Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vafudzi vechiKristu, ‘Zarurai Mwoyo Wenyu Wose’!

Vafudzi vechiKristu, ‘Zarurai Mwoyo Wenyu Wose’!

Vafudzi vechiKristu, ‘Zarurai Mwoyo Wenyu Wose’!

“JEHOVHA ndiye mufudzi wangu; hapana chandingashayiwa.” Namashoko iwayo, Dhavhidhi akaratidza kuvimba kwake naMwari zvakakwana. Jehovha akamutungamirira, kutaura nenzira yomudzimu, ku“mafuro manyoro” noku“mvura inozorodza,” achimufambisa “panzira dzokururama.” Paaikombwa navashori, Dhavhidhi aitsigirwa nokukurudzirwa, zvichimuita kuti ati kuna Jehovha: “Handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni.” Aine Mufudzi Mukuru akadaro, Dhavhidhi akanga akatsunga ku“gara mumba maJehovha mazuva namazuva.”—Pisarema 23:1-6.

Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga akaitirwawo hanya norudo naJehovha, uye akaratidzawo zvakakwana kuva nehanya uku mukubata kwaaiita vadzidzi vake paakagara pasi pano kwenguva pfupi. Naizvozvo Magwaro anotaura nezvake so“mufudzi akanaka kwazvo,” uye “mufudzi mukuru.”—Johani 10:11; VaHebheru 13:20; 1 Petro 5:2-4.

Jehovha naJesu Kristu vanoramba vachifudza vanovada. Kumwe kufudza kwavo kunoratidzwa mugadziriro yorudo yavafudzi vaduku vari muungano. Pauro aitaura navafudzi vaduku vakadaro paakati: “Zvichenjererei imi neboka rose, iro mudzimu mutsvene wakakugadzai kuva vatariri pariri, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa reMwanakomana wake.”—Mabasa 20:28.

Kufudza boka maererano nomuenzaniso wakaratidzwa naJehovha naJesu Kristu harisi basa riri nyore, asi kunokosha zvikuru iye zvino kupfuura kare. Funga nezveZvapupu zvinodarika miriyoni imwe zvakabhabhatidzwa mumakore matatu apfuura! Vatsva vakadaro havana ruzivo rwomudzimu rwunobva mumakore akawanda ebasa. Fungazve nezveZvapupu zviya zvichiri vana kana kuti vayaruki. Havadi kutarisirwa navabereki vavo chete asiwo navafudzi vaduku vomuungano.

Chokwadi, muKristu wose ane zviri kunze zvinomumanikidza, kusanganisira kumanikidzwa kuti afanane nevezera rake. Vose vanofanira kurwa kuti vadzivise simba guru rokutevera nzira yenyika yokunyanya kuda kuzvigutsa. Mune dzimwe nyika, vaparidzi voUmambo vangaora mwoyo nokuti vanoshaya vanhu vanogamuchira shoko ravo. Vaparidzi vakawanda vane zvinetso zvoutano zvakakura. Matambudziko ezvemari angave achitadzisa vamwe kutanga kutsvaka Umambo. Kutaura chokwadi, tose zvedu—kusanganisira vaya vava nenguva yakareba vari muchokwadi—tinoda uye tinofanira kubatsirwa navafudzi vane rudo.

Vavariro Yakafanira

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakarayirwa kuti: ‘Zarurai mwoyo wenyu wose’! (2 VaKorinde 6:11-13) Vakuru vechiKristu vanoita zvakanaka kutevedzera zano iri pakuita mabasa avo okufudza. Vangaita sei kudaro? Uye zvakadini navashumiri vanoshumira, vakawanda vavo vari vafudzi vamangwana?

Kana vakuru vechiKristu vachizova chikomborero kuboka, vanofanira kukurudzirwa nezvinopfuura pfungwa yokungoti ibasa ravanofanira kuita. Vanopiwa zano rokuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; kana nemhaka yokuda pfuma yokusatendeseka, asi nemwoyo wose.” (1 Petro 5:2) Naizvozvo kufudza kunobudirira kunosanganisira kushumira vamwe nokuzvidira uye kuita kudaro nemwoyo wose. (Johani 21:15-17) Kunoreva kuona zvinodiwa namakwai uye kukurumidza kuzvitarisira. Kunoreva kuratidza unhu hwechiKristu hwakanaka kwazvo hunozivikanwa sechibereko chomudzimu waMwari pakubata navamwe.—VaGaratiya 5:22, 23.

