Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Uchenjeri Huri Kune Vanozvininipisa”

“Uchenjeri Huri Kune Vanozvininipisa”

“Uchenjeri Huri Kune Vanozvininipisa”

“Chinotsvakwa naJehovha kwauri chiiko, asi kuti . . . ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”—MIKA 6:8.

1, 2. Kuzvininipisa kudii uye, kunosiyana sei nokuzvikudza?

MUAPOSTORA ane mukurumbira anoramba kuti mbiri iende kwaari. Mutongi wechiIsraeri akashinga anozviti muduku zvikuru muimba yababa vake. Munhu mukurusa ati amborarama anobvuma kuti haana simba risingagumi. Mumwe nomumwe wavarume ava anoratidza kuzvininipisa.

2 Kuzvininipisa kuita kwakapesana nokuzvikudza. Munhu anozvininipisa anoona mano nokukosha kwake nenzira isiri yokunyanyisa uye haazvitutumadzi kana kudada. Panzvimbo pokudada, kuganza, kana kuda chinzvimbo, munhu anozvininipisa anogara achiziva paanogumira. Nokudaro, anoremekedza uye anofunga zvakafanira nezvemanzwiro uye maonero evamwe.

3. Uchenjeri “huri kune vanozvininipisa” munzirai?

3 Nokuda kwechikonzero chakanaka Bhaibheri rinoti: “Uchenjeri huri kune vanozvininipisa.” (Zvirevo 11:2) Munhu anozvininipisa akachenjera nokuti anotevera nzira iyo Mwari anotendera, uye anodzivisa kuzvikudza kunoguma nokunyadziswa. (Zvirevo 8:13; 1 Petro 5:5) Uchenjeri hwokuzvininipisa hunosimbiswa nemararamiro evashumiri vaMwari vakawanda. Ngatimbotaurai nezvemienzaniso mitatu yataurwa mundima yokutanga.

Pauro—‘Anozviisa Pasi’ uye ‘Mutariri’

4. Pauro akanga ane ropafadzoi dzakasiyana nedzavamwe?

4 Pauro akanga ari munhu akakurumbira pakati pevaKristu vokutanga, uye zvinonzwisisika. Mukati moushumiri hwake, akafamba zviuru zvamakiromita mugungwa nepanyika, uye akatanga ungano dzakawanda. Kuwedzera kune izvi, Jehovha akakomborera Pauro nezviono uye chipo chokutaura nendimi dzokumwe. (1 VaKorinde 14:18; 2 VaKorinde 12:1-5) Akafuridzirawo Pauro kunyora tsamba 14 zvino dzave chikamu cheMagwaro echiKristu echiGiriki. Nenzira yakajeka, zvinogona kunzi kushanda kwaPauro kwakapfuura kwevamwe vaapostora vose.—1 VaKorinde 15:10.

5. Pauro akaratidza sei kuti aizviona nenzira yokuzvininipisa?

5 Sezvo Pauro akanga ari mberi mukuita mabasa echiKristu, vamwe vangave vaitarisira kumuona achifarira kuonekwa navanhu, kunyange kuratidzira simba rake. Zvisinei zvakanga zvisina kudaro, nokuti Pauro aizvininipisa. Akazvidana kuti “muduku pavaapostora vose,” achiwedzera kuti: “handina kukodzera kunzi muapostora, nokuti ndakatambudza ungano yaMwari.” (1 VaKorinde 15:9) Zvaaimbotambudza vaKristu, Pauro haana kumbokanganwa kuti aingogona chete kuva noukama naMwari nemhaka yenyasha dzisina kufanirwa, kana kugamuchira ropafadzo chaidzo dzebasa. (Johani 6:44; VaEfeso 2:8) Nokudaro, Pauro haana kunzwa kuti zvinhu zvaaiita muushumiri zvisiri zvenguva dzose zvakamuita mukuru kune vamwe.—1 VaKorinde 9:16.

6. Pauro akaratidza sei kuzvininipisa pakubata kwake navaKorinde?

6 Kuzvininipisa kwaPauro kwainyanya kuoneka mukubata kwake navaKorinde. Zviri pachena kuti vamwe vavo vaiororwa nevaya vavaifunga kuti vakanga vari vatariri vakakurumbira, kusanganisira Aporosi, Kefasi, naiye Pauro pachake. (1 VaKorinde 1:11-15) Asi Pauro haana kumbokumbira kurumbidzwa navaKorinde kana kushandisa zvisina kufanira kumuyemura kwavaiita. Pakuvashanyira, haana kuzviratidza kwavari “nokutaura kwokunyanyisa kana kwouchenjeri.” Panzvimbo pokudaro, Pauro akati pamusoro pake nevamwe vake: “Munhu ngaatirangarire setiri pasi paKristu uye vatariri vezvakavanzika zvitsvene zvaMwari.” *1 VaKorinde 2:1-5; 4:1.

