Kuchemera Kubatsirwa
Kuchemera Kubatsirwa
“MWARI andikanganwa!” akachema achidaro mumwe mukadzi wokuBrazil. Akanzwa kuti upenyu hwake hwakanga husisina zvahunoreva mushure morufu rwakamwe-kamwe rwomurume wake. Wakamboedza kubatsira mumwe munhu akaora mwoyo zvakadaro kana kuti zvimwe ari kuchemera kubatsirwa here?
Vamwe vanobva vapererwa nezano zvokuti vanobva vazviuraya—uye vazhinji vavo ndevechiduku. Maererano nepepanhau reFolha de S. Paulo, kumwe kuongorora kwakaitwa kuBrazil kunoratidza kuti “kuzviuraya kwavana vaduku kwawedzera ne26 muzana.” Somuenzaniso, funga nezvenyaya yaWalter, * murume muduku womuSão Paulo. Aive asina vabereki, asina musha, asina zvaanotiwo ndezvake oga, asina waanonyatsotiwo shamwari. Kuti agumise nhamo yake, Walter akasarudza kusvetuka kubva pazambuko.
Vamwe amai vasina murume vanonzi Edna, vaiva navana vaviri pavakasangana nomumwe murume. Mushure memwedzi chete, vakatanga kugara vose pamusha paamai vomurume, avo vaive vakanyura mune zvemidzimu uye vari chidhakwa. Edna akaita mumwe mwana, akatanga kuraradza, uye akaora mwoyo zvokuti akaedza kuzviuraya. Pakupedzisira, akarasikirwa nekodzero yokutarisira vana vake.
Zvakadii nevechikuru? Maria aiwanzoda zvokufara uye aitaurisa. Zvisinei, sezvaaikura akatanga kushushikana pamusoro pebasa rake somukoti nokuti aitya kuti aizoita zvikanganiso. Izvi zvakamuita kuti aore mwoyo. Mushure mokunge aedza kuzvirapa, akazotsvaga kunyatsorapwa chaiko, uye mishonga yaakapiwa yakaita seyakabatsira. Asi paakazorasikirwa nebasa rake ava nemakore 57, kuora mwoyo kwakazonyatsodzoka kwakomba zvokuti akanga apererwa. Maria akatanga kufunga zvokuzviuraya.
Purofesa José Alberto Del Porto vepaYunivhesiti yeSão Paulo vanoti, “Inenge 10 muzana yavanhu vakaora mwoyo inoedza kuzviuraya.” “Hazvibvumiki kuti vanhu vakazviuraya vakawanda kupfuura vanoita zvokuurayiwa, asi ichokwadi chinosuruvarisa,” anoshuma kudaro chiremba wokuvhiya womuchiuto wokuUnited States, Dr. David Satcher.
Dzimwe nguva kuedza kuzviuraya kunotova chaizvoizvo kuchemera kubatsirwa. Uye zvechokwadi nhengo dzemhuri neshamwari dzinoda kuita zvinofanira kuitirwa uyo arasikirwa netariro. Chokwadi, hazvibatsiri kushandisa kutaura kwakadai souku:
“Usazvinzwira urombo,” “Kune vanhu vakawanda vari kutotambudzika kupfuura zvauri kuita” kana kuti, “Tose zvedu tine rimwe zