Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Anoda Kumirira!

Iva Anoda Kumirira!

Iva Anoda Kumirira!

“Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa.”—MIKA 7:7.

1, 2. (a) Mafungire asina kururama akakanganisa sei vaIsraeri murenje? (b) Chii chingaitika kumuKristu asingakudziridzi mafungire akanaka?

ZVINHU zvakawanda muupenyu zvinogona kuonekwa nechivimbo zvikuru kana kuti pasina chivimbo, zvichienderana nemafungire edu. VaIsraeri pavaiva murenje, vakapiwa mana nenzira inoshamisa. Vaifanira kunge vakatarira nyika yakanga isingabereki ndokuonga Jehovha zvikuru kuti akavagovera zvokurarama nazvo. Izvozvo zvingadai zvakaratidza mafungire akanaka. Panzvimbo paizvozvo, vakarangarira zvokudya zvakawanda zvakasiyana-siyana zvaiva muIjipiti ndokunyunyuta kuti mana yakanga isinganaki. Mafungire asina kururama akadini!—Numeri 11:4-6.

2 Mafungire omuKristu nhasi angaitawo kuti zvinhu zviite sezvine tariro kana kuti zvisina tariro. Kana asina mafungire akanaka, muKristu anogona kurasikirwa nomufaro wake nyore nyore, uye izvozvo zvingava zvakaipa chaizvo nokuti, sokutaura kwakaita Nehemia: “Mufaro waJehovha isimba re[du].” (Nehemia 8:10) Mafungire akanaka, okufara anobatsira kuti tirambe takasimba uye anoita kuti pave norugare nokubatana muungano.—VaRoma 15:13; VaFiripi 1:25.

3. Mafungire akanaka akabatsira sei Jeremia munguva dzakaoma?

3 Pasinei zvapo nokuti airarama munguva dzakaoma, Jeremia akaratidza mafungire akanaka. Kunyange paakaona kuwa kweJerusarema kwaityisa muna 607 B.C.E., aigona kuona zvinhu zvakanaka. Jehovha aisazokanganwa Israeri, uye rudzi rwacho rwaizopukunyuka. Jeremia akanyora mubhuku raMariro kuti: “Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru.” (Mariro aJeremia 3:22, 23) Munhau yose, vashumiri vaMwari vari mumamiriro ezvinhu akaomesesa vakaedza kuramba vane mafungire akanaka, kunyange okufara.—2 VaKorinde 7:4; 1 VaTesaronika 1:6; Jakobho 1:2.

4. Jesu akaramba ane mafungire akaita sei, uye akamubatsira sei?

4 Makore ane mazana matanhatu pashure paJeremia, Jesu akabatsirwa kutsungirira nemhaka yemafungire akanaka. Tinorava kuti: “Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pa[Jesu], akatsungirira danda rokutambudzikira, achizvidza nyadzi, akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” (VaHebheru 12:2) Chero kushorwa kana kutambudzwa uko Jesu aifanira kutarisana nakwo—kunyange marwadzo epadanda rokutambudzikira—akachengeta pfungwa dzake dziri pa“mufaro wakaiswa pamberi pake.” Mufaro iwoyo waiva ropafadzo yokureverera uchangamire hwaJehovha nokutsvenesa zita rake uyewo tarisiro yokuunza zvikomborero zvakakura kuvanhu vanoteerera munguva iri mberi.

Tanga Kuva Anoda Kumirira

5. Mamiriro api ezvinhu chaiwo ayo kuda kumirira kuchatibatsira kuramba tichiona zvinhu zvakanaka?

5 Kana tikava nemafungire akafanana neaJesu, hatizorasikirwi nomufaro waJehovha kunyange kana zvinhu zvisingaitiki nguva dzose nenzira yatinozvitarisira kuti zviitike nayo kana kuti panguva yatinozvitarisira. Muprofita Mika akati: “Kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.” (Mika 7:7; Mariro aJeremia 3:21) Isuwo tinogona kuratidza kuda kumirira. Sei? Munzira dzakawanda. Kutanga, tingafunga kuti imwe hama ine chiremera yakanganisa uye kuti inofanira kukurumidza kururamiswa. Kuda kumirira kuchaita kuti tifunge kuti, ‘Akakanganisa chaizvoizvo here, kana kuti ndakanganisa kuona? Kana akakanganisa, zvingava kuti Jehovha ari kubvumira zvinhu kuti zviitike nokuti anofunga kuti munhu wacho achaita zviri nani uye kuti kuedza kumururamisa nokukurumidza kuchava kusina kufanira here?’