7. Pauro akaratidza sei kuzvininipisa kunyange pakupa zano?

7 Pauro akatoratidza kuzvininipisa paakanga achifanira kupa zano rakasimba nenhungamiro. Akakumbira vaKristu pamwe naye “netsitsi dzaMwari” uye “nokuda kworudo” kwete nemhaka yesimba rake rokuva muapostora. (VaRoma 12:1, 2; Firimoni 8, 9) Nei Pauro akaita izvi? Nemhaka yokuti iye zvechokwadi aizviona se‘mushandi pamwe’ nehama dzake, kwete sa‘tenzi wokutenda kwavo.’ (2 VaKorinde 1:24) Pasina kupokana kwakanga kuri kuzvininipisa kwaPauro kwakabatsira kumuita kuti ave anodiwa zvikuru navaKristu vomuzana ramakore rokutanga.—Mabasa 20:36-38.

Kuona Ropafadzo Dzedu Nenzira Yokuzvininipisa

8, 9. (a) Nei tichifanira kuzviona nenzira yokuzvininipisa? (b) Ko vaya vane mutoro wakati vangaratidza sei kuzvininipisa?

8 Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavaKristu nhasi. Zvisinei nokuti takapiwa mitoro ipi, hapana mumwe wedu anofanira kunzwa kuti mukuru kupfuura vamwe. “Kana pane munhu anofunga kuti iye chimwe chinhu asi iye asiri chinhu,” Pauro akanyora kudaro, “ari kunyengera pfungwa dzake.” (VaGaratiya 6:3) Nei? Nokuti “vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23; 5:12) Hungu, hatimbofaniri kukanganwa kuti tose zvedu takagara nhaka chivi norufu kubva kuna Adhamu. Ropafadzo chaidzo hadzitikwidziridzi kubva pamamiriro edu ezvinhu akaderera echivi. (Muparidzi 9:2) Sezvazvakanga zvakaita kuna Pauro, vanhu vangava noukama naMwari nemhaka yomutsa usina kufanirwa chete, tisingatauri kumushumira mune imwe nzvimbo yeropafadzo.—VaRoma 3:12, 24.

9 Achicherechedza izvi, munhu anozvininipisa haambonyanyofunga nezveropafadzo dzake kana kuganza pamusoro pezvaanoita. (1 VaKorinde 4:7) Pakupa zano kana nhungamiro, anoita kudaro somushandi pamwe nevamwe—kwete satenzi. Chaizvoizvo, zvinenge zvisina kururama kuti uya anobudirira mune mamwe mabasa atsvake kurumbidzwa kana kushandisa zvisina kufanira kufarirwa kwaanoitwa nevaanotenda navo. (Zvirevo 25:27; Mateu 6:2-4) Kurumbidzwa kunokosha chete kunobva kune vamwe—uye kunofanira kuuya kusina kukumbirwa. Kana kukauya, hatifaniri kukurega kuchitiita kuti tifunge zvakawanda nezvedu kupfuura zvakafanira.—Zvirevo 27:2; VaRoma 12:3.

10. Tsanangura kuti vamwe vangaratidza kunge vakaderera vangava sei chaizvoizvo vaka“pfum[a] mukutenda.”

10 Patinenge tapiwa mutoro wakati, kuzvininipisa kuchatibatsira kudzivisa kunyanyozvikoshesa zvisina kufanira, tichiita kuti zviite sokuti ungano iri kupfuurira nemhaka chete yezvatiri kuita isu uye nemhaka yemano edu. Somuenzaniso, tingadai tine chipo chokudzidzisa kwazvo. (VaEfeso 4:11, 12) Zvisinei, kana tichizvininipisa, tinofanira kuziva kuti zvimwe zvezvidzidzo zvikuru kwazvo zvinodzidzwa pamisangano yeungano hazvitaurwi pachikuva. Somuenzaniso, haukurudzirwi here paunoona mubereki ari oga anouya kuHoro yoUmambo nguva dzose ane vana vake? Kana kuti munhu akaora mwoyo anouya kumisangano nokutendeseka pasinei zvapo nokuramba achinzwa asina maturo? Kana wechiduku anofambira mberi mumudzimu zvishoma nezvishoma pasinei zvapo nepesvedzero dzakashata kuchikoro kana kumwewo? (Pisarema 84:10) Vanhu ava vangadai vasingatomboonekwi navanhu. Miedzo yokutendeseka yavanosangana nayo kakawanda inongopfuura isingacherechedzwi nevamwe. Asi, vanogona kunge vaka“pfum[a] mukutenda” kufanana nevaya vakakurumbira. (Jakobho 2:5) Pashure pezvose, pakupedzisira kuvimbika ndiko kunoita kuti tiwane nyasha dzaJehovha.—Mateu 10:22; 1 VaKorinde 4:2.

