Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Vasina Vana?

Nei Vasina Vana?

Nei Vasina Vana?

DELE naFola, * vaviri vakaroorana, vaigara uye vaishanda pahofisi yebazi yeWatch Tower Society muNigeria. Kwapera nguva pfupi vatanga kushanda ipapo, amai vaFola vakauya kuzoshanya. Vakanga vabva kure kuti vazokurukura nyaya yavaishushikana nayo zvikuru, yakanga yavashayisa hope kakawanda.

“Munondiitira zvinhu zvakanaka,” vakadaro kwavari. “Munotumira zvipo, uye munondishanyira. Kuratidza kwamunoita rudo ikoko kunokosha kwandiri. Asi kunonditambudzawo nokuti ndinonetseka nokuti ndiani achakuitiraiwo zvinhu zvakadaro kana masvika zera randiri? Mava nemakore maviri maroorana zvino, uye hamuna vana. Hamufungi kuti yava nguva yokuti mubve paBheteri moita vana here?”

Amai vaifunga kudai: Dele naFola vapedza nguva yakakwana paBheteri. Zvino yava nguva yokuti vatange kufunga nezveramangwana ravo. Chokwadi vamwewo vanhu vanogona kuita basa ravari kuita. Dele naFola havafaniri havo kurega ushumiri hwenguva yakazara, asi vanogona kuita rimwe basa, riya richavabvumira kuva navana vova nomufaro wokuva vabereki.

Chainetsa Amai

Chainetsa amai chainzwisisika. Chido chokubereka vana chiri muropa uye chakajairika mutsika dzose nenguva. Kubereka vana kunoita kuti unzwe uchifara uye une tariro. ‘Chibereko chechizvaro mubayiro,’ rinodaro Bhaibheri. Hungu, kukwanisa kubereka vana chipo chinokosha chinobva kune Musiki wedu ane rudo.—Pisarema 127:3.

Munzanga dzakawanda, vakaroorana vanomanikidzwa zvikuru netsika kuti vabereke vana. Somuenzaniso, muNigeria, uko vakadzi vakawanda vanobereka vana vatanhatu, zvakajairika pamuchato kunzwa vanoshuvira zvakanaka vachangobva kuchata vachiti: “Mwedzi mipfumbamwe kubva zvino tinotarisira kunzwa mwana achichema mumba menyu.” Vari kuchata vangagamuchira chipo chomuchato chekamubhedha kanorara mwana. Vanavamwene navanaambuya vanogara vachiverenga mazuva. Kana mwenga usina kubata pamuviri mugore rimwe kana kuti richangodarika, vanotsvaka kuti vaone kana pane dambudziko ripi neripi ravangabatsira kugadzirisa.

Kune vanaamai vakawanda chikonzero chokuroorana kwavaviri ndechokubereka vana ndokupfuudzira dzinza remhuri. Amai vaFola vakati kwaari: “Wakaroorerwei kana usiri kuzoita vana? Mumwe munhu akakubereka; unofanira kubereka vana vakowo.”

Kunze kwaizvozvo, kune nhau chaidzo dzokufunga nezvadzo. Munyika dzakawanda dzomuAfrica, mune gadziriro shoma dzehurumende dzokutarisira vakura. Maererano netsika, vana ndivo vanotarisira vabereki vavo vakwegura, sezvavaingotarisirwawo navabereki ivavo pavaiva vaduku. Saka amai vaFola vakafunga kuti kana vana vavo vakasava navana vavo pachavo, mumakore anouya vanova pangozi yokuva voga, vasingadiwi, uye vasina vanosara vachizopfuudzira zita ravo, vasina anozovaviga pavanofa.

Muchikamu chikuru cheAfrica, kusava navana kunonzi kutukwa. Mune dzimwe nharaunda, vakadzi vanototarisirwa kuti varatidze kuti vanokwanisa kubereka vana vasati varoorwa. Vakadzi vakawanda vasingakwanisi kubata pamuviri vanotamburira kutsvaka mishonga uye kurapwa kuti vaedze kuita kuti vakwanise kubereka.

Pamusana pamafungiro aya, vaviri vakaroorana vanorega kuva navana nokuzvidira vanonzi vari kuzvinyima chimwe chinhu chakanaka. Kakawanda vanoonekwa savanhu vakasiyana navamwe, vasingafungi remangwana, uye vanonzwisa urombo.

Mufaro Nomutoro

Vanhu vaJehovha vanoziva kuti nepo kurera vana kuchifadza, kunewo mutoro. Pana 1 Timoti 5:8, Bhaibheri rinoti: “Zvechokwadi kana munhu asingagoveri avo vari vokwake, zvikurukuru avo vari mitezo yeimba yake, aramba kutenda uye akaipa zvikuru kupfuura munhu asina kutenda.”

