Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubva Pakugadzira Zvombo Kusvika Pakuponesa Upenyu

Kubva Pakugadzira Zvombo Kusvika Pakuponesa Upenyu

Nyaya Youpenyu

Kubva Pakugadzira Zvombo Kusvika Pakuponesa Upenyu

YAKATAURWA NAISIDOROS ISMAILIDIS

Ndakanga ndakapfugama sezvo misodzi yaierera ichidzika napamatama angu. “Haiwa, Mwari, hana yangu inondiudza kuti handingapfuuriri kushanda mukugadzira zvombo,” ndakadaro mumunyengetero. “Ndaedza zvakaoma kuti ndiwane rimwe basa, asi handina kukwanisa kuriwana. Mangwana, ndichaendesa tsamba yangu yokurega basa. Ndapota, Jehovha, musaita kuti vana vedu vana vafe nenzara.” Ndakasvika sei pakadai?

UPENYU hwakanga hune rugare uye hwakanaka muDrama, kumusoro kweGreece, kwandakaberekerwa mugore ra1932. Baba vangu vaigara vachitaura kwandiri nezvezvavaida kuti ndizoita. Vakandikurudzira kuenda kuUnited States kuti ndinodzidza. Pashure pokunge Greece yaparadzwa panguva yeHondo Yenyika II, kutaura kwaizivikanwa zvikuru pakati pavaGiriki kwaiva kwokuti: “Mungaba zvinhu zvedu, asi hamungabi zviri mupfungwa dzedu.” Ndakanga ndakatsunga kuwana dzidzo yapamusoro uye kuwana chimwe chinhu chakanga chisingagoni kubiwa naani zvake.

Kubva pazera duku, ndakasonganirana nezvikwata zvevaduku zvakasiyana zvaitsigirwa neChechi yeGreek Orthodox. Ikoko takaudzwa kudzivisa tumapoka twechitendero tune ngozi. Ndinonyatsorangarira boka rimwe—Zvapupu zvaJehovha—zvichidudzwa, sezvo zvaifungidzirwa kuti zvinomirira anorwisana naKristu.

Pashure pokupedza kudzidza pachikoro chounyanzvi muAthens muna 1953, ndakaenda kuGermany kuti ndione kana ndaizowana basa uye ndichiendawo kuchikoro. Asi hazvina kubudirira, saka ndakaenda kune dzimwe nyika. Pashure pevhiki shoma, ndakazviwana ndisina kana mari zvayo pachiteshi chengarava muBelgium. Ndinoyeuka ndichipinda muchechi, ndichigara pasi, uye ndichichema zvakaoma zvokuti pakava nemisodzi pasi pamberi pangu. Ndakanyengetera kuti kana Mwari akandibatsira kusvika kuUnited States, handizotsvaki zvinhu zvokunyama asi ndaizowana dzidzo uye kuedza kuva muKristu akanaka uye mugari womunyika akanaka. Pakupedzisira muna 1957, ndakasvika ikoko.

Upenyu Hutsva muUnited States

Upenyu muUnited States hwakanga hwakaoma kumunhu akatamirako akanga asingazivi mutauro uye akanga asina mari. Ndaishanda mabasa maviri usiku uye ndaiparapatika kuenda kuchikoro masikati. Ndakapinda mumakoreji anoverengeka uye ndakawana dhigirii. Ipapo ndakaenda kuYunivhesiti yeCalifornia paLos Angeles uye ndakawana dhigirii resayenzi remakore mana mune zveapplied physics. Mashoko ababa vangu pamusoro pokuwana dzidzo akaita kuti ndipfuurire mumakore aya akaoma.

Panguva iyoyo, ndakasangana nomusikana akanaka wechiGreek, Ekaterini, uye takaroorana muna 1964. Mwana wedu wedangwe akaberekwa makore matatu gare gare, uye muasingasviki makore mana takava navamwe vanakomana vaviri uye mwanasikana. Zvakanga zvakaoma chaizvo kutarisira mhuri uyewo ndichidzidza payunivhesiti.