Gidheoni—“Muduku Kuna Vose” Muimba Yababa Vake

11. Gidheoni akaratidza kuzvininipisa munzirai pakutaura nengirozi yaMwari?

11 Gidheoni, murume muduku akasimba worudzi rwaManase, akararama panguva yemhirizhonga munhau yaIsraeri. Kwemakore manomwe, vanhu vaMwari vakanga vatambura nokudzvinyirirwa navaMidhiani. Zvisinei, nguva zvino yakanga yasvika kuti Jehovha anunure vanhu vake. Nokudaro, ngirozi yakaoneka kuna Gidheoni ikati: “Jehovha unewe, iwe murume une simba noumhare.” Gidheoni aizvininipisa, nokudaro haana kufara zvakanyanyisa nembiri youku kurumbidzwa kwaakanga asingatarisiri. Panzvimbo paizvozvo, akati kungirozi nenzira yokuremekedza: “Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko?” Ngirozi yakajekesa nhau yacho ikaudza Gidheoni kuti: “[ucha]ponesa Israeri pamaoko aMidhiani.” Gidheoni akapindura sei? Panzvimbo pokutora basa racho neshungu kwazvo somukana wokuti azviite gamba renyika, Gidheoni akapindura kuti: “Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kune vose paManase, neni ndiri muduku kune vose paimba yababa vangu.” Kuzvininipisa kwakanaka sei!—Vatongi 6:11-15.

12. Gidheoni akaratidza sei kungwarira pakuita basa rake raakapiwa?

12 Asati atumira Gidheoni kuhondo, Jehovha akamuedza. Sei? Gidheoni akaudzwa kuti aputse atari yaBhaari yababa vake uye kuti ateme danda rokunamata naro rakanga rakamira pedyo nayo. Basa iri raizoda ushingi, asi Gidheoni akaratidzazve kuzvininipisa uye kungwarira munzira yaakariita nayo. Panzvimbo pokuzviita kuti aonekwe nevanhu, Gidheoni akashanda murima rousiku apo aizokwanisa kuita basa racho asingaonekwi. Uyezve, Gidheoni akaita basa rake nokungwarira kwakafanira. Akatora varanda gumi—zvichida kuitira kuri vamwe vamire vakarinda apo vamwe vose vaimubatsira kuparadza atari nedanda rokunamata naro. * Chero zvaakazviitira, Gidheoni akaita basa rake nechikomborero chaJehovha, uye nokufamba kwenguva akashandiswa naMwari kununura Israeri kubva kuvaMidhiani.—Vatongi 6:25-27.

Kuratidza Kuzvininipisa uye Kungwarira

13, 14. (a) Tingaratidza sei kuzvininipisa kana tikapiwa ropafadzo yebasa? (b) Hama A. H. Macmillan vakaratidza sei muenzaniso wakaisvonaka mukuratidza kuzvininipisa?

13 Pane zvakawanda zvatinogona kudzidza mukuzvininipisa kwaGidheoni. Somuenzaniso, tinoita sei kana tikapiwa ropafadzo yebasa? Tinotanga kufunga nezvomukurumbira kana kuti kusimukira kuchavapo here? Kana kuti tinofunga nokuzvininipisa nokunyengetera kana tichikwanisa kuita zvinodiwa nebasa racho here? Hama A. H. Macmillan, vakapedza upenyu hwavo hwapasi muna 1966, vakagadza muenzaniso wakaisvonaka panhau iyoyi. C. T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, akambobvunza Hama Macmillan kuti vaifunga kuti ndiani aizotarisira basa paanenge asipo. Mukurukurirano yakatevera, Hama Macmillan havana kumbozvirumbidza, kunyange zvakanga zviri nyore kuti vaite kudaro. Pakupedzisira, Hama Russell vakakumbira Hama Macmillan kuti vafunge nezvokugamuchira basa racho. “Ndakamira ipapo ndavhiringidzika,” Hama Macmillan vakanyora kudaro makore akati gare gare. “Ndakafunga nezvazvo, zvakakomba chaizvo, ndikanyengetera nezvazvo kwenguva yakati ndisati ndazovaudza kuti ndaizofara kuita zvose zvandaigona kuita kuvabatsira.”

