Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mutakuri Wechiedza Kumarudzi Akawanda

Mutakuri Wechiedza Kumarudzi Akawanda

Nyaya Youpenyu

Mutakuri Wechiedza Kumarudzi Akawanda

NYAYA YAGEORGE YOUNG YAKATAURWA NARUTH YOUNG NICHOLSON

“Saka, nei kunyarara uku kuripo muzvikuva zvedu? . . . Tinozova varume vorudzii kana tikanyarara asi taona kuti zvinhu izvi zvandiri kunyora ndezvechokwadi? Ngatiregei kusiya vanhu vasingazivi, asi ngatizivisei chokwadi munzira yokusazvidzivirira kana yakavanzika.”

MASHOKO aya aivawo mamwe emashoko etsamba yaBaba yemapeji 33 yaikumbira kuti zita ravo ribviswe mubhuku rechechi. Raiva gore ra1913. Kubva panguva iyoyo, vakatanga upenyu hwakazara nezviitiko hwakavaita kuti vashumire somutakuri wechiedza kumarudzi akawanda. (VaFiripi 2:15) Kubvira ndichiri kasikana, ndaiunganidza nyaya dzezviitiko zvaBaba kubva kuhama nemabhuku enyaya dzakaitika, uye shamwari dzakandibatsira kubatanidza pamwe upenyu hwavo. Munzira dzakawanda upenyu hwaBaba hunondiyeuchidza huya hwomuapostora Pauro. So“muapostora kumamwe marudzi,” Baba vaigarova vakagadzirira kufamba kuti vasvitse shoko raJehovha kuvanhu venyika dzose nezvitsuwa. (VaRoma 11:13; Pisarema 107:1-3) Regai ndikuudzei nezvababa vangu, George Young.

Makore Ouduku

Baba vaiva gotwe raJohn naMargaret Young, vaPresbyterian vokuScotland. Vakazvarwa musi waSeptember 8, 1886, mhuri ichangotamira kuBritish Columbia kumadokero kweCanada, ichibva kuEdinburgh, Scotland. Vakoma vavo vatatu—Alexander, John, naMalcolm—vakanga vazvarirwa muScotland makore mashomanana akanga apfuura. Marion, hanzvadzi duku yevakomana ava, wavaidana noushamwari zita remadunhurirwa rokuti Nellie, akanga ari muduku kuna Baba nemakore maviri.

Vana vacho vainakidzwa papurazi ravakakurira muSaanich, kusiri kure nokuVictoria, British Columbia. Panguva iyoyowo, vakadzidzira kutakura mutoro. Saka paidzoka vabereki vavo vachibva rwendo rwokuVictoria, vaiwana mabasa epanze apedzwa uye imba yakatsvinda.

Nokufamba kwenguva, Baba nevakoma vavo vakafarira zvemigodhi uyewo zvebhizimisi remapuranga. Vanakomana vekwaYoung vakava nomukurumbira wakanaka sevatsvaki vemapuranga (varume vaiongorora ivhu nokuda kwokurima miti yemapuranga) uye sevatengi nevatengesi vemapuranga. Baba vaitarisira zvokutengeserana kwacho.

Pakupedzisira, kuda kwaBaba zvinhu zvokunamata kwakavaita kuti vasarudze kuva mushumiri wePresbyterian. Zvisinei, inenge nguva iyoyo, mharidzo dzomupepanhau dzaiitwa naCharles Taze Russell, purezidhendi wokutanga weZion’s Watch Tower Tract Society, dzine zvadzakaita kwazvo paupenyu hwavo. Zvakadzidzwa naBaba zvakavaita kuti vanyore ndokutumira tsamba yokurega yataurwa pakutanga.

Nomutsa asi zvakajeka, Baba vakashandisa ndima dzeBhaibheri kufumura dzidziso dzechechi dzokuti mweya womunhu haufi uye dzokuti Mwari achatambudza mweya yevanhu nokusingaperi muhero yemoto. Vakafumurawo dzidziso yoUtatu, vachiratidza kuti yakanga isina kutangira muchiKristu uye kuti yose zvayo haitsigirwi neMagwaro. Kubvira ipapo vakaramba vachiita ushumiri hwechiKristu mukutevedzera Jesu Kristu, nokuzvininipisa vachishandisa mano avo ose uye simba kuti Jehovha apiwe mbiri.