6. Kuda kumirira kuchabatsira sei mumwe munhu ari kunetseka nechinetso chake oga?

6 Kuda kumirira kungadiwa kana tiri kunetseka nechinetso chedu toga kana kuti tiri kutambura neimwe tsika yakaipa. Ngatitii tinokumbira kuti Jehovha atibatsire, asi chinetso chacho chinoenderera. Saka todii? Tinofanira kuramba tichiita zvose zvatinokwanisa kuita kuti tigadzirise chinetso chacho tobva tava nokutenda mumashoko aJesu okuti: “Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.” (Ruka 11:9) Ramba uchinyengetera, uye mirira Jehovha. Panguva yakakodzera uye munzira yake, Jehovha achapindura minyengetero yako.—1 VaTesaronika 5:17.

7. Kuda kumirira kuchabatsira kuona kwatinoita kunzwisisa Bhaibheri kunoramba kuchijeka munzira ipi?

7 Sezvo uprofita hweBhaibheri hunozadzika, kunzwisisa kwedu Magwaro kunojekeswa. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva tingafunga kuti kumwe kujekesa kwanonoka. Kana kukasaitwa panguva yatinoda kuti kuitwe, tinoda kumirira here? Yeuka, Jehovha akaona zvakakodzera kuti ajekese “chakavanzika chitsvene pamusoro paKristu” zvishoma panguva uye mumakore anenge 4 000. (VaEfeso 3:3-6) Saka, tine chikonzero chipi nechipi chokusashivirira here? Hatina chokwadi chokuti “muranda akatendeka, akangwara” akagadzwa kuti ape vanhu vaJehovha “zvokudya zvavo panguva yakafanira” here? (Mateu 24:45) Tinozvinyimirei mufaro waMwari nemhaka yokuti hazvisi zvinhu zvose zvinonzwisiswa zvakazara? Yeuka, Jehovha anosarudza kuti achazivisa “zvakavanzika zvake” rini uye sei.—Amosi 3:7.

8. Kushivirira kwaJehovha kwakabatsira sei vakawanda?

8 Vamwe vangaora mwoyo nokuti vanofunga kuti pashure pamakore akawanda ebasa rokutendeka, vangasazorarama kusvikira vaona “zuva guru raJehovha rinotyisa.” (Joere 2:30, 31) Kunyange zvakadaro, vangakurudzirwa pavanotarira pane zvakanaka zvacho. Petro akapa zano rokuti: “Fungai nezvekushivirira kwaShe wedu soruponeso.” (2 Petro 3:15) Kushivirira kwaJehovha kwakabvumira mamiriyoni avamwe vane mwoyo yakarurama kuti vadzidze chokwadi. Izvozvo hazvifadzi here? Uyezve, Jehovha paanoramba achishivirira, tinowanawo nguva yakawanda yoku‘ramba tichishandira kuponeswa kwedu nokutya nokudedera.’—VaFiripi 2:12; 2 Petro 3:11, 12.

9. Kana tisingakwanisi kuita zvakawanda mubasa raJehovha, kuda kumirira kuchatibatsira sei kutsungirira mamiriro acho ezvinhu?

9 Kuda kumirira kunotibatsira kuti tisaora mwoyo apo kushorwa, kurwara, kukwegura, kana zvimwe zvinetso zvinotidzongonyedza mubasa roUmambo. Jehovha anotitarisira kuti timushumire nomwoyo wose. (VaRoma 12:1) Zvisinei, Mwanakomana waMwari, ano“nzwira nyasha murombo nomushayiwi,” haadi zvakawanda kudarika zvatinogona kupa zvinonzwisisika; kana Jehovha haadarowo. (Pisarema 72:13) Nokudaro, tinokurudzirwa kuti tiite zvatinogona, tichimirira nokushivirira kusvikira zvinhu zvachinja—mungava mugadziriro ino yezvinhu kana kuti mune ichauya. Yeuka kuti: ‘Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa rako norudo rwawakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti wakashumira vatsvene uye unoramba uchishumira.’—VaHebheru 6:10.

