Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zivisai Mashoko Akanaka Nomwoyo Wose

Zivisai Mashoko Akanaka Nomwoyo Wose

Zivisai Mashoko Akanaka Nomwoyo Wose

“Pisai nomudzimu. Shandirai Jehovha.”—VAROMA 12:11.

1, 2. VaKristu vanovavarira kuramba vaine mafungiro api savaparidzi vamashoko akanaka?

JAYA rinofarira basa idzva. Pazuva raro rokutanga pabasa, rinomirira kupiwa mirayiridzo nomushandirwi waro richida kwazvo. Rinotarisira kubasa raro rokutanga uye rinorikoshesa zvikuru. Rine shungu dzokuita zvakanakisisa zvarinogona.

2 Saizvozvowo, isu savaKristu tingazviona savashandi vatsva. Sezvo tariro yedu iri yokurarama nokusingaperi, zvinogona kunzi tichangobva kutanga kushandira Jehovha. Chokwadi Musiki wedu ane mabasa akawanda aanoda kuti tiite achaita kuti tirambe takabatikana kusvika nokusingagumi. Asi basa chairo ratakatanga kugamuchira nderokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwake. (1 VaTesaronika 2:4) Tinonzwa sei nezvebasa iri ratinopiwa naMwari? Sejaya, tinoda kuriita kusvikira panogumira mano edu, nokushingaira, nomufaro—hungu, nomwoyo wose!

3. Chii chinodiwa kuti tibudirire somushumiri wamashoko akanaka?

3 Ichokwadi kuti kuramba tine mafungiro akanaka kudaro kunogona kuva chinhu chakaoma. Kuwedzera kuushumiri hwedu, tine mimwe mitoro yakawanda, mimwe yacho inogona kutiremedza mumuviri nomupfungwa. Kazhinji, tinokwanisa kutarisira zvinhu izvi asi tichiita ushumiri zvakakwana. Asi, zvinogona kuva kutambura kunopfuurira. (Mako 8:34) Jesu akasimbisa kuti kubudirira kwedu savaKristu kwaizoda kuzvishandisa nesimba.—Ruka 13:24.

4. Kufunganya kwezuva nezuva kungaguma nei pakunamata kwedu?

4 Nezvinhu zvokuita zvakawanda kwazvo, zviri nyore kunzwa kukurirwa kana kuremerwa pane dzimwe nguva. “Kufunganya zvoupenyu” kunogona kukanganisa kushingaira kwedu uye kukoshesa mabasa atinoitira Mwari. (Ruka 21:34, 35; Mako 4:18, 19) Nemhaka yokuva kwedu vanhu vasina kukwana, tingasiya ‘rudo rwataiva narwo pakutanga.’ (Zvakazarurwa 2:1-4) Rimwe rebasa redu kuna Jehovha ringava kungodzokororwawo zvakwo. Bhaibheri rinotikurudzira sei zvatinofanira kuita kuti kushingairira kwedu ushumiri kurambe kuri kupenyu?

“Somoto Unopfuta” Mumwoyo Yedu

5, 6. Muapostora Pauro aiona sei ropafadzo yake yokuparidza?

5 Ushumiri hwatakapiwa naJehovha hunokosha zvikuru zvokuti hahufaniri kubvumirwa kuva chinhu chenhando. Muapostora Pauro akaona kuparidza mashoko akanaka kuva ropafadzo huru kwazvo uye akazviona seasingakodzeri kuti aipiwe. Akati: “Ndakapiwa mutsa usina kufanirwa uyu, ini munhu muduku pane muduku wevatsvene vose, kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isinganzwisisiki yaKristu uye ndinofanira kuita kuti vanhu vaone kuti chakavanzika chitsvene chinotarisirwa sei icho chave chakavanzwa muna Mwari akasika zvinhu zvose, kubvira munguva yakapfuura isingazivikanwi.”—VaEfeso 3:8, 9.

6 Maonero aiita Pauro ushumiri hwake muenzaniso wakanaka kwazvo kwatiri. Mutsamba yake kuvaRoma, akati: “Ndinodisa kuzivisawo mashoko akanaka.” Akanga asinganyari nemashoko akanaka. (VaRoma 1:15, 16) Akanga ane pfungwa dzakanaka uye akanga achida kwazvo kuita ushumiri hwake.

