Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzivisa Mashoko Akanaka Muminda Yomupunga yeTaiwan

Kuzivisa Mashoko Akanaka Muminda Yomupunga yeTaiwan

Tiri Vaya Vane Kutenda

Kuzivisa Mashoko Akanaka Muminda Yomupunga yeTaiwan

TAIWAN inowanzonaya mvura yakawanda, zvinoiita kuti ikwanise kukohwa kaviri gohwo rakanaka romupunga gore roga roga. Zvisinei, mvura yacho haiwanzonayi panguva yainofanira kunaya, uye mbeu dzinofa. Kana izvi zvaitika, murimi anorega here? Kwete. Anoziva kuti kutsungirira kunodiwa. Anodyara mbeu itsva osimazve minda yacho. Saka, mamiriro ezvinhu akavandudzika, murimi anokohwa gohwo rakanaka. Kudyara nokukohwa kwomudzimu pane dzimwe nguva kwakadarowo chaizvo.

Kutsungirira Mukukohwa kwoMudzimu

Mumakore ose apfuura Zvapupu zvaJehovha zviri muTaiwan zvakashanda nesimba kudyara nokukohwa mbeu dzechokwadi cheMagwaro mune dzimwe nzvimbo dzaiita sedzisingabereki. Mumwe muenzaniso iMiao-li County. Makanga mune kugamuchira kuduku paimbopupurirwa nguva nenguva munzvimbo yacho. Saka muna 1973 mapiyona chaiwo akaroorana akatumirwa kunoshanda ikoko sevazivisi voUmambo venguva yakazara. Pakutanga, vamwe vakafarira mashoko akanaka. Zvisinei, kufarira ikoko kwakaderera pasina nguva. Mapiyona chaiwo acho akabva atumirwa kune imwe nharaunda.

Muna 1991 mamwe mapiyona chaiwo maviri akatumirwa ikoko. Asi zviitiko zvakaratidzazve kuti mamiriro ezvinhu acho akanga asina kukodzera kuti zvinhu zvomudzimu zviwedzere. Kwapera makore mashomanana, mapiyona chaiwo acho akatumirwazve kuminda yaitarisirwa kuti ingabereka zvibereko zvakawanda. Saka, munda wacho wakagara usingarimwi kwenguva yakati.

Kuedza Kutsva Kunokohwa Kubudirira

Muna September 1998 kwakasarudzwa kuti zvimwe zviitwe kutsvaka nzvimbo dzinobereka zvibereko zvakawanda mundima huru isina kugoverwa muTaiwan. Izvi zvaizoitwa sei? Nokutumira mapiyona chaiwo 40 asiri echigarire kushanda mundima dzisina kugoverwa dzine vanhu vakawanda.

Maguta maviri ari pedyo nepedyo muMiao-li County aivawo pandima dzakasarudzwa nokuda kwebasa racho. Hanzvadzi ina dzisina kuroorwa dzaifanira kushanda imomo kwemwedzi mitatu kuti dziedze ndima yacho. Kwapera nguva pfupi dzasvika, dzakanyora mishumo inodadisa yenhamba yevanhu vanofarira vadzaiwana. Padzakazopedza mwedzi mitatu yadzo yokupayona munharaunda iyoyo, dzakanga dzava kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha zvakawanda. Dzakaumbawo boka rechidzidzo chebhuku dzichibatsirwa nomukuru aibva muungano iri pedyo.

Hanzvadzi nhatu dzacho dzakajekesa kuti dzaida kupfuurira kutarisira “mbeu” dzadzo duku dzakanga dzichikura zvakanaka kwazvo. Somugumisiro, mbiri dzadzo dzakagadzwa semapiyona chaiwo echigarire, uye yechitatu yacho yakapfuurira kushanda ikoko sapiyona wenguva dzose. Mumwe mukuru womuungano iri pedyo akatamira munzvimbo yacho kuti adzibatsire. Vanopfuura 60 vakapinda hurukuro yavose yokutanga kupiwa munzvimbo iyoyo. Zvino ungano iri pedyo iri kubatsira boka iri idzva kuti riite misangano yenguva dzose yeSvondo kuwedzera kuzvidzidzo zvebhuku zvinoverengeka. Nguva pfupi iri kutevera ungano itsva ingangoumbwa munharaunda yacho.

Kutsungirira Kunounza Zvikomborero Mune Dzimwe Nzvimbo dzeTaiwan

Dzimwe nharaunda dzaigamuchira saizvozvowo. MuI-lan County munharaunda iri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwechitsuwa chacho, Chidzidzo Chebhuku Cheungano chitsva chakatangwa munzvimbo iya yakashandwa nemapiyona chaiwo asiri echigarire.

Paaishanyira imba neimba mamwe manheru, mumwe piyona chaiye asiri wechigarire akasangana nejaya ndokuriratidza hendibhiri rakanga rakarongwa misangano yeungano. Rakabvunza pakarepo kuti: “Ndingapindawo here musangano wacho mangwana manheru? Kana zvichiita, ndinofanira kupfekei?” Piyona uyu akawana ava kudzidza Bhabheri nevanhu vasere vanofarira vhiki yoga yoga. Munguva pfupi yakatevera vanoverengeka vevadzidzi veBhaibheri vacho vakanga vava kuronga kuti ivo pachavo vave vaparidzi vemashoko akanaka, vane vavariro yokubhabhatidzwa.

Mumwe munhu mudhorobha irori aienda kuchechi kwemakore akawanda asi haana kuwana munhu anomudzidzisa Bhaibheri. Paakanzwa nezvegadziriro yokudzidza Bhaibheri, akashandisa mukana wacho. Akakurudzirwa kugadzirira chidzidzo chake pachine nguva. Pakasvika piyona chaiye asiri wechigarire kuti aitise chidzidzo chacho, akawana mukadzi wacho ato“gadzirira zvidzidzo zvake” nokutenga bhuku rezvinonyorwa umo akanga anyora pasi mibvunzo yakadhindwa yaiva mubhuku rake rezvidzidzo. Akanga anyorazve mhinduro dzake pamubvunzo woga woga. Akanga akoperawo magwaro ose akaratidzwa muchidzidzo chake mubhuku rake rezvinonyorwa. Pakazosvika hanzvadzi yacho kuti iitise chidzidzo chokutanga, mukadzi wacho akanga atogadzirira zvidzidzo zvitatu zvokutanga!

Migumisiro yakafanana yakaoneka mudhorobha reDongshih riri pakati peTaiwan. Mapiyona chaiwo asiri echigarire akagovera mabhurocha anopfuura 2 000 mumwedzi mitatu yaakashanda imomo. Pakasvika mwedzi wechitatu, akanga ava nevadzidzi veBhaibheri vepamusha 16. Dhorobha racho rakaparadzwa kwazvo nokudengenyeka kwepasi kwakaparadza pakati peTaiwan musi waSeptember 21, 1999, asi vamwe vanofarira vari kupfuurira kufambira mberi mumudzimu, kunyange zvazvo vachifanira kufamba kweinosvika awa kuti vapinde misangano paHoro yoUmambo iri pedyo. Hungu, kutsungirira kunodiwa kuti ukohwe gohwo rakanaka, ringava rezvirimwa chaizvo kana kuti riya romudzimu.

[Mepu iri papeji 8]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

CHINA

Taiwan Strait

TAIWAN

[Kwazvakatorwa]

Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.