Muna 1917, vachitungamirirwa neWatch Tower Society, Baba vakatanga kushumira somupilgrim, sokudanwa kwaiitwa vamiririri veZvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Mumaguta nomumataundi omuCanada, vakapa hurukuro uye vakaratidza mifananidzo inofamba nepurogiramu yemasiraidhi yaizivikanwa se“Photo-Drama of Creation.” Horo dzemitambo dzaizara paishanya Baba. Purogiramu dzokushanya kwavo vari mupilgrim dzakabuda muNharireyomurindi kusvikira muna 1921.

Pepanhau rokuWinnipeg rakataura kuti Muevhangeri Young akataura kuvanhu 2 500 uye kuti vakawanda havana kukwanisa kupinda nemhaka yokuti horo yakanga yakazara kuti pamupamu. MuOttawa, vakakurukura nyaya yaiti “Kuenda Kuhero Nokudzoka.” Ikoko murume ati kwegurei akati: “Zvose zvapera, George Young akakoka mudungwe wevafundisi kuchikuva kuti vakurukure naye nyaya yacho, asi hapana nomumwe wavo akaenda. Ndakabva ndaziva kuti ndakanga ndawana chokwadi.”

Baba vaiedza nepavaigona napo kuwanza basa romudzimu pavaishanya somupilgrim. Zvadaro, vaimhanyira kunobata chitima kuti vaende pamwe pavanenge vakarongerwa kumira. Pavaifamba nemotokari, vaiwanzokurumidza kwazvo kuenda kumugove wavo mutsva vasati vadya kudya kwamangwanani. Kuwedzera pakushingaira kwavo, Baba vaiva nomukurumbira wokuva murume ane hanya uye vaizivikanwa nemhaka yemabasa avo echiKristu uye rupo.

Pakati pekokorodzano dzakawanda dzokutanga dzavakapinda, inoyeukwa kwazvo ndeiya yakaitirwa muEdmonton, kuAlberta, muna 1918. Mhuri yavo yose yaivapo pakubhabhatidzwa kwaNellie. Yaivawo nguva yokupedzisira apo vakomana vaiva vose. Makore maviri gare gare, Malcolm akafa nemabayo. Kufanana nevakoma vake vatatu nababa vake, Malcolm aiva netariro youpenyu hwokudenga, uye vose vakaramba vakatendeka kuna Mwari kusvikira vafa.—VaFiripi 3:14.

Kuenda Kuminda Yokumwe

Baba vapedza rwendo rwokuparidza muCanada muna September 1921, vakarayirwa naJoseph F. Rutherford, aiva purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, kuti vaende kuzvitsuwa zveCaribbean. Kwose kwose kwairatidza Baba “Photo-Drama of Creation,” yaigamuchirwa zvakanaka. Vari kuTrinidad, vakanyora kuti: “Nzvimbo yacho yakanga yakazara, uye nhamba huru yakadzorwa. Usiku hwechipiri chivako chacho chakanga chazara nevanhu.”

Ipapo, muna 1923, Baba vakanzi vaende kuBrazil. Ikoko vakakurukura kuvateereri vakawanda, pane dzimwe nguva vachishandisa vaturikiri vanobhadharwa. Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 15, 1923, yakati: “Kubvira pana June 1 kusvikira pana September 30 Hama Young vaita misangano yepachena 21, nenhamba yevose vakapinda 3 600; uye misangano yemakirasi 48, nevakapinda 1 100; vagovera mabhuku epachena muchiPutukezi anosvika makopi 5 000.” Vakawanda vakaratidza kufarira pakapa Baba hurukuro inoti “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haazombofi.”

Zvivako zvitsva pazvakatsaurirwa muBrazil musi waMarch 8, 1997, bhurocha rokutsaurira rakati: “1923: George Young anosvika muBrazil. Anotanga hofisi yebazi pakati peRio de Janeiro.” Kunyange zvazvo mabhuku eBhaibheri aivapo muchiSpanish, aidiwawo muchiPutukezi, mutauro mukuru womuBrazil. Saka, musi waOctober 1, 1923, Nharireyomurindi yakatanga kubudiswa muchiPutukezi.