7. Mutsamba yake kuVaRoma, Pauro akanyevera nezvei?

7 Muapostora Pauro akaona kudiwa kwokuti parambe paine kushingaira saka akakurudzira vaKristu vaiva muRoma kuti: “Musave nousimbe pabasa renyu. Pisai nomudzimu. Shandirai Jehovha.” (VaRoma 12:11) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “usimbe” rine pfungwa yokuva ne“nungo, unyope.” Kunyange tingava nousimbe chaizvoizvo muushumiri hwedu, tose zvedu tinoda kungwarira zviratidzo zvipi nezvipi zvokutanga kuva nenungo pakunamata ndokugadzirisa zvakakodzera mafungiro edu kana tikawana zviratidzo zvakadaro matiri.—Zvirevo 22:3.

8. (a) Chii chakava “somoto unopfuta” mumwoyo waJeremia, uye nei? (b) Chidzidzoi chatingadzidza muchiitiko chaJeremia?

8 Mudzimu waMwari unogonawo kutibatsira patinenge takaora mwoyo. Somuenzaniso, pane chimwe chiitiko muprofita Jeremia akazviwana aora mwoyo, uye akafunga kurega basa rake rokuprofita. Akatoti nezvaJehovha: “Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake.” Ichi chaiva chiratidzo chokuderera zvakanyanya kwaJeremia pakunamata here? Kwete. Kutaura zvazviri, kusimba pakunamata kwaJeremia, kuda kwake Jehovha, uye kushingairira kwake chokwadi zvakamusimbisa kuti arambe achiprofita. Anotsanangura kuti: “Mumwoyo mangu [shoko raJehovha ]rava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.” (Jeremia 20:9) Ndezvomuzvarirwo kuti vashumiri vaMwari vakatendeka vaore mwoyo nguva nenguva. Asi pavanonyengetera kuna Jehovha kuti avabatsire, achanzvera mwoyo yavo uye ovapa mudzimu wake mutsvene pachena kana, kufanana naJeremia, vaine shoko rake mumwoyo yavo.—Ruka 11:9-13; Mabasa 15:8.

“Musadzima Moto Womudzimu”

9. Chii chingavhiringidza kushanda kwomudzimu mutsvene patiri?

9 Muapostora Pauro akakurudzira vaTesaronika kuti: “Musadzima moto womudzimu.” (1 VaTesaronika 5:19) Hungu, zviito uye mafungiro zvinopesana nenheyo dzaMwari zvingavhiringidza kushanda kwomudzimu mutsvene patiri. (VaEfeso 4:30) VaKristu nhasi vane basa rokuparidza mashoko akanaka. Tinoremekedza zvikuru ropafadzo iyi. Hazvitishamisi kuti avo vasingazivi Mwari vanozvidza basa redu rokuparidza. Asi apo muKristu anoregeredza ushumiri hwake achiziva hake, zvingaguma nokudzima moto womudzimu waMwari unokurudzira.

10. (a) Maonero ehama dzedu angatichinja sei? (b) Maonero api akakwirira atinofanira kuita ushumiri hwedu anotaurwa pana 2 VaKorinde 2:17?

10 Vamwe vari kunze kweungano yechiKristu vangaona ushumiri hwedu sokuparadzirwawo zvakwo kwamabhuku. Vamwe vangagumisa nenzira isiriyo kuti tinoenda paimba neimba kuti tigamuchire mipiro chete. Kana tikabvumira pfungwa dzakaipa kudaro kuchinja mafungiro edu, izvi zvingaderedza kubudirira kwedu muushumiri. Panzvimbo pokuzvibvumira kuva namafungiro akadaro, ngatirambei tiine maonero ayo Jehovha naJesu vanawo paushumiri hwedu. Muapostora Pauro akataura maonero akakwirira iwayo paakazivisa kuti: “Hatisi vashambadzi veshoko raMwari sezvakaita vanhu vakawanda, asi tiri kutaura nemwoyo wose, hungu, sevakatumwa kubva kuna Mwari, tichionekwa naMwari, pamwe naKristu.”—2 VaKorinde 2:17.

