Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tariro Yokumuka Ndeyechokwadi!

Tariro Yokumuka Ndeyechokwadi!

Tariro Yokumuka Ndeyechokwadi!

“Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava nokumuka.”—MABASA 24:15.

1. Nei tichigona kuva netariro yokumuka?

JEHOVHA akatipa zvikonzero zvakanaka zvetariro yokumuka. Tine shoko rake rokuti vakafa vachamuka, kusimukazve vave vapenyu. Uye chinangwa chake nezvevakarara murufu chichazadzika zvechokwadi. (Isaya 55:11; Ruka 18:27) Kutaura zvazviri, Mwari akatoratidza kare simba rake rokumutsa vakafa.

2. Tariro yokumuka ingatibatsira sei?

2 Kutenda mugadziriro yakaitwa naMwari yokumutsa vakafa achishandisa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kungatisimbisa munguva dzenhamo. Kuva yechokwadi kwetariro yokumuka kungatibatsirawo kuti tirambe takatendeseka kuna Baba vedu vokudenga kunyange kusvika pakufa. Zvimwe, tariro yedu yokumuka ichasimbiswa sezvatinofunga nezvokudzorerwa kuupenyu kwakanyorwa muBhaibheri. Zvishamiso zvose izvi zvakaitwa nesimba raibva kuna Changamire Ishe Jehovha.

Vakagamuchira Vakafa Vavo Vamutswa

3. Eriya akapiwa simba rokuitei pakafa mwanakomana wechirikadzi yeZarefati?

3 Mukudzokorora kunofadza kwokutenda kwakaratidzwa nezvapupu zvaJehovha zvakatangira chiKristu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamutswa.” (VaHebheru 11:35; 12:1) Mumwe wevakadzi ivavo yakanga iri chirikadzi yaiva murombo mutaundi reFenikiya reZarefati. Nemhaka yokuti akanga aitira mutsa muprofita waMwari Eriya, upfu hwake nemafuta zvakaitwa kuti zvirambe zviripo nenzira inoshamisa mukati menzara ingadai yakamuuraya iye nomwanakomana wake. Mwana wacho paakazofa, Eriya akamuradzika panhoo, akanyengetera, akazvambarara pamusoro pomukomana katatu, akateterera achiti: “Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari.” Mwari akaita kuti mweya, kana kuti upenyu, hudzokere mumukomana wacho. (1 Madzimambo 17:8-24) Chimbofungidzira mufaro wechirikadzi iyoyo sezvo kutenda kwayo kwakakomborerwa nokumuka kwokutanga kwakanyorwa—kwomwanakomana wayo anodiwa!

4. Erisha akaita chishamisoi muShunemi?

4 Mumwe mukadzi akagamuchira wakafa wake nokumutswa aigara mutaundi reShunemi. Mukadzi womurume akwegura, akaratidza mutsa kumuprofita Erisha nomuranda wake. Akakomborerwa nomwanakomana. Zvisinei, makore anoverengeka gare gare, akadana muprofita wacho, uyo akawana mukomana wacho akafa mumusha wake. Erisha anyengetera uye aita nhanho dzakati, “nyama yomwana ikadziya.” “Akahotsira kanomwe, mwana ndokusvinudza meso ake.” Pasina mubvunzo kumutswa uku kwakaunza mufaro mukuru kune vose amai nomwanakomana wavo. (2 Madzimambo 4:8-37; 8:1-6) Asi vachazofara zvikuru sei pavachamutsirwa kuupenyu pasi pano mu“kumuka kuri nani”—uko kunoita kuti zvikwanisike kuti vasazombofazve! Chikonzero chokuonga chakadini kuna Mwari wokumuka ane rudo, Jehovha!—VaHebheru 11:35.

5. Erisha akabatanidzwa sei muchishamiso kunyange atofa?

5 Kunyange pashure pokufa nokuvigwa kwaErisha, Mwari akaita kuti mapfupa ake ave nesimba nomudzimu mutsvene. Tinorava kuti: “[Vamwe vaIsraeri] vakati vachiviga munhu, vakaona hondo yavaMoabi, vakakandira munhu muhwiro hwaErisha; zvino munhu [akafa] uyo wakati achigunzva mapfupa aErisha, akararamazve, akamira namakumbo ake.” (2 Madzimambo 13:20, 21) Murume iyeye anofanira kuva akashamiswa nokufara zvakadini! Chimbofungidzira mufaro uchavapo apo vadiwa vedu vachamutsirwa kuupenyu maererano nechinangwa chisingakundikani chaJehovha Mwari!

