Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuremekedza Vane Simba—Nei Kuchishayikwa?

Kuremekedza Vane Simba—Nei Kuchishayikwa?

Kuremekedza Vane Simba—Nei Kuchishayikwa?

“Kuramba kuteerera vane simba vakagadzwa, vechitendero nevenyika, vamagariro avanhu nevezvamatongerwo enyika, sechiitiko chomunyika yose rimwe zuva kungazonzi chinhu chakakurumbira chomumakore gumi adarika.”

KWAPFUURA makore akawanda kubva kuma1960, makore gumi anotaurwa nezvawo pano nomunyori wenhau uye muzivi Hannah Arendt. Nhasi, kuchinja-chinja kwokusaremekedza vane simba kuri kuramba kuchiwedzera kudarika zvakwakanga kwakamboita.

Somuenzaniso, imwe nyaya yomunguva ichangobva kupfuura yaiva muThe Times yokuLondon inoti: “Vamwe vabereki vanoramba kubvuma simba rine mudzidzisi pamwana wavo uye vanonyunyuta apo mwana wavo anoedza kurangwa.” Vana vavo pavanorangwa kuchikoro, kakawanda vabereki vanoenda ikoko kwete kunovhundutsira vadzidzisi vacho chete asi kunovarova.

Mumwe mutauriri weNational Association of Head Teachers muBritain anonzi akati: “Vanhu vari kuti ‘Ndine kodzero,’ pane kuti ‘Ndine mitoro.’” Kunze kwokutadza kuita kuti vana vavo varemekedze zvakanaka vane simba, vamwe vabereki havaruramisi vana vavo—uye vanoramba kuti vamwe vadaro. Vana vanozviti vane “kodzero” dzavo vanobvumirwa kusateerera simba ravabereki navadzidzisi, uye mugumisiro wacho unogona kufungidzirwa—“chizvarwa chitsva chisingaremekedzi vane simba uye chisingazivi zvakarurama nezvisina kururama,” anonyora kudaro munyori wechikamu chomupepanhau Margarette Driscoll.

Munyaya yayo yaiti “Chizvarwa Chakarasika” magazini inonzi Time yakataura zvakananga nezvokuvhiringidzika kwevechiduku vakawanda vomuRussia nokutaurazve mashoko omuimbi wemimhanzi yerap akakurumbira uyo akati: “Munhu upi noupi anozvarirwa munyika ino, musina chinhu chinogara kwenguva yakareba uye musina chinhu chakarurama, angavimba sei navanhu?” Nyanzvi yezvokugarisana kwavanhu Mikhail Topalov akatsigira pfungwa iyi: “Pwere idzi hadzisi mapenzi. Dzakaona vabereki vadzo vachinyengedzwa nehurumende, dzakavaona vachirasikirwa nemari yavo uye namabasa avo. Tingatarisira kuti dziremekedze vane simba here?”

Zvisinei, kungava kukanganisa kutaura kuti kusavimba navane simba kunongoitwa nevezera rechiduku chete. Nhasi, vanhu vamazera ose havavimbi navane simba vose, uye vanotovazvidza. Izvi zvinoreva here kuti hapana vane simba vanogona kuvimbwa navo? Kana rikashandiswa zvakanaka, simba, rinorondedzerwa se“simba kana kuti kodzero yokudzora, kutonga, kana kuti kurambidza zvinoitwa navamwe,” rinogona kuva simba rokuita zvakanaka. Rinogona kubatsira munhu mumwe zvose nenzanga. Nyaya inotevera ichataura kuti izvi zvakadaro sei.