Kufudza dzimwe nguva kunosanganisira kushanyira hama mudzimba dzadzo. * Asi vakuru vano‘zarura mwoyo wavo wose’ vanozvishandisa zvikuru. Kureva kuti, vanoita zvinopfuura kushanya kwokufudza kwenguva nenguva. Vanoshandisa mukana wose kuti vafudze vamwe vari muboka.

Kurovedza Vamwe Kuti Vave Vafudzi

Hama chero ipi zvayo, pasinei zvapo nezera rayo, iri ku“svasvavirira nzvimbo youtariri . . . [i]ri kuda basa rakanaka kwazvo.” (1 Timoti 3:1) Vashumiri vanoshumira vakawanda vakaratidza chido chokusvasvavirira ropafadzo dzokuwedzera. Nokudaro, vakuru vanobatsira vachifara idzi hama dzinoda, kuti dzitore danho iri rinokosha muku“svasvavirira nzvimbo youtariri.” Izvi zvinoreva kudzirovedza kuva vafudzi vanobudirira.

Pamusana pokunyatsoomerera kune zvinodiwa naMwari zvakanaka zvikuru, ungano yechiKristu yaJehovha haina kuneteswa navafudzi venhema vakaita savaya vanorondedzerwa pana Ezekieri 34:2-6. Ivava vaizvidzika pamberi paJehovha, uye zvaive zvakakodzera kuti adaro. Pane kudyisa boka, vaizvidyisa ivo. Vaitadza kusimbisa airwara, kurapa airwara, kupombera akatyoka, kana kudzora akanga apararira kana kurasika. Vachiita samapere pane kuva vafudzi, vakadzvinyirira makwai. Makwai akanga angoregwa akanga apararira, achingodzivaira pasina aiatarisira.—Jeremia 23:1, 2; Nahumi 3:18; Mateu 9:36.

Kusiyana navafudzi ivavo vakanga vasina kutendeka, vafudzi vechiKristu vanotevedzera muenzaniso waJehovha. Vanobatsira kutungamirira makwai ku“mafuro manyoro” noku“mvura inozorodza.” Vanoedza kuatungamirira “panzira dzokururama,” nokuvabatsira kunzwisisa Shoko raJehovha zvakarurama uye kurishandisa ivo pachavo. Vanogona kubudirira mukuita izvi nokuti vano“kwanisa kudzidzisa.”—1 Timoti 3:2.

Vakuru vanodzidzisa kakawanda vari pachikuva pamisangano yeungano. Zvisinei, vakuru vanodzidzisawo munhu ari mumwe nomumwe. Ichokwadi kuti vamwe vanoita zviri nani kana vachidzidzisa munhu mumwe, nepo vamwe vane chipo chokupa hurukuro. Asi kusanyatsokwanisa imwe nzira yokudzidzisa hakuiti hako kuti mumwe atadze kuva mudzidzisi. Vakuru vanodzidzisa, vachishandisa mikana yose yavanowana, kusanganisira kufudza. Kumwe kufudza kunoitwa zvakarongwa, somuenzaniso, pakushanya kwakarongwa. Asi kufudza kwakawanda kungaitwawo nenzira isina kurongwa, uko kunobatsirawo zvikuru.