Mwanakomana waMwari Akamutsa Vakafa

6. Jesu akaita chishamisoi pedyo neguta reNaini, uye chiitiko ichi chingaita kuti tinzwe sei?

6 Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akatipa zvikonzero zvakanaka zvokutenda kuti vakafa vanogona kumutswa, vane tarisiro youpenyu husingaperi. Chiitiko chakaitika pedyo neguta reNaini chingatibatsira kuziva kuti chishamiso chakadaro chinobvira nesimba rinopiwa naMwari. Pane chimwe chiitiko, Jesu akasangana navanhu vaichema vakatakura mutumbi wejaya kubva muguta uchienda kunovigwa. Akanga achingova iye chete mwana wechirikadzi. Jesu akaiudza kuti: “Rega kuchema.” Ipapo akabata hwanyanza ndokuti: “Jaya, ndinoti kwauri, Muka!” Ipapo akagara akataura. (Ruka 7:11-15) Chishamiso ichi chaizvoizvo chinosimbisa kutendiswa kwedu kuti tariro yokumuka ndeyechokwadi.

7. Chii chakaitika maererano nomwanasikana waJairosi?

7 Chimbofungawo, nezvechiitiko chinobatanidza Jairosi, mutungamiriri wesinagogi muKapenaume. Akakumbira Jesu kuuya kuzobatsira mwanasikana wake akanga ane makore 12, akanga ave kutoda kufa. Munguva pfupi zvakashumwa kuti musikana wacho akanga afa. Achikurudzira Jairosi akanga arohwa nenhamo kuti ave nokutenda, Jesu akaenda naye kumba kwake, kwakanga kune boka ravanhu vaichema. Vakaseka apo Jesu akavaudza kuti: “Mwana muduku haana kufa, asi arere.” Chaizvoizvo akanga afa, asi Jesu akanga ave kuda kuratidza kuti vanhu vanogona kumutsirwa kuupenyu sokumutswa kwavangaitwa muhope huru. Achibata musikana ruoko, akati: “Musikana, muka!” Akamuka pakarepo, uye “vabereki vake vakanga vasingachabatiki” nomufaro. (Mako 5:35-43; Ruka 8:49-56) Chokwadi, nhengo dzemhuri dzichange dzi“singachabatiki” apo vadiwa vadzo vakafa vachamutsirwa kuupenyu muparadhiso yapasi.

8. Jesu akaitei paguva raRazaro?

8 Razaro akanga akafa kwamazuva mana apo Jesu akasvika paguva rake uye akaita kuti dombo raiva pamusuo ribviswe. Anyengetera pachena kuitira kuti vacherechedzi vazive kuti aivimba nesimba raibva kuna Mwari, Jesu akati nenzwi guru: “Razaro, buda!” Uye akabuda! Maoko ake namakumbo zvakanga zvakasungwa namachira okuradzikwa nawo, uye chiso chake chakanga chakavharwa nejira. “Musunungurei mumurege aende,” akadaro Jesu. Vachiona chishamiso ichi, vakawanda vakanga vari ipapo kuti vanyaradze hanzvadzi dzaRazaro, Mariya naMarita, vakava nokutenda muna Jesu. (Johani 11:1-45) Nhauro iyi haikuzadzi netariro yokuti vadiwa vako vanogona kumutsirwa kuupenyu munyika itsva yaMwari here?

9. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti zvino Jesu anogona kumutsa vakafa?

9 Johani Mubhabhatidzi paakanga ari mujeri, Jesu akamutumira mashoko aya anokurudzira: “Mapofu ari kuonazve, . . . uye vakafa vari kumutswa.” (Mateu 11:4-6) Sezvo Jesu paaiva pasi pano akamutsa vakafa, zvechokwadi anogona kuitawo izvozvo sechisikwa chomudzimu chine simba chakapiwa simba naMwari. Jesu ndiye “kumuka noupenyu,” uye zvinonyaradza sei kuziva kuti munguva iri mberi iri pedyo “vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi rake vobuda”!—Johani 5:28, 29; 11:25.