Baba vakakurukura nevanhu vakawanda vavasingakanganwi muBrazil. Mumwe wacho aiva murume akapfuma wechiPutukezi ainzi Jacintho Pimentel Cabral, akapa imba yake kuti iitirwe misangano. Munguva pfupi yakatevera Jacintho akagamuchira chokwadi cheBhaibheri uye gare gare akava nhengo yebazi. Mumwe wacho aiva Manuel da Silva Jordão, mushandi muduku womubindu wechiPutukezi. Akanzwa hurukuro yakapiwa naBaba yakamuita kuti adzokere kuPortugal kuti andoshumira somucolporteur, sokudanwa kwaiitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha panguva iyoyo.

Baba vakafamba kwazvo nechitima muBrazil yose, uye vakakwanisa kuwana vanhu vanofarira. Pane imwe yenzendo dzavo, vakaonana naBony naCatarina Green, uye vakagara navo kwevhiki dzinenge mbiri, vachivatsanangurira Magwaro. Vanenge vanomwe vemhuri yacho vakabva varatidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura.

Mumwe wavakakurukurirana naye ndiSarah Bellona Ferguson muna 1923. Muna 1867 achiri kasikana, iye, nehanzvadzi yake Erasmus Fulton Smith nemhuri yavo yose, vakanga vatamira kuBrazil vachibva kuUnited States. Kubvira muna 1899 nguva dzose aigamuchira magazini yeNharireyomurindi neposvo. Kushanya kwaBaba wakanga uri mukana wakanga wakamirirwa kwenguva refu naSarah, vana vake vana, nomumwe munhu aidanwa naBaba kuti Tete Sallie kuti vabhabhatidzwe. Iwoyo waiva musi waMarch 11, 1924.

Isiri nguva refu, Baba vakanga vava kuparidza mune dzimwe nyika dzeSouth America. Musi waNovember 8, 1924, vakanyora tsamba vari kuPeru kuti: “Ndichangopedza kuparadzira maturakiti 17 000 muLima neCallao.” Vachibva imomo vakaenda kuBolivia kunoparadzira maturakiti ikoko. Nezvokushanya ikoko, vakanyora kuti: “Baba vedu vari kukomborera zviri kuitwa. MuIndia akandibatsira. Musha wake uri panotangira mvura yeAmazon. Achadzokera nematurakiti 1 000 uye mamwe mabhuku.”

Mbeu dzeBhaibheri dzechokwadi dzakaparadzirwa munyika dzakawanda dzeCentral uye South America nezvaiitwa naBaba. Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 1, 1924, yakati: “George Young zvino ave ari muSouth America kweanopfuura makore maviri. . . . Yanga iri ropafadzo yehama iyi inodiwa kuendesa shoko rechokwadi kuPunta Arenas, iri muStraits yeMagellan.” Baba vakafambisirawo mberi basa rokuparidza munyika dzakadai seCosta Rica, Panama, uye Venezuela. Vakapfuurira kunyange zvazvo vakanga vabatwa nemarariya uye utano hwavo hwakanga hwaipa.

Kuenda kuEurope

Muna March 1925, Baba vakapinda munzira kuenda kuEurope nechikepe, kwavaitarisira kuparadzira maturakiti eBhaibheri 300 000 muSpain nePortugal uye kuronga kuti Hama Rutherford vape hurukuro dzepachena. Zvisinei, vasvika muSpain, Baba vakaratidza kuti zvakanga zvisingaiti kuti Hama Rutherford vape hurukuro dzakadaro nemhaka yemamiriro ezvinhu okusadiwa kwezvimwe zvitendero.

Hama Rutherford vachipindura vakanyora, vachitora mashoko aIsaya 51:16 anoti: “Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, uye ndakakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndigadzire denga, uye nditeye nheyo dzenyika, uye kuti nditi kuZioni, imi muri vanhu vangu.” (King James Version) Nemashoko iwaya, Baba vakagumisa kuti: “Zvechokwadi kuda kwaShe kuti ini ndirambe ndichiita uye ndomusiyira zvichazoitika.”

