Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira iyo Upenyu Hwako Hungawedzera Nayo Kuva Nechinangwa

Nzira iyo Upenyu Hwako Hungawedzera Nayo Kuva Nechinangwa

Nzira iyo Upenyu Hwako Hungawedzera Nayo Kuva Nechinangwa

CHIMWE chirevo chekare chinoti: “Usazvinetsa kuwana pfuma; rega uchenjeri hwako. Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, segondo rinobhururukira kudenga.” (Zvirevo 23:4, 5) Namamwe mashoko, hakusi kuchenjera kuzvinetesa tichiedza kupfuma, nokuti pfuma inogona kubhururuka seiri pamapapiro egondo.

Sezvinoratidzwa neBhaibheri, upfumi hunogona kunyangarika nokukurumidza. Hunogona kunyangarika usiku humwe nemhaka yenjodzi yomusikirwo, kuderera kwoupfumi, kana zvimwe zviitiko zvisingagoni kufanoonwa. Uyezve, kunyange vaya vanobudirira mune zvokunyama vanoora mwoyo kakawanda. Chimbofunga zvakaitika kuna John uyo akanga ane basa rokuvaraidza vezvematongerwe enyika, vezvemitambo, uye madzimambo.

John anoti: “Ndakapa basa rangu zvose zvandaive nazvo. Ndakaita mari, ndaigara muhotera dzoumbozha, uye pane dzimwe nguva ndaitoenda kubasa nendege yangu. Pakutanga ndainakidzwa nazvo, asi zvishoma nezvishoma ndakatanga kufinhwa. Vanhu vandaivavarira kufadza vaiita sevakanga vasina ruzivo. Upenyu hwangu hwakanga husina chinangwa.”

Sezvakaonekwa naJohn, upenyu husina zvinokosha zvomudzimu hahugutsi. MuMharidzo yake yapaGomo yakakurumbira, Jesu Kristu akaratidza mawanirwe omufaro usingaperi. Akati: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, sezvo umambo hwokumatenga huri hwavo.” (Mateu 5:3) Saka zvakajeka kuti kuisa zvinhu zvomudzimu pakutanga muupenyu ndiko kuchenjera. Zvisinei, zvimwe zvinhu zvingabatsirawo kuita kuti upenyu huwedzere kuva nechinangwa.

Mhuri Yako Neshamwari Vane Basa Chaizvoizvo

Waizofadzwa noupenyu here dai waisakwanisa kukurukurirana nevemhuri yako uye usina shamwari dzapamwoyo? Sezviri pachena kwete. Musiki wedu akatiita tiine chido chokuti tide uye kuti tidiwe. Ndicho chimwe chikonzero nei Jesu akasimbisa kukosha kwo‘kuda muvakidzani wedu sezvatinozviita.’ (Mateu 22:39) Mhuri chipo chaMwari chinogovera nzvimbo yakanaka yokuratidza rudo rusina udyire.—VaEfeso 3:14, 15.

Mhuri yedu ingaita sei kuti upenyu hwedu huwedzere kuva nechinangwa? Mhuri yakabatana ingafananidzwa nebindu rakaisvonaka rinogovera pokupotera panozorodza kubva pazvinodzvinyirira upenyu zvezuva nezuva. Saizvozvowo, mumhuri, tingawana ushamwari hunozorodza uye hwakanaka hunobvisa kunzwa kusurukirwa. Chokwadi, mhuri haingoerekani yagovera nzvimbo yokuzororera yakadaro. Zvisinei, patinosimbisa zvisungo zvemhuri, tinova pedyo nomumwe nomumwe, uye upenyu hwedu hunopfumiswa. “Somuenzaniso patinoratidza rudo nokuremekedza tichiita izvi nokupa nguva watakaroorana naye, tinenge tichitoumba ramangwana redu zuva nezuva, uye tingangozokohwa zvakapfuma.—VaEfeso 5:33.

Kana tiine vana, tinofanira kuvavarira kugovera nzvimbo yakakodzera yokuvarerera. Kupedza nguva yakawanda navo, kuita kuti mikana yokukurukurirana irambe yakazaruka, uye kuvapa mirayiridzo yomudzimu kungave kwakaoma. Asi nguva nokuedza kwakadaro zvingaita kuti tigutsikane zvikuru. Vabereki vanobudirira vanoona vana sechikomborero, senhaka inobva kuna Mwari inofanira kutarisirwa zvakanaka.—Pisarema 127:3.