Kumwe Kumutswa Kunosimbisa Tariro Yedu

10. Ungarondedzera sei kumutsa kwakatanga kushumwa kwakaitwa nomuapostora?

10 Jesu paakatuma vaapostora vake kuenda savaparidzi voUmambo, akati: “Mutsai vanhu vakafa.” (Mateu 10:5-8) Chokwadi, kuti vaite izvi vaifanira kuvimba nesimba raMwari. PaJopa muna 36 C.E., mukadzi aitya Mwari Dhokasi (Tabhita) akarara murufu. Mabasa ake akanaka akanga achisanganisira kuitira nguo chirikadzi dzaishayiwa, idzo dzakachema zvikuru nokufa kwake. Vadzidzi vakamugadzirira kuti avigwe uye vakaenda kunodana muapostora Petro, zvichida kuti anyaradze. (Mabasa 9:32-38) Akaburitsa vanhu vose vaiva muimba yapamusoro, akanyengetera, akati: “Tabhita, muka!” Akasvinura, akagara, akabata ruoko rwaPetro, uye akamusimudza. Uku kumutsa kwakatanga kushumwa kwakaitwa nomuapostora kwakaita kuti vakawanda vave vatendi. (Mabasa 9:39-42) Zvinotipawo chimwe chikonzero chetariro yokumuka.

11. Kumuka kupi kwakapedzisira kunyorwa muBhaibheri?

11 Kumuka kwokupedzisira kwakanyorwa muBhaibheri kwakaitika muTroasi. Pauro paakamira ipapo parwendo rwake rwoufundisi rwechitatu, akapfuurira nehurukuro yake kusvikira pakati pousiku. Rakurirwa nokuneta uye zvichida nokupisa kwamarambi akawanda uye kumanikidzana kwapanzvimbo yacho, jaya rainzi Yutiko rakabatwa nehope ndokudonha kubva pawindo rechivako chechitatu chenhurikidzwa. Ra“kanhongwa rafa,” kwete kungofenda chete. Pauro akazvikandira pana Yutiko, akamufungatira, akaudza vaiona kuti: “Musaita mheremhere nokuti mweya wake uri maari.” Pauro aireva kuti upenyu hweiri jaya hwakanga hwadzorerwa. Vakanga varipo “vakanyaradzwa zvikuru.” (Mabasa 20:7-12) Nhasi, vashumiri vaMwari vanonyaradzwa zvikuru nokuziva kuti vamwe vavo vavaimboshanda navo mubasa raMwari vachaona kuzadzika kwetariro yokumuka.

Kumuka—Tariro Yave Iripo Kwenguva Refu

12. Pauro akaratidza kutendiswa kupi paakanga ari pamberi paGavhuna weRoma Ferikisi?

12 Paaitongwa pamberi paGavhuna weRoma Ferikisi, Pauro akapupura kuti: “Ndinotenda zvinhu zvose zviri muMutemo uye zvakanyorwa muVaprofita; uye ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:14, 15) Ko zvikamu zviri mushoko raMwari zvakadai so“Mutemo” zvinonongedzera sei kukumutswa kwavakafa?

13. Nei zvinganzi Mwari akataura nezvokumuka paakapa uprofita hwokutanga?

13 Mwari pachake akataura nezvokumuka paakapa uprofita hwokutanga muEdheni. Achipa mutongo ku“nyoka yepakutanga,” Satani Dhiyabhorosi, Mwari akati: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi uye napakati pembeu yako nembeu yake. Achakupwanya mumusoro uye uchamupwanya pachitsitsinho.” (Zvakazarurwa 12:9; Genesi 3:14, 15, NW) Kupwanya chitsitsinho chembeu yomukadzi kwaireva kuurayiwa kwaJesu Kristu. Kana Mbeu yaizofanira kupwanya musoro wenyoka pashure paizvozvo, Kristu aitofanira kumutswa kubva kuvakafa.

14. Jehovha “ndiMwari, kwete wevakafa, asi wevapenyu” sei?

14 Jesu akazivisa kuti: “Kunyange Mosesi akazivisa kuti vakafa vanomutswa, munhau yegwenzi reminzwa, paanodana Jehovha kuti ‘Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho.’ Iye ndiMwari, kwete wevakafa, asi wevapenyu, nokuti vose vapenyu kwaari.” (Ruka 20:27, 37, 38; Eksodho 3:6) Abrahamu, Isaka, naJakobho, vakanga vakafa, asi chinangwa chaMwari chokuvamutsa chakanga chine chokwadi chokuzadzikwa zvokuti kwaari vakanga vakangoita savapenyu.

