Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kuva Vanonzwisisa Pane Zvatinotarisira?

Nei Tichifanira Kuva Vanonzwisisa Pane Zvatinotarisira?

Nei Tichifanira Kuva Vanonzwisisa Pane Zvatinotarisira?

TARIRO dzinozadzika uye zvido zvinoitika sezvataida zvinotipa pfungwa yokugutsikana. Zvisinei, zvinobvumika kuti, zvakawanda zvezviroto zvedu netarisiro hazviitiki nenzira yatinoda. Zvinoodza mwoyo zvinoramba zvichiitika muupenyu zvinogona kutiita kuti tizvishatirirwe uye tishatirirwe vamwe. Murume akachenjera nenzira yakananga akati: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.”—Zvirevo 13:12.

Zvinhu zvipi zvingatungamirira kukunzwa kwokuora mwoyo? Tingashandira sei kuti tive vanonzwisisa muzvatinotarisira? Uyezve, nei kuita kudaro kuchitibatsira?

Tarisiro Nezvinoodza Mwoyo

Nokukurumidza kufamba kuri kuita upenyu nhasi, patinoedza zvakanyanya kufambirana nahwo, ndipo pazvinoita sokuti tasara mumashure zvikuru. Zvatinoda kuita panguva yedu nesimba zvingava zvakaoma, uye kana tikakundikana kuita zvatinenge taronga kuita, tinowanzozvipa mhosva. Tingatotanga kunzwa sokuti tiri kutoodza vamwe mwoyo. Cynthia, mudzimai uye amai anoziva kuoma kwokuva mubereki, anoti: “Kutadza kuramba ndichigadzirisa vana vangu uye kunzwa kuti handisi kuvarovedza zvakanaka kunoshatirisa.” Stephanie, achiri kuyaruka, achitaura nezvedzidzo yake anoti: “Handina nguva yakakwana yokuita zvose zvandinoda, uye izvozvo zvinotanga kunzwa kwokusashivirira mandiri.”

Tarisiro huru dzokusanzwisisa dzinoita kuti munhu anyanye kuda zvinhu zvakakwana chete, uye zvingakangaidza zvikuru. Ben, murume muduku akaroora, anobvuma kuti: “Pandinoongorora zviito zvangu, zvandinofunga, kana zvandinonzwa, ndinongoona kuti zvaigona sei kuva zviri nani. Ndinongoramba ndichitsvaka kukwana, uye zvinotungamirira kukusashivirira, kukangaidzika, uye kuora mwoyo.” Gail, mudzimai wechiKristu, anoti: “Kufunga kwokunyanya kuda zvakakwana hakubvumiri kukanganisa. Isu tinoda kuva vanaamai vemandorokwati uye vadzimai vemandorokwati. Tinofanira kubereka zvibereko kuti tive vanofara, saka kuedza kusina mubereko kunotishatirisa.”

Asi chimwe chinhu chingaita kuti munhu aore mwoyo kuderera kwoutano uye kuchembera. Kuderera kwokugwinya nesimba zvinoita kuti zvatisingagoni kuita uye kukangaidzika zviite sezvikuru. “Ndainzwa ndisingagoni kushivirira kana ndatadza kuita zvinhu zvaiva zviri nyore uye zvenguva dzose ndisati ndarwara,” anodaro Elizabeth.

Zvataurwa muenzaniso wezvingakonzera kunzwa kwokuora mwoyo. Kukasadzorwa, kunzwa kwakadaro kungatiita kuti tifunge kuti vamwe havatikoshesi. Saka, matanho api akananga atingatora kuti tibate nokuora mwoyo uye kushandira kuva netarisiro dzinonzwisisika?

Nzira Dzokushandira Kuva Netarisiro Dzinonzwisisika

Kutanga, rangarira kuti Jehovha anonzwisisa uye anoziva. Pisarema 103:14 inotiyeuchidza kuti: “Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” Achiziva zvatinogona kuita nezvatisingagoni, Jehovha anotitarisira kupa zvatinogona bedzi. Uye chinhu chimwe chaanokumbira kwatiri, kuti ti“fambe [ti]chizvininipisa pamberi paMwari [wedu].”—Mika 6:8.

Jehovha anotikurudzirawo kuti tinyengetere kwaari. (VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17) Zvisinei, izvozvo zvinotibatsira sei? Munyengetero unosimbisa uye unoita kuti kufunga kwedu kuve kwakanaka. Munyengetero womwoyo wose unoratidza kuti tinoda kubatsirwa—chiratidzo chokuva nomwero uye chokuzvininipisa. Jehovha anoda kupindura minyengetero yedu uye anoda kutipa mudzimu mutsvene wake, zvibereko zvawo zvinosanganisira rudo, mutsa, runako, uye kuzvidzora. (Ruka 11:13; VaGaratiya 5:22, 23) Munyengetero unobvisawo kufunganya nokukangaidzika. Nomunyengetero, “unowana nyaradzo isingawanikwi kupi kana kupi zvakwo,” anodaro Elizabeth. Kevin anotsigirawo achiti: “Ndinonyengeterera mwoyo wakagadzikana uye pfungwa yakajeka kuitira kuti ndibate nechinetso. Jehovha haambondiodzi mwoyo.” Muapostora Pauro aiziva kukosha kukuru kwomunyengetero. Ndosaka akakurudzira kuti “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Hungu, kukurukura naJehovha kunoshanda chaizvoizvo kutibatsira kushandira kunzwisisa pane zvatinozvitarisira uye zvatinotarisira vamwe.

