Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungawana Rugare Rwomumwoyo Here?

Ungawana Rugare Rwomumwoyo Here?

Ungawana Rugare Rwomumwoyo Here?

Kare muna 1854, munyori wokuAmerica Henry Thoreau akanyora kuti: “Vanhu vakawanda vanorarama upenyu hwokupererwa nezano rose chinyararire.”

Zviri pachena kuti muzuva rake vanhu vakawanda vakanga vasina rugare rwomumwoyo. Zvisinei, iwayo akanga ari anenge makore 150 akapfuura. Nhasi zvinhu zvasiyana here? Kana kuti mashoko aThoreau achiri kushanda here? Zvakadini newewo? Uri kugutsikana, une rugare here? Kana kuti hauna kuchengeteka, usinganyatsozivi zvichaitika munguva yemberi, ‘uchipererwa nezano rose chinyararire’ here, kutaurazve mashoko aThoreau neimwe nzira?

HAZVIFADZI kuti, pane zvinhu zvakawanda munyika zvinobira vanhu rugare rwomumwoyo. Regai tidudze zvishoma chete. Munyika dzakawanda kushayika kwemabasa nokuwana mari shoma kunounza urombo uye ihwo hunounza kupererwa nezano rose mune zvoupfumi. Mune dzimwe nyika vakawanda vanopedzera simba ravo rakawanda vachitsvaka pfuma nezvinhu. Kunyange zvakadaro, kakawanda mararamiro emakwikwi anoitwa anounza kufunganya, kwete rugare. Kurwara, hondo, utsotsi, kusaruramisira, uye udzvinyiriri zvinotorerawo vanhu rugare.

Vakatsvaka Rugare Rwomumwoyo

Vakawanda havadi kushivirira nyika sezvairi. Antônio * akanga ari mutungamiriri webasa mufekitari huru muSão Paulo, Brazil. Ane tariro yokuvandudza mararamiro, akatsutsumwa nokuratidzira nevamwe, asi izvi hazvina kumupa rugare rwepfungwa.

Vamwe vane tariro yokuti kuroora kuchaunza runyararo rwakati muupenyu hwavo, asi vangaora mwoyo. Marcos akanga ari muzvinabhizimisi aibudirira. Akapinda mune zvematongerwe enyika uye akava meya weguta rine maindasitiri. Zvisinei, upenyu hwake hwokumba hwakanga husingamboiti zvakanaka. Vana vake pavakabva pamba, iye nomukadzi wake vakasiyana nemhaka yokusawirirana kusingagadzirisiki.

Gerson, mwana aigara mumugwagwa muSalvador, Brazil, aida zvokunakidzwa. Aingomberereka nemaguta, achifamba nevatyairi vemarori. Munguva pfupi akanga apindwa muropa nezvinodhaka, achibira vanhu kuti abhadhare uipi hwake. Akabatwa nemapurisa kakawanda. Zvisinei, pasinei zvapo neunhu hwehasha nechisimba, Gerson aishuva rugare rwomumwoyo. Aizomboruwana here?

Apo Vania akanga achiri muduku, amai vake vakafa, uye Vania akava nomutoro wokutarisira musha, kusanganisira kutarisira munun’una wake airwara. Vania aienda kuchechi asi ainzwa kuti Mwari amusiya. Chaizvoizvo akanga asina rugare rwepfungwa.

Paivawo naMarcelo. Chaingodiwa naMarcelo chete aiva mafaro. Aida kuungana nevamwe vechiduku—kutamba, kunwa, uye kushandisa zvisina kufanira zvinodhaka. Pane imwe nguva akarwa ndokukuvadza mumwe wechiduku. Pashure, akazvidemba kwazvo nemhaka yezvaakanga aita uye akanyengetera kuna Mwari kuti abatsirwe. Iyewo aida rugare rwepfungwa.

Zviitiko izvi zvinoratidza mamwe mamiriro ezvinhu anogona kuparadza rugare rwepfungwa. Paimbova here nenzira iyo mutungamiriri webasa, wezvematongerwe enyika, mwana aigara mumugwagwa, mwanasikana aishanda zvakapfuuridza, uye aienda kumapati vaigona kuwana nayo rugare rwomumwoyo rwavaitsvaka? Zvakaitika kwavari zvinotidzidzisa chimwe chinhu here? Mhinduro kumibvunzo yose iyoyo ndihungu, sezvatichaona munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Unoshuva rugare rwomumwoyo here?