15. Nei Abrahamu akanga ane chikonzero chokutenda kumuka?

15 Abrahamu akanga ane chikonzero chetariro yokumuka, nokuti iye nomukadzi wake, Sara, vakanga vakwegura kwazvo, uye vakanga vafa kana toreva nezvokukwanisa kuita vana, Mwari akadzorera simba ravo rokubereka zvinoshamisa. Izvi zvakanga zvakaita sokumuka. (Genesi 18:9-11; 21:1-3; VaHebheru 11:11, 12) Apo mwanakomana wavo, Isaka, akanga ave nemakore anenge 25, Mwari akaudza Abrahamu kuti amupe sechibayiro. Zvisinei, panguva apo Abrahamu akanga ave kutoda kuuraya Isaka, ngirozi yaJehovha yakamisa ruoko rwake. Abrahamu “akarangarira kuti Mwari akanga achikwanisa kumumutsa [Isaka] kunyange kubva kuvakafa; uye kubva ikoko akamugamuchirawo nenzira yokufananidzira.”—VaHebheru 11:17-19; Genesi 22:1-18.

16. Abrahamu zvino akarara murufu, achimirirei?

16 Abrahamu aiva netariro yokumuka pasi pokutonga kwaMesiya, Mbeu yakapikirwa. Pamaonero ake asati ave munhu, Mwanakomana waMwari akacherechedza kutenda kwaAbrahamu. Ava munhu Jesu Kristu, naizvozvo akaudza vaJudha kuti: “Abrahamu baba venyu vakafara zvikuru vachikarira kuona zuva rangu.” (Johani 8:56-58; Zvirevo 8:30, 31) Abrahamu zvino akarara murufu, achimirira kumutsirwa kuupenyu panyika pasi poUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya.—VaHebheru 11:8-10, 13.

Uchapupu Hunobva muMutemo neMapisarema

17. “Zvinhu zvose zviri muMutemo” zvakaratidza sei kumuka kwaJesu Kristu?

17 Tariro yaPauro yokumuka yaienderana ne“zvinhu zvose zviri muMutemo.” Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Munofanira kuuya nechisote chezvitsva zvenyu zvokukohwa kumuprista. [Uye pana Nisani 16] iye unofanira kuzunguzira chisote icho pamberi paJehovha, kuti chigamuchirwe kwamuri.” (Revhitiko 23:9-14) Zvichida achifunga nezvomutemo uyu, Pauro akanyora kuti: “Kristu akamutswa kubva kuvakafa, zvibereko zvokutanga paavo vakarara murufu.” Se“zvibereko zvokutanga,” Jesu akamutswa pana Nisani 16, 33 C.E. Gare gare, pakuvapo kwake, kwaizova nokumuka kwe‘zvibereko zvepashure’—vateveri vake vakazodzwa nomudzimu.—1 VaKorinde 15:20-23; 2 VaKorinde 1:21; 1 Johani 2:20, 27.

18. Petro anoratidza sei kuti kumuka kwaJesu kwakanga kwafanotaurwa muMapisarema?

18 Mapisarema anotsigirawo kumuka. Pazuva rePendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akatora mashoko kubva muPisarema 16:8-11, achiti: “Dhavhidhi anoti pamusoro pa[Kristu], ‘Ndaiva naJehovha pamberi pamaziso angu nguva dzose; nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi kuti ndirege kumbozununguswa. Nemhaka yeizvi mwoyo wangu wakafara uye rurimi rwangu rwakafara zvikuru. Zvakare, kunyange nyama yangu ichagara mutariro; nokuti hamuzosiyi mweya wangu muHadhesi, uyewo hamuzotenderi akavimbika wenyu kuti aone kuora.’” Petro akawedzera kuti: “[Dhavhidhi] akafanoona akataura pamusoro porumuko rwaKristu, kuti haana kusiyiwa muHadhesi uyewo nyama yake haina kuona kuora. Uyu Jesu akamutswa naMwari.”—Mabasa 2:25-32.

19, 20. Petro akatora mashoko kubva muPisarema 118:22 rini, uye izvi zvaibatanidzwa norufu rwaJesu nokumuka munzirai?