Musi waMay 10, 1925, Hama Rutherford vakapa hurukuro yavo vachiturikirwa paNovedades Theater muBarcelona. Vanopfuura 2 000 vakapinda, kusanganisira mukuru mukuru wehurumende nomupurisa wokurinda ari pachikuva. Izvozvo zvakaitwawo muMadrid, uye vanhu 1 200 vakapinda. Kufarira kwakakonzerwa nehurukuro idzi kwakaita kuti hofisi yebazi iumbwe muSpain, sezvinotaura 1978 Yearbook of Jehovah’s Witnesses kuti: “pasi penhungamiro yaGeorge Young.”

Musi waMay 13, 1925, Hama Rutherford vakakurukura muLisbon, Portugal. Kushanya kwavo ikoko kwakabudirirawo kwazvo, pasinei zvapo nokuedza kuvhiringidza musangano wacho kwakaitwa nevafundisi vachidanidzira nokupwanya macheya. Pashure pehurukuro dzaHama Rutherford muSpain nePortugal, Baba vakaramba vachiratidza “Photo-Drama,” uye vakarongawo kuti mabhuku eBhaibheri adhindwe ndokuparadzirwa munzvimbo idzodzo. Muna 1927 vakati mashoko akanaka “aziviswa mumaguta ose namataundi ose ari muSpain.”

Kuparidza muSoviet Union

Mugove waBaba woufundisi wakatevera waiva wokuSoviet Union, kwavakasvika musi waAugust 28, 1928. Tsamba yavakanyora, yomusi waOctober 10, 1928, muchikamu yaiti:

“Kubvira zvandasvika muRussia, ndinogona kunyengetera zvechokwadi kuti, ‘Umambo hwenyu ngahuuye’ nomwoyo wose. Ndiri kudzidzira mutauro wacho, asi zviri kunonoka. Muturikiri wangu murume akangwara chaizvo, muJudha, asi anodavira muna Kristu uye anoda Bhaibheri. Ndine zviitiko zvinofadza asi handizivi kuti ndichabvumirwa kuva kuno kusvikira rini. Vhiki yapfuura ndakapiwa tsamba yokuti ndibve muno mumaawa 24 asi ndakazvigadzirisa saka ndingangogara kwenguva yakati rebei.”

Kumwe kuonana kwakaitwa neVadzidzi veBhaibheri vari muKharkov, zvino rava guta guru muUkraine, uye kukwazisana kwatakaita kwakabudisa misodzi yomufaro mumaziso avo. Kokorodzano duku yaiitwa usiku hwoga hwoga kutozosvikira pakati pousiku. Gare gare vachinyora nezvomusangano uyu nehama, Baba vakati: “Hama dzinonzwisa urombo, mabhuku adzo mashomanana akatorwa uye zviremera hazvina ushamwari, asi dzinofara.”

Ushumiri hwaBaba muSoviet Union hwakabudiswa mubhurocha chairo rakapiwa kuvaya vakapinda kutsaurirwa kwezvivako zvitsva zvebazi muSt. Petersburg, Russia muna June 21, 1997. Bhurocha racho rinoti Baba vakatumirwa kuMoscow, uye rakataura kuti vakawana mvumo “yokudhinda makopi 15 000 emabhuku maduku anonzi Freedom for the Peoples uye Where Are the Dead? kuti aparadzirwe muRussia.”

Vabva kuRussia, Baba vakagoverwa kuita basa roupilgrim muUnited States. MuSouth Dakota vakashanyira musha waNellena naVerda, mukoma nomunun’una vakazova vafundisi muPeru. Vakaratidza kuonga kukuru ushumiri hwaBaba hwokushingaira ndokuti: “Hama mumazuva iwayo ekare zvechokwadi dzaida kupayona sezvadzaienda munyika idzi dzokumwe nezvinhu zvishoma zvenyika ino asi nomwoyo wakazara nokuda Jehovha. Ndizvo zvakaita kuti dziite zvadzakaita.”

Kuroora uye Rwendo Rwechipiri

Mumakore ose aya Baba vainyorerana tsamba naClara Hubbert wokuManitoulin Island, Ontario. Vose vaiva pakati pevakapinda kokorodzano yakaitwa muColumbus, Ohio, musi waJuly 26, 1931, Vadzidzi veBhaibheri pavakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10-12) Vhiki imwe gare gare vakaroorana. Munguva pfupi yakatevera, Baba vakanga vavazve parwendo rwavo rwechipiri rwoufundisi nomuzvitsuwa zveCaribbean. Ikoko, vakabatsira kuronga misangano uye kurovedza vamwe ushumiri hwepaimba neimba.

