Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanokosha Kuna Jehovha Ndeavo Vanomuda

Vanokosha Kuna Jehovha Ndeavo Vanomuda

Mushumo Wavazivisi voUmambo

Vanokosha Kuna Jehovha Ndeavo Vanomuda

REBHANONI yave ichizivikanwa nokuda kwezviwanikwa zvayo kubvira munguva dzinotaurwa nezvadzo muBhaibheri. (Pisarema 72:16; Isaya 60:13) Misidhari yayo yakanaka kwazvo ndiyo yainyanya kukosheswa, yaitsvakwa zvikuru sezvokuvakisa nemhaka yokunaka kwayo, kunhuwirira, uye kugara kwenguva yakareba. Muzana rokutanga remakore, chimwe chinhu chaikosha zvikuru chakabuda muRebhanoni. Evhangeri yaMako inoshuma kuti kubva Tire neSidhoni, munharaunda yeRebhanoni yekare, “vazhinjizhinji . . . vachinzwa kuti zvinhu zvakawanda sei [zvakanga zvichiitwa naJesu], vakauya kwaari.”—Mako 3:8.

Nanhasi, Rebhanoni ichiri kubereka zvibereko zvinokosha zvikuru mumaziso aJehovha. Zviitiko zvinotevera zvinosimbisa izvozvo.

• Chapupu chiduku chinonzi Wissam chakakumbirwa kutaura kukirasi yacho pachikoro kwamaminiti 30. Wissam akafunga kuti waizova mukana wakanaka kwazvo wokupupura. Saka akashandisa bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? uye akagadzirira hurukuro panhau yechisiko. Zvisinei, paakaona mashoko acho, mudzidzisi waWissam akati sezvo yaiva nyaya inokosha, Wissam aigona kuwedzera hurukuro yake kuti iite maminiti 45.

Wissam zvaakatanga hurukuro yake, mudzidzisi wake akamumisa uye akaita kuti mukuru wechikoro adaidzwe. Munguva pfupi mukuru wechikoro akasvika, uye Wissam akatangazve. Sezvaakateerera mibvunzo yakabvunzwa naWissam mumashoko okutanga ehurukuro yake, mukuru wechikoro akafara uye akati vadzidzi vose vaifanira kuwana kopi yehurukuro yacho.

Nguva shomanana gare gare, mumwe mudzidzisi aipfuurawo zvake, akaona kufara kwaiva mukirasi uye akabvunza chaiitika. Paakaudzwa, akabvunza kana Wissam akanga achitsigira chisiko kana mhindumupindu. “Chisiko,” yakauya mhinduro. Paakaziva kuti Wissam aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, mudzidzisi wacho akati kukirasi yacho: “Muchaona nehurukuro yake kuti sayenzi inotsigira chisiko, kwete mhindumupindu.”

Zvakazozivikanwa kuti mudzidzisi uyu akange aine bhuku rinonzi Creation uye akanga achirishandisa kupa zvidzidzo payunivhesiti! Asati abva, akakumbira kana aigona kudzoka mangwana acho nevadzidzi vake kuitira kuti Wissam akurukure kukirasi yake. Zvakaguma nohumwe uchapupu hwakanaka kwazvo kuna Jehovha.

• Nina ane makore makumi maviri nemaviri aiva nenyota yemvura dzechokwadi. Rimwe zuva mwana watete vake akamupa Bhaibheri uye akamusuma kuChechi yePentecostal. Nina akarava Bhaibheri nomufaro uye akadzidza kubva mukuverenga kwaaita kuti vaKristu vanofanira kuparidza, saka akatanga kutaura nevaaizivana navo. Munhu wose waaitaura naye aimubvunza kuti: “Uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Izvozvo zvakamushamisa.

Makore matanhatu gare gare, Zvapupu zvaJehovha zvakashanya pamusha waNina uye zvakamuudza nezvoUmambo hwaMwari. Pakutanga akaedza kuwanira mhaka zvavanodzidzisa. Zvisinei, akawana kuti kudzidzisa kwavo kwose kwainzwisisika uye kwaitorwa muBhaibheri.

Zvakazodzidzwa naNina—zita raMwari, Jehovha; zvikomborero zvoUmambo; nezvimwewo—zvakamugutsa kuti akanga awana chokwadi. Akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari uye akabhabhatidzwa. Kwemakore manomwe apfuura, Nina ave achishanda somuevhangeri wenguva yakazara. Chokwadi, Jehovha anokomborera avo vanomuda zvechokwadi.—1 VaKorinde 2:9.