Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuremekedza Vane Simba—Nei Kuchikosha?

Kuremekedza Vane Simba—Nei Kuchikosha?

Kuremekedza Vane Simba—Nei Kuchikosha?

PANE asingaongi here kuti mapurisa ane simba rokusunga matsotsi anoba zvinhu zvedu kana kutyisidzira mhuri dzedu? Uye hationgi here kuti matare ane simba rokuranga matsotsi kuitira kuti adzivirire vanhu vomunharaunda?

Tingafungawo nezvemamwe mabasa anobatsira anoitirwa vanhu, akadai sokugadzira migwagwa, utsanana, uye dzidzo—anowanzobhadharwa nemitero inotemwa nevane simba vehurumende. VaKristu vechokwadi ndivo vari pamberi pakubvuma kuti kuremekedza vane simba vakagadzwa kunokosha. Asi kuremedza ikoko kunoitwa kusvikira papi? Uye kuremekedza vane simba kunodiwa papi muupenyu?

Vane Simba Munharaunda

Bhaibheri rinoudza vanhu vose, vangava vatendi kana vasiri vatendi, kuti varemekedze vanhu vehurumende vane simba, vanoshandira zvinonakira vanhu vomunharaunda. Muapostora wechiKristu Pauro akanyorera vaaitenda navo vaiva muRoma pamusoro peizvi, uye zvinobatsira kufunga zvaanotaura, zvakanyorwa pana VaRoma 13:1-7.

Pauro aiva mugari womuRoma, uye Roma ndiyo yaiva simba renyika panguva iyoyo. Tsamba yaPauro, yakanyorwa munenge mugore ra56 C.E., yakapa vaKristu zano rokuti vave vagari vomunyika vane muenzaniso wakanaka. Akanyora kuti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevane simba zvikuru, nokuti hapana simba risina kubvumirwa naMwari; vane simba vose varipo vakaiswa munzvimbo yavo ine mwero naMwari.”

Pauro pano ari kutsanangura kuti paisazova nesimba ripi neripi ravanhu kudai Mwari asina kuribvumira. Mupfungwa iyoyo vane simba zvikuru vane nzvimbo yavo ine mwero mugadziriro yechinangwa chaMwari. Saka zvinobva zvareva kuti “uyo anodzivisa simba anorwisana nezvakarongwa naMwari.”

Nepo vanhu vanoita zvakanaka vangarumbidzwa navane simba zvikuru, vane simba ivava vakapiwawo mvumo yokuranga vanokanganisa. Vanoita zvakaipa vane chikonzero chikuru chokutya kodzero yavane simba yokushanda so“mutsivi,” sezvo hurumende dzichiita kudaro so“mushumiri waMwari.”

Pauro anogumisa zvaanotaura nokuti: “Naizvozvo kune chikonzero chinogombedzera chokuti muzviise pasi, kwete bedzi nemhaka yehasha idzodzo asiwo nemhaka yehana yenyu. Nokuti ndokusaka muri kuterawo mutero; nokuti vashandi vaMwari vevanhu vose nguva dzose vachishandira izvozvi.”

Mutoro wokushandiswa kwemitero ndowe vane simba zvikuru, kwete anobhadhara mutero. Somugari wemo akatendeka, muKristu anoramba ane hana yakanaka. Anoziva kuti nokuzviisa pasi pavane simba zvikuru nokubhadhara mitero yakafanira, haasi kungoteerera mutemo womunharaunda yaanogara asi ari kuraramawo maererano nezvinodiwa naMwari.

Mhuri Navane Simba

Zvakadini navane simba vari mumhuri? Mumazuva okutanga oupenyu hwake, mwana angakumbira kutarisirwa achiita zvokuchema kana kuti kuridza mhere. Asi mubereki akachenjera achanzwisisa zvinonyatsodiwa nomwana orega kuita nehasha. Vamwe vana, sezvavanokura, vanopiwa rusununguko uye vanobvumirwa kuita zvavanoda. Nemhaka yokusava noruzivo, vangabatanidzwa mukupara mhaka kana kuti zvimwe zvikanganiso, vachivhiringidza mhuri navanhu vose zvavo vomunharaunda, sezvinonyatsozivikanwa navane simba vakawanda vomunharaunda.

“Vabereki vanononoka kuranga vana,” anodaro Rosalind Miles, munyori webhuku rinonzi Children We Deserve. “Nguva yokutanga ndeiya inozvarwa mwana.” Kana vabereki vakangotanga nokutaura nenzwi resimba rine mutsa, rinoratidza kuitira hanya uye vasingachinji-chinji maitiro avo, vana vavo vachakurumidza kudzidza kugamuchira simba iroro nechirango chorudo chinobva mariri.

Bhaibheri rine mashoko akawanda pamusoro pavane simba mumhuri. Mubhuku raZvirevo, murume akachenjera Soromoni anotaura nezvokubatana kwavabereki vanotya Mwari pamberi pevana vavo, achiti: “Mwanakonama wangu, inzwa kurayirira kwababa vako; usarasha kudzidzisa kwamai vako. (Zvirevo 1:8) Vabereki pavanoramba vakabatana zvakanaka kudaro pamberi pevana vavo, vana vacho vanoziva nzvimbo yavo. Vangaedza kurwisanisa vabereki vachiedza kuita zvavanoda ivo, asi simba ravabereki vakabatana rinodzivirira vana.

Bhaibheri rinotsanangura kuti murume ndiye ane mutoro mukuru wokugara zvakanaka mumudzimu kwete kwevana vake chete asiwo kwomudzimai wake. Izvi zvinorondedzerwa kuti kuva musoro. Kuva musoro uku kunoratidzwa sei? Pauro anotaura kuti sezvowo Kristu ari Musoro weungano saka murume musoro womudzimai wake. Ipapo Pauro anowedzera kuti: “Varume, rambai muchida vakadzi venyu, sezvo Kristu akadawo ungano [mudzimai wake womudzimu] akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:23-25) Murume paanotevedzera muenzaniso waJesu oratidza kuva kwake musoro norudo, acha‘remekedzwa zvikuru’ nomudzimai wake. (VaEfeso 5:33) Vana vari mumhuri yakadaro vachaonawo kukosha kwesimba rakapiwa naMwari vokurudzirwa kurigamuchira.—VaEfeso 6:1-3.

Vabereki vari voga, kusanganisira vaya vakafirwa nomumwe wavo, vangabata sei nenhau iyi? Vangava vari baba kana amai, vangakumbira zvakananga simba raJehovha Mwari naJesu Kristu. Nguva dzose Jesu aitaura nesimba—raBaba vake neraMagwaro akafuridzirwa.—Mateu 4:1-10; 7:29; Johani 5:19, 30; 8:28.

Bhaibheri rinopa nheyo dzinokosha dzakawanda dzine chokuita namatambudziko anotarisana navana. Nokuwana pane nheyo idzi nokudzitevedzera, mubereki achakwanisa kugovera zano rorudo uye rinobatsira vana. (Genesi 6:22; Zvirevo 13:20; Mateu 6:33; 1 VaKorinde 15:33; VaFiripi 4:8, 9) Vabereki vangashandisawo zvinyorwa zveBhaibheri zvakanyanya kugadzirirwa kuvabatsira kurovedza vana vavo kuti vaone kubatsira kwokuremekedza simba raMagwaro. *

Ungano yechiKristu Navane Simba

“Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera; muteererei.” (Mateu 17:5) Mashoko aya, akataurwa naJehovha Mwari pachake, akasimbisa kuti Jesu ndiye anotaura nesimba raMwari. Zvaakataura zvakanyorwa munhoroondo ina dzeEvhangeri dzatinogona kurava patinodira.