Vabereki vanofanira kugovera mhuri dzavo zvokunyama nezvokumudzimu, uye izvi zvinotora nguva nesimba zvakawanda. Havana pfungwa dzokuti sezvo Mwari achipa vana, zvinosiyirwa iye kuti avatarisire. Vanoziva kuti kurera vana maererano nenheyo dzeBhaibheri ibasa renguva yose rakapiwa vabereki naMwari; harifaniri kugoverwa kuvamwe.—Dheuteronomio 6:6, 7.

Basa rokurera vana rakanyanya kuoma muano “mazuva okupedzisira” e“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1-5) Kunze kwamamiriro ezvemari ari kuramba achiipa, kuwedzera kwokusada Mwari kwenzanga kunoita kuti kurera vana nhasi kunyanye kuoma. Kunyange zvakadaro, munyika yose, vaKristu vakaroorana vakawanda vakasarudza kuita vana uye vari kubudirira kurera vana vanoda Mwari “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Jehovha anoda uye anokomborera vabereki ava nemhaka yokushanda kwavo nesimba.

Chikonzero Nei Vamwe Vachiramba Vasina Vana

Ukuwo, vaKristu vakaroorana vakawanda havana vana. Vamwe havabereki asi havatsvaki vana vokurera. Vamwe vakaroorana vanokwanisa kubereka vana vanosarudza kurega. Vakaroorana vakadaro havarambi vasina vana nokuti vanonzvenga mutoro kana kuti vanotya kutarisana namabasa okuva vabereki. Asi, vakatsunga kupedza nguva yakawanda vachiita mabasa akasiyana-siyana oushumiri hwenguva yakazara zvisingagoneki kana uchirera vana. Vamwe vanoshumira semamishinari. Vamwe vanoshumira Jehovha mubasa rokufambira kana kuti paBheteri.

Kufanana navaKristu vose, vanoziva kuti kune basa rokukurumidzira rokuita. Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” Basa iri riri kuitwa nhasi. Ibasa rinokosha, sezvo “mugumo” uchareva kuparadzwa kune vaya vasina kuteerera mashoko akanaka.—Mateu 24:14; 2 VaTesaronika 1:7, 8.

Nguva yatiri yakafanana nenguva iyo Noa nemhuri yake vakavaka areka yakakura kwazvo yakavachengetedza pakaitikaMafashamo makuru. (Genesi 6:13-16; Mateu 24:37) Kunyange zvazvo vanakomana vaNoa vatatu vakanga vakaroora vose, hapana akabereka vana kusvikira Boporodzi rapera. Chimwe chikonzero chokudaro chingava chaiva chokuti vakaroorana ava vaida kupedzera nguva yavo nesimba zvakazara kubasa raivapo panguva iyoyo. Chimwe chingava chokuti vaisada kubereka vana munyika yakanga yakaipa uye yaiva nechisimba umo “kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru . . . nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.”—Genesi 6:5.

Nepo izvi zvisingarevi kuti zvakashata kuva navana nhasi, vaKristu vakaroorana vakawanda vanorega kuva navana kuitira kuti vabatanidzwe zvakazara zvikuru mubasa rokukurumidzira iro Jehovha akapa vanhu vake kuti vaite. Vamwe vakaroorana vakamira kwenguva yakati vasati vaita vana; vamwe vakasarudza kuramba vasina vana ndokufunga nezvokuti vangakwanisa kuzoita vana munyika itsva yaJehovha yakarurama. Uku kusafunga remangwana here? Vari kurasikirwa nomukana wakanaka woupenyu here? Vanofanira kunzwirwa urombo here?

Upenyu Hwakachengeteka uye Hunofadza

Dele naFola, vambodudzwa pamavambo, iye zvino vava namakore anopfuura gumi varoorana, uye vachakatsunga kuramba vasina vana. “Hama dzedu dzichiri kutimanikidzira kuva navana,” anodaro Dele. “Chavari kunyanya kunetsekera kuchengeteka kwedu kwomunguva yemberi. Nguva dzose tinoonga kuratidza hanya kwavo, asi tinotsanangura nounyanzvi kuti tiri kufara zvikuru nezvatiri kuita. Kana kuri kuchengeteka, tinotaura kuti tinovimba naJehovha, uyo ane hanya nokugara zvakanaka kwavose vanoramba vakatendeka uye vakavimbika kwaari. Tinotsanangurawo kuti kuva navana hakuvimbisi kuti vabereki vachatarisirwa navo pavanenge vakwegura. Vamwe vanhu vanotarisira vabereki vavo zvishoma, vamwe havakwanisi kubatsira, uyewo vamwe vanotangira vabereki vavo kufa. Nokune rimwe divi, nguva yedu yemberi ndeyechokwadi kuna Jehovha.”

Dele navamwe vakaita saiye vanonyatsovimba nechipikirwa chaJehovha kuvashumiri vake vakatendeka chokuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaHebheru 13:5) Vanotendawo kuti “ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa.”—Isaya 59:1.

