Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tariro Yokumuka ine Simba

Tariro Yokumuka ine Simba

Tariro Yokumuka ine Simba

“Ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose . . . kuti ndimuzive [Jesu Kristu] nesimba rokumuka kwake.”—VAFIRIPI 3:8-10.

1, 2. (a) Makore akawanda akapfuura, mumwe mufundisi akatsanangura sei nezvokumuka? (b) Kumuka kuchaitika sei?

MUKUTANGA kwama1890, pepanhau rakashuma nezveimwe hurukuro yorudzi rwayo yoga yakapiwa nomumwe mufundisi muBrooklyn, New York, muU.S.A. Akati kumuka kuchasanganisira kuunganidzazve nokupa upenyu hutsva kumapfupa ose nenyama yose yakanga yakamboumba muviri womunhu, ingava yakaparadzwa nomoto kana netsaona, yakadyiwa nechikara kana kuti yakava fetiraiza. Muparidzi wacho aidavira kuti pane rimwe zuva ramaawa 24, mumhepo muchasviba nezvanza, maoko, tsoka, zvigunwe, mapfupa, madzira, neganda zvamabhiriyoni evanhu vakafa. Nhengo idzi dzichange dzichitsvaka dzimwe nhengo dzomuviri mumwe chete. Mweya zvino ichabva kudenga nokuhero kuti izogara mumiviri iyi inenge yamutswa.

2 Kumuka nokubatanidzwazve kwemaatomu okutanga hakuna musoro, uye vanhu havana mweya usingafi. (Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Jehovha, Mwari wokumuka, haafaniri hake kuunganidzazve maatomu ezvinhu zvakanga zvakamboumba muviri womunhu pakutanga. Anogona kuita miviri mitsva nokuda kwevanomutswa. Jehovha akapa Mwanakomana wake Jesu Kristu simba rokumutsa vakafa vachikwanisa kurarama nokusingaperi. (Johani 5:26) Naizvozvo Jesu akati: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akafa, achava mupenyu.” (Johani 11:25, 26) Chipikirwa chinonyevenutsa mwoyo zvakadini! Chinotisimbisa kuti titsungirire miedzo uye kunyange kunangana norufu seZvapupu zvakatendeka zvaJehovha.

3. Nei Pauro aifanira kudzivirira nezvokumuka?

3 Kumuka hakuenderani nepfungwa yokuti vanhu vane mweya usingafi—pfungwa yaidavirwa nomuzivi wechiGiriki Plato. Naizvozvo, chii chakaitika apo muapostora Pauro akapupurira kuvaGiriki vakakurumbira paAreyopago muAtene, akataura nezvaJesu, ndokuti Mwari akamumutsa? “Naizvozvo,” inodaro nhauro yacho, “vakati vanzwa nezvokumuka kwevakafa, vamwe vakatanga kuseka.” (Mabasa 17:29-34) Vakawanda vakanga vaona Jesu akamutswa vakanga vachiri vapenyu uye, pasinei nokusekwa, vakapupurira kuti akanga amutswa kuvakafa. Asi vadzidzisi venhema vaisonganirana neungano yaiva muKorinde vakaramba nezvokumuka. Naizvozvo Pauro akadzivirira zvakasimba uku kudzidzisa kwechiKristu muna 1 VaKorinde chitsauko 15. Kudzidza nokungwarira zvaakataura zvinoratidza pasina kupokana kuva kwechokwadi nesimba kwetariro yokumuka.

Zviratidzo Zvakasimba Zvokumuka kwaJesu

4. Pauro akapa umboo hwavapi vakaona nemeso kumuka kwaJesu?

4 Ona kutanga kwakaita Pauro kudzivirira kwake. (1 VaKorinde 15:1-11) Kutoti VaKorinde vakava vatendi pasina, vaizobatisisa mashoko akanaka oruponeso. Kristu akafira zvivi zvedu, akavigwa, uye akamutswa. Chaizvoizvo, Jesu akamutswa akaonekwa naKefasi (Petro), “uye [kune] vane gumi nevaviri.” (Johani 20:19-23) Akaonekwa nevanenge 500, zvichida paakarayira kuti: ‘Endai muite vadzidzi.’ (Mateu 28:19, 20) Jakobho akamuona, sezvakangoita vaapostora vose vakavimbika. (Mabasa 1:6-11) Pedyo neDhamasiko, Jesu akaoneka kuna Sauro “sokunge kune akaberekwa nguva isati yakwana.”—sokunge kuti akanga atomutsirwa kuupenyu hwomudzimu. (Mabasa 9:1-9) VaKorinde vakava vatendi nokuti Pauro akavaparidzira, uye vakagamuchira mashoko akanaka.