Amai vaigamuchira mifananidzo, makadhi, uye tsamba kubva kuSuriname, St. Kitts, nedzimwe nzvimbo dzakawanda. Tsamba dzacho dzaitaura nezvokufambira mberi kwebasa rokuparidza uye dzimwe nguva dzaisanganisa mashoko ezveshiri, mhuka, uye zvirimwa zvomunyika yacho yavainge vari. Muna June 1932, Baba vakapedza mugove wavo muCaribbean uye, vachifamba senguva dzose vari mumupanda usingadhuri wechikepe, vakadzokera kuCanada. Zvadaro ivo naAmai vakagoverana pamwe chete mubasa rokuparidza renguva yakazara, vachipedza chando cha1932/33 munharaunda yeOttawa neboka guru revamwe vashumiri venguva yakazara.

Upenyu Hwemhuri Yedu Muchidimbu

Muna 1934 mukoma wangu David, akazvarwa. Achiri mwana, aimira pamusoro pebhokisi rokuisira heti yaAmai odzidzira kupa “hurukuro” dzake. Muupenyu hwake hwose, ave achiratidza kushingairira Jehovha sababa vake. Vatatu vavo vaifamba nemotokari, ine gudzanzwi rakasungirirwa pamusoro, sezvavaishanyira ungano kubvira kumuganhu wokumabvazuva kweCanada kuenda kune mumwe muganhu kumadokero. Ndakazvarwa muna 1938 Baba pavaishumira muBritish Columbia. David anoyeuka Baba vachindirarisa pamubhedha uye Baba, Amai, naDavid vachipfugama vakaupoteredza Baba sezvavaindinyengeterera vachionga.

Muchando cha1939, taigara muVancouver Baba vachishanyira ungano munharaunda iyoyo. Pakati petsamba dzatakaunganidza mumakore ose aya paiva neimwe yomusi waJanuary 14, 1939, yakanyorwa pavaiva muVernon, British Columbia. Baba vakainyorera kuna Clara, David, uye Ruth, vachiti: “Kunongova kutsvoda kuduku-duku nokumbundira.” Mairi maiva nemashoko kune mumwe nomumwe wedu. Vakataura nezvokuti kukohwa kwaiva kukuru ikoko asi vashandi ndivo vaiva vashoma.—Mateu 9:37, 38.

Vhiki pashure pokunge vadzoka kuVancouver kubva kumugove wavo, Baba vakadonha vari pamusangano. Kuongorora kwokukurumidza kwakaratidza kuti vakanga vane bundu rekenza muuropi. Musi waMay 1, 1939, vakapedza upenyu hwavo hwepasi. Ndaiva nemwedzi mipfumbamwe, uye David akanga oda kusvitsa makore mashanu. Amai vedu vanodiwa, avo vaivawo netariro yokudenga, vakaramba vakatendeka kuna Mwari kusvikira parufu rwavo musi waJune 19, 1963.

Manzwiro aiita Baba nezveropafadzo yavo yokutakura mashoko akanaka kuenda nawo kunyika dzakawanda anonyatsoratidzwa mune imwe yetsamba dzavo kuna Amai. Muchikamu vakati: “Jehovha akandibvumira nomutsa kuenda kune nyika idzi sechiedza kuti nditakure shoko roUmambo. Zita rake dzvene ngarirumbidzwe. Mbiri yake inobwinya nokushandisa ndonda, vasina mano uye vasina simba.”

Zvino vana vaGeorge naClara Young, vazukuru, uye vazukuru chibvi vari kushumirawo Mwari wedu ane rudo, Jehovha. Ndakaudzwa kuti Baba vaigarotaura VaHebheru 6:10, inoti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” Isuwo hatina kukanganwa basa raBaba.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Baba vangu, vari nechokurudyi, nevakoma vavo vatatu

[Mifananidzo iri papeji 25]

Baba (vakamira) vaina Hama Woodworth, Rutherford, uye Macmillan

Pasi: Baba (nechokuruboshwe) muboka naHama Russell

[Mifananidzo iri papeji 26]

Baba naAmai

Pasi: Zuva romuchato wavo

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ini naDavid naAmai makore akati Baba vafa