Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Awa Yasvika!”

“Awa Yasvika!”

“Awa Yasvika!”

“Awa yake yakanga yasvika yokuti abve munyika ino aende kuna Baba.”—JOHANI 13:1.

1. Sezvo Paseka ya33 C.E. inoswedera pedyo, Jerusarema rakazara nokufungidzirei, uye nei?

PAKUBHABHATIDZWA kwake muna 29 C.E., Jesu akapinda munzira yaizotungamirira ku“awa” yorufu rwake, rumuko, uye kupiwa mbiri. Zvino chirimo cha33 C.E. Kwangopera vhiki shomanana kubva apo dare rapamusoro rechiJudha, Sanihedrini, rakarangana kuuraya Jesu. Aziva zvavakaronga, zvichida audzwa naNikodhimo, nhengo yeSanihedrini yave ichiratidza ushamwari kwaari, Jesu abva muJerusarema uye aenda muruwa rwuri kune rumwe rutivi rweRwizi rweJodhani. Apo Mutambo wePaseka unoswedera pedyo, vanhu vakawanda vanobva mumaruwa vachipinda muJerusarema, uye guta rakazara nokutaura-taura kwokufungidzira nezvaJesu. “Munofungei?” vanhu vanobvunzana. “Kuti haangambouyi kumutambo here?” Vapristi vakuru navaFarisi vawedzera kusagadzikana kwacho nokurayira kuti ani naani anoona Jesu anofanira kushuma kwavari kuti ari kupi.—Johani 11:47-57.

2. Mariya anoita chii chinomutsa gakava, uye mhinduro yaJesu yokumudzivirira inoratidzei nezvokuziva kwake nezve“awa yake”?

2 Musi waNisani 8, mazuva matanhatu Paseka isati yatanga, Jesu adzokazve munharaunda yeJerusarema. Anouya kuBhetani—taundi rokumusha kweshamwari dzake dzinodiwa Marita, Mariya, naRazaro—nzvimbo iri pane anenge makiromita matatu kunze kweJerusarema. Manheru eChishanu, uye Jesu anopedzera Sabata ari ikoko. Manheru anotevera apo Mariya anomushumira achishandisa mafuta anokosha anonhuhwira, vadzidzi vanoramba. Jesu anopindura kuti: “Muregei akadaro, kuti achengete tsika iyi nemhaka yezuva rokuvigwa kwangu. Nokuti varombo munogara munavo, asi hamuzogari muneni.” (Johani 12:1-8; Mateu 26:6-13) Jesu anoziva kuti ‘awa yake yokuti abve munyika ino kuti aende kuna Baba yasvika.’ (Johani 13:1) Mazuva mashanu ari kutevera iye acha“pa mweya wake sorudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mako 10:45) Kubva panguva ino zvichienda mberi, pfungwa yokukurumidzira inoratidzwa pane zvose zvinoitwa nokudzidziswa naJesu. Muenzaniso wakanaka sei wazvinogadza kwatiri sezvatinomirira nomwoyo wose mugumo wegadziriro ino yezvinhu! Chimbofunga zvinoitika kuna Jesu zuva rinotevera racho chairo.

Zuva Rokupinda kwaJesu Achipembererwa

3. (a) Jesu anopinda sei muJerusarema musi weSvondo, Nisani 9, uye vanhu vakawanda vakamupoteredza vanoita sei? (b) Jesu anopa mhinduro ipi vaFarisi vanotsutsumwa pamusoro peboka ravanhu?

3 Musi weSvondo, Nisani 9, Jesu anouya kuJerusarema achipembererwa. Paanopinda muguta—akatasva mwana wembongoro mukuzadzika kwaZekaria 9:9—vakawanda vavanhu vamuunganira vanowaridza nguo dzavo dzokunze munzira, vamwe vachitema mapazi mumiti nokuawaridza. “Akakomborerwa Iye anouya saMambo muzita raJehovha!” vanodanidzira kudaro. Vamwe vaFarisi vari muboka racho vanoda kuti Jesu anyararidze vadzidzi vake. Zvisinei, Jesu anopindura kuti: “Ndinokuudzai kuti, Kudai ava vaizoramba vakanyarara, matombo aizodanidzira.”—Ruka 19:38-40; Mateu 21:6-9.