11. Chii chakaita kuti vaKristu vokutanga varambe vachishingaira kunyange vachitambudzwa, uye muenzaniso wavo unofanira kuita sei kwatiri?

11 Nguva duku Jesu afa, vadzidzi vake vaiva muJerusarema vakanangana nenguva yokutambudzwa. Vakatyisidzirwa ndokurayirwa kuti varege kuparidza. Asi, Bhaibheri rinoti “vakazadzwa nomudzimu mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari vasingatyi.” (Mabasa 4:17, 21, 31) Mashoko aPauro kuna Timoti makore akati gare gare anoratidza mafungiro akanaka ayo vaKristu vanofanira kuramba vanawo. Pauro akati: “Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba nowerudo nowekuva nokunaka kwepfungwa. Naizvozvo usanyara kupupurira Ishe wedu, kana ini musungwa nemhaka yake, asi tamburawo zvakaipa nokuda kwemashoko akanaka maererano nesimba raMwari.”—2 Timoti 1:7, 8.

Tinofanira Kuitirei Muvakidzani Wedu?

12. Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti tiparidze mashoko akanaka?

12 Kuti tione ushumiri hwedu zvakanaka, tinofanira kuva nevavariro yakanaka. Nei tichiparidza? Chikonzero chikuru chinoonekwa mumashoko omunyori wepisarema anoti: “Vatsvene venyu vachakurumbidzai [Jehovha]. Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu, nokuparidza simba renyu; kuti vazivise vanakomana vavanhu mabasa ake ane simba, nokubwinya kwoumambo hwoushe hwake.” (Pisarema 145:10-12) Hungu, tinoparidza kuti tirumbidze Jehovha pachena uye kutsvenesa zita rake pamberi pavanhu vose. Kunyange kana vashoma vakatiteerera, kuzivisa kwedu mashoko oruponeso takatendeka kunoita kuti Jehovha arumbidzwe.

13. Chii chinotiita kuti tiudze vamwe nezvetariro yoruponeso?

13 Tinoparidzawo nokuti tinoda vanhu uye kuitira kuti tisave nemhaka yeropa. (Ezekieri 33:8; Mako 6:34) Akada kufanana neizvi mashoko aPauro paaitaura nezvevaiva kunze kweUngano yechiKristu anoti: “Ndine chikwereti kune vaGiriki nevasiri vaGiriki, kune vakachenjera nokuna mapenzi.” (VaRoma 1:14) Pauro ainzwa kuti akanga ane chikwereti nevanhu chokuti azivise mashoko akanaka kwavari, sezvo kuri kuda kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe.” (1 Timoti 2:4) Nhasi, tinonzwa rudo irworwo uye zvatinosungirwa kuita kumuvakidzani wedu. Kuda kwaJehovha vanhu kwakamuita kuti atumire Mwanakonama wake pasi kuti avafire. (Johani 3:16) Ichocho chaiva chibayiro chikuru. Tinotevedzera rudo rwaJehovha patinoshandisa nguva nesimba tichiudza vamwe nezvemashoko akanaka oruponeso runobva pachibayiro chaJesu.

14. Bhaibheri rinorondedzera sei nyika iri kunze kweungano yechiKristu?

14 Zvapupu zvaJehovha zvinoona vamwe vanhu sevanogona kuva nhengo dzoukama hwechiKristu. Tinofanira kuparidza noushingi asi ushingi hwedu hahusi chisimba. Chokwadi, Bhaibheri rinoshandisa mashoko akasimba parinotaura nezvenyika yose zvayo. Shoko rokuti “nyika” pacharo rinoshandiswa mupfungwa yakaipa naPauro paanotaura nezve“uchenjeri hwenyika ino” uye “kuchiva kwenyika.” (1 VaKorinde 3:19; Tito 2:12) Pauro akayeuchidzawo vaKristu vokuEfeso kuti pavaifamba “maererano negadziriro yezvinhu yenyika ino,” vakanga “[v]akafa” mumudzimu. (VaEfeso 2:1-3) Mashoko aya namamwe akafanana nawo anowirirana namashoko omuapostora Johani okuti: “Nyika yose iri musimba rewakaipa.”—1 Johani 5:19.