Ndakanga ndichishandira U.S. Air Force pakambani yezvombo zvinokandwa uye zvomuchadenga muSunnyvale, California. Ndaiita zvinhu zvakasiyana-siyana zvezvirongwa zvomuchadenga, kusanganisira mapurogiramu eAgena neApollo. Ndakatowana menduru dzokutsigira zvirongwa zveApollo 8 neApollo 11. Pashure paizvozvo, ndakapfuurira kudzidza kwangu, ndaishingaira kwazvo muzvirongwa zvomuchadenga zvechiuto. Panguva iyi, ndakafunga kuti ndakange ndave nezvose zvandaida—mudzimai akanaka, vana vana vakanaka zvikuru, basa rapamusoro, uye imba yakanaka kwazvo.

Murume Anotsungirira

Mukutanga kwa1967, ndiri kubasa, ndakasangana naJim, murume aizvininipisa zvikuru uye aiva nomutsa. Jim aiita seainyemwerera nguva dzose, uye aisamboramba kukokwa kumbozorora, tichinwa kofi pamwe chete. Aishandisa mikana iyi kundiudza mashoko anobva muBhaibheri. Jim akandiudza kuti akanga achidzidza neZvapupu zvaJehovha.

Ndakashamisika kunzwa kuti Jim akanga ane chokuita neiri boka rechitendero. Zvaigona kuitika sei kuti munhu akanaka kudai awire muriva rekapoka kechitendero kanorwisana naKristu? Zvisinei, handaigona kudzivisa kundifarira kwaiita Jim uye mutsa wake. Zvairatidzika sokuti zuva nezuva iye aiva nechimwe chinhu chakasiyana chokuti ndiverenge. Somuenzaniso, rimwe zuva akauya kuhofisi yangu akati: “Isidoros, nyaya iyi iri muNharireyomurindi inotaura nezvokusimbisa upenyu hwemhuri. Enda nayo kumba, uye iverenge nomudzimai wako.” Ndakamuudza kuti ndaizoverenga magazini yacho, asi gare gare ndakaenda kuchimbudzi uye ndakabvarura magazini yacho kuita zvidimbu zviduku ndokuikandira mubhini remarara.

Kwemakore matatu, ndaiparadza mabhuku nemagazini ose andaipiwa naJim. Ndaifungira Zvapupu zvaJehovha zvakaipa, asi ndichiedza kuita kuti Jim arambe ari shamwari yangu, ndaifunga kuti zvakanaka kuteerera zvaaitaura uye ipapo ndozvibvisa mupfungwa nokukurumidza.

Zvisinei, kubva mukukurukurirana uku, ndakaona kuti zvinhu zvizhinji zvandaitenda nokuita zvakanga zvisingabvi muBhaibheri. Ndakaziva kuti dzidziso youtatu, hero yemoto, uye kusafa kwomweya dzakanga dzisingabvi muMagwaro. (Muparidzi 9:10; Ezekieri 18:4; Johani 20:17) SomuGreek Orthodox anodada, ndakanga ndisingadi kubvuma pachena kuti Jim akanga akarurama. Asi sezvo aigaroshandisa Bhaibheri uye asingambopi pfungwa dzake, ndakapedzisira ndaona kuti murume uyu aiva namashoko anokosha anobva muBhaibheri nokuda kwangu.

Mudzimai wangu akazviziva kuti chimwe chinhu chakanga chichiitika, uye akabvunza kana ndakanga ndataura neshamwari yangu yaisonganirana neZvapupu zvaJehovha. Pandakapindura kuti hungu, akati: “Ngatiendei kune imwe chechi ipi neipi zvayo asi kwete Zvapupu zvaJehovha.” Zvisinei, munguva pfupi, mudzimai wangu neni, pamwe chete nevana vedu, takanga tava kupinda misangano yeZvapupu nguva dzose.