4. Nei Jerusarema richinyonganiswa Jesu paanopinda muguta?

4 Vhiki shomanana dzapfuura, vakawanda vari muboka vakanga vaona Jesu achimutsa Razaro. Zvino ava vanoramba vachiudza vamwe nezvechishamiso ichocho. Saka Jesu paanopinda muJerusarema, guta rose rinonyonganiswa. “Uyu ndiani?” vanhu vanobvunza. Uye mapoka anoramba achiti: “Uyu ndiye muprofita Jesu, wekuNazareta yeGarireya!” Vachiona zviri kuitika, vaFarisi vanotaura kuti: “Nyika yamutevera.”—Mateu 21:10, 11; Johani 12:17-19.

5. Chii chinoitika apo Jesu anoenda kutemberi?

5 Sezvairi tsika yake pakushanyira Jerusarema, Jesu, Mudzidzisi Mukuru, anoenda kutemberi kunodzidzisa. Ikoko mapofu nevakaremara vanouya kwaari, uye anovarapa. Vapristi vakuru navanyori pavanozviona uye pavanonzwa vakomana vari mutemberi vachidanidzira kuti, “Tapota, ponesai, Mwanakomana waDhavhidhi!” vanotsamwa. “Unonzwa here zviri kutaura ava?” vanogunun’una vachidaro. “Hungu,” Jesu anopindura kudaro. “Hamuna kumborava here izvi kuti, ‘Makaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza’?” Jesu paanopfuurira kudzidzisa, anonyatsoongorora zviri kuitika mutemberi.—Mateu 21:15, 16; Mako 11:11.

6. Mutoo waJesu wokuita nawo zvinhu zvino wasiyana sei nezvawaive pakutanga, uye nei?

6 Mutoo waJesu wokuita nawo zvinhu zvino wasiyana sei nezvawakanga wakaita mwedzi mitanhatu yakapfuura! Ipapo akapinda muJerusarema achiuya kuMutambo waMatebhenekeri “kwete pachena asi muchivande.” (Johani 7:10) Uye nguva dzose aitora matanho okutiza akachengeteka apo upenyu hwake hwaiiswa mungozi. Iye zvino anopinda pachena muguta umo mirayiridzo yokumubata yakapiwa! Zvekare, yakanga isiri tsika yaJesu kuzvizivisa saMesiya. (Isaya 42:2; Mako 1:40-44) Haaida kuziviswa kworuzha kana kuti mishumo yakamonyorotswa pamusoro pake kuti itaurwe kubva kune munhu ichienda kune mumwe. Iye zvino mapoka ari kumuzivisa pachena kuti ndiye Mambo noMuponesi—Mesiya—uye anoramba zvikumbiro zvavatungamiriri vechitendero zvokuti aanyararidze! Nei zvachinja? Nokuti “awa yasvika yokuti Mwanakomana womunhu apiwe mbiri,” sezvinoziviswa naJesu zuva rinotevera racho chairo.—Johani 12:23.

Chiito Choushingi—Uye Dzidziso Dzinoponesa Upenyu

7, 8. Zvinoitwa naJesu musi waNisani 10, 33 C.E., zvakafanana sei nezvaakaita mutemberi paPaseka ya30 C.E.?

7 Paanosvika patemberi noMuvhuro, Nisani 10, Jesu anoita maererano nezvaaona masikati apfuura. Anotanga ‘kudzingira kunze vari kutengesa nokutenga mutemberi, uye anopidigura tafura dzavachinji vemari namabhenji evari kutengesa njiva; uye haatenderi munhu kutakura mudziyo achipfuura nomutemberi.’ Achishora vaiti vezvakaipa vacho, anozivisa kuti: “Hazvina here kunyorwa kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera yemarudzi ose’? Asi imi maiita bako remakororo.”—Mako 11:15-17.

