Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Chete Yokupedza Nayo Ruvengo

Nzira Chete Yokupedza Nayo Ruvengo

Nzira Chete Yokupedza Nayo Ruvengo

“Hapana ruvengo pasina kutya. . . . Tinovenga chatinotya nokudaro pane ruvengo, pane kutya.”—Cyril Connolly, Muongorori Nomunyori Wamabhuku.

NYANZVI dzakawanda dzezvamagariro avanhu dzinodavira kuti ruvengo rwakanyatsodzika midzi mumunhu iye asingazivi. “Chikamu chikuru charwo chingatova chiri chokuzvarwa narwo,” rwuri mukati chaimo mevanhu, akadaro musayendisiti wezvamatongerwe enyika.

Zvinonzwisisika kuti vadzidzi vounhu hwavanhu vanogumisa vachidaro. Zvidzidzo zvavo chete ndezvavarume navakadzi vakazvarirwa “muzvakaipa” uye “muzvivi,” maererano nechinyorwa cheBhaibheri chakafuridzirwa. (Pisarema 51:5) Kunyange iye Musiki pachake, achitaura nezvavanhu vasina kukwana zviuru nezviuru zvemakore zvakapfuura, “akaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.”—Genesi 6:5.

Kufungira zvakaipa, kusarura, noruvengo rwazvinokonzera mabasa omunhu okusakwana kwaakagara nhaka noudyire. (Dheuteronomio 32:5) Zvinosuruvarisa kuti hapana sangano ravanhu kana hurumende, pasinei hapo nomutemo wayo, zvave zvichigona kuita kuti mitemo yazvo ichinje mwoyo yavanhu munyaya dzakadaro. Mupepeti wenhau wokune imwe nyika Johanna McGeary akati: “Hakuna mupurisa wenyika yose, chero ane simba rakaita sei, anogona kupindira kuti abvise ruvengo rwakaita kuti Bosnia, Somalia, Liberia, Kashmir, uye Caucasus dzive nokuteurwa kweropa rakawanda kwazvo.”

Zvisinei, tisati tatanga kutsvaka zvinogadzirisa, tinofanira kuwana nzwisiso huru iri seri kwezviito zvoruvengo.

Ruvengo Rwunokonzerwa Nokutya

Ruvengo rwuripo muzviito zvakawanda chaizvo uye munzira dzakasiyana-siyana. Munyori anonzi Andrew Sullivan akapfupisa nyaya yacho zvakanaka kwazvo achiti: “Pane ruvengo rwunotya, uye ruvengo rwokungonzwa uchizvidzika; pane ruvengo rwunoratidza simba, uye ruvengo rwunokonzerwa nokusava nesimba; pane kutsiva, uye pane ruvengo rwunokonzerwa neshanje. . . . Pane ruvengo rwomudzvinyiriri, noruvengo rweanodzvinyirirwa wacho. Pane ruvengo rwunoitika zvishoma nezvishoma, uye ruvengo rwunopera. Uye pane ruvengo rwunokonzera kurwisana, noruvengo rwusingambokonzeri kurwisana.”

Pasina mubvunzo, zvimwe zvezvinhu zvikuru zvinokonzera ruvengo rwokurwisana munguva yedu inzanga nemari. Kufungira zvakaipa kukuru uye chisimba chokungoerekana woratidza ruvengo zvinowanzowanika munzvimbo dziya dzine boka duku ravanhu vane zvinzvimbo zvapamusoro. Uyewo, ruvengo rwunowanzowanika muchikamu chenzanga umo mararamire anotyisidzirwa nokupinda kwavanhu vokune dzimwe nyika.

Vamwe vangafunga kuti vatsva ivava vachangosvika vachavatorera mabasa, vachishandira mari shoma, kana kuti vachakonzera kuderera kwokukosha kwezvinhu. Zvisinei nokuti kutya ikoko kwakarurama here kana kuti hakuna iyoyo imwe nyaya. Kutya kurasikirwa nemari uye kutya kuti tsika dzenzanga kana mararamire zvichakanganiswa ndizvo zvinhu zvine simba zvinokonzera kufungira zvakaipa uye ruvengo.

Ndeipi inofanira kuva nhano yokutanga yokupedza nayo ruvengo? Kuchinja mafungiro.

Kuchinja Mafungiro

“Kuchinja kwechokwadi kungangobva pazvinosarudzwa navanhu vanobatanidzwa,” akadaro McGeary. Uye zvinosarudzwa navanhu zvingachinjwa sei? Zviitiko zvave zvichiratidza kuti kupesvedzera kune simba kwazvo, kunokurudzira, uye kunogara narini pakurwisa ruvengo kuti rwutange kunobva muShoko raMwari, Bhaibheri. Imhaka yokuti “shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.”—VaHebheru 4:12.