5. Pauro akanga achipa pfungwa dzipi sezvakanyorwa pana 1 VaKorinde 15:12-19?

5 Cherechedza pfungwa dzaPauro. (1 VaKorinde 15:12-19) Sezvo zvapupu zvakaona zvichiparidza kuti Kristu akamutswa, zvinganzi hakuna kumuka sei? Kana Jesu asina kumutswa kuvakafa, kuparidza kwedu nokutenda kwedu hazvina maturo, uye tiri varevi venhema vanopupurira Mwari nhema tichiti akamutsa Kristu. Kana vakafa vasingamutswi, ‘tichiri muzvivi zvedu,’ uye avo vakafa pamwe naKristu vakarova. Uyezve, “kana takava netariro muna Kristu muupenyu huno bedzi, tinofanira kunzwirwa tsitsi kupfuura vanhu vose.”

6. (a) Pauro akatii achisimbisa kumuka kwaJesu? (b) “Muvengi wokupedzisira” chii, uye achaparadzwa sei?

6 Pauro anosimbisa kumuka kwaJesu. (1 VaKorinde 15:20-28) Sezvo Kristu ari “zvibereko zvokutanga” zveavo vakarara murufu, vamwewo vachamutswa. Sezvo rufu rwakauya nokusateerera kwomunhu Adhamu, kumuka kunouya nomunhu mumwe—Jesu. Avo vari vake vaizomutswa pakuvapo kwake. Kristu ano“paradza hurumende dzose nechiremera chose nesimba” zvinopesana nouchangamire hwaMwari uye anotonga saMambo kusvikira Jehovha aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Kunyange “muvengi wokupedzisira”—rufu rwakagarwa nhaka kuna Adhamu—achaparadzwa nemhaka yechibayiro chaJesu. Ipapo Kristu achagamuchidza Umambo kuna Mwari naBaba vake, achizviisa pasi “poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kumunhu wose.”

Kubhabhatidzirwa Vakafa Here?

7. Ndivanaani “vari kubhabhatidzwa kuti vave vakafa,” uye izvi zvinorevei nokuda kwavo?

7 Vanopikisa kumuka vanobvunzwa kuti: “Vari kubhabhatidzwa kuti vave vakafa vachaitei?” (1 VaKorinde 15:29) Pauro haana kureva kuti vapenyu vanofanira kubhabhatidzirwa vakafa, nokuti vadzidzi vaJesu vanofanira kudzidza pachavo, kutenda, vobva vabhabhatidzwa. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 2:41) VaKristu vakazodzwa vano“bhabhatidzwa kuti vave vakafa” nokunyudzwa muupenyu hunotungamirira kurufu nokumuka. Rubhabhatidzo rworudzi urwu runotanga apo mudzimu waMwari unotanga tariro yokudenga mavari uye runopera pavanomutswa kubva murufu kuenda kuupenyu hwomudzimu husingafi mudenga.—VaRoma 6:3-5; 8:16, 17; 1 VaKorinde 6:14.

8. VaKristu vangava nechokwadi nei kunyange kana Satani nevashumiri vake vakavauraya?

8 Sezvinoratidzwa namashoko aPauro, tariro yokumuka inogonesa vaKristu kuti vamire mungozi nguva nenguva uye kunangana norufu zuva nezuva nokuda kwokuita basa rokuparidza Umambo. (1 VaKorinde 15:30, 31) Vanoziva kuti Jehovha anogona kuvamutsa kana akabvumira Satani nevashumiri vake kuvauraya. Mwari chete ndiye anogona kuparadza mweya wavo, kana kuti upenyu, muGehena, rinomirira kuparadzwa kusingaperi.—Ruka 12:5.

