Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvikudza Kunotungamirira Kukunyadziswa

Kuzvikudza Kunotungamirira Kukunyadziswa

Kuzvikudza Kunotungamirira Kukunyadziswa

“Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; asi uchenjeri huri kune vanozvininipisa.”—ZVIREVO 11:2.

1, 2. Kuzvikudza kudii, uye kwakatungamirira kumatambudziko munzira dzipi?

MUREVHI ane shanje anotungamirira mhomho inopandukira kurwisa zviremera zvaJehovha zvakagadzwa. Muchinda anoda chinzvimbo anoruka zano rokunyengera kuti abvute chigaro choumambo chababa vake. Mambo asingashiviriri anozvidza mirayiridzo yakajeka yomuprofita waMwari. VaIsraeri vatatu ava vane unhu hwakafanana: kuzvikudza.

2 Kuzvikudza muitiro womwoyo unotyisidzira vose zvakanyanya. (Pisarema 19:13) Munhu anozvikudza anoshinga kuita zvinhu zvakapfurikidza asina mvumo yokuita kudaro. Kazhinji, izvi zvinotungamirira kudambudziko. Chokwadi, kuzvikudza kwakaparadza madzimambo uye kwakariga umambo hwakawanda. (Jeremia 50:29, 31, 32; Dhanieri 5:20) Kwakatoisa vamwe vashumiri vaJehovha pamusungo ndokuvatungamirira kukuparadzwa kwavo.

3. Tingadzidza sei nezvengozi dzokuzvikudza?

3 Nokuda kwechikonzero chakanaka Bhaibheri rinoti: “Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; asi uchenjeri huri kune vanozvininipisa.” (Zvirevo 11:2) Bhaibheri rinotipa mienzaniso inosimbisa kuti chirevo ichi ndechechokwadi. Kuongorora mimwe yayo kuchatibatsira kuona ngozi dzokudarika miganhu yakafanira. Nokudaro, ngationei kuti shanje, kuda chinzvimbo, uye kusashivirira zvakakonzera sei varume vatatu vadudzwa pakutanga kuita nenzira yokuzvikudza, zvichitungamirira kukunyadziswa kwavo.

Kora—Mupanduki Aiva Neshanje

4. (a) Kora akanga ari ani, uye pasina mubvunzo zviitiko zvipi zvenhau zvaaibatanidzwa? (b) Mumakore ake akazotevera, chiitoi chinozivikanwa icho Kora akakurudzira?

4 Kora aiva muRevhi wekwaKohati, muzukuru wokutanga waMosesi naAroni. Sezviri pachena, akanga akavimbika kuna Jehovha kwemakumi emakore. Kora aiva neropafadzo yokuva pakati pevaya vakanunurwa zvinoshamisa vachipfuura nomuGungwa Dzvuku, uye zvichida akagovana mukutonga kwakaita Jehovha vaIsraeri vainamata mhuru paGomo reSinai. (Eksodho 32:26) Zvisinei, Kora akazova mutungamiriri mukumukira Mosesi naAroni kwaibatanidza Dhatani, Abhirami, naOni, vokwaRubheni pamwe namachinda eIsraeri 250. * “Zvaringana,” vakadaro kuna Mosesi naAroni, “nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha uri pakati pavo; imi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?”—Numeri 16:1-3.

5, 6. (a) Nei Kora akapandukira Mosesi naAroni? (b) Nei zvinganzi zvimwe Kora akaona nzvimbo yake pachake seisingakoshi mugadziriro yaMwari?

5 Pashure pemakore akawanda okutendeka, nei Kora akapandukira? Chokwadi kutungamirira vaIsraeri kwaMosesi kwakanga kusiri kwokudzvinyirira, nokuti akanga ari “munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Asi, zvinoita sokuti Kora akaitira Mosesi naAroni shanje uye akatsamwira mukurumbira wavo, uye izvi zvakamutungamirira kutaura—nenzira isina kururama—kuti vakazvisimudzira pamadiro uye nenzira youdyire kupfuura ungano.—Pisarema 106:16.

6 Chimwe chechinetso chaKora zvimwe chaiva chokuti akanga asingayemuri ropafadzo dzake pachake mugadziriro yaMwari. Chokwadi, vaRevhi vokwaKohati vakanga vasiri vapristi, asi vakanga vari vadzidzisi voMutemo waMwari. Vaitakurawo fanicha nemidziyo zvetebhenekeri pazvaifanira kutakurwa. Iroro rakanga riri basa raikosha, nokuti midziyo mitsvene yaingobatwa chete navanhu vakanga vakachena mune zvechitendero uye mutsika. (Isaya 52:11) Nokudaro, Mosesi paakanangana naKora, chaizvoizvo, aibvunza kuti, Unoona mugove wako sechimwe chinhu chisingakoshi zvakanyanya zvokuti unofanirawo kuva mupristi here? (Numeri 16:9, 10) Kora akakundikana kuziva kuti chinhu chinokosha zvikuru kushumira Jehovha nokutendeka maererano negadziriro yake—kwete kuwana mamiriro ezvinhu anokosha kana kuti chinzvimbo.—Pisarema 84:10.

7. (a) Mosesi akaitei naKora navarume vake? (b) Kupandukira kwaKora kwakagumiswa sei zvakashata?

7 Mosesi akakoka Kora navarume vake, achivarayira kuungana mangwanani aitevera patende rokusongana nehariyana nezvinonhuwira. Kora navarume vake vakanga vasingabvumirwe kupa zvinonhuwira, nokuti vakanga vasiri vapristi. Kana vaiuya nehariyana nezvinonhuwira, izvi zvaizonyatsoratidza kuti varume ava vakanga vachiri kufunga kuti vane kodzero yokushanda savapristi—kunyange pashure pokunge vave nousiku hwose hwokufungazve nezvenhau yacho. Pavakauya mangwanani akatevera, Jehovha akaratidza hasha dzake zvakarurama. Kana vari vaRubheni, “nyika [ya]kashamisa muromo wayo, ikavamedza.” Vamwe vose, kusanganisira Kora, vakamedzwa nomoto wakabva kuna Mwari. (Dheuteronomio 11:6; Numeri 16:16-35; 26:10) Kuzvikudza kwaKora kwakatungamirira kukunyadziswa kukuru—kusatenderwa naMwari!

Dzivisa “Kuita Shanje”

8. “Kuita shanje” kungazviratidza sei muvaKristu?

8 Nhoroondo yaKora inyevero kwatiri. Sezvo “kuita shanje” kuripo muvanhu vasina kukwana, kungazviratidza kunyange muungano yechiKristu. (Jakobho 4:5) Somuenzaniso, tingava tichida chinzvimbo chaizvo. Kunge Kora, tingaitira shanje vaya vane ropafadzo dzatinoda. Kana kuti tingaita somuKristu womuzana rokutanga remakore ainzi Dhiyotirefesi. Aitsoropodza kwazvo simba revaapostora, sezviri pachena nokuti aida kuva iye anotarisira. Zvechokwadi, Johani akanyora kuti Dhiyotirefesi “anoda kuva nenzvimbo yokutanga.”—3 Johani 9.

9. (a) Tinofanira kudzivisa maonero api pamusoro pemitoro yomuungano? (b) Maoneroi akarurama enzvimbo yedu mugadziriro yaMwari?

9 Chokwadi, hazvina kuipa kuti murume wechiKristu asvasvavirire mitoro yeungano. Pauro akatokurudzira kuita kudaro. (1 Timoti 3:1) Zvisinei, hatimbofaniri kuona ropafadzo dzebasa senyembe dzokubudirira, sokunge kuti nokudziwana, takwira danho rimwe pane anonzi manera okufambira mberi. Yeuka, Jesu akati: “Munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu, uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.” (Mateu 20:26, 27) Zvakajeka kuti, zvaizova zvakaipa kuitira shanje vaya vane mitoro mikuru, sezvinonzi kukosha kwedu kuna Mwari kunotsamira pa“chinzvimbo” chedu musangano rake. Jesu akati: “Imi mose muri hama.” (Mateu 23:8) Hungu, angava muparidzi kana kuti piyona, achangobhabhatidzwa kana kuti akatendeseka kwenguva yakareba—vose vanoshumira Jehovha nomwoyo wose vane nzvimbo inokosha mugadziriro yake. (Ruka 10:27; 12:6, 7; VaGaratiya 3:28; VaHebheru 6:10) Zvechokwadi chikomborero kushanda pamwe chete namamiriyoni ari kuedza kushandisa zano reBhaibheri rokuti: “Zvisungei nepfungwa dzinozvidukupisa kune mumwe nomumwe.”—1 Petro 5:5.