Shamwari dzakanaka dzinobatsirawo pakuva noupenyu hunogutsa nohune chinangwa. (Zvirevo 27:9) Tinogona kuva neshamwari dzakawanda nokunzwira vamwe ngoni. (1 Petro 3:8) Shamwari dzechokwadi dzinobatsira kutisimudza patinogumburwa. (Muparidzi 4:9, 10) Uye “shamwari inoda . . . [i]hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Ushamwari hwechokwadi hunogona kuva hunogutsa sei! Kuvira kwezuva kunowedzera kuyevedza, zvokudya zvinowedzera kunaka, uye nziyo dzinowedzera kunakidza pazvinoitwa pamwe neshamwari. Chokwadi, mhuri yapedyo neshamwari dzakavimbika zvinongova zvinhu zviviri zvoupenyu hune chinangwa. Igadziriroi dzimwe dzakaitwa naMwari dzingaita kuti upenyu hwedu huwedzere kuva nechinangwa?

Kugutsa Chinodiwa Chedu Chomudzimu

Sezvambotaurwa, Jesu Kristu akabatanidza mufaro nokuziva chinodiwa chedu chomudzimu. Takasikwa tichingoda zvinhu zvomudzimu uyewo tsika. Nokudaro, Bhaibheri rinotaura nezvo“munhu womudzimu” uye “munhu akavanzika wemwoyo.”—1 VaKorinde 2:15; 1 Petro 3:3, 4.

Maererano neAn Expository Dictionary of New Testament Words, raW. E. Vine, mwoyo wokufananidzira unomirira “zviito zvose zvomunhu zvepfungwa nezvetsika, zvinhu zvose zvokufunga nezvemanzwiro.” Achitsanangura, Vine anowedzera kuti: “Namamwe mashoko, mwoyo unoshandiswa nenzira yokufananidzira nokuda kwezvitubu zvakavanzika zvoupenyu hwomunhu.” Bhuku rimwe iroro rinotiwo “mwoyo, sezvo uri mukati-kati, une ‘munhu wakavanzika,’ . . . munhu chaiyeiye.”

Tingagutsa sei zvinodiwa zvo“munhu womudzimu,” kana “munhu akavanzika,” ndiko kuti, “munhu akavanzika wemwoyo”? Tinoita nhano inokosha mukuita izvi ndokugutsa chinodiwa chedu chomudzimu patinoziva chairehwa nomunyori wepisarema akafuridzirwa akaimba kuti: “Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; ndiye akatiita, tiri vanhu vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.” (Pisarema 100:3) Kuziva izvi kunotiita kuti tigumise zvinonzwisisika kuti tinozvidavirira kuna Mwari. Kana tichida kuva pakati pe“vanhu vake, uye makwai anofudzwa naye,” tinofanira kuita maererano neShoko rake, Bhaibheri.

Ichocho chinhu chakaipa here? Kwete, nokuti kuziva kuti mufambiro wedu une basa kuna Mwari kunowedzera chinangwa muupenyu hwedu. Zvinotikurudzira kuva vanhu vari nani—zvechokwadi vavariro inokosha. “Wakaropafadzwa munhu unotya Jehovha, unofarira zvikuru mirayiro yake,” rinodaro Pisarema 112:1. Kutya kwokuremekedza Mwari uye kuteerera mirayiro yake kunobva pamwoyo kungaita kuti upenyu hwedu huwedzere kuva nechinangwa.

Nei kuteerera Mwari kuchitigutsa? Nokuti tine hana, chipo chakapiwa vanhu vose naMwari. Hana muongorori wetsika anobvumira kana kuti kusabvumira zvataita kana kuti zvatinofunga kuita. Tose takamborwadziwa nehana inonetseka. (VaRoma 2:15) Asi hana dzedu dzinogonawo kutikomborera. Patinoita nenzira isiri youdyire kuna Mwari navamwe vanhu, tinonzwa kugutsikana uye kufara. Tinowana kuti “pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Pane chikonzero chinokosha nokuda kwaizvozvi.

Musiki wedu akatiita munzira yokuti zvido nezvinodiwa zvinokosha zvavamwe vedu zviite sezvedu. Kubatsira vamwe kunounza mufaro mumwoyo yedu chaiyo. Uyezve, Bhaibheri rinotivimbisa kuti patinopa mumwe munhu anoshayiwa, Mwari anoona izvi senyasha dzaaitirwa.—Zvirevo 19:17.