8 Zvinoitwa naJesu zvakafanana nezvaakaita makore matatu apfuura paakashanyira temberi paPaseka ya30 C.E. Zvisinei, iye zvino kushora kwacho kwakatonyanyisa. Vatengesi vari mutemberi zvino vave kunzi “makororo.” (Ruka 19:45, 46; Johani 2:13-16) Ndizvo zvavari nokuti vanorayira mitengo yakakurisa kubva kuvanoda kutenga mhuka dzokubayira. Vapristi vakuru, vanyori, nevakatanhamara vavanhu vanonzwa zviri kuitwa naJesu uye zvekare vanotsvaka nzira dzokuti aurayiwe. Asi, havazivi kuti vangapfuudza sei Jesu, sezvo vanhu vose, vari kushamiswa nokudzidzisa kwake, vari kuramba vari kwaari kuti vamunzwe.—Mako 11:18; Ruka 19:47, 48.

9. Jesu anodzidzisa chidzidzoi, uye anokumbira vanomuteerera kuitei patemberi?

9 Sezvo Jesu anoramba achidzidzisa mutemberi, anozivisa kuti: “Awa yasvika yokuti Mwanakomana womunhu apiwe mbiri.” Hungu, anoziva kuti asarirwa namazuva mashomanana bedzi oupenyu hwake somunhu. Apedza kurondedzera kuti tsanga yegorosi inofanira kufa sei kuitira kuti ibereke zvibereko—zvakafanana nokufa kwake uye kuva nzira yokupa nayo upenyu husingaperi kuvamwe—Jesu anokumbira vateereri vake, achiti: “Kana munhu achizondishumira, ngaanditevere, uye pandiri ipapo mushumiri wangu achava ipapowo. Kana munhu achizondishumira, Baba vachamukudza.”—Johani 12:23-26.

10. Jesu anonzwa sei nezvorufu rwunorwadza rwakamumirira?

10 Achifunga nezvorufu rwake runorwadza rwasarirwa namazuva mana kuti rwuitike, Jesu anopfuurira achiti: “Zvino mweya wangu unonetseka, ndichatii? Baba, ndiponesei muawa ino.” Asi zvakamirira Jesu hazvingadziviswi. “Kunyange zvakadaro,” anodaro, “ndokusaka ndasvika paawa ino.” Zvechokwadi, Jesu ari kubvumirana nezvakarongwa naMwari zvose. Akatsunga kuita kuti kuda kwaMwari kutungamirire zvaanoita kusvikira kurufu rwake rwechibayiro. (Johani 12:27) Muenzaniso wakadini waakatisiyira—wokuzviisa pasi pokuda kwaMwari zvizere!

11. Jesu anodzidzisei kuboka richangobva kunzwa inzwi kubva kudenga?

11 Aine hanya zvikuru nokuti rufu rwake rwuchaitei pamukurumbira waBaba vake, Jesu anonyengetera kuti: “Baba, ipai mbiri zita renyu.” Zvichishamisa boka ravanhu rakaungana patemberi, inzwi rinobva kudenga, richiti: “Ndakaripa mbiri uye ndicharipazve mbiri.” Mudzidzisi Mukuru anoshandisa mukana uyu kuudza boka racho ravanhu kuti nei inzwi racho ranzwika, kuti rufu rwake ruchaguma nei, uye kuti nei vachifanira kuva nokutenda. (Johani 12:28-36) Chaizvoizvo mazuva maviri adarika ave akazara nezviitiko kuna Jesu. Asi zuva rakaoma richiri mberi.