15. Nezvevanhu vari kunze kweungano yechiKristu, zvii zvatisingaiti, uye nei?

15 Zvisinei, yeuka kuti mashoko akadaro anotaura nezvenyika yose zvayo yakaparadzana naMwari, kwete munhu mumwe nomumwe. VaKristu havaedzi kufanotonga kuti munhu achati chii kubasa rokuparidza. Havana chikonzero chokuti vatsanangure munhu upi zvake sembudzi. Hazvisi zvedu kuti titaure kuti zvichaguma sei apo Jesu achauya kuzoparadzanisa “makwai” kubva ku“mbudzi.” (Mateu 25:31-46) Jesu ndiye mutongi akagadzwa; isu hatisi. Kunze kwaizvozvo, ruzivo rwezvakaitika rwakaratidza kuti vamwe vakanga vachimboita kunyange zvinhu zvakaipa kwazvo vakabvuma shoko reBhaibheri, vakachinja, ndokuva vaKristu vanorarama zvakachena. Saka, kunyange tingasatsvaka kufambidzana nevamwe vanhu, hatizezi kuvataurira nezvetariro yoUmambo apo mukana unenge wamuka. Magwaro anotaura nezvevamwe vanhu avo, apo vakanga vasiri vatendi, “vaida upenyu husingaperi.” Vakazova vatendi. (Mabasa 13:48) Saka hatingambozivi kuti ndiani anoda upenyu kusvikira tapa uchapupu—zvichida kakawanda. Tichifunga nezveizvi, tinobata no“unyoro” uye “noruremekedzo rukuru,” vaya vasati vagamuchira shoko roruponeso tichitarisira kuti vamwe vavo vangabvuma shoko roupenyu.—2 Timoti 2:25; 1 Petro 3:15.

16. Ndechipi chimwe chikonzero chatinodira kukudziridza “unyanzvi hwokudzidzisa”?

16 Kukudziridza mano savadzidzisi kuchawedzera kuda kwedu zvikuru kuzivisa mashoko akanaka. Kuenzanisira: Mutambo unofadza ungasanakidza kune munhu asingazivi kuti unotambwa sei. Asi kune anoutamba zvakanaka, unonakidza. Saizvozvowo, vaKristu vanokudziridza “unyanzvi hwokudzidzisa” vanowedzera mufaro wavo muushumiri. (2 Timoti 4:2; Tito 1:9) Pauro akapa Timoti zano rokuti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Tingakudziridza sei unyanzvi hwedu hwokudzidzisa?

17. Tingatanga sei ku“panga” zivo yeBhaibheri, uye zivo iyoyo ingabatsira sei ushumiri hwedu?

17 Imwe nzira ndeyokupinza zivo yakarurama yokuwedzera. Muapostora Petro anotikurudzira kuti: “Sevacheche vachangobva kuberekwa, pangai mukaka usina kushatiswa weshoko, kuti nawo mukure muzoponeswa.” (1 Petro 2:2) Mwana ane utano anongozvarwa achipanga mukaka. Zvisinei, muKristu angafanira kutanga ku“panga” zivo yeBhaibheri. Izvi zvingaitwa nokukudziridza tsika yakanaka yokudzidza nokurava. (Zvirevo 2:1-6) Kuedza nokuzviranga zvinodiwa kana tichizova vadzidzisi veShoko raMwari vane unyanzvi, asi kuedza kwakadaro kunounza mibayiro. Mufaro unobva pakunzvera Shoko raMwari uchatiita kuti tipise nomudzimu waMwari, tichida kwazvo kugovana navamwe zvinhu zvatinodzidza.