Zvinobvumwa kuti kubvisa kufungira zvakaipa noruvengo hakungoerekani kwaitika, kana kuitika pakarepo. Asi kunogona kuitwa. Jesu Kristu, mukurudziri mukuru womwoyo nomudzidzisi wehana, aikwanisa kuita kuti vanhu vachinje. Mamiriyoni akabudirira mukutevedzera zano raJesu rokuchenjera rinoti: “Rambai muchida vavengi venyu uye kunyengeterera vanokutambudzai.”—Mateu 5:44.

Achiva wechokwadi kudzidziso dzake, Jesu akaita kuti muboka reshamwari dzake dzaaivimba kwazvo muve naMateu, aimbova muteresi, aivengwa nokuzvidzwa munzanga yechiJudha. (Mateu 9:9; 11:19) Uyezve, Jesu akatanga nzira yokunamata kwakachena kwaizobatanidza zviuru zveVemamwe Marudzi vakanga vamboregwa kubatanidzwa uye vaivengwa. (VaGaratiya 3:28) Vanhu vaibva kwose kwose munyika yomunguva iyoyo vakava vateveri vaJesu Kristu. (Mabasa 10:34, 35) Vanhu ava vakasvika pakuzivikanwa norudo rwavo rwukuru. (Johani 13:35) Varume vaiva vakafufutirwa nehasha pavakataka namatombo mudzidzi waJesu Stefani kusvikira afa, mashoko ake okupedzisira aiva okuti: “Jehovha, musavapa mhosva yechivi ichi.” Stefani aida kuti zvinhu zvifambire zvakanaka vaya vaimuvenga.—Mabasa 6:8-14; 7:54-60.

VaKristu vechokwadi vamazuva ano vakateerera saizvozvowo zano raJesu rokuitira zvakanaka, kwete hama dzavo dzechiKristu chete, asi kunyange vaya vanovavenga. (VaGaratiya 6:10) Vari kushanda nesimba kubvisa ruvengo rwakaipa muupenyu hwavo. Vachiziva kupesvedzera kune simba kuri mavari kungakonzera ruvengo, vanoita chiito chakanaka votsiva ruvengo norudo. Hungu, sokutaura kwakaita murume wekare akachenjera kuti, “[ruvengo rwu]nomutsa kukakavara; asi rudo runofukidza kudarika kwose.”—Zvirevo 10:12.

Muapostora Johani akati: “Munhu wose anovenga hama yake muurayi, uye munoziva kuti hapana muurayi ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.” (1 Johani 3:15) Zvapupu zvaJehovha zvinodavira izvozvo. Somugumisiro, zviri kubatanidzwa zvino—zvichibva mumadzinza ose, tsika, mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana echitendero, neezvematongerwe enyika—kuva nzanga imwe yakabatana, isina ruvengo, youkama hwepachokwadi hwenyika yose.—Ona mabhokisi abatanidzwa.

Ruvengo Ruchapedzwa!

‘Asi,’ ungadaro, ‘izvozvo zvakanaka chaizvo uye zvakanakira vanhu vanobatanidzwa. Zvisinei, izvi hazviiti kuti ruvengo rwutsakatike zvachose mupasi redu.’ Chokwadi, kunyange zvazvo usina ruvengo mumwoyo wako, unogona kungovengwa. Saka tinofanira kutarira kuna Mwari kuti chinetso ichi chenyika yose chigadziriswe chaizvo.

Mwari anopikira kuti zvisaririra zvose zvoruvengo zvichabviswa nokukurumidza pasi pano. Izvi zvichaitika mukutonga kwehurumende yokudenga yatakadzidziswa naJesu kunyengeterera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—Mateu 6:9, 10.

Munyengetero iwoyo pauchapindurwa zvakazara, zvinhu zvinosimudzira ruvengo zvichange zvisisipo zvachose. Mamiriro ezvinhu anorwukonzera achange abviswa. Mashoko anoparadzirwa, kushayiwa ruzivo, uye kufungirana zvakaipa zvichange zvatsiviwa nokujekerwa, chokwadi, uye kururama. Zvadaro, kutaura sezvazviri, Mwari ‘achange apukuta misodzi yose, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.’—Zvakazarurwa 21:1-4.

Kunyange zvino pane nhau dziri nani! Uchapupu husingarambiki huripo hwokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” Saka, tinogona kuvimba kuti munguva pfupi ichatevera tichaona ruvengo rwusiri rwaMwari rwuchitsakatika pasi pano. (2 Timoti 3:1-5; Mateu 24:3-14) Munyika itsva yaMwari yakapikirwa, mafungiro echokwadi okuonana sehama achavapo nokuti vanhu vachange vakwana.—Ruka 23:43; 2 Petro 3:13.