14 Pasina nguva refu gare gare, Hama Russell vakafa, vachisiya nzvimbo yapurezidhendi weWatch Tower Society ichida munhu. Sezvo Hama Macmillan vakanga varivo vaitarisira mukati merwendo rwokuparidza kwaHama Russell kwokupedzisira, imwe hama yakataura kwavari kuti: “Mac, une mukana wakasimba wokuwana chinzvimbo ichi. Wakanga uri mumiriri waHama Russell chaiye pavainge vafamba, uye vakatiudza tose kuti tiite sezvaunotaura. Saka apa, vakaenda uye havana kuzodzoka. Zvinoita sokuti ndiwe uchatofanira kupfuuridzira mberi.” Hama Macmillan vakapindura kuti: “Hama, handiyo nzira yokuona nayo nhau iyi. Iri ibasa raShe uye nzvimbo yaunowana musangano raShe chete ndeiyo Ishe anoona yakakodzera kukupa; uye ndine chokwadi chokuti handisini munhu anofanira kuita basa racho.” Ipapo Hama Macmillan vakarumbidza mumwewo kuti atore nzvimbo yacho. Kufanana naGidheoni, vakanga vachizviona nenzira yokuzvininipisa—maonero atingaita zvakanaka kutevedzera.

15. Ndedzipi dzimwe nzira dzinoshanda idzo tingashandisa kunzwisisa patinoparidza kuvamwe?

15 Isuwo tinofanira kuva vanozvininipisa munzira yatinoita nayo basa redu. Gidheoni akanga akangwarira, uye akaedza kusatsamwisa zvisina kufanira vaipesana naye. Kufanana naizvozvo, tinofanira kuzvininipisa uye kungwarira pamusoro pematauriro atinoita kune vamwe mubasa redu rokuparidza. Chokwadi, tiri muhondo yomudzimu kuti tiputse “zvinhu zvakachererwa zvakasimba” uye “kufunga.” (2 VaKorinde 10:4, 5) Asi hatifaniri kudukupisa vamwe kana kuti kuvapa chikonzero chipi nechipi chakafanira chokuti vatsamwe nemashoko edu. Panzvimbo pokudaro, tinofanira kuremekedza maonere avo, tosimbisa zvatinenge tichibvumirana navo, tobva tatanga kutaura nezvezvinhu zvakanaka zvemashoko edu.—Mabasa 22:1-3; 1 VaKorinde 9:22; Zvakazarurwa 21:4.

Jesu—Muenzaniso Mukurusa Wokuzvininipisa

16. Jesu akaratidza sei kuti aizviona nenzira yokuzvininipisa?

16 Muenzaniso wakaisvonaka zvikuru wokuzvininipisa ndewaJesu Kristu. * Pasinei zvapo noushamwari hwake hwepedyo naBaba vake, Jesu haana kuzeza kubvuma kuti dzimwe nhau dzaipfuura panoperera simba rake. (Johani 1:14) Somuenzaniso, apo amai vaJakobho naJohani vakakumbira kuti vanakomana vavo vaviri vagare kumativi aJesu muumambo hwake, Jesu akati: “Izvi zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi nokuruboshwe rwangu hazvisi zvangu kuti ndipe.” (Mateu 20:20-23) Pane chimwe chiitiko, Jesu akabvuma pachena kuti: “Handigoni kuita chinhu chimwe changu ndoga . . . ndinotsvaka, kwete kuda kwangu ndoga, asi kuda kwaiye akandituma.”—Johani 5:30; 14:28; VaFiripi 2:5, 6.

17. Jesu akaratidza sei kuzvininipisa pakubata nevamwe?

17 Jesu aipfuura vanhu vasina kukwana munzira yose, uye akanga ane simba risingaenzaniswi raakapiwa naBaba vake, Jehovha. Kunyange zvakadaro, Jesu aizvininipisa mukubata kwake navateveri vake. Haana kuvaratidza ruzivo runoorora rwakawandisa. Akaratidza kuva nehanya netsitsi uye akafungawo nezvezvinodikanwa zvavo zvohunhu. (Mateu 15:32; 26:40, 41; Mako 6:31) Saka, kunyange zvazvo Jesu akanga akakwana, akanga asiri munhu anonyanya kuda zvinhu zvakakwana. Haana kumboti vadzidzi vake vaite zvinopfuura zvavaigona, uye haana kumbovatakudza zvinopfuura zvavaigona kutakura. (Johani 16:12) Ndosaka zvisingashamisi kuti vakawanda vakamuwana kuva anozorodza!—Mateu 11:29.