Kudikanwa Kwokungwarira

9. Kana tariro yokumuka ichizova inosimbisa muupenyu hwedu, tinofanira kudzivisei?

9 Tariro yokumuka yakasimbisa Pauro. Paakanga ari muEfeso, vavengi vake vangave vakamukandira munhandare yomutambo kuti arwisane nezvikara. (1 VaKorinde 15:32) Kana izvozvo zvakaitika, akanunurwa, kunyange sokununurwa kwakaitwa Dhanieri kubva kushumba. (Dhanieri 6:16-22; VaHebheru 11:32, 33) Sezvo aiva netariro yokumuka, Pauro akanga asina mafungiro evakaramba kutenda vomuJudha muzuva raIsaya. Vaiti: “Ngatidyei nokunwa, nokuti mangwana tichafa.” (Isaya 22:13, Septuagint) Kana tariro yokumuka ichizova nesimba rinotsigira muupenyu hwedu sezvayakaita mune hwaPauro, tinofanira kudzivisa vaya vane mudzimu usina kunaka wakadaro. “Musatsauswa,” Pauro akanyevera kudaro. “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinde 15:33) Chokwadi, nheyo iyi inoshanda kuzvinhu zvakasiyana-siyana zvoupenyu.

10. Tariro yedu yokumuka ingachengetwa sei iri mhenyu?

10 Kune vaya vaiva vasina chokwadi nokumuka, Pauro akati: “Pengenukai nenzira yakarurama uye musave netsika yokuita chivi, nokuti vamwe havazivi Mwari. Ndiri kutaura kuti ndikuitei kuti munyare.” (1 VaKorinde 15:34) Muino “nguva yokupedzisira,” tinofanira kuita maererano nezivo yakarurama yaMwari naKristu. (Dhanieri 12:4; Johani 17:3) Izvi zvichaita kuti tariro yedu yokumuka irambe iri mhenyu.

Kumutswa Nomuviri Worudzii?

11. Pauro akaenzanisira sei kumuka kwevaKristu vakazodzwa?

11 Pauro akazobva apindura mimwe mibvunzo. (1 VaKorinde 15:35-41) Zvichida achiedza kusava nechokwadi nokumuka, mubvunzi angabvunza kuti: “Vakafa vachamutswa sei? Hungu, vanouya nomuviri worudzii?” Sezvakaratidzwa naPauro, tsanga inodyarwa muvhu chaizvoizvo inofa painochinja kuva nhondo. Saizvozvowo, munhu akaberekwa nomudzimu anofanira kufa. Kungofanana nomuti unokura kubva pambeu wave nomuviri mutsva, muviri unomutswa wevaKristu vakazodzwa wakasiyana nenyama yomunhu. Kunyange zvazvo ane mararamiro mamwe chete aakanga ainawo asati afa, anomutswa sechisikwa chitsva nomuviri womudzimu unokwanisa kurarama mudenga. Sezvingatarisirwa, avo vanomutsirwa panyika vachamutswa vane miviri yavanhu.

12. Chii chinorehwa namashoko okuti “miviri yokudenga” uye “miviri yepasi”?

12 Sezvakataurwa naPauro, nyama yavanhu yakasiyana neyemhuka. Kunyange nyama yemhuka inosiyana parumwe rudzi norumwe. (Genesi 1:20-25) “Miviri yokudenga” yezvisikwa zvomudzimu yakasiyana ne“miviri yepasi” yenyama. Panewo musiyano mukubwinya kwezuva, mwedzi, uye nyeredzi. Asi vakazodzwa vanomutswa vane kubwinya kukuru.

13. Maererano na1 VaKorinde 15:42-44, chii chinodyarwa uye chii chinomutswa?

13 Apedza kutaura misiyano, Pauro akawedzera kuti: “Ndizvo zvakaitawo kumutswa kwevakafa.” (1 VaKorinde 15:42-44) Akati: “Unodyarwa mukuora, unomutswa mukusaora.” Pano Pauro angava achireva vakazodzwa seboka. Vanodyarwa mukuora parufu, vanomutswa mukusaora, vasina zvivi. Kunyange vachizvidzwa nenyika, vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga ndokuoneswa naKristu mumbiri. (Mabasa 5:41; VaKorose 3:4) Parufu unodyarwa uri “muviri wenyama” uye unomutswa wave “muviri womudzimu.” Sezvo izvi zvichigoneka kune vaKristu vaya vakaberekwa nomudzimu, tingava nechokwadi chokuti vamwe vanogona kumutsirwa kuupenyu panyika.