Zuva Rokushora

12. Musi weChipiri, Nisani 11, vatungamiriri vechitendero vanoedza sei kubata Jesu, uye nomugumisiroi?

12 Musi weChipiri, Nisani 11, Jesu anopindazve mutemberi kuti adzidzise. Vateereri vasina ushamwari varimo. Vachireva zvakanga zvaitwa naJesu zuva rakanga rapfuura racho, vapristi vakuru navarume vakuru vavanhu vanomubvunza kuti: “Unoita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupa simba iri?” Mudzidzisi Mukuru anovakatyamadza nemhinduro yake, uye anorondedzera mienzaniso mitatu yakajeka—miviri yacho iri pamusoro pomunda wemazambiringa uye mumwe pamusoro pomutambo womuchato—inofumura kuipa kwakaita vanomushora. Vatsamwiswa nezvavanonzwa, vatungamiriri vechitendero vanoda kumubata. Asi vanotya mapoka avanhu, vanoona Jesu somuprofita. Saka vanotsvaka kumunyengedza kuti ataure chimwe chinhu chinoita kuti vamusungise. Mhinduro dzinopiwa naJesu dzinoita kuti vanyarare.—Mateu 21:23–22:46.

13. Jesu anopa vanomuteerera zano rokuita sei nezvavanyori navaFarisi?

13 Sezvo vanyori navaFarisi vachiti vanodzidzisa Mutemo waMwari, Jesu zvino anokurudzira vanomuteerera kuti: “Zvinhu zvose zvavanokuudzai, zviitei uye zvichengetei, asi musaita maererano nezviito zvavo, nokuti vanotaura asi havaiti.” (Mateu 23:1-3) Kushora kwapachena kwakasimba zvakadini! Asi Jesu haasati apedza navo. Iri ndiro zuva rake rokupedzisira patemberi, uye anovafumura afumurazve noushingi—kumwe pashure pokumwe kunge maungira emabhanan’ana.

14, 15. Jesu anotaura mashoko okushora akasimba zvikuru api kuvanyori navaFarisi?

14 “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri!” Jesu anozivisa kudaro katanhatu. Vakadaro nokuti, sezvaanotsanangura, vanopfigira vanhu umambo hwokumatenga, vasingabvumiri vari kupinda kuti vapinde. Vanyengeri ava vanofamba pagungwa napanyika yakaoma kuti vaite mutendeuki mumwe, kungoti chete vamuite munhu wokuparadzwa kusingaperi. Vachiregeredza “nhau dzakakomba zvikuru dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni nokutendeka,” vanongoomerera pakupa chegumi. Chaizvoizvo, vanochenesa “kunze kwekapu nekwendiro, asi mukati makazara nezvakapambwa nokunyanyisa” mukuti kuora kwavo kwomukati kwakavanzwa nokuratidza kwavo kwokunze sevakazvipira kuchitendero. Uyezve, vanoda kuvaka makuva evaprofita uye kuashongedza vachida kuti vanhu vaone mabasa avo omutsa, kunyange zvazvo vari “vanakomana veavo vakaponda vaprofita.”—Mateu 23:13-15, 23-31.

15 Achishora kushaya zvinokosha zvomudzimu kwavavengi vake Jesu anoti: “Mune nhamo imi, vatungamiriri vakapofumara.” Vakapofumara patsika nokuti vanokoshesa zvikuru ndarama yetemberi pane kukosha kwokumudzimu kwenzvimbo iyoyo yokunamatira. Achipfuurira, Jesu anotaura mashoko ake akasimba pane ose okushora. “Nyoka, vana venyoka dzine uturu,” anodaro, “muchatiza sei kutonga kweGehena?” Hungu, Jesu ari kuvaudza kuti nokutevera nzira yavo yakaipa, vachatambura kuparadzwa kusingaperi. (Mateu 23:16-22, 33) Isuwo ngatiratidzei ushingi mukuzivisa mashoko oUmambo, kunyange pazvinosanganisira kufumura chitendero chenhema.