Zvisinei, dzimwe nguva tinoda kurudziro yapakarepo. Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakanaka. Kutaura kushamwari yakavimbika uye yakura mupfungwa kungatibatsira kuva nokuona kutsva zviri kukonzera kuti tiore mwoyo kana kufunganya. (Zvirevo 15:23; 17:17; 27:9) Vechiduku vanotambura nokukangaidzika vanodzidza kuti kutsvaka zano ravabereki kunovabatsira kuwana pfungwa yakanaka. Kandi anobvuma nokuonga achiti: “Kutungamirira kworudo kwavabereki vangu kwakandiita anonzwisisa uye kuona zvinhu nenzira yakanaka uye kufarirwa nevamwe.” Hungu, chiyeuchidzo chiri pana Zvirevo 1:8, 9 chakakodzera nguva zvikuru chinoti: “Mwanakomana wangu inzwa kurayirira kwababa vako; usarasa kudzidzisa kwaamai vako. Nokuti zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako, nouketani pamutsipa wako.”

Migumisiro yokufunga kweanonyanya kuda zvakakwana inonyatsopfupikiswa muchirevo chinoti: “Kutarisira kuti upenyu huve sezvatinoda kukoka kukangaidzika.” Kudzivisa izvi, kuchinja mukufunga kunodiwa. Kuzvininipisa nokunzwisisa—kuva nomurangariro wechokwadi wepatinogumira—zvechokwadi kuchaita kuti tive netarisiro dzakanaka uye dzinonzwisisika. Zvakakodzera kuti VaRoma 12:3 inotinyevera kuti ti“sazvifunge zvikuru kupfuura zvakafanira kufunga.” Mukuwedzera, VaFiripi 2:3 inotikurudzira kuva nepfungwa dzinozvidukupisa uye kufunga vamwe kuti vanotipfuura.

Elizabeth, ambodudzwa, aisashivirira nemhaka yokurwara kwake. Nguva yaidikanwa kuti azive maonero anoita Jehovha zvinhu uye anyaradzwe nokuziva kuti haakanganwi basa redu. Colin haafambi somugumisiro wechirwere chinopedza simba. Kutanga, ainzwa sokuti ushumiri hwake hunenge hwakanga husingabatsiri chinhu achienzanisa nezvaaichimboita achine utano hwakanaka. Nokufungisisa magwaro akaita sa2 VaKorinde 8:12, akakurira kunzwa uku. Ndima iyi inoti: “Nokuti kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika zvikuru maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.” “Kunyange ndiine zvishoma zvokupa,” anodaro Colin, “ndichiri kugona kungopa, uye izvozvo zvinogamuchirwa naJehovha.” Pana VaHebheru 6:10, tinoyeuchidzwa kuti: “Nokuti Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”

Zvino, tingaziva sei kana tarisiro dzedu dzichinzwisisika? Zvibvunze kuti, ‘Zvandinotarisira zvinoenderana nezvinotarisirwa naMwari here?’ VaGaratiya 6:4 inoti “Asi munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu.” Yeuka kuti, Jesu akati: “Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” Hungu, savaKristu, tine joko rokutakura, asi “nderomutsa” uye “rakareruka,” uye Jesu akavimbisa kuti richava rinozorodza kana tikadzidza kuritakura zvakanaka.—Mateu 11:28-30

Tarisiro Dzinonzwisisika Dzinounza Mibayiro

Mibayiro yokukurumidza uye inogarisa inobva mukuteerera uye kushandisa zano reShoko raMwari sezvo tinoshandira kuva vanonzwisisa muzvatinotarisira. Kutanga, izvi zvine migumisiro yakanaka patiri mumuviri. Jennifer, uyo akabatsirwa nezviyeuchidzo zvaJehovha, anobvuma kuti: “Ndine simba rakawedzerwa uye ndinoda upenyu.” Zvakakodzera kuti, Zvirevo 4:21, 22 inotikurudzira kunyatsoteerera kutaura kwaJehovha nemaziso nomwoyo wedu, “nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana, noukukutu hwenyama yavo yose.”

Mumwe mubayiro kugadzikana kwepfungwa. “Pandinovhurira pfungwa dzangu nemwoyo kuShoko raMwari, ndinowana kuti ndinova munhu anogara achifara,” anodaro Theresa. Chokwadi, tichawana zvinoodza mwoyo muupenyu. Asi, tichagona kuzvikunda pasina chinetso. “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi,” panokurudzira kudaro pana Jakobho 4:8. Jehovha anovimbisawo kutisimbisa mukutarisana nezvinhu zvakaoma muupenyu uye kutikomborera norugare.—Pisarema 29:11.

Kuva netarisiro dzinonzwisisika kunoita kuti tirambe takasimba mumudzimu. Ichiwo chikomborero. Tinogona kuramba takatarisa zvakajeka pazvinhu zvinokosha muupenyu. (VaFiripi 1:10). Vavariro dzedu dzinova dzechokwadi zvino uye dzinogona kubudirira, izvo zvinounza mufaro mukuru uye kugutsikana. Tichava vanoda zvikuru kuzvipira kuna Jehovha, tichiziva kuti achaita kuti zvive zvakanakisisa kwatiri. “Naizvozvo, zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti akukudzei munguva yakafanira;” anodaro Petro. (1 Petro 5:6) Pangava nechimwe chinhu chingapa mubayiro kupfuura kukudzwa naJehovha here?

[Mifananidzo iri papeji 31]

Kushandira kuva vanonzwisisa pane zvatinotarisira kungatibatsira kubata nokukangaidzika uye zvinoodza mwoyo