Tevedzera Muenzaniso waJesu Wokuzvininipisa

18, 19. Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaJesu (a) munzira yatinozviona nayo, uye (b) munzira yatinobata nayo vamwe?

18 Kana munhu mukurusa ati amborarama akaratidza kuzvininipisa, ko isuwo tinofanira kudaro kusvika papi. Vanhu vasina kukwana kakawanda havangodi kubvuma kuti havana simba rakakwana. Zvisinei, mukutevedzera Jesu, vaKristu vanoedza kuva vanozvininipisa. Havadadi zvokusagona kupa mutoro kune vaya vanokodzera kuva nawo; uyewo havasi vanhu vanozvikudza uye vasingadi kugamuchira nhungamiro inobva kune vaya vane simba rokuipa. Vachiratidza chido chokushandira pamwe, vanobvumira zvinhu zvose muungano kuti zviitike “nenzira yakafanira uye nokurongeka.”—1 VaKorinde 14:40.

19 Kuzvininipisa kuchatiitawo kuti tiratidze kunzwisisa pane zvatinotarisira vamwe kuti vaite uye kuti tifungewo pamusoro pezvavanoda. (VaFiripi 4:5) Tingava nemamwe mano nesimba izvo vamwe vangasava nazvo. Asi, kana tichizvininipisa, nguva dzose hatizotarisiri vamwe kuti vaite sezvatinoda kuti vaite. Tichiziva kuti munhu woga woga ane paanogumira, mukuzvininipisa kwose tichabvumira kuti kukanganisa kwevamwe kungopfuurawo. Petro akanyora kuti: “Kupfuura zvinhu zvose, dananai zvikuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Petro 4:8.

20. Tingaita sei kuti tikunde chero muitiro upi zvawo wokusazvininipisa?

20 Sezvatadzidza, zvechokwadi uchenjeri huri kune vanozvininipisa. Zvisinei, zvakadini kana ukaona kuti une muitiro wokuva asingazvininipisi kana kuti anozvikudza? Usaora mwoyo. Panzvimbo paizvozvo, tevedzera muenzaniso vaDhavhidhi, akanyengetera kuti: “Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu.” (Pisarema 19:13) Nokutevedzera kutenda kwevarume vakaita saPauro, Gidheoni, uye—kupfuura vamwe vanhu vose—Jesu Kristu, tichasvika pakuona chokwadi chemashoko okuti: “Uchenjeri huri kune vanozvininipisa.”—Zvirevo 11:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Mashoko echiGiriki anoshandurwa kuti ‘vanozviisa pasi’ anogona kureva muranda aikwasva ari pachigaro chakaderera chezvikwasviso mungarava huru. Kusiyana neizvi, “vatariri” vaigona kupiwa mitoro yakawanda, zvichida kutarisira zvinhu. Kunyange zvakadaro, mumaonero evanatenzi vakawanda, mutariri akanga akangofanana nomuranda aikwasva ngarava pakusava norusununguko.

^ ndima 12 Kungwarira uye kuchenjerera kwaGidheoni hakufaniri kunzwisiswa nenzira isiri iyo sechiratidzo choumbwende. Kusiyana neizvi, ushingi hwake hunosimbiswa naVaHebheru 11:32-38, inosanganisira Gidheoni pakati peavo “vakaitwa vane simba” uye “vakava mhare muhondo.”

^ ndima 16 Sezvo kuzvininipisa kuchibatanidza kuziva kwomunhu panogumira simba rake, Jehovha haangataurwi nezvake kuva anozvininipisa. Zvisinei, iye munyoro.—Pisarema 18:35.

Unoyeuka Here?

• Kuzvininipisa kudii?

• Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaPauro?

• Tingadzidzei nezvokuzvininipisa mumuenzaniso waGidheoni?

• Jesu akagadza sei muenzaniso mukuru wokuzvininipisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kuzvininipisa kwaPauro kwakaita kuti adiwe nevamwe vaKristu pamwe naye

[Mufananidzo uri papeji 17]

Gidheoni akashandisa kungwarira mukuita kuda kwaMwari

[Mufananidzo uri papeji 18]

Jesu, Mwanakomana waMwari, anoratidza kuzvininipisa mune zvose zvaanoita