16. Akagara muGomo reMiorivhi, Jesu anopa vadzidzi vake uprofita hupi hunokosha?

16 Jesu zvino anobva patemberi. Muzuva ramasikati rava kudoka, iye navadzidzi vake vanokwira Gomo reMiorivhi. Vakagara imomo, Jesu anopa uprofita pamusoro pokuparadzwa kwetemberi uye chiratidzo chokuvapo kwake uye chokuguma kwegadziriro yezvinhu. Zvinorehwa namashoko ouprofita aya zvinosvika kunguva yedu. Manheru iwayo, Jesu anoudzawo vadzidzi vake kuti: “Munoziva kuti mazuva maviri kubva zvino paseka ichaitika, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kwavari kuti aroverwe.”—Mateu 24:1-14; 26:1, 2.

Jesu ‘Anoda Vake Kusvikira Kumugumo’

17. (a) PaPaseka musi waNisani 14, Jesu anodzidzisa chidzidzoi kune vane 12? (b) Jesu anotanga kuchengetwa kwei adzinga Judhasi Isikariyoti?

17 Kwemazuva maviri anotevera—Nisani 12 na13—Jesu haazviratidzi pachena patemberi. Vatungamiriri vechitendero vari kutsvaka kumuuraya, uye haadi kuti chimwe chinhu chivhiringidze kuchengeta kwake Paseka navaapostora vake. Zuva rinonyura neChina rinotanga Nisani 14—zuva rokupedzisira raJesu panyika ari munhu. Manheru iwayo, Jesu navaapostora vake vari pamwe chete mumba iri muJerusarema magadzirirwa kuti vachengete Paseka. Sezvavanoita paseka pamwe chete, anodzidzisa 12 vacho chidzidzo chakanaka chokuzvininipisa nokugeza tsoka dzavo. Adzinga Judhasi Isikariyoti, akabvuma kutengesa Tenzi wake nokuda kwezvidimbu 30 zvesirivha—mutengo womurandawo zvake maererano noMutemo waMosesi—Jesu anotanga Chirangaridzo chorufu rwake.—Eksodho 21:32; Mateu 26:14, 15, 26-29; Johani 13:2-30.

18. Jesu anopa dzimwe dzidzisoi nenzira yorudo kuvaapostora vake vakatendeka 11, uye anovagadzirira sei kuenda kwake kwave pedyo?

18 Zvichitevera kutangwa kweChirangaridzo, vaapostora vanoitirana nharo huru dzokuti ndiani pakati pavo mukuru kupfuura vose. Pane kuvatuka, Jesu anovadzidzisa nokushivirira nezvokukosha kwokushumira vamwe. Achionga kuti varamba vanaye pakuedzwa kwake, iye pachake anoita sungano youmambo navo. (Ruka 22:24-30) Jesu anovapawo murayiro wokuti vadanane sokuda kwaakavaita. (Johani 13:34) Sezvaanomboramba ari mumba imomo, Jesu anovagadzirira nenzira yorudo nokuda kwokuenda kwake kwave pedyo. Anovavimbisa nezvoushamwari hwake, anovakurudzira kuti vave nokutenda, uye anovapikira kuti vachabatsirwa nomudzimu mutsvene. (Johani 14:1-17; 15:15) Vasati vabuda mumba, Jesu anokumbira Baba vake kuti: “Awa yasvika; ipai mbiri mwanakomana wenyu, kuti mwanakomana wenyu akupei mbiri.” Zvechokwadi, Jesu agadzirira vaapostora nokuda kwokuenda kwake, uye zvechokwadi ‘anoda vake kusvikira kumugumo.’—Johani 13:1; 17:1.

