Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuramba Wakachena Munyika ine Unzenza

Unogona Kuramba Wakachena Munyika ine Unzenza

Unogona Kuramba Wakachena Munyika ine Unzenza

MURUME akanga ari mutema uye akanaka. Mukadzi akanga ane mano uye iri tsvarakadenga. Vaishandira kambani imwe. Mukadzi aimufarira kwazvo. Murume aimuyemura. Vaitengerana zvipo. Nenguva isipi vakanga vava kudanana. Akasiya mudzimai wake achida iye. Iye pakupedzisira, akasarudza kugara nomurume wake ndokugumisa kudanana kwacho. Aine mwoyo miviri murume akaedza kudzokera kumudzimai wake. Zvisinei, asingadembi zvechokwadi, haana kubudirira. Munhu wose aibatanidzwa akangopfuurira noupenyu, kunyange akanga achitambudzika mupfungwa.

Tsika dzokusangana pabonde hadzichaonekwi sechinhu chakanaka munyika ino. Kutsvaka mafaro nokugutsikana kusingadzorwi kunoita sokwenguva dzose. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Upombwe hunoita sehwakapararira uye, mune zvimwe zviitiko, sehwakajairika sokuroorana.”

Asi, Jehovha Mwari anoda kuti kuroorana ku“kudzwe pakati pavose” uye mubhedha wokuroorana “urege kusvibiswa.” (VaHebheru 13:4) Magwaro anozivisa kuti: “Musatsauswa. Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa zvinhu zvisiri zvomuzvarirwo, kana varume vanorara nevarume . . . havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) Naizvozvo, kuti tiwane nyasha dzaMwari, tinofanira kuramba takachena mutsika munyika ino ine unzenza.

Tingazvidzivirira sei pakupesvedzera kwakaora kwakatipoteredza? Muchitsauko chechi5 chebhuku reBhaibheri rinonzi Zvirevo, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anopa mhinduro. Ngationgororei zvaanoda kutaura.

Mano Okufunga Kuti Akudzivirire

“Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu,” anotanga achidaro mambo weIsraeri. Anowedzera kuti: “Rerekera nzeve yako inzwe [“kunzwisisa kwangu, kuti urinde mano okufunga,” NW], nemiromo yako ichengete zivo.”Zvirevo 5:1, 2.

Kuti tidzivise miedzo younzenza, tinoda uchenjeri—mano okushandisa zivo yeMagwaro—uye kunzwisisa, kana kuti simba rokusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uye kusarudza nzira yakarurama. Tinokurudzirwa kufungisisa uchenjeri nokunzwisisa kuti tirinde mano edu okufunga. Tingaita sei izvozvo? Patinodzidza Shoko raMwari, Bhaibheri, tinoda kuona nzira iyo Jehovha anoita nayo zvinhu ndokurerekera nzeve dzedu kune zvaanoda uye kuzvinangwa zvake. Nokuita izvi, tinenge tichitungamirira maitiro epfungwa dzedu munzira dzakanaka. Saka mano okufunga anowanikwa nenzira iyoyo anoenderana nouchenjeri uye zivo zvinodiwa naMwari. Paanoshandiswa zvakanaka, mano aya anotidzivirira pakubatwa nomusungo wezvinhu zvounzenza zvinokwezva.

Chenjerera Muromo Unotsvedza

Chikonzero nei mano okufunga achikosha pakuramba wakachena mutsika munyika isina kuchena ndechokuti nzira dzomunhu wounzenza dzinonyengedza. Soromoni anonyevera kuti: “Miromo yomukadzi wokumwe inodonha uchi; muromo wake unot[sv]edza kupfuura mafuta; asi pakupedzisira unovava segavakava; unopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka.”Zvirevo 5:3, 4.