Chimwe chikonzero chokuva nechivimbo chinobva pakucherechedza kuti Jehovha anotsigira sei vashumiri vake vakatendeka. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa.” Pafunge. Pane mushumiri waJehovha akatendeka waunoziva aka“siyiwa” here?—Pisarema 37:25.

Pane kutarira shure vachizvidemba, vaya vakashandisa upenyu hwavo vachishumira Jehovha navamwe vaKristu vanofunga nezvahwo vachigutsikana. Hama Iro Umah vave vari mubasa renguva yakazara kwamakore 45 uye zvino vari kushanda somutariri anofambira muNigeria. Vanoti: “Kunyange zvazvo ini nomudzimai wangu tisina vana, tinogara tichifunga kuti Jehovha ave achititarisira nguva dzose mumudzimu nomunyama. Hatina chatakashaya. Haazotisiyi sezvatiri kukwegura. Makore aya omubasa renguva yakazara ndiwo atave tichinyanya kufara muupenyu hwedu. Tinofara kuti tinogona kushumira hama dzedu, uye hama dzedu dzinoonga basa redu, uye dzinotibatsira.”

Nepo vakaroorana vakawanda vasina kuita vana chaivoivo, vakaita vana vorumwe rudzi: vadzidzi vechiKristu vanonamata Jehovha. Muapostora Johani akanga ava namakore 100 paakanyora kuti: “Handina chikonzero chikuru zvikuru chokuonga kupfuura zvinhu izvi, kuti ndive ndichinzwa kuti vana vangu vanopfuurira kufamba muchokwadi.” (3 Johani 4) Kutendeka kwe“vana” vaJohani—vaya vaakaratidza “chokwadi”—kwakamuita kuti afare.

Mufaro iwoyo wakawanda nhasi. Bernice, wokuNigeria, ave akaroorwa kwemakore 19 uye anoramba asina vana nokuzvidira. Kwamakore 14 apfuura, ave achishumira sapiyona. Sezvaanosvika pedyo nenguva apo zvinenge zvisingachakwanisiki kuti aite vana vake pachake, haazvidembi nokupa kwaakaita upenyu hwake kuti aite vadzidzi. Anoti: “Ndinonzwa kufara nokuona vana vangu vomudzimu vachikura. Kunyange kudai ndaiva navana vangu pachangu, handina chokwadi kuti vaizova pedyo neni kudarika vaya vandakabatsira kudzidza chokwadi. Vanonditora sokuti ndiri amai vavo vokubereka, vachikurukura neni kufara kwavanoita nezvinetso zvavanazvo uye nokundibvunza mazano. Vanonyora tsamba, uye tinoshanyirana.

“Vamwe vanoona kusava navana sokutukwa. Vanoti unozotambura kana wachembera. Asi handioni sokudaro. Ndinoziva kuti chero ndichishumira Jehovha nomwoyo wose, achandipa mubayiro uye achanditarisira. Haazombondirasi kana ndachembera.”

Kudiwa Nokukosheswa naMwari

Vaya vakabereka nokurera vana “vanopfuurira kufamba muchokwadi” vane zvakawanda zvokuonga. Ndosaka zvisingashamisi kuti Bhaibheri rinoti: “Baba vowakarurama vachafara kwazvo; uye wakabereka mwana wakachenjera, uchafadzwa naye. Baba vako naamai vako ngavafare, amai vakakubereka ngavafare kwazvo”!—Zvirevo 23:24, 25.

VaKristu vaya vasina kuwana mufaro wokubereka vana vakakomborerwa mune dzimwe nzira. Vakawanda vevakaroorana ivava vakaita basa rinokosha mukufambisira mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo munzira huru. Mumakore ose aya, vakawana ruzivo, uchenjeri, uye unyanzvi hunovaita kuti vakwanise kubatsira zvinokosha mubasa roUmambo. Vakawanda ndivo vari kutungamirira mubasa racho.

Kunyange zvazvo vakaramba vasina vana nokuda kwezvinhu zvoUmambo, Jehovha akavakomborera nemhuri yomudzimu ine rudo inoonga zvikuru kurega zvimwe zvinhu kwavakaita. Zvakaita sezvakataura Jesu kuti: “Hapana munhu akasiya [chaizvoizvo, “kurega”] imba kana vanun’una kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwemashoko akanaka asingazowani zvine zana zvino munguva ino, dzimba nevanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana neminda . . . uye mugadziriro yezvinhu inouya upenyu husingaperi.”—Mako 10:29, 30.

Vose vakatendeka vanokosha sei kuna Jehovha! Vose vakavimbika vakadaro, vane vana navasina, vanovimbiswa nomuapostora Pauro kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.”—VaHebheru 6:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vakaroorana vasina vana vakakomborerwa nemhuri yomudzimu ine rudo