Chisarudzo Chakaoma

Sezvandaidzidza Bhaibheri, ndakaona mashoko aya omuprofita Isaya: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza; namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:4) Ndakazvibvunza kuti, ‘Mushumiri waMwari anoda rugare angashanda seiko munoumbwa nokugadzirwa zvombo zvinoparadza?’ (Pisarema 46:9) Hazvina kunditorera nguva yakareba kuti ndigumise kuti ndaifanira kuchinja basa rangu.

Nenzira inonzwisisika, izvi zvakanga zvakaoma. Ndaiva nebasa repamusoro. Ndakanga ndaparapatika nomumakore okushanda kwakaoma, kudzidza, uye kurega zvimwe zvinhu kuti ndisvike pakadai. Ndakanga ndakwira manera akawanda, uye zvino ndakanga ndatarisana nokurega basa rangu. Zvisinei, kuda kwangu Jehovha kwakadzama uye chishuvo changu chokuita kuda kwake chakakunda pakupedzisira.—Mateu 7:21.

Ndakasarudza kushandira Kambani yaiva muSeattle, Washington. Zvisinei, ndakatoodzwa mwoyo, nokuti ndakakurumidza kuona kuti ndakanga ndichitobatanidzwa nebasa rakanga risingaenderani naIsaya 2:4. Kuedza kwangu kushanda ndichiita zvirongwa zvakasiyana kwakakundikana, uye hana yangu yakandinetsazve. Ndakaona zvakajeka kuti ndaisagona kuchengeta basa rangu uyewo ndokuramba ndiine hana yakachena.—1 Petro 3:21.

Zvakava pachena kuti taizofanira kuchinja zvikuru. Muisingasviki mwedzi mitanhatu, takachinja mararamire uye takaderedza mari yemhuri yataishandisa nehafu. Takatengesa imba yedu youmbozha ndokutenga imwe duku muDenver, Colorado. Ndakanga ndagadzirira zvino nokuda kwechiito chokupedzisira—kurega basa rangu. Ndakataipa tsamba yangu yokurega, ndichitsanangura zvaindiudza hana yangu. Usiku ihwohwo, vana vaenda kunorara, ndakapfugama nomudzimai wangu ndokunyengetera kuna Jehovha, sezvarondedzerwa pakutanga kwenyaya ino.

Munguva isingasviki mwedzi, takatamira kuDenver, uye vhiki mbiri gare gare, muna July 1975, mudzimai wangu neni takabhabhatidzwa. Kwemwedzi mitanhatu handina kuwana basa, uye zvishoma nezvishoma takange tichitopedza mari yatakanga tachengeta. Mumwedzi wechinomwe, mari yakanga yasara muakaundi yedu yakanga yava pasi pemari yaidikanwa kubhadhara imba. Ndakatanga kutsvaka chero basa ripi zvaro randaigona kuwana, asi nokukurumidza pashure paizvozvo ndakawana basa rouinjiniya. Mari yandaitambira yakanga ichingova hafu yeyandaimbowana; kunyange zvakadaro, yakanga yakawanda kupfuura zvandakanga ndakumbira Jehovha. Ndakafara sei kuti ndakanga ndaisa zvinodiwa zvomudzimu pakutanga!—Mateu 6:33.

Kurera Vana Vedu Kuti Vade Jehovha

Munguva iyi Ekaterini neni takanga takabatikana nebasa rakaoma rokurera vana vedu vana maererano nenheyo dzaMwari. Zvinofadza kuti takaona vose, nokubatsira kwaJehovha, vachiva vaKristu vakakura, vachipa upenyu hwavo kubasa rinokosha rokuparidza Umambo. Vanakomana vedu vatatu, Christos, Lakes, naGregory vose vakapedza kudzidza paChikoro Chokurovedza Vashumiri uye zvino vanoshanda mumigove yakasiyana-siyana, vachishanyira nokusimbisa ungano. Toula, mwanasikana wedu, anoshanda somuzvipiri padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muNew York. Mwoyo yedu yakafara sezvatakavaona vachirega mabasa anovimbisa nemabasa anobhadhara zvikuru kuti vashumire Jehovha.