Kunze kwokupa kugutsikana kwomukati, kutarisira zvinodiwa zvedu zvomudzimu kungatibatsira here munzira inoshanda? Hungu, mumwe muzvinabhizimisi wokuMiddle East anonzi Raymond anotenda kuti zvingadaro. “Chinangwa changu chakanga chiri chokuita mari chete,” anodaro. “Asi kubva panguva yandakabvuma mumwoyo mangu kuti kuna Mwari uye kuti Bhaibheri rinotaura zvaanoda, ndakava munhu akasiyana. Kuwana zvokurarama nazvo zvino kwava panzvimbo yechipiri muupenyu hwangu. Nokuedza kufadza Mwari, handichanzwi ruvengo rwokuda kuparadza. Kunyange zvazvo baba vangu vakafa mukurwisana, handina chido chokutsiva vaya vakavauraya.”

Sezvakaonekwa naRaymond, kunyatsotarisira zvinodiwa zvo“munhu womudzimu” kungaporesa maronda epfungwa akadzika. Zvisinei, kunze kwokuti tikagona kubata nezvinetso zvinouya zuva roga roga, upenyu huchava husingagutsi zvachose.

Tinogona Kuva No“rugare rwaMwari”

Munyika ino inochinja-chinja, mazuva mashoma anopfuura zvakanaka. Tsaona dzinoitika, zvirongwa zvinoenda nenzira isiri iyo, uye vanhu vanotiodza mwoyo. Mhinganidzo idzi dzingatibira mufaro wedu. Kunyange zvakadaro, kune vaya vari kushumira Jehovha Mwari, Bhaibheri rinovimbisa kugutsikana kwomukati—“rugare rwaMwari.” Tinowana sei rugare urwu?

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Pane kuedza kupedza zvinetso zvedu toga, tinoda kunyengetera nemwoyo wose, tichikandira mitoro yedu yezuva nezuva pana Mwari. (Pisarema 55:22) Kutenda kuti anopindura kuteterera kwakadaro nokuMwanakomana wake, Jesu Kristu, kuchawedzera sezvatinokura mumudzimu ndokunzwisisa kuti Mwari anotibatsira sei.—Johani 14:6, 14; 2 VaTesaronika 1:3.

Tavaka chivimbo chedu muna Jehovha Mwari, ‘Munzwi womunyengetero,’ tinokwanisa kubata nemiedzo zviri nani, yakadai sechirwere chenguva refu, kukwegura, kana kufirwa. (Pisarema 65:2) Zvisinei, nokuda kwoupenyu hune chinangwa zvechokwadi, tinofanirawo kufunga nezvenguva yemberi.

Farai Patariro iri Mberi

Bhaibheri rinopikira “matenga matsva nepasi idzva,” hurumende yokudenga yakarurama uye inotarisira, inotonga mhuri yevanhu inoteerera. (2 Petro 3:13) Munyika itsva iyoyo yakapikirwa naMwari, hondo nokusaruramisira zvichatsiviwa norugare nokururamisira. Ichi hachisi chido chinongopfuura nokukurumidza, asi kutendiswa kunogona kukura zvakasimba zuva roga roga. Mashoko akanaka zvechokwadi uye chikonzero chokufara chaizvoizvo.—VaRoma 12:12; Tito 1:2.

John, ataurwa pakutanga, zvino anonzwa kuti upenyu hwake hwawedzera kuva nechinangwa. “Kunyange zvazvo ndakanga ndisingaiti zvechitendero zvikuru, ndaitenda muna Mwari nguva dzose,” anodaro. “Asi hapana chandakaita nezvandaitenda izvi kusvikira Zvapupu zvaJehovha zviviri zvandishanyira. Ndakavanaya nemibvunzo, yakaita seyokuti, ‘Tiri kuitei pano? Tiri kuenda kupi?’ Mhinduro dzavo dzomuMagwaro dzinogutsa dzakandipa pfungwa yechinangwa kwenguva yokutanga muupenyu hwangu. Aya aingova mavambo chete. Ndakava nenyota yechokwadi yakanditungamirira kuti ndichinje zvandaikoshesa zvose. Kunyange zvazvo ndisisina kupfuma mune zvokunyama, ndinonzwa sokunge ndiri miriyoneya mumudzimu.”

SaJohn, zvimwe wakarega kuda kwako zvomudzimu kwakadaro kwemakore akawanda. Zvisinei, nokuva no“mwoyo wakachenjera,” unogona kukumutsidzira. (Pisarema 90:12) Ukatsunga uye ukashingaira, unogona kuva nomufaro, rugare, netariro zvechokwadi. (VaRoma 15:13) Hungu, uye upenyu hwako hungawedzera kuva nechinangwa.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Munyengetero unogona kutiunzira “rugare rwaMwari”

[Mifananidzo iri papeji 7]

Unoziva here chingaita kuti upenyu hwemhuri hugutse kwazvo?