Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakapesvedzerwa Nevatsoropodzi Here?

Wakapesvedzerwa Nevatsoropodzi Here?

Wakapesvedzerwa Nevatsoropodzi Here?

“MUTSOROPODZI munhu uya asingambooni unhu hwakanaka pamunhu, uye haambotadzi kuona hwakaipa. Izizi romunhu, rakangwara murima, uye risingaoni pachiedza, rinotsvaka twupukanana, uye harina zvakanaka zvarinomboona pazvinhu zvarinovhima.” Mashoko aya anonzi akataurwa nomufundisi wokuAmerica womuzana remakore rechi19 Henry Ward Beecher. Vakawanda vangafunga kuti anoratidza zvakarurama pfungwa yevatsoropodzi vemazuva ano. Asi shoko rokuti “mutsoropodzi” rakatangira muGirisi yekare, kwarakanga risingarevi munhu anoratidza pfungwa yakadaro chete. Kwemazana emakore, raireva boka revazivi.

Uzivi hweVatsoropodzi hwakatanga sei? Vaidzidzisei? Unhu hwoMutsoropodzi hungadiwa pamuKristu here?

Vatsoropodzi Vekare—Kwavakatangira uye Zvavaitenda

Girisi yekare yakanga iri nzvimbo yokukurukurirana uye yokuitirana gakava. Mumazana ose emakore akatungamirira kuNguva Yedu, varume vakadai saSocrates, Plato, naAristotle vakatanga uzivi hwakavaita kuti vakurumbire. Dzidziso dzavo dzakapesvedzera vanhu kwazvo, uye pfungwa dzakadaro dzichiri kuwanikwa mutsika dzokuMadokero.

Socrates (470-399 B.C.E.) akati mufaro unogara narini hauwanwi nokutsvaka zvinhu zvokunyama kana kuti kuwana mafaro enyama. Akati mufaro wechokwadi unobva muupenyu hwakatsaurirwa mukutsvaka kunaka. Socrates akafunga kuti kunaka ndicho chinhu chakanakisisa. Kuti asvike vavariro iyi, akaramba zvinhu zvokunyama zvinofadza nemamwe mabasa asina kufanira nokuti aifunga kuti zvaizomuvhiringidza. Akasarudza kuva nomwero uye kuzvinyima, achirarama upenyu husingashamisiri, husingadhuri.

Socrates akatanga imwe dzidziso yaizivikanwa sedzidziso yaSocrates. Vanhu vakawanda vanofunga pavaibudisa imwe pfungwa nokupa zvinoitsigira, Socrates aiita zvakasiyana. Aiteerera dzidziso dzevamwe vazivi otsvaka kuti angabudisa pachena sei zvikanganiso zvepfungwa dzavo. Muitiro uyu wakaita kuti pave nepfungwa yokutsoropodza uye yokusaremekedza vamwe.

Pavateveri vaSocrates paiva nomuzivi ainzi Antisthenes (akararama munenge muna 445-365 B.C.E.). Iye nevamwe vanoverengeka vakaita kuti dzidziso huru yaSocrates ienderere mberi nokutaura kuti kunaka ndicho chinhu chete chakanaka. Kwavari kutsvaka mafaro kwakanga kusingavhiringidzi chete asi kwaiva rumwe rudzi rwouipi. Vachinyanyisa kusashamwaridzana nevamwe, vakarega kuremekedza vanhu kwazvo. Vakasvika pakuzivikanwa seVatsoropodzi. Zita rokuti Mutsoropodzi ringave rakatorwa pashoko rechiGiriki rokuti (ky·ni·kosʹ) rairondedzera tsika dzavo dzakashata uye dzokuzvikudza. Rinoreva kuti “akafanana nembwa.” *

Mugumisiro Pamararamire Avo

Kunyange zvazvo dzidziso dzouzivi hweVatsoropodzi dzakadai sokushora kuda zvinhu zvokunyama uye kuzvigutsa kusingadzorwi dzingave dzakaonwa pachadzo sedzakanaka, Vatsoropodzi vakakoshesa pfungwa dzavo kupfuura mwero. Izvi zvinooneka muupenyu hwoMutsoropodzi anozivikanwa kupfuura vose—muzivi Diogenes.

Diogenes akazvarwa muna 412 B.C.E. muSinope, guta raiva paGungwa Dema. Akatamira kuAthens nababa vake, kwaakawana dzidziso dzeVatsoropodzi. Diogenes akadzidziswa naAntisthenes ndokupindwa nouzivi hwoMutsoropodzi. Socrates, airarama upenyu husingashamisiri, uye Antisthenes hwokusazvifadza. Zvisinei, Diogenes, airarama upenyu hwokuzviomesera mutsika. Kuti asimbise kuramba kwake zvinhu zvokunyama zvakanaka, zvinonzi Diogenes aigara nguva pfupi mubhavhu rokugezera!