Muchirevo ichi, munhu akatsauka anofananidzwa no“mukadzi wokumwe”—hure. * Mashoko aanonyengedza nawo waanonyengedza anotapira sezinga rouchi uye anotsvedza kupfuura mafuta omuorivhi. Vavariro dzounzenza dzakawanda hadzitangi nenzira iyi here? Somuenzaniso, funga nezvechinoitika chomumwe mabharani anokwezva ane makore 27 anonzi Amy. Anorondedzera kuti: “Murume wokubasa uyu anondifarira kwazvo uye anondirumbidza nguva nenguva. Zvinofadza kuonekwa. Asi ndinogona kunyatsoona kuti kundifarira kwaanoita ndekwokuda kurara neni chete. Handisi kuzonyengedzwa nezviito zvake.” Mashoko okubata kumeso omunhu anonyengedza kazhinji anokwezva kunze kwokuti tikaziva zvaari chaizvo. Saka tinoda kushandisa mano edu okufunga.

Migumisiro younzenza inovava segavakava uye inopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka—inorwadza uye inouraya. Hana inonetseka, pamuviri pasingadiwi, kana kuti hosha inopfuudzwa pabonde ndeimwe yemigumisiro inorwadza yomufambiro wakadaro. Uye funga nezvemarwadzo akakura omupfungwa anonzwiwa neakaroorana nomunhu asina kutendeka. Chiitiko chimwe chokusavimbika chingakonzera maronda akadzika kwazvo anogara kwoupenyu hwose. Hungu, unzenza hunokuvadza.

Achitaura nezvamararamiro omukadzi akatsauka, mambo akachenjera anopfuurira achiti: “Tsoka dzake dzinoburukira kurufu; nhambwe dzake dzinovavarira kuhwiro; gwara roupenyu, rakati chechetere, haariwani; nzira dzake dzinotsauka, iye asingazvizivi.” (Zvirevo 5:5, 6) Nzira dzomukadzi nzenza dzinomutungamirira kurufu—nhambwe dzake kuhwiro, guva ravanhu vose. Nehosha dzinopfuudzwa pabonde dzakapararira, kunyanya AIDS, ndeechokwadi sei mashoko aya! Mugumisiro wake ndoumwe newevaya vanobatana naye munzira dzake dzisina kururama.

Achinetseka zvinobva pamwoyo, mambo wacho anokurudzira kuti: “Saka imi, vanakomana vangu, nditeererei; regai kutsauka pamashoko omuromo wangu. Nzira yako ngaive kure naye, usaswedera pamukova weimba yake.”Zvirevo 5:7, 8.

Tinoda kuva kure sokwatinogona nokupesvedzera kwavanhu vanoita unzenza. Nei tichifanira kuzvipinza munzira dzavo nokuteerera nziyo dzinoshatisa, kuona varaidzo inoshatisa, kana kuti kutarisa zvinhu zvinonyadzisira? (Zvirevo 6:27; 1 VaKorinde 15:33; VaEfeso 5:3-5) Uye upenzi hwakadini kuita kuti vatifarire nokuita kutamba kworudo kana kuti nokusava nomwero mumupfekero nokutsvinda!—1 Timoti 4:8; 1 Petro 3:3, 4.

Mubhadharo Wakanyanyokura

Tinofanira kuramba tiri kure nomunhu akatsauka nokuda kwechimwezve chikonzeroi? Soromoni anopindura achiti: “Kuti urege kupa vamwe kunaka kwoujaya hwako, namakore ako kune ane mwoyo mukukutu; kuti vatorwa varege kugutswa nepfuma yako, nezvibereko zvokutambura kwako zviende kumba kwomweni. Iwe ugochema pakupedzisira kwako, kana nyama yako nomuviri wako zvaparadzwa.”Zvirevo 5:9-11.

Saka Soromoni anosimbisa mubhadharo mukuru wokubvuma kuita unzenza. Upombwe nokurasikirwa nokunaka, kana kuti kuzviremekedza, zvinofambirana. Hazvidukupisi here chokwadi kungoshanda senzira yokugutsa chido chedu pachedu chounzenza kana kuti chiya chomumwe munhu? Hazviratidzi kushaya kuzviremekedza here kurara nomumwe munhu watisina kuroorana naye?