19 Mazuva akati gare gare, Petro akamira pamberi peSanihedrini akatorazve mashoko kubva muMapisarema. Abvunzwa kuti akaporesa sei mupemhi akaremara, muapostora akati: “Zivai izvi imi mose nevanhu vose vaIsraeri, kuti muzita raJesu Kristu wokuNazareta, wamakarovera asi akamutswa naMwari kubva kuvakafa, murume uyu amire pano pamberi penyu anaya nemhaka yaiyeyu. [Uyu Jesu] ndiro ‘dombo rakarangarirwa nemi vavaki serisingakoshi razova musoro wekona.’ Uyezve, hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.”—Mabasa 4:10-12.

20 Petro pano akatora mashoko ePisarema 118:22, achishandisa zvarakataura nezvorufu rwaJesu nokumuka kwake. Vakurudzirwa navatungamiriri vavo vechitendero, vaJudha vakaramba Jesu. (Johani 19:14-18; Mabasa 3:14, 15) ‘Kuramba dombo kwevavaki’ kwakaguma nokufa kwaKristu, asi ‘kuva musoro wekona kwedombo’ kwakareva kukwidzwa kwake kumbiri yomudzimu kudenga. Sezvakafanotaurwa nomunyori wepisarema, ‘ichi chinhu chakabva kuna Jehovha.’ (Pisarema 118:23) Kuita “dombo” Musoro wekona kwaisanganisira kumukwidziridza saMambo Akasarudzwa.—VaEfeso 1:19, 20.

Kusimbiswa Netariro Yokumuka

21, 22. Jobho akaratidza tariro yei, sezvakanyorwa pana Jobho 14:13-15, uye izvi zvinganyaradza sei vakafirwa nhasi?

21 Kunyange hazvo isu pachedu tisati tamboona munhu akamutswa kubva kuvakafa, taona dzimwe nhauro dzomuMagwaro dzinotivimbisa nezvokumuka. Naizvozvo, tinogona kuramba tine tariro yakaratidzwa nomurume akarurama Jobho. Paakanga achitambura, akateterera kuti: “Haiwa! Dai [Jehovha] muchindivanza henyu pasheori, . . . Munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo. Kana munhu achinge afa, ungararamazve here? . . . Maizodana, ini ndikakupindurai. Maishuva basa ramaoko enyu.” (Jobho 14:13-15) Mwari ‘achashuva basa ramaoko ake,’ achida kwazvo kumutsa Jobho. Itariro yakadini yazvinotipa!

22 Nhengo yemhuri inotya Mwari ingarwara zvikuru, sezvakaita Jobho, uye ingatokurirwa nomuvengi rufu. Vafirwa vangachema nenhamo, sokuchema kwakangoita Jesu nokufa kwaRazaro. (Johani 11:35) Asi zvinonyaradza sei kuziva kuti Mwari achadana uye vose avo vari muyeuko yake vachapindura! Zvichaita sokuti vadzoka kubva kurwendo—vasingarwari kana kuremara, asi vane utano hwakanaka.

23. Vamwe vakaratidza sei chivimbo chavo mutariro yokumuka?

23 Rufu rwomuKristu akatendeka akanga akura rwakaita kuti vamwe vatendi vanyore kuti: “Tapota ziva kuti zvichibva pasi pemwoyo yedu tiri kusiririswa zvikuru nokurasikirwa naamai vako. Ichangova nguva duku chete patichavagamuchirazve—vakanaka uye vane simba!” Vabereki vakarasikirwa nomwanakomana wavo vakati; “Tinotarisira kwazvo zuva iro Jason achamuka! Achatarisa kumativi ake ndokuona Paradhiso yaaishuva zvikuru. . . . Zvinotikurudzira sei isu vaimuda kuti tizovapowo.” Hungu, tinofanira kuongawo sei kuti tariro yokumuka ndeyechokwadi!

Mhinduro Yako Ndeipi?

• Kutenda mugadziriro yaMwari yokumutsa vakafa kungatibatsira sei?

• Zviitiko zvipi zvakanyorwa muMagwaro zvinotipa chikonzero chokuva netariro yokumuka?

• Nei zvinganzi kumuka itariro yave iripo kwenguva refu?

• Itariroi inosimbisa yatinogona kuva nayo pamusoro pevakafa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Nesimba rakabva kuna Jehovha, Eriya akadzorera upenyu kumwanakomana muduku wechirikadzi

[Mufananidzo uri papeji 12]

Jesu paakamutsa mwanasikana waJairosi, vabereki vake vakanga vasingachabatiki nomufaro

[Mufananidzo uri papeji 15]

Pazuva rePendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akapupura noushingi kuti Jesu akanga amutswa kubva kuvakafa