Achitsvaka chakanakisisa, zvinonzi Diogenes akafamba neAthens yose zuva rakacheka nyika nerambi rakabaka achitsvaka munhu akanaka chaizvo! Unhu hwakadaro hwakabata pfungwa dzevanhu uye hwakava nzira iyo Diogenes nevamwe Vatsoropodzi vakadzidzisa nayo. Zvinonzi Alexander Mukuru akambobvunza Diogenes chinhu chaaida kupfuura zvose. Diogenes anonzi akati aingoda kuti Alexander asuduruke kuti asavhariridze chiedza chezuva!

Diogenes nevamwe Vatsoropodzi vairarama sevapemhi. Vakanga vasina nguva yokusonganirana navanhu zvinoitwa nevamwe, uye vairamba mabasa ehurumende. Zvichida vapesvedzerwa nenzira yaSocrates yokudzidzisa, vakarega kuremekedza vamwe kwazvo. Diogenes akazivikanwa nokutsvinya kwake kwairwadza. Vatsoropodzi vakasvika pakuzivikanwa sev“akafanana nembwa,” asi Diogenes pachake akapiwa zita remadunhurirwa rokuti Imbwa. Akafa munenge muna 320 B.C.E. ava nemakore anenge 90. Dombo remabhura romucherechedzo rinoratidzika sembwa rakadzikwa paguva rake.

Humwe uzivi hwoMutsoropodzi hwakagamuchirwa mune zvimwe zvikoro. Zvisinei, nokufamba kwenguva, unhu ihwohwo husina kujairika hwaDiogenes uye hwevakazomutevera hwakaita kuti chikoro cheVatsoropodzi chive nomukurumbira wakaipa. Pakupedzisira, chakabva changoti tsakata.

Vatsoropodzi Vemazuva Ano—Unofanira Kuratidza Unhu Hwavo Here?

The Oxford English Dictionary rinorondedzera mutsoropodzi wemazuva ano so“munhu anofunga zvokungotuka kana kutsvaka zvikanganiso. . . . Munhu anoratidza pfungwa yokusatenda vavariro kana kuti zviito zvomunhu zvomwoyo wose kana kuti zvakanaka, uye ane muitiro wokuratidza izvi nokunyomba uye kutsvinya; mutsvaki wezvikanganiso anonyomba.” Unhu uhwu huri kuratidzwa munyika yakatipoteredza, asi ichokwadi kuti hahuenderani nounhu hwechiKristu. Funga dzidziso nenheyo dzeBhaibheri dzinotevera.

“Jehovha ane tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. Haangarambi [“achitsvaka zvikanganiso,” NW]; uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.” (Pisarema 103:8, 9) VaKristu vanoudzwa kuti “[vave] vatevedzeri vaMwari.” (VaEfeso 5:1) Kana Mwari Wemasimba Ose achisarudza kuratidza tsitsi uye mutsa une rudo wakakura pane ‘kufunga zvokungotuka kana kutsvaka zvikanganiso,’ chokwadi vaKristu vanofanira kuedza kuita saizvozvowo.

Jesu Kristu, mufananidzo waJehovha chaiwo, ‘akatisiyira muenzaniso kuti tinyatsotevera tsoka dzake.’ (1 Petro 2:21; VaHebheru 1:3) Dzimwe nguva, Jesu akafumura dzidziso dzenhema dzechitendero ndokuzivisa mabasa enyika akaipa. (Johani 7:7) Asi, akataura zvinhu zvakanaka nezvevanhu. Somuenzaniso, nezvaNatanaeri akati: “Onai, muIsraeri zvechokwadi, maari hamuna kunyengera.” (Johani 1:47) Jesu paaiita chishamiso, dzimwe nguva aitaura nezvokutenda kweanenge achibatsirwa wacho. (Mateu 9:22) Uye vamwe pavakafunga kuti chipo chokuonga chomumwe mukadzi kwaiva kupambadza, Jesu haana kutsoropodza vavariro dzake asi akati: “Kwose kuchaparidzwa mashoko aya akanaka munyika yose, zvaitwa nomukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.” (Mateu 26:6-13) Jesu akanga ari shamwari inovimbika nomusonganiri ane rudo kuvateveri vake, ‘achivada kusvika kumugumo.’—Johani 13:1.