19. Nei Jesu ari kurwadziwa mubindu reGetsemani?

19 Jesu navaapostora vake 11 vakatendeka vanosvika mubindu reGetsemani zvichida pakati pousiku patopfuura. Aichimboenda ikoko navaapostora vake. (Johani 18:1, 2) Pasina nguva refu, Jesu achafa sokunge tsotsi rinozvidzwa. Marwadzo eichi chiitiko chinotarisirwa uye kuti chichaunza sei ruzvidzo pana Baba vake akakura zvokuti apo Jesu anonyengetera, ziya rake rinova samadonhwe eropa richidonhera pasi. (Ruka 22:41-44) “Awa yasvika!” Jesu anodaro kuvaapostora. “Tarirai! Mutengesi wangu aswedera pedyo.” Achiri kutaura, Judhasi Isikariyoti anosvika, ane boka guru ravanhu vakatakura mwenje namarambi nezvombo. Vauya kuzosunga Jesu. Iye haarambi. “Ipapo,” iye anotsanangura kudaro, “Magwaro aizozadzika sei okuti zvinofanira kuitika saizvozvi?”—Mako 14:41-43; Mateu 26:48-54.

Mwanakomana Womunhu Anopiwa Mbiri!

20. (a) Kutambudzwa kworudzii kunoitwa Jesu zvichitevera kusungwa kwake? (b) Nguva pfupi asati afa, nei Jesu achidanidzira kuti: “Zvaitika”?

20 Zvichitevera kusungwa kwake, Jesu anopomerwa nezvapupu zvenhema, anowanirwa mhaka navatongi vakarerekera divi rimwe, anotongwa naPondiyo Pirato, anosekwa navapristi nemhomho yavanhu, uye anonyombwa uye kurwadziswa navarwi. (Mako 14:53-65; 15:1, 15; Johani 19:1-3) Panosvika Chishanu masikati, Jesu anoroverwa padanda rokutambudzikira uye anotambura marwadzo akakura kwazvo apo kurema kwomuviri wake kunobvarura pamaronda pakaroverwa zvipikiri mumaoko ake netsoka. (Johani 19:17, 18) Panenge panguva yechitatu masikati, Jesu anodanidzira kuti: “Zvaitika!” Hungu, apedza zvose zvaakauya kuzoita pasi pano. Achipa mudzimu wake kuna Mwari, anokotamisa musoro wake ndokubva afa. (Johani 19:28, 30; Mateu 27:45, 46; Ruka 23:46) Pazuva rechitatu kubva ipapo, Jehovha anomutsa Mwanakomana wake. (Mako 16:1-6) Mazuva makumi mana amutswa, Jesu anokwira kumatenga uye anopiwa mbiri.—Johani 17:5; Mabasa 1:3, 9-12; VaFiripi 2:8-11.

21. Tingatevedzera sei Jesu?

21 Tinga‘nyatsotevera tsoka dzaJesu’ sei? (1 Petro 2:21) Kufanana naye, ngatizvishandise zvakasimba mubasa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi uye tova noushingi nokusatya mukutaura shoko raMwari. (Mateu 24:14; 28:19, 20; Mabasa 4:29-31; VaFiripi 1:14) Ngatirege kumbokundikana kuziva kuti nguva yave papi kana kukundikana kunyandurirana kurudo namabasa akanaka kwazvo. (Mako 13:28-33; VaHebheru 10:24, 25) Ngatiite kuti zvose zvatinoita zvidzorwe nokuda kwaJehovha Mwari uye nokuziva kuti tiri kurarama mu“nguva yokupedzisira.”—Dhanieri 12:4.

Ungapindura Sei?

• Kuziva kwaJesu kuti rufu rwake rwakanga rwava pedyo kwakaita kuti aite sei ushumiri hwake hwokupedzisira patemberi muJerusarema?

• Chii chinoratidza kuti Jesu ‘akada vake kusvikira kumugumo’?

• Zviitiko zvamaawa mashomanana anga asara oupenyu hwaJesu zvinoratidzei nezvake?

• Tingatevedzera sei Kristu Jesu muushumiri hwedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Jesu “akavada kusvika kumugumo”