Absaromi—Mharadzi Yaida Chinzvimbo

10. Absaromi akanga ari ani, uye akaedza sei kuita tsvete kuti afarirwe nevaya vaiuya kuna mambo kuzotongerwa mhosva?

10 Upenyu hwomwanakomana wechitatu waMambo Dhavhidhi, Absaromi, hunopa chidzidzo mukuda chinzvimbo. Iyi mharadzi inoruka mazano yakaedza kuita tsvete kuti ifarirwe nevaya vaiuya kuna mambo kuzotongerwa mhosva. Chokutanga akaunza pfungwa dzokuti Dhavhidhi akanga asina hanya nezvinodiwa zvavo. Ipapo akarega kuita zvounyengeri ndokuratidza zvaaida chaizvoizvo. “Dai ini ndichiitwa mutongi panyika,” Absaromi akadetemba, “kuti ani naani anenge ane mhaka kana shoko auye kwandiri, ini ndimururamisire.” Mazano amanomano aAbsaromi aiva asina muganhu. “Kana ani naani akaswedera kuzopfugama pamberi pake,” rinodaro Bhaibheri, “iye aitambanudza ruoko rwake, achimubata, achimusveta. Zvino Absaromi aiita nomutoo uyu navaIsraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo.” Zvichizoguma nei? “Absaromi akanyengera mwoyo yavanhu vaIsraeri kuti imude.”—2 Samueri 15:1-6.

11. Absaromi akaedza sei kubvuta chigaro choumambo chaDhavhidhi?

11 Absaromi akanga akatsunga kubvuta umambo hwababa vake. Makore mashanu izvi zvisati zvaitika, akanga aita kuti mwanakomana mukuru waDhavhidhi, Amnoni, apondwe, sezvinooneka achitsiva kubatwa chibharo kwakaitwa Tamari hanzvadzi yaAbsaromi. (2 Samueri 13:28, 29) Zvisinei, kunyange panguva iyoyo Absaromi angadaro akanga achifunga kuwana chigaro choumambo, achiona kupondwa kwaAmnoni senzira iri nyore yokubvisa aizomukwikwidza. * Chero zvakaitika, nguva payakanga yasvika, Absaromi akaita zvaaida. Akaita kuti umambo hwake huziviswe munyika yose.—2 Samueri 15:10.

12. Tsanangura kuti kuzvikudza kwaAbsaromi kwakatungamirira sei kukunyadziswa.

12 Kwenguva yakati, Absaromi akabudirira, nokuti “kurangana uku k[wa]kava nesimba, nokuti vanhu vakaramba vachiwanda kuna Absaromi.” Nokufamba kwenguva, Mambo Dhavhidhi akamanikidzwa kutiza nokuda kwoupenyu hwake. (2 Samueri 15:12-17) Kunyange zvakadaro, munguva pfupi yakatevera, chinangwa chaAbsaromi chakadimbudzirwa panzira paakaurayiwa naJoabhi, akakandirwa mugomba, akavharwa namatombo. Fungidzira—murume uyu aida chinzvimbo chokuva mambo haana kunyange kuvigwa zvakanaka paakafa! * Zvechokwadi kuzvikudza kwakatungamirira kukunyadziswa kwaAbsaromi.—2 Samueri 18:9-17.

Dzivisa Kuda Chinzvimbo Kwoudyire

13. Kuda chinzvimbo kungadzika midzi sei mumwoyo womuKristu?

13 Kuva nesimba kwaAbsaromi nokuwa kwake kwakazotevera kunoshanda sechidzidzo kwatiri. Munyika yanhasi youtsinye, zvakajairika kuti vanhu vabate kumeso vakuru vavo, vachiedza kuita kuti vafarirwe navo kungoti vavafadze kana kuti zvichida kuti vawane ropafadzo yorudzi rwakati kana kuti kukwidziridzwa. Panguva imwe cheteyo, vangataura mashoko okuganza kune vari pasi pavo, vachitarisira kufarirwa uye kutsigirwa navo. Kana tikasangwarira, kuda chinzvimbo kwakadaro kunogona kudzika midzi mumwoyo medu. Sezviri pachena, izvi zvakaitika pakati pavamwe muzana remakore rokutanga, zvichiita kuti zvikodzere kuti vaapostora vanyevere zvakasimba nezvevakadaro.—VaGaratiya 4:17; 3 Johani 9, 10.