14. Pauro akasiyanisa sei Kristu naAdhamu?

14 Pauro akazosiyanisa Kristu naAdhamu. (1 VaKorinde 15:45-49) Adhamu, munhu wokutanga, “akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) “Adhamu wokupedzisira”—Jesu—“akava mudzimu unopa upenyu.” Akapa upenyu hwake sechibayiro chorudzikinuro, kutanga kuvateveri vake vakazodzwa. (Mako 10:45) Vari vanhu, ‘vanova nomufananidzo weakaitwa neguruva,’ asi pavanomutswa vanova saAdhamu wokupedzisira. Chokwadi, chibayiro chaJesu chichabatsira vanhu vose vanoteerera, kusanganisira vaya vanomutsirwa panyika.—1 Johani 2:1, 2.

15. Nei vaKristu vakazodzwa vasingamutswi munyama, uye vachamutswa sei mukati mokuvapo kwaJesu?

15 VaKristu vakazodzwa pavanofa, havamutswi munyama. (1 VaKorinde 15:50-53) Muviri wenyama neropa unoora haungagari nhaka kusaora noUmambo hwokudenga. Vamwe vakazodzwa havazofaniri kurara kwenguva refu murufu. Vachipedza upenyu hwavo hwapasi mukutendeka mukati mokuvapo kwaJesu, vacha“chinjwa, munguva dukuduku, mukubwaira kweziso.” Vachamutswa pakarepo vachienda kuupenyu hwomudzimu mukusaora nembiri. Pakupedzisira, “mwenga” waKristu wokudenga uchasvika 144 000.—Zvakazarurwa 14:1; 19:7-9; 21:9; 1 VaTesaronika 4:15-17.

Kukunda Rufu!

16. Maererano naPauro nevaprofita vokutanga, chii chichaitika kurufu rwakagarwa nhaka kubva kuchivi chaAdhamu?

16 Pauro akazivisa nenzira yorukundo kuti rufu ruchamedzwa nokusingaperi. (1 VaKorinde 15:54-57) Apo chinoora nechinofa zvinofuka kusaora nokusafa, mashoko aya anenge azadzika: “Rufu rwamedzwa nokusingaperi.” “Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?” (Isaya 25:8; Hosea 13:14) Kuruma kunokonzera rufu chivi, uye simba rechivi wakanga uri Mutemo, wakatongera rufu vatadzi. Asi nemhaka yechibayiro chaJesu nokumuka, rufu rwakagarwa nhaka kuna Adhamu akaita chivi haruzokundi.—VaRoma 5:12; 6:23.

17. Mashoko a1 VaKorinde 15:58 anoshanda sei nhasi?

17 “Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa,” akadaro Pauro, “ivai vakasimba, musingazununguki, muchigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.” (1 VaKorinde 15:58) Mashoko iwayo anoshanda kune vakasara vakazodzwa uye kune “mamwe makwai” aJesu kunyange vakafa mumazuva ano okupedzisira. (Johani 10:16) Mabasa avo savazivisi voUmambo haasi asina maturo, nokuti kumuka kwakavamirira. Zvino, zvatiri vashumiri vaJehovha, ngatirambei takabatikana mubasa raShe tichimirira zuva ratichadanidzira nomufaro kuti: “Rufu, kukunda kwako kuri kupi?”

Tariro Yokumuka Yazadzika!

18. Tariro yaPauro mukumuka yakanga yakasimba zvakadini?

18 Mashoko aPauro akanyorwa muna 1 VaKorinde chitsauko 15 anoisa pachena kuti tariro yokumuka yakanga ine simba munguva yake. Akanga ane chokwadi chaizvo kuti Jesu akamutswa kubva kuvakafa uye kuti vamwe vaizosunungurwawo muguva ravanhu vose. Unobvuma zvakasimba kudaro here? Pauro akaona zvinhu zvaingonakira iye zvoudyire kuva “marara akawanda” uye ‘akabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose’ kuitira kuti ‘azive Kristu nesimba rokumuka kwake.’ Muapostora akanga achida kuti afe sezvakaita Kristu ane tariro yokuwana “kumuka kwokutanga.” Uku kunonzi “kumuka kwokutanga,” kunoitikawo kune vateveri vaJesu vakazodzwa 144 000. Hungu, vanomutsirwa kuupenyu hwomudzimu mudenga, kunyange zvazvo “vamwe vose vakafa” vachamutsirwa pasi pano.—VaFiripi 3:8-11; Zvakazarurwa 7:4; 20:5, 6.

19, 20. (a) Vanhu vapi vakanyorwa muBhaibheri vachamutsirwa kuupenyu pasi pano? (b) Unotarisira kumuka kwaani?