Asi haufaniri kumirira kusvika ipapa kuti uzova noukama uhwu hwechokwadi. Zvechokwadi, sezvinoratidzwa zvakajeka nenhoroondo idzi, rudo rwechiKristu rwakatowana nzvimbo mumamiriyoni emwoyo ingadai zvichida yakazara noruvengo. Iwewo unokokwa kuti uve mumwe woukama ihwohwo hune rudo!

[Bhokisi riri papeji 5]

“Jesu Aizodai Akaita Sei?”

Muna June 1998, varungu vatatu vokumaruwa eTexas muUnited States vakarova James Byrd, Jr., munhu mutema. Vakaenda naye kunzvimbo iri kure, yaiva kwayo yoga, vakamurova, ndokusunga makumbo ake pamwe chete necheni. Zvadaro vakamusungirira pamotokari ndokumuzvuva makiromita mashanu vachidzika nomugwagwa kusvikira muviri wake warovera pamugero wekongiri. Iyi yakanzi imhosva yoruvengo inotyisa kwazvo yomumakore ano gumi (ema1990).

Hanzvadzi nhatu dzaJames Byrd Zvapupu zvaJehovha. Vanonzwa sei nezveava vapari vemhosva iyi inotyisa? Vachitaura vakamirira mhuri, vakati: “Kuti mumwe munhu waunoda arwadziswe opondwa zvakakonzera kunzwa kwokurasikirwa kusingafungidziriki uye kurwadziwa. Mumwe munhu aizoita sei kuutsinye hwakadaro? Hatina kumbofunga zvokutsiva, kutaura mashoko oruvengo, kana kusimudzira mashoko anoparadzirwa anokuchidzira ruvengo. Takafunga kuti: ‘Jesu aizodai akaita sei? Aizodai akataurei?’ Mhinduro yacho yaiva yakajeka chaizvo. Aizodai akataura mashoko orugare uye etariro.”

Rumwe rweMagwaro akadzibatsira kudzivisa ruvengo kutanga mumwoyo yadzo rwaiva VaRoma 12:17-19. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi. . . . Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose. Musazvitsivira, vanodiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’”

Vakapfuurira kuti: “Tinoyeuka mashoko echokwadi akabuda mumabhuku edu okuti kumwe kusaruramisira kana kuti mhosva kunotyisa kwazvo zvokuti zvingaoma kutaura kuti, ‘Ndinokukanganwira’ wokanganwa. Kukanganwira muzviitiko zvakadai kunongoda kurega kuramba wakatsamwa kuitira kuti munhu arambe achirarama uye asarwara mumuviri kana mupfungwa nemhaka yokuramba akatsamwa.” Uchapupu hwakajeka zvakadini hwesimba reBhaibheri rokudzivisa ruvengo kuti rwudzike midzi!

[Bhokisi riri papeji 6]

Ruvengo Rwakachinja Kuva Ushamwari

Mumakore achangopfuura, zviuru zvevanobva kune dzimwe nyika zvakadirana muGreece zvichitsvaga basa. Zvisinei, mamiriro ezvoupfumi anoramba achiipa akaita kuti mikana yokuwana mabasa iderere, uye izvi zvave zvichiwedzera kurwira mabasa. Nemhaka yeizvi, pane ruvengo rwukuru pakati pamapoka amadzinza akasiyana-siyana. Muenzaniso wakanaka ndewokukwikwidzana kwevanobva kuAlbania nevaya vanobva kuBulgaria. Munzvimbo dzakawanda dzeGreece, kukwikwidzana kukuru kwakaitika pakati pavanhu vamapoka maviri iwaya.

Mutaundi reKiato, riri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwePeloponnisos, imwe mhuri yokuBulgaria nomumwe murume wokuAlbania vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye vakasvika pakuzivana. Kushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri kwakapedza ruvengo rwuripo pakati pevakawanda vanobva mumapoka amadzinza maviri iwaya. Kwakaitawo kuti kushamwaridzana kwechokwadi sehama pakati pavanhu ava kuvepo. Ivan, wokuBulgaria, akatobatsira Loulis wokuAlbania kuti awane pokugara pedyo neimba yake. Mhuri mbiri idzi dzinogoverana zvokudya uye zvinhu zvadzo zvishomanana zvokunyama. Varume vacho vose zvino vava Zvapupu zvaJehovha zvakabhabhatidzwa uye vanoshanda pamwe chete mukuparidza mashoko akanaka. Hatingadi hedu kutaura kuti kushamwaridzana uku kwechiKristu kunocherechedzwa nevavakidzani.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Pasi poUmambo hwaMwari zvisaririra zvose zvoruvengo zvichabviswa pasi pano