18. Misangano yechiKristu ingatishongedza sei kuti tibate shoko rechokwadi zvakarurama?

18 Misangano yechiKristu inoitawo basa rinokosha mukushandisa kwedu nounyanzvi Shoko raMwari. Apo magwaro eBhaibheri anoraviwa muhurukuro dzavose nedzimwe kurukurirano dzaMagwaro, tingaita zvakanaka kuravawo mumaBhaibheri edu. Kuchenjera kana tikateerera zvikamu zvomusangano, kusanganisira zviya zvine chokuita nebasa redu rokuparidza zvakananga. Hatimbofaniri kurerutsa kukosha kwemienzaniso, zvichida tichizvibvumira kutsauswa. Zvakare, kuzviranga nokuteerera zvinodiwa. (1 Timoti 4:16) Misangano yechiKristu inovaka kutenda kwedu, inotibatsira kutanga kupanga Shoko raMwari, uye inotirovedza kuva vazivisi vamashoko akanaka vanoda kwazvo.

Tinogona Kuvimba Nokutsigirwa naJehovha

19. Nei kuita basa rokuparidza nguva nenguva kuchikosha?

19 VaKristu vano ‘pisa nomudzimu’ uye vanoda kwazvo kuzivisa mashoko akanaka vanovavarira kuitawo ushumiri nguva nenguva. (VaEfeso 5:15, 16) Ichokwadi kuti, mamiriro ezvinhu anosiyana, uye havasi vose vangapedza nguva yakafanana mubasa iri rinoponesa upenyu. (VaGaratiya 6:4, 5) Asi, zvichida chinokosha zvikuru kupfuura nguva yose yatinopedzera mubasa rokuparidza ndechokuti tinotaura kakawanda sei nezvetariro yedu kune vamwe. (2 Timoti 4:1, 2) Kuparidza kakawanda kwatinoita, ndiko kuwedzera kwatinoita kunzwisisa kukosha kwebasa iri. (VaRoma 10:14, 15) Tichawedzera kunzwira tsitsi nengoni patinosangana nguva nenguva nevanhu vakatendeka vari kugomera nokuchema uye vasina tariro.—Ezekieri 9:4; VaRoma 8:22.

20, 21. (a) Ibasai richiri mberi kwedu? (b) Jehovha ari kutsigira sei zvose zvatiri kuedza kuita?

20 Jehovha akatipa mashoko akanaka. Iri ndiro basa rokutanga ratinogamuchira kwaari se“vashandi pamwe” naye. (1 VaKorinde 3:6-9) Tinoda kwazvo kuita mutoro uyu watakapiwa naMwari nomweya wose, kusvikira panogumira mano edu. (Mako 12:30; VaRoma 12:1) Kuchine vanhu vakawanda vanoda vari munyika vari kunzwa nzara yechokwadi. Kune basa rakawanda rokuita, asi tinogona kuvimba kuti Jehovha achatitsigira sezvatinoita ushumiri hwedu kwazvo.—2 Timoti 4:5.

21 Jehovha anotipa mudzimu wake uye anotishongedza ne“bakatwa romudzimu,” Shoko raMwari. Achitibatsira tinogona kuvhura miromo yedu “norusununguko rwokutaura kuti [t]izivise chakavanzika chitsvene chemashoko akanaka.” (VaEfeso 6:17-20) Ngazvitaurwe nezvedu sezvakanyorwa nomuapostora Pauro kuvaKristu vaiva muTesaronika kuti: “Mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nokutaura kwoga asiwo nesimba nomudzimu mutsvene nokutendiswa kwakasimba.” (1 VaTesaronika 1:5) Hungu, ngatizivisei mashoko akanaka nomwoyo wose!

Kudzokorora Kupfupi

• Nemhaka yokufunganya zvoupenyu, chii chingaitika pakushingaira kwedu muushumiri?

• Munzirai umo kuda kwedu kuzivisa mashoko akanaka kungava “somoto unopfuta” mumwoyo yedu?

• Mafungiro api akaipa pamusoro poushumiri atinofanira kudzivisa?

• Tisingatauri zvakawanda, tinofanira kuona sei vaya vasingatendi zvatinotenda?

• Jehovha anotibatsira sei kuti tirambe tichishingaira mubasa rokuparidza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

VaKristu vanotevedzera kushingaira kwaJeremia naPauro

[Mifananidzo iri papeji 10]

Kushanda kwedu nomwoyo wose muushumiri kunokonzerwa nokuda Mwari nomuvakidzani