Vakawanda vakabvunza zvinodiwa pakurera vana kunobudirira kwakadaro. Chokwadika, hapana nzira chaiyo yakarongwa yokurera vana, asi takaedza nokushingaira kuroverera kuda Jehovha nomuvakidzani mumwoyo yavo. (Dheuteronomio 6:6, 7; Mateu 22:37-39) Vana vakadzidza kuti hatigoni kutaurira Jehovha kuti tinomuda kutoti zvatinoita zvichiratidza kuti tinodaro.

Zuva rimwe pavhiki, kazhinji Mugovera, taishanda muushumiri semhuri. Taidzidza Bhaibheri nguva dzose semhuri manheru emisi yoMuvhuro tapedza kudya, uye taidzidzawo Bhaibheri nemwana mumwe nomumwe. Vana pavaiva vaduku, taidzidza nemwana mumwe nomumwe kwenguva pfupi nguva dzinoverengeka pavhiki, uye sezvavaikura, kudzidza kwedu kwaiti rebei kamwe chete pavhiki. Pataiita zvidzidzo izvi, vana vedu vaitaura nokukurukura nesu zvaivanetsa vakasununguka.

Tainakidzwawo nokutandara kunovaka semhuri. Taifarira kuridza zviridzwa zvemimhanzi tiri pamwe chete, uye mwana mumwe nomumwe aida kuridza nziyo dzaaifarira. Kumwe kupera kwevhiki, taikoka dzimwe mhuri nokuda kwesonganiro inovaka. Taiitawo nzendo dzezororo semhuri. Pane rumwe rwendo rwakadaro, takapedza mavhiki maviri tichiongorora makomo eColorado uye tichishanda neungano dzomunharaunda iyoyo mubasa romumunda. Vana vedu vanoyeuka nomufaro vachishanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana pakokorodzano dzoruwa uye kubatsira kuvakwa kweHoro dzoUmambo munzvimbo dzakasiyana-siyana. Patakaenda nevana kuGreece kuti vaone hama dzavo, vakasanganawo neZvapupu zvakawanda zvakatendeka zvaiva mujeri nemhaka yokutenda kwazvo. Izvi zvakaisa mavari pfungwa dzakadzama, zvichivabatsira kuti varambe vakatendeka uye vakashinga nokuda kwechokwadi.

Chokwadi, dzimwe nguva vamwe vevana vaiita misikanzwa kana kuti vaisarudza zvakaipa panhau yesonganiro. Pane dzimwe nguva, taivatangira zvinetso, zvimwe nokuva vanonyanyoomesa mune dzimwe nhau. Asi kushandisa “kutungamirira ndangariro kwaJehovha,” sezvinowanikwa muBhaibheri, kwakabatsira kururamisa zvinhu nokuda kwedu tose.—VaEfeso 6:4; 2 Timoti 3:16, 17.

Nguva Yandakafarisisa Youpenyu Hwangu

Vana vedu vatanga ushumiri hwenguva yakazara, Ekaterini neni takatanga kufunga zvakakomba nezvezvataigona kuita kuwedzera kugoverana kwedu muiri basa rinoponesa upenyu. Saka, muna 1994, ndarega basa, tose takatanga kushanda samapiyona enguva dzose. Ushumiri hwedu hunosanganisira kushanyira makoreji namayunivhesiti omunharaunda, kwatinoparidza kuvadzidzi nokuita zvidzidzo zveBhaibheri nevamwe vavo. Nokuti ndinogona kuvanzwira urombo pazvinetso zvavo—sezvo ndaimbovawo akadaro makore mashoma apfuura—ndakava anobudirira kwazvo mukuvabatsira kudzidza nezvaJehovha. Mufaro wakadini kudzidza nevadzidzi vanobva kuBolivia, Brazil, Chile, China, Egypt, Ethiopia, Mexico, Thailand, uye Turkey! Ndinofarirawo kupupurira norunhare, zvikurukuru kuvanhu vanotaura rurimi rwangu rwaamai.