Zvisinei, ‘kupa makore edu, simba redu, uye zvatinoshandira kune vokumwe, kana kuti vaeni’ zvinosanganisira chii? Rimwe bhuku rinoti: “Chiri kurehwa nendima idzi chakajeka: Mubhadharo wokusavimbika ungave wakakura; nokuda kwezvose zvinoshandira munhu—chinzvimbo, pfuma, kubudirira—zvingaparara pamusana pezvikumbiro zvamakaro zvomukadzi kana kuti kuda kubhadharwa kunoitwa nenzanga.” Unzenza hungada zvakawanda!

Arasikirwa nokunaka kwake uye apedza pfuma yake, munhu benzi angagomera, achiti: “Ndakavengereiko kurayirirwa, mwoyo wangu wakashorerei kurayirwa? Ndakaregereiko kuteerera inzwi ravadzidzisi vangu, nokusarerekera nzeve yangu kune vaindirayira? Ndakanga ndapinda pane zvakaipa zvose, pakati pechiunga neungano.”Zvirevo 5:12-14.

Pashure penguva yakati, mutadzi anotaura chinonzi neimwe nyanzvi “nhetembo yakareba yavana‘dai ndakaziva’: dai ndakaziva ndakateerera baba vangu; dai ndakaziva ndakanga ndisina kuita madiro; dai ndakaziva ndakateerera zano ravamwe.” Zvisinei, uku kuziva kunouya nguva yapera zvikuru. Upenyu hwomunhu uya asina kuchena zvino hwatokanganiswa uye mukurumbira wake wakanganiswa. Zvinokosha sei kuti tifunge mubhadharo mukuru wokuita unzenza tisati takurirwa nahwo!

“Inwa Mvura Padziva Rako Chairo”

Bhaibheri haritauri nhau dzokusangana kwavanhu pabonde here? Kwete. Pfungwa yokudanana kwevanhu uye mufaro unovapo pakati pomurume nomukadzi zvipo zvinobva kuna Mwari. Zvisinei, ukama uhwu hunofanira kuva hwevanhu vakaroorana chete. Saka kumurume akaroora, Soromoni anorayira kuti: “Inwa mvura padziva rako chairo, nemvura inoyerera patsime rako chairo. Ko matsime ako anofanira kuparadzirwa here, nzizi dzemvura dziyerere munzira dzomumusha here? Ngazvive zvako zvoga, zvisava zvavatorwa pamwe chete newe.”Zvirevo 5:15-17.

“Dziva rako chairo” uye “tsime rako chairo” mashoko okudetembera mudzimai anodiwa. Kusangana naye pabonde kunofananidzwa nokunwa mvura inozorodza. Kusiyana nenzvimbo dzinowanikwa mvura munzvimbo dzavose, dziva kana kuti tsime rinoonekwa sechinhu chomunhu oga. Uye murume anorayirwa kubereka vana pamusha nomudzimai wake pane kuti aparadzire mbeu yake munzira dzomumusha, kureva kuti, muvamwe vakadzi. Zvakajeka kuti zano rinopiwa murume nderokuva akatendeka kumudzimai wake.

Murume akachenjera anopfuurira achiti: “Tsime rako ngariropafadzwe; ufarire mukadzi woujaya hwako. Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yengururu inofadza; mazamu ake ngaakufadze nguva dzose; ugare uchigutiswa norudo rwake.”Zvirevo 5:18, 19.

“Tsime,” kana kuti chitubu, zvinoreva kunobva kugutsikana kwepabonde. Mufaro wokusangana pabonde newawakaroorana naye “iropafadz[o]”—yakapiwa naMwari. Nokudaro, murume anorayirwa kuti afare nomukadzi woujaya hwake. Kwaari, anodikanwa uye akanaka sehadzi yenondo, uye anokwezva nokufadza sehadzi yengururu.

Soromoni anotevera kumutsa mibvunzo miviri isingadi mhinduro achiti: “Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchagutsirweiko nomukadzi wokumwe, uchambundikireiko chipfuva chomweni?” (Zvirevo 5:20) Hungu, nei munhu akaroora achifanira kukwezviwa kuti asangane pabonde nomunhu waasina kuroorana naye nokushamwaridzana kunzvimbo yebasa, kuchikoro, kana kuti kune imwe nzvimbo?