Sezvo Jesu akanga akakwana, angadai akawanira vanhu vasina kukwana zvikanganiso nyore nyore. Zvisinei, pane kuti aratidze pfungwa yokusatenda uye yokutsvaka zvikanganiso, akatsvaka kuzorodza vanhu.—Mateu 11:29, 30.

[Rudo] runotenda zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) Mashoko iwayo akasiyana zvakananga nepfungwa yomutsoropodzi, asina chokwadi nevavariro uye zviito zvevamwe. Zvechokwadi, nyika yakazara nevanhu vane vavariro dzisina kunaka; saka kuchenjerera kunodiwa. (Zvirevo 14:15) Kunyange zvakadaro, rudo rwakagadzirira kutenda nokuti rwunovimba, kwete kunyumwira kusina kufanira.

Mwari anoda uye anovimba nevashumiri vake. Anoziva zviri nani zvavasingagoni kutopfuura zvavanoita. Zvisinei, Jehovha haambonyumwiri vanhu vake, uye haatarisiri kuti vaite zvakawanda kupfuura zvavanogona. (Pisarema 103:13, 14) Uyezve, Mwari anotarisa zvakanaka muvanhu, uye nokuvimba, anopa ropafadzo uye chiremera kuvashumiri vake vakavimbika, kunyange zvazvo vasina kukwana.—1 Madzimambo 14:13; Pisarema 82:6.

“Ini Jehovha, ndinonzvera mwoyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.” (Jeremia 17:10) Jehovha anogona kunzvera mwoyo womunhu zvakarurama. Isu hatigoni. Saka, tinoda kungwarira kufungira vavariro dzevamwe.

Kubvumira pfungwa yokutsoropodza kuti idzike midzi matiri yopedzisira yava kudzora mafungiro edu kungangoita kuti tipesane nevatinotenda navo. Kungavhiringidza rugare rweungano yechiKristu. Saka ngatitevedzere muenzaniso waJesu, aiva wepachokwadi asi achibata zvakanaka nevadzidzi vake. Akava shamwari yavo yavaivimba.—Johani 15:11-15.

“Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo nenzira yakafanana.” (Ruka 6:31) Pane nzira dzakawanda dzokushandisa zano raJesu Kristu iri. Somuenzaniso, tose zvedu tinoda kuti vanhu vataure nesu nomutsa noruremekedzo. Saka, ndezvechokwadi kuti tinofanira kutaura navamwe nomutsa nenzira yokuremekedza. Kunyange Jesu paakafumura nesimba dzidziso dzenhema dzevatungamiriri vechitendero, haana kuita izvi nenzira yokutsoropodza.—Mateu 23:13-36.

Nzira Dzokukunda Kutsoropodza

Kana takasangana nezvinoodza mwoyo, zvingava nyore kuti tipesvedzerwe nokutsoropodza. Tinogona kukunda muitiro uyu nokuziva kuti Jehovha anobata vanhu vake vasina kukwana nechivimbo. Izvi zvingatibatsira kugamuchira vamwe vanamati vaMwari sezvavari—vanhu vasina kukwana vari kuedza kuita chakanaka.

Zviitiko zvinorwadza zvingaita kuti vamwe vasavimbe vanhu. Chokwadi, hakusi kuchenjera kuvimba zvachose nevanhu vasina kukwana. (Pisarema 146:3, 4) Zvisinei, muungano yechiKristu, vakawanda vanoda kukurudzira nomwoyo wose. Imbofunga zviuru zvinenge vanaamai, vanababa, hanzvadzisikana, hanzvadzikomana, uye vana kune vaya vakarasikirwa nemhuri dzavo. (Mako 10:30) Funga kuti vangani vakava seshamwari dzechokwadi munguva yenhamo. *Zvirevo 18:24.

Hakusi kutsoropodza kunozivisa vateveri vaJesu asi kudanana sehama, nokuti iye akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Saka ngatiratidze rudo, uye ngatitarise unhu hwakanaka hwevaKristu vatinotenda navo. Kuita saizvozvo kuchatibatsira kudzivisa unhu hwoMutsoropodzi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Zvingadarowo kuti zita rokuti Mutsoropodzi rinobva pashoko rokuti Ky·noʹsar·ges, nzvimbo yokusimbisira muviri iri muAthens uko Antisthenes aidzidzisa.

^ ndima 27 Ona nyaya inoti “Ungano yechiKristu—Inopa Yamuro Inosimbisa” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 1999.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Mutsoropodzi anozivikanwa kupfuura vose, Diogenes

[Kwazvakatorwa]

Kubva mubhuku rinonzi Great Men and Famous Women