uye utano hwakaipa. Haukurudzirwi nemienzaniso yakadaro here?

Chokwadi, nyika izere nemienzaniso yakaipa. (2 Timoti 3:13) Kunyange zvakadaro, funga zano raPauro kuvaKristu vaigara muJudhiya. Arondedzera mufambiro womuenzaniso wevarume nevakadzi vokutenda vakawanda vekare, muapostora Pauro akavakurudzira kuti: “Naizvozvo, zvatine gore guru kudai rezvapupu rakatikomba, . . . ngatimhanyei[wo] nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu, sezvatinoramba takatarira Mumiririri Mukuru uye Mukwanisi wokutenda kwedu, Jesu.” (VaHebheru 12:1, 2) VaKristu nhasi vakakombwawo ne‘gore guru’ remienzaniso yakanaka—yekare neyemazuva ano. Uri kunyatsobatsirwa nayo here? Unogona kana wakatsunga kuva “mutevedzeri, kwete wezvakaipa, asi wezvakanaka.”—3 Johani 11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]

Hazvingavi zvechokwadi kutarisira kuti mukuru wose kana mushumiri anoshumira achava nyanzvi huru muzvinhu zvose zvoushumiri hwechiKristu

[Mifananidzo iri papeji 21]

Vakuru vanofanira kuva “mienzaniso kuboka”