14. Nei tichifanira kudzivisa mudzimu wokuda chinzvimbo, wokuzvikwidziridza?

14 Jehovha haadi varuki vemazano vanozvikwidziridza vanoedza ku“tsvaka mbiri yavo pachavo” musangano rake. (Zvirevo 25:27, NW) Zvechokwadi, Bhaibheri rinonyevera kuti: “Jehovha uchagura miromo yose inobata kumeso, norurimi runotaura zvinhu zvikuru.” (Pisarema 12:3) Absaromi aiva nemiromo inobata kumeso. Aitaura zvinhu zvokuzvidza kune vaya vaaida kuti vamufarire—achiita zvose kuti awane nzvimbo yaaichiva yokuva nesimba. Kusiyana neizvi, takakomborerwa zvakadini kuva pakati poukama hunotevera zano raPauro rokuti: “[Musaita] chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa [fungai] kuti vamwe vakuru kwamuri.”—VaFiripi 2:3.

Sauro—Mambo Asingashiviriri

15. Pane imwe nguva Sauro akazviratidza sei kuti aizvininipisa?

15 Pane imwe nguva Sauro, uyo akazova mambo weIsraeri, aizvininipisa. Somuenzaniso, funga zvakaitika mumakore ake ouduku. Muprofita waMwari Samueri paakataura zvakanaka nezvake, Sauro akapindura nokuzvininipisa kuti: “Ko handisi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsraeri here? Uye mhuri yangu haisi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?”—1 Samueri 9:21.

16. Sauro akaratidza maitiro okusashivirira munzirai?

16 Zvisinei, kuzvininipisa kwaSauro kwakanyangarika gare gare. Paairwa navaFiristia, akatizira kuGirgari, kwaaitarisirwa kuti amirire Samueri kuti auye kuzoteterera kuna Mwari nezvipiriso. Samueri paasina kuuya panguva yakatarwa, nokuzvikudza Sauro akapisira chipiriso chinopiswa pachake. Achingoti pedzei, Samueri akabva asvika. “Waiteiko?” Samueri akabvunza. Sauro akapindura kuti: “Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa . . . Naizvozvo ndakazvigombedzera ndikapisira chipiriso chinopiswa, ndisingadi hangu.”—1 Samueri 13:8-12.

17. (a) Pakufunga nezvazvo kokutanga, nei zviito zvaSauro zvingaratidzika sezvakarurama? (b) Nei Jehovha akatsiura Sauro nokuda kwechiito chake chokusashivirira?

17 Pakufunga nezvazvo kokutanga, zvakaitwa naSauro zvingaratidzika sezvakarurama. Asika, vanhu vaMwari vakanga “vava panjodzi,” “vomanikidzwa,” uye vave kubvunda nemhaka yokugumirwa kwavo. (1 Samueri 13:6, 7) Zvechokwadi, hazvina kuipa kutanga kuita chiito apo mamiriro ezvinhu anenge achida kuti udaro. * Zvisinei, yeuka kuti Jehovha anogona kuziva zviri pamwoyo ndokuona vavariro dzedu dzomukati-kati. (1 Samueri 16:7) Nokudaro, anofanira kunge akaona zvimwe zvinhu pamusoro paSauro zvisina kunyorwa zvakananga munhoroondo yeBhaibheri. Somuenzaniso, Jehovha angadaro akaona kuti kusashivirira kwaSauro kwaikuchidzirwa nokudada. Zvichida Sauro akashatiriswa kuti iye—mambo weIsraeri yose—aifanira kumirira mumwe munhu waaiona somuprofita achembera, anononoka! Chero zvakaitika, Sauro akafunga kuti kunonoka kwaSamueri kwakamupa kodzero yokuita zvinhu iye pachake uye kuti arege kuteerera mirayiridzo yakajeka yaakanga apiwa. Zvakaguma nei? Samueri haana kurumbidza zvakanga zvaitwa naSauro. Kusiyana neizvi, akatsiura Sauro, achiti: “Ushe hwako hahungagari . . . nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warayirwa naJehovha.” (1 Samueri 13:13, 14) Zvakare, kuzvikudza kwakatungamirira kukunyadziswa.

Chenjerera Kusashivirira

18, 19. (a) Tsanangura kuti kusashivirira kungakonzera sei mushumiri waMwari wamazuva ano kuti azvikudze. (b) Tinofanira kuyeukei nezvokushanda kweungano yechiKristu?