19 Tariro yokumuka yazova chinhu chaicho chine mbiri kune vakazodzwa vave vakatendeka kusvikira parufu. (VaRoma 8:18; 1 VaTesaronika 4:15-18; Zvakazarurwa 2:10) Vapukunyuki vo“kutambudzika kukuru” vachaona tariro yokumuka ichizadzika pasi pano ‘gungwa parinobudisa vakafa vari mariri, uye rufu neHadhesi pazvinobudisa vakafa vari mazviri.’ (Zvakazarurwa 7:9, 13, 14; 20:13) Pakati peavo vachamutsirwa pasi pano pachange pana Jobho, akatambura kurasikirwa navanakomana vanomwe navanasikana vatatu. Fungidzira mufaro wake pakuvagamuchirazve—uye kuti ivo vachafara sei nokuona kuti vave nedzimwe hanzvadzikomana nomwe nehanzvadzisikana nhatu dzakanaka!—Jobho 1:1, 2, 18, 19; 42:12-15.

20 Chichava chikomborero chakadini apo Abrahamu naSara, Isaka naRibheka—hungu navamwe vakawanda, kusanganisira “vaprofita vose”—vanomutsirwa kuupenyu panyika! (Ruka 13:28) Mumwe wavaprofita ivavo akanga ari Dhanieri, akavimbiswa kumuka pasi pokutonga kwaMesiya. Kweanoda kuva makore 2 500, Dhanieri ave akazorora muguva, asi nesimba rokumuka, nokukurumidza ‘achamukira mugove wake’ somumwe wa“machinda panyika yose.” (Dhanieri 12:13; Pisarema 45:16) Zvichave zvichifadza zvakadini kugamuchirazve kwete chete vakatendeka vekare asiwo baba vako, amai, mwanakomana, mwanasikana, kana vamwe vawakatorerwa nomuvengi rufu!

21. Nei tisingafaniri kunonoka mukuitira vamwe zvakanaka?

21 Dzimwe dzeshamwari dzedu nevatinoda vangadai vakashumira Mwari kwemakumi emakore uye zvino vakwegura. Kukwegura kungaita kuti zvivaomere kutarisana nezvinetso zvomuupenyu. Rudo rwakadini kuvabatsira nenzira chero ipi zvayo yatingagona zvino! Uye hatizozvidembi nemhaka yokunge takatadza kuvaitira zvakanaka munzira yakati kana rufu rukavatora. (Muparidzi 9:11; 12:1-7; 1 Timoti 5:3, 8) Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha haazokanganwi zvinhu zvakanaka zvatinoitira vamwe, zvisinei nezera ravo kana mamiriro ezvinhu. “Chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo,” akanyora kudaro Pauro, “ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.”—VaGaratiya 6:10; VaHebheru 6:10.

22. Kuzosvikira pakuzadzika kwetariro yokumuka, tinofanira kutsunga kuitei?

22 Jehovha ndi“Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Shoko rake rinotinyaradza uye rinotibatsira kunyaradza vamwe netariro yokumuka ine simba. Kusvikira taona kuzadzika kwetariro iyoyo nokumutsirwa kwavakafa kuupenyu panyika, ngativei saPauro, akanga achitenda mukumuka. Zvikurukuru ngatitevedzerei Jesu, uyo tariro yake musimba raMwari rokumumutsa yakazadzika. Vaya vari mumakuva okurangaridza nokukurumidza vachanzwa inzwi raKristu vobuda. Izvi ngazvitinyaradze nokutipa mufaro. Asi kupfuura zvose, ngationgei Jehovha, akaita kuti kukunda rufu kukwanisike achishandisa Ishe wedu Jesu Kristu!

Mhinduro Yako Ndeipi?

• Pauro akapa umboo hwavapi vakaona nemeso kumuka kwaJesu?

• “Muvengi wokupedzisira” chii, uye achaparadzwa sei?

• Kune vaKristu vakazodzwa, chii chinodyarwa uye chii chinomutswa?

• Vanhu vapi vakanyorwa muBhaibheri vaunoda kuzosangana navo pavanomutsirwa kuupenyu pasi pano?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Muapostora Pauro akadzivirira kumuka zvakasimba

[Mifananidzo iri papeji 20]

Kumutswa kwaJobho, mhuri yake, uye vamwe vakawanda kuchava chikonzero chomufaro mukuru!