KuvaKristu vakaroora, muapostora Pauro anopa zano iri rinoti: “Ndinotaura izvi, hama, kuti nguva yasara ipfupi. Kubvira zvino vane vakadzi ngavave sevasina.” (1 VaKorinde 7:29) Izvi zvinorevei? Vateveri vaJesu Kristu vanofanira ku‘ramba vachitanga kutsvaka umambo.’ (Mateu 6:33) Naizvozvo, vanhu vakaroorana havafaniri kunyanyofunganya zvokuti vanoisa zvinhu zvoUmambo panzvimbo yechipiri muupenyu hwavo.

Kudiwa Kwokuzvidzora

Zvido zvokusangana nomunhu pabonde zvinogona kudzorwa. Zvinofanira kudzorwa nevaya vanoda kutenderwa naJehovha. “Izvi ndizvo zvinoda Mwari, kutsveneswa kwenyu, kuti murege ufeve; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga [muviri wake pachake] muutsvene nokukudzwa,” akarayira kudaro muapostora Pauro.—1 VaTesaronika 4:3, 4.

Saka, vechiduku havafaniri kumhanyira kuroora pavanotanga kunzwa kuda kurara nomunhu. Kuroorana kunoda kuzvipira, uye kurarama maererano nomutoro wakadaro kunoda kukura mupfungwa. (Genesi 2:24) Zviri nani kumirira kusvikira wapfuura nguva yoku“yaruka”—apo pfungwa dzokuda kusangana nomunhu pabonde dzinenge dzakasimba uye padzingavhiringidza kufunga kwako. (1 VaKorinde 7:36) Uye kusachenjera uye chivi chakadini kuti munhu mukuru anoda kuroora aite unzenza nemhaka bedzi yokuti haasi kuwana wokuroora!

“Zvivi Zvake Zvichabata Muiti Wazvo”

Chikonzero chikuru nei unzenza hwakaipa ndechokuti Jehovha—Mupi woupenyu uye Mupi wesimba rokuita zvepabonde riri muvanhu—anohushora. Nokudaro achikurudzira zvakasimba kwazvo kuchena mutsika, Mambo Soromoni anoti: “Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehovha; ndiye anoyera makwara ake ose.” (Zvirevo 5:21) Hungu, hapana chakavanzika mumaziso aMwari, “iye watinozvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Chiito chipi nechipi chokusangana pabonde kusina kuchena, pasinei zvapo nokuti chakavanzika sei uye chero ingava migumisiro yacho yokunyama nokune vamwe vanhu, chichaparadza ukama hwedu naJehovha. Upenzi hwakadini kurasikirwa norugare naMwari nokuda kwenguva shomanana yomufaro usiri wapamutemo!

Vamwe vanopinda munzira dzounzenza vasinganyari vangaita sevanoita izvozvo vasingarangwi—asi kwete kwenguva yakareba. Soromoni anozivisa kuti: “Zvivi zvake zvichabata muiti wazvo, uchabatwa namabote ezvivi zvake. Uchafa nokushayiwa kurayirirwa; uchatsauka noukuru hwoupenzi hwake.”Zvirevo 5:22, 23.

Nemhaka yei chero ani wedu achimbofanira kutsauka? Pashure pezvose, bhuku raZvirevo rinofanotinyevera nezvenzira dzenyika dzinonyengedza. Uye rinoisa pamberi pedu mubhadharo uyo unzenza hunowanzorayira—utano hwedu, zvinhu zvedu zvokunyama, simba redu, uye chiremera chedu. Tiine kufanoona kwakajeka zvakadaro, hatidi kumbofa takasvika pakudetemba vana“dai ndakaziva.” Hungu, tikashandisa zano ratakapiwa naJehovha muShoko rake rakafuridzirwa, tingaramba takachena mutsika munyika ine unzenza.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Shoko rokuti “wokumwe” rakashandisirwa vaya vakatsauka pane zvaienderana noMutemo uye zvadaro vakazviparadzanisa naJehovha. Nokudaro, hure riri kunzi “mukadzi wokumwe.”

[Mifananidzo iri papeji 30]

Migumisiro younzenza inovava segavakava

[Mifananidzo iri papeji 31]

“Ufarire mukadzi woujaya hwako”