18 Nhoroondo yechiito chokuzvikudza kwaSauro yakanyorwa muShoko raMwari kuti isu tibatsirwe. (1 VaKorinde 10:11) Zviri nyore chaizvo kwatiri kuti tishatiriswe nokusakwana kwehama dzedu. Kufanana naSauro, tingatadza kushivirira, tichifunga kuti kana zvinhu zvichifanira kuitwa nenzira kwayo, tinofanira kuzviita isu pachedu. Somuenzaniso, ngatitii imwe hama ine unyanzvi hwokuronga hwakakura kwazvo. Inoita zvinhu nenguva, inofambirana nenguva mumaitirwe ezvinhu zveungano, uye ine chipo chokutaura nokudzidzisa. Panguva imwe cheteyo, inofunga kuti vamwe havasviki pamaitiro ayo akakwirira, uye havatomboedzeseri kuita zvakanaka sezvaingada. Izvi zvinoipa maruramiro okuti iratidze kusashivirira here? Inofanira kutsoropodza hama dzayo here, zvichida ichitaura kuti dai pasina kuedza kwayo hapana chaizoitwa uye ungano yaizofa? Uku kwaizova kuzvikudza!

19 Chaizvoizvo, chii chinobatanidza ungano yevaKristu pamwe chete? Unyanzvi hwokutungamirira? kufambisa basa zvakanaka? kana kukura kwezivo here? Chokwadi, zvinhu izvi zvakanakira kushanda zvakanaka kweungano. (1 VaKorinde 14:40; VaFiripi 3:16; 2 Petro 3:18) Zvisinei, Jesu akati vateveri vake vaizozivikanwa zvikurukuru norudo rwavo. (Johani 13:35) Ndicho chikonzero nei vakuru vane hanya, pavanenge vakarongeka, vachiziva kuti ungano haisi bhizimisi rinoda kutungamirirwa nemitemo isingachinji; asi, yakaumbwa neboka rinoda kutarisirwa nounyoro. (Isaya 32:1, 2; 40:11) Kusateerera nheyo dzakadaro kwokuzvikudza kazhinji kunoguma negakava. Kusiyana neizvi, kurongeka nenzira yaMwari kunoita kuti pave norugare.—1 VaKorinde 14:33; VaGaratiya 6:16.

20. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

20 Nhoroondo dzeBhaibheri dzaKora, Absaromi, naSauro dzinoratidza zvakajeka kuti kuzvikudza kunotungamirira kukunyadziswa, sezvakanyorwa pana Zvirevo 11:2. Zvisinei, ndima yeBhaibheri iyoyo inowedzera kuti: “Uchenjeri huri kune vanozvininipisa.” Kuzvininipisa kudii? Mienzaniso ipi yomuBhaibheri ingabatsira kujekesa unhu uhwu, uye nhasi tingaratidza sei kuzvininipisa? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Sezvo Rubheni aiva dangwe raJakobho, vaya vevazukuru vake vakatsauswa naKora kuti vapandukire vangave vakatsamwa kuti Mosesi—muzukuru waRevhi—aiva nesimba rokuvatonga.

^ ndima 11 Kireabhi, mwanakomana waDhavhidhi wechipiri, haadudzwi pashure pokuzvarwa kwake. Zvimwe akafa pane imwe nguva Absaromi asati atanga kumukira.

^ ndima 12 Munguva inotaurwa muBhaibheri kuviga mutumbi wemushakabvu chaiva chiito choukoshi hwakati kurei. Nokudaro, kusavigwa kwakanga kune ngozi uye kazhinji kwairatidza kushayiwa tendero yaMwari.—Jeremia 25:32, 33.

^ ndima 17 Somuenzaniso, Pinehasi akaita chiito chokukurumidza kuti amise denda rakauraya makumi ezviuru zvavaIsraeri, uye Dhavhidhi akakurudzira varume vake vakanga vafa nenzara kuti vabatane naye pakudya chingwa chokuratidza chaiva “mumba yaMwari.” Pakuita kwose ikoku hapana kwakatorwa naMwari semhosva yokuzvikudza.—Mateu 12:2-4; Numeri 25:7-9; 1 Samueri 21:1-6.

Unoyeuka Here?

• Kuzvikudza kudii?

• Shanje dzakakonzera sei Kora kuti azvikudze?

• Tinodzidzei munhoroondo yaAbsaromi aida chinzvimbo?

• Tingadzivisa sei kusashivirira kwakaratidzwa naSauro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Sauro akatadza kushivirira ndokuita nenzira yokuzvikudza