Ava kuda kukwira kudenga, Jesu akataurira vadzidzi vake kuti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepasi pano.” (Mateu 28:18) Zvaari Musoro weungano yake, Jesu haana kungotarisa vateveri vake vakazodzwa vanotevera tsoka dzake vari pasi pano asi, kubvira pakudururwa kwomudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E., akavashandisawo senzira yokutumira nayo chokwadi, so“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47; Mabasa 2:1-36) Chii chaakaita kuti aite zvose izvi kuitira kuti asimbise ungano yechiKristu? “Paakakwira kumusoro . . . , akapa zvipo zviri varume.” (VaEfeso 4:8) “Zvipo zviri varume” izvi vakuru vechiKristu, vanogadzwa nomudzimu mutsvene uye vanopiwa simba rokutarisira zvinodiwa zvomumudzimu zvevavanotenda navo.—Mabasa 20:28.

Nokuda kwechikonzero ichi Pauro anopa zano rokuti: “Yeukai vari kukutungamirirai, vakakutaurirai shoko raMwari, uye sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavo unoguma sei tevedzerai kutenda kwavo.” Sezvo varume ava vakatendeka vachinyatsotevera tsoka dzaJesu, kuchenjera chaizvo kutevedzera kutenda kwavo. Ipapo Pauro anowedzera kuti: “Teererai avo vari kukutungamirirai, muzviise pasi, [“muchiramba muchiziva simba ravainaro pamuri,” The Amplified Bible] nokuti vari kurinda mweya yenyu saavo vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvozvi zvaizova zvinokukuvadzai.”—VaHebheru 13:7, 17.

Chii chinoitika kana nhungamiro yakadaro ikasateererwa? Dzimwe nhengo dzeungano yechiKristu yapakuvamba dzakaita izvozvo chaizvo uye dzakaramba kutenda. Himeniyo naFiretusi vanodudzwa kuti vaiva savarume vakaparadza kutenda kwavamwe uye kutaura kwavo kusina maturo ‘kwakashatisa zvinhu zvitsvene.’ Chimwe chezvavainyanyosimbisa ndechokuti kumuka kwakanga kwatoitika, zviri pachena kuti zvimwe kwomudzimu kana kuti kwokufananidzira, uye naizvozvo kwakanga kusisina kumwe kumuka kwaizoitika muUmambo hwaMwari.—2 Timoti 2:16-18.

Vaiva nesimba vakagadzwa vakapindira. Vakuru vechiKristu vakakwanisa kuratidza kutaura ikoko kuva kwenhema nokuti zvavaiva vamiririri vaJesu Kristu, vakashandisa simba raMagwaro. (2 Timoti 3:16, 17) Izvozvo ndizvo zviri kuitikawo muungano yechiKristu nhasi, inotsanangurwa se“mbiru nechitsigiso chechokwadi.” (1 Timoti 3:15) Kudzidzisa kwenhema hakuzombobvumirwi kushatisa “muenzaniso wemashoko anopa utano,” atakachengeterwa senhaka yakanaka kwazvo mumapeji eBhaibheri.—2 Timoti 1:13, 14.

Nepo kuremekedza vane simba kuri kukurumidza kupera munyika, zvatiri vaKristu tinoziva kuti vanhu vakafanira vane simba munharaunda, mumhuri, uye muungano yechiKristu vakagadzwa kuti tibatsirwe. Kuremekedza vane simba kwakanakira kuti tive noutano hwakanaka mumuviri, mupfungwa, uye mumudzimu. Nokubvuma uye kuremekedza vane simba rakapiwa naMwari vakadaro, tichadzivirirwa navane simba vakuru kupfuura vose—Jehovha Mwari naJesu Kristu—kuti zvitinakire nokusingaperi.—Pisarema 119:165; VaHebheru 12:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Ona mabhuku anonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda uye Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, ose akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Bhaibheri rine mashoko akawanda pamusoro pavane simba mumhuri

[Mufananidzo uri papeji 6]

Vabereki vari voga vangakumbira zvakananga simba raJehovha Mwari naJesu Kristu

[Mifananidzo iri papeji 7]

VaKristu vanoziva kuti vanhu vakafanira vane simba mumhuri, muungano yechiKristu, uye munharaunda vakagadzwa kuti vabatsirwe

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Mufananidzo naJosh Mathes, Collection of the Supreme Court of the United States