Kunyange zvazvo ndisingakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yemataurire angu echiGreek nokuchembera, ndave ndichiedza kuzviita anowanikwa uye kuva nemafungire aIsaya, akadanidzira kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isaya 6:8) Tave tine mufaro wokubatsira vanhu vanodarika vatanhatu kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Iyi chaizvoizvo ndiyo nguva yatakafarisisa.

Pane imwe nguva upenyu hwangu hwose hwaimbova pakugadzira zvombo zvinoparadza zvokuuraya vamwe vanhu. Zvisinei, Jehovha, nomutsa wake une rudo usina kufanirwa, akavhurira nzira ini nemhuri yangu kuti tive vashumiri vake vakazvitsaurira uye kuti tipe upenyu hwedu kukuunzira vanhu mashoko akanaka oupenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Pandinofunga nezvezvisarudzo zvakaoma zvandaifanira kuita, mashoko aMaraki 3:10 anouya mupfungwa, anoti: “Mundiidze naizvozvi zvino—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo—muone kana ndisingakuzaru[ri]riyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashayiwa pokuisa.” Zvechokwadi akaita kudaro—kusvika pataida!

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

Lakes: Baba vangu vaivenga unyengeri. Vaiedza nepavaigona kuti vasava munyengeri, zvikurukuru mukupa muenzaniso wakanaka kumhuri yavo. Vaigarotitaurira kuti: “Kana ukatsaurira upenyu hwako kuna Jehovha, izvozvo zvinoreva chimwe chinhu. Unofanira kunge uchida kurega zvimwe zvinhu nokuda kwaJehovha. Ndizvo zvose zvinorehwa nokuva muKristu.” Mashoko aya akaramba aineni uye akandibatsira kutevedzera muenzaniso wavo mukurega zvimwe zvinhu nokuda kwaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

Christos: Ndakaonga zvikuru kuvimbika kwemwoyo wose kwevabereki vangu kuna Jehovha uye kuzvipira kwavo kwakasimba kumitoro yavo sevabereki. Semhuri, taiita zvinhu zvose pamwe chete—kubva kubasa redu kusvika kumazororo edu. Kunyange zvazvo vaigona kudai vakabatanidzwa mune zvimwe zvinhu zvakawanda, vabereki vangu vakachengeta upenyu hwavo huri nyore uye huri paushumiri. Nhasi, ndinoziva kuti ndinofara zvechokwadi pandinenge ndakanyura mubasa raJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

Gregory: Zvinopfuura mashoko ekurudziro avabereki vangu kuti ndiwedzere ushumiri hwangu, muenzaniso wavo uye kuoneka kwomufaro wavo mubasa raJehovha kwakandiita kuti ndiongororezve mamiriro angu ezvinhu, ndirege kufunganya nokunetseka pamusoro pokutanga basa renguva yakazara, uye kuzvishandisa zvakazara mubasa raJehovha. Ndinoonga vabereki vangu nokundibatsira kuwana mufaro unouya nokuzvishandisa kwangu.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

Toula: Vabereki vangu vaiwanzosimbisa kuti ukama hwedu naJehovha ndihwo chinhu chinokosha zvikuru chatingava nacho uye kuti kupa Jehovha zvakanakisisa zvedu ndiyo nzira bedzi yatingava nayo vanofara zvechokwadi. Vakaita kuti Jehovha ave chaiye kwatiri. Baba vangu vaigarotitaurira kuti pane kunzwa kusingarondedzereki nezvokunorara manheru une hana yakachena, uchiziva kuti waedza nepaunogona kuita kuti Jehovha afare.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Pandaiva musoja kuGreece, 1951

[Mufananidzo uri papeji 25]

NaEkaterini muna 1966

[Mufananidzo uri papeji 26]

Mhuri yangu muna 1996: (kuruboshwe kuenda kurudyi kumashure) Gregory, Christos, Toula; (kumberi) Lakes, Ekaterini, neni