Vafudzi Navadzidzisi Nguva Dzose

Chiremba anoda ruzivo nounyanzvi kuti aite basa rake. Asi vaanorapa vanoonga paanoratidza mutsa, tsitsi, hanya, uye kufarira kwechokwadi. Izvi ndizvo zvinofanira kuva zvakaita unhu hwake. Unhu hwakadai hunofanirawo kuva unhu hwomudzidzisi uye mufudzi akanaka, zvaanogara ari mazuva ose. Mudzidzisi chaiye achava akagadzirira kudzidzisa vari pedyo naye chero nguva. “Shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!” inodaro Zvirevo 15:23. “Nguva yakafanira” ingava paanenge achitaura ari pachikuva, paanenge achiparidza paimba neimba, kana kuti paanenge achikurukura navamwe muHoro yoUmambo kana kuti parunhare. Saizvozvowo, mufudzi akanaka anoedza kuratidza unhu hwakanaka kwazvo, hwokuva nehanya nguva dzose, kwete paanenge achishanya kuti afudze chete. A‘zarura mwoyo wake wose’ achashandisa mukana wose kuti afudze makwai, achiatarisira zvaanofanira kuitwa panguva yakakodzera. Izvi ndizvo zvinomuita kuti adiwe kana achionekwa namakwai.—Mako 10:43.

Wolfgang, zvino ava mukuru, anoyeuka kushanya kwoushamwari kwakaita mumwe mushumiri anoshumira nomudzimai wake kumhuri yake. Anoti: “Vana vedu vakafara zvikuru nokushanyirwa kwavakaitwa uye nenguva yakanaka yatakava nayo. Vachiri kutaura nezvazvo.” Hungu, mushumiri anoshumira uyu akaratidza kuti aiva nehanya; akanga achi‘zarura mwoyo wake wose.’

Mumwe mukana wokuti munhu a‘zarure mwoyo wake wose’ ndowokushanyira vanorwara, achivatumira tsamba pfupi yokukurudzira, kana kuti kuvaridzira runhare—chero chokuvaita kuti vazive kuti une hanya! Batsira kana pachidiwa kubatsira. Kana vachida kutaura, nyatsoteerera. Taura nezvemabasa akanaka, anofadza okutonga kunoitwa naMwari ari kuitwa muungano yenyu nokumwe. Vabatsire kuramba vachifunga nezvenguva yemberi yakachengeterwa vaya vanoda Jehovha.—2 VaKorinde 4:16-18.

Kuwedzera Pakushanya Kwokufudza

Tichifunga chinangwa chokufudza, zviri pachena kuti kufudza hama nokudzishanyira kumisha yadzo zvakarongwa kunyange zvazvo kuchikosha, kunongova chikamu chete chezvinobatanidzwa. Mufudzi ane rudo ano‘zarura mwoyo wake wose’ nokuva munhu akasununguka mumamiriro ose ezvinhu uye panguva dzose. Ushamwari hwaanokudziridza nehama dzake hunodzivimbisa kuti munguva dzine ngozi, hadzifaniri kutya chinhu chakaipa, dzichiziva kuti hama yadzo ine rudo, mufudzi wechiKristu, ane hanya nadzo.—Pisarema 23:4.

Hungu, imi vafudzi vechiKristu mose ‘zarurai mwoyo wenyu wose.’ Ratidzai rudo rwechokwadi kuhama dzenyu—dzikurudzirei, dzizorodzei, dzivakei mumudzimu munzira yose yamunogona. Dzibatsirei kuti dzitsige mukutenda. (VaKorose 1:23) Akomborerwa navafudzi vechiKristu vano‘zarura mwoyo wavo wose,’ makwai hapana chaachashayiwa. Achatsunga, sezvakanga zvakaita Dhavhidhi, kugara mumba maJehovha mazuva namazuva. (Pisarema 23:1, 6) Chiizve chimwe mufudzi ane rudo angada?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mazano okushanya kwokufudza angawanikwa muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1993, mapeji 20-3, uye yaMarch 15, 1996, mapeji 24-7.

[Bhokisi riri papeji 30]

Vafudzi vechiKristu

• Vanoshumira nomwoyo wose uye nokuzvidira

• Vanodyisa uye vanotarisira makwai

• Vanobatsira vamwe kusvasvavirira kuva vafudzi

• Vanoshanyira vanorwara nokuvatarisira

• Vakangwaririra kutarisira hama dzavo panguva dzose

[Mifananidzo iri papeji 31]

Kunyange vari mubasa romumunda, pamisangano, kana kuti vachitandara, vakuru vafudzi nguva dzose