10. Maitiro api asingadiwi naMwari anogona kudziviswa nomunhu anoda kumirira? Tsanangura.

10 Kuda kumirira kunotibatsirawo kudzivisa kuzvikudza. Vamwe vakaramba kutenda vakanga vasingadi kumirira. Vangave vakafunga kuti pane zvaida kugadziriswa, mungava mukunzwisiswa kweBhaibheri kana kuti munhau dzesangano. Asi, vakatadza kuziva kuti mudzimu waJehovha unoita kuti muranda akatendeka, akangwara agadzirise zvinhu munguva Yake yakafanira, kwete isu patingafunga kuti kunofanira kuitwa. Uye kugadzirisa kupi nokupi kunofanira kuenderana nokuda kwaJehovha, kwete pfungwa dzedu isu. Vanoramba kutenda vanobvumira kuzvikudza kuti kudzore mafungire avo kwovagumbura. Asi kudai vakanga vava nemafungire aKristu, vangadai vakaramba vane mufaro wavo ndokuramba vari pakati pavanhu vaJehovha.—VaFiripi 2:5-8.

11. Tingashandisa sei zvinobatsira nguva inopedzwa takamirira, tichitevedzera mienzaniso yavanaani?

11 Chokwadi, kuramba uchida kumirira hakurevi kuva nousimbe kana kuti kupeta maoko. Tine zvinhu zvokuita. Somuenzaniso, tinofanira kubatikana nokudzidza Bhaibheri tiri toga, uye nokudaro toratidza kufarira zvechokwadi zvinhu zvomudzimu kufanana nezvakaitwa navaprofita vakatendeka uye kunyange ngirozi. Achitaura nezvokufarira kwakadaro, Petro anoti: “Kubvunzisisa nokunyatsonzvera pamusoro poruponeso irworwu zvakaitwa nevaprofita . . . Ngirozi dzinoda kutarisisa muzvinhu izvozvi.” (1 Petro 1:10-12) Hakusi kudzidza Bhaibheri tiri toga kunongokosha zvikuru asiwo kupinda misangano nguva dzose nokunyengetera. (Jakobho 4:8) Vaya vanoratidza kuziva zvavanoda mumudzimu nokudya zvokudya zvomudzimu nguva dzose uye kusonganirana navamwe vaKristu vanoratidza kuti vakava nemafungire aKristu.—Mateu 5:3.

Ona Zvinhu Sezvazviri

12. (a) Adhamu naEvha vakatsvaka rusunguko rwei? (b) Kutevera kwavanhu nzira yaAdhamu naEvha kwave kuchiguma nei?

12 Mwari paakasika vanhu vaviri vokutanga, akasara ane kodzero dzokuronga mitemo yechakanaka nechakaipa. (Genesi 2:16, 17) Adhamu naEvha vaida kusununguka pakutungamirira kwaMwari, uye izvi zvakaguma nenyika yatiri kuona yakatipoteredza nhasi. Muapostora Pauro akati: “Chivi [chakapinda] munyika nemhaka yomunhu mumwe norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.” (VaRoma 5:12) Zviuru zvitanhatu zvemakore zvenhau yavanhu kubva panguva yaAdhamu zvaratidza chokwadi chamashoko aJeremia anoti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Kubvuma kuti mashoko aJeremia ndeechokwadi hakusi kuratidza kushaya tariro. Kuona zvinhu sezvazviri. Kunotsanangura mazana ose emakore akareba aya apo “munhu [akava] nesimba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa” nokuti vanhu vakatonga vakazvimirira pasina Mwari.—Muparidzi 8:9.

13. Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei zvinogona kuitwa navanhu sezvazviri?

13 Nezvakaita mamiriro ezvinhu avanhu, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti zvingaitwa mugadziriro yezvinhu iripo panguva ino zvine pazvinogumira. Mafungire akanaka angabatsira kuchengetedza mufaro wedu, asi handizvo zvinogadzirisa zvinhu zvose. Mukuvamba kwama1950, mumwe mufundisi wokuAmerica akabudisa bhuku rakatengwa kupfuura mamwe rinonzi The Power of Positive Thinking. Bhuku racho rakati zvibingamupinyi zvakawanda zvingakundwa kana zvikaedza kugadziriswa nemafungire akanaka. Kufunga zvakanaka kunoyemurika zvechokwadi. Asi zvakamboitika zvinoratidza kuti ruzivo, unyanzvi, zvinhu zvokunyama, nezvimwe zvinhu zvakawanda zvinodzora izvo isu vanhu tinogona kuita. Uye pamwero wenyika yose, zvinetso zvacho zvakakura kwazvo zvokuti vanhu havangabudiriri kuzvigadzirisa—zvisinei nokuti mafungire avo akanaka zvakadini!

14. Zvapupu zvaJehovha zvine mafungire asina kururama here? Tsanangura.

14 Pamusana pokuti zvinoona nhau dzakadaro sezvadziri, Zvapupu zvaJehovha dzimwe nguva zvinopomerwa kuti zvine mafungire asina kururama. Kusiyana naizvozvo, zvinoda chaizvo kutaurira vanhu nezvoUyo bedzi anogona kuita kuti mamiriro ezvinhu avanhu ave nani zvechigarire. Ipapawo zvinotevedzera mafungire aKristu. (VaRoma 15:2) Uye zvakabatikana kubatsira vanhu kuwana ukama hwakanaka naMwari. Zvinoziva kuti pakupedzisira, izvi zvichaita zvakanakisisa.—Mateu 28:19, 20; 1 Timoti 4:16.

15. Basa reZvapupu zvaJehovha rinoita sei kuti vanhu vave nani?

15 Zvapupu zvaJehovha hazviratidzi kusava nehanya nezvinetso zvamagariro avanhu—kunyanya miitiro inosvibisa inopesana namagwaro—zvakavapoteredza. Munhu anofarira asati ava mumwe weZvapupu zvaJehovha, anochinja, kazhinji achifanira kukunda uipi hunopinda muropa husingafadzi Mwari. (1 VaKorinde 6:9-11) Nokudaro Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira vanoda kuti varege kudhakwa, kupindwa muropa nezvinodhaka, unzenza, uye kubhejera kwava muropa. Vanhu vakadaro vakachinjwa vakadzidza kugovera mhuri dzavo nenzira inoratidza kuziva mutoro wavo uye yokutendeseka. (1 Timoti 5:8) Apo vanhu nemhuri vanobatsirwa nenzira iyi, zvinetso munharaunda zvinoita zvishoma—panova navashoma vanopindwa muropa nezvinodhaka, nhau shoma dzokuita chisimba mumhuri, zvichingodaro. Nokuva kwazvo vagari vomunyika vanoteerera mutemo uye nokubatsira vamwe kuchinja upenyu hwavo kuti huve nani, Zvapupu zvaJehovha zvinoita kuti mutoro wamasangano ane basa rokugadzirisa zvinetso zvavanhu uve muduku.

16. Nei Zvapupu zvaJehovha zvisingapindi mumasangano enyika okushandura zvinhu?

16 Saka, Zvapupu zvaJehovha zvakachinja mamiriro etsika munyika here? Mumakore gumi adarika, nhamba yeZvapupu zvinoita basa yakawedzera kubva pane vari pasi pe3 800 000 zvishomanana kusvika kune vanenge 6 000 000. Ikoko kuwedzera navanenge 2 200 000, vakawanda vavo vakarega miitiro isina kururama pavakava vaKristu. Upenyu hwakawanda hwakava nani! Kunyange zvakadaro, nhamba iyi iduku kwazvo painoenzaniswa nokuwedzera kwakaita uwandu hwavanhu vari munyika munguva iyoyi—875 000 000! Zvapupu zvaJehovha zvakawana kubatsira vanhu vanoda kuchiunza mufaro, kunyange zvichiona kuti vanhu vashoma vachatora mugwagwa unoenda kuupenyu. (Mateu 7:13, 14) Zvapupu pazvinomirira kuchinja kuchaitika munyika yose kuti zvinhu zvive nani kunogona kuitwa naMwari chete, hazvipindi mumasangano enyika okushandura zvinhu, ayo anowanzotanga nevavariro dzakanaka asi achizoguma nokuvhiringidzika uye kunyange mhirizhonga.—2 Petro 3:13.

17. Jesu akaita chii kuti abatsire vaiva vakamupoteredza, asi chii chaasina kuita?

17 Pakuita nenzira iyi, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza kuvimba naJehovha sezvaiita Jesu paaiva pasi pano. Shure muzana remakore rokutanga, Jesu akaita zvishamiso zvokuporesa. (Ruka 6:17-19) Akatomutsa vakafa. (Ruka 7:11-15; 8:49-56) Asi haana kubvisa dambudziko rokurwara kana kukunda muvengi rufu. Aiziva kuti nguva yaMwari yokuita izvi yakanga isati yasvika. Nemano akakwirira omunhu akakwana, Jesu angadai akaita zvakawanda kuti agadzirise zvinetso zvamatongerwe enyika nezvemagariro avanhu. Zvinoita sokuti vamwe vevaairarama navo vaida kuti atore masimba oita nenzira iyi, asi Jesu akaramba. Tinorava kuti: “Vanhu pavakaona zviratidzo zvaakaita, vakatanga kuti: ‘Uyu chokwadi ndiye muprofita akanga achizouya munyika.’ Naizvozvo Jesu, achiziva kuti vakanga vave kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo, akabva zvakare akaenda mugomo ari oga.”—Johani 6:14, 15.

18. (a) Jesu ave achiratidza sei kuda kumirira nguva dzose? (b) Basa raJesu rakachinja sei kubvira muna 1914?

18 Jesu akaramba kupindira mune zvamatongerwe enyika kana kuti basa rine chokuita nokubatsira vanhu chete chete nokuti aiziva kuti nguva yokuti atore simba roumambo uye yokuti aite mabasa okuporesa munhu wose kwose kwose yakanga isati yasvika. Kunyange paakanga akwira kuupenyu hwomudzimu husingafi mudenga, akanga achida kumirira nguva yakatarwa yaJehovha asati aita chiito. (Pisarema 110:1; Mabasa 2:34, 35) Zvisinei, kubva paakagadzwa pachigaro saMambo woUmambo hwaMwari muna 1914, ari kubuda “achikunda nokupedzisa kukunda kwake.” (Zvakazarurwa 6:2; 12:10) Tinofara sei kuzviisa pasi poumambo hwake, nepo vamwe vanozviti vaKristu vachisarudza kugara vasingazivi dzidziso dzeBhaibheri pamusoro poUmambo!

Kumirira—Kunoodza Mwoyo Kana Kuti Kunounza Mufaro Here?

19. Kumirira kuno“odza mwoyo” rini, uye kunounza mufaro rini?

19 Soromoni aiziva kuti kumirira kunogona kuodza mwoyo. Akanyora kuti “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” (Zvirevo 13:12) Chokwadi, kana munhu ane tarisiro dzisina padzakavakirwa, mwoyo unogona kuora nokusaitika kwezvanga zvakatarisirwa. Zvisinei, kumirira zviitiko zvinofadza—pamwe muchato, kuzvarwa kwomwana, kana kuti kusanganazve navanhu vatinoda—kungatizadza nomufaro wokutarisira, zuva razvinoitika racho risati rambosvika. Mufaro iwoyo unowedzera kana tikashandisa nguva yokumirira nokuchenjera, tichigadzirira nokuda kwechiitiko chichauya.

20. (a) Zviitiko zvipi zvakanaka kwazvo zvatinotarisira kuona nechivimbo? (b) Tingawana sei mufaro patinenge takamirira kuti zvinangwa zvaJehovha zvizadzike?

20 Patinova nechivimbo chakakwana chokuti zvatinotarisira zvichazadzika—kunyange kana tisingazivi kuti zvichazadzika rini—nguva yatinomirira haifaniri ku“odza mwoyo.” Vanamati vaMwari vakatendeka vanoziva kuti Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru kwava pedyo. Vane chokwadi chokuti vachaona kuguma kworufu nechirwere. Nokutarisira kwomwoyo wose vanomirira nomufaro nguva yavachagamuchira mabhiriyoni kubva kuvakafa, kusanganisira vadiwa vavo vakafa. (Zvakazarurwa 20:1-3, 6; 21:3, 4) Munguva dzino dzokuparara kwezvinhu zvipenyu nezvakazvipoteredza, vanonakidzwa netarisiro yechokwadi yokuona Paradhiso ichitangwa pasi pano. (Isaya 35:1, 2, 7) Saka, kuchenjera sei kushandisa nguva yokumirira noungwaru, ti“chigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe”! (1 VaKorinde 15:58) Ramba uchidya zvokudya zvomudzimu. Iva noukama hwapedyo-pedyo naJehovha. Tsvaka vamwe vane mwoyo inovaita kuti vashumire Jehovha. Kurudzira vaunotenda navo. Shandisa zvakazara zvikuru chero nguva iyo Jehovha achabvumira. Ipapo, kumirira Jehovha hakuzomboku‘odzi mwoyo.’ Asi kuchakuzadza nomufaro!

Ungatsanangura Here?

• Jesu akaratidza sei kuda kumirira?

• VaKristu vanofanira kuda kumirira pazvinenge zvakaita sei?

• Nei Zvapupu zvaJehovha zvichigutsikana nokumirira Jehovha?

• Kumirira Jehovha kungaitwa sei kuti kuunze mufaro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 12]

Jesu akatsungirira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kunyange pashure pemakore akawanda ebasa, tinogona kuramba tine mufaro wedu

[Mifananidzo iri papeji 15]

Mamiriyoni avanhu akaita kuti upenyu hwawo huve nani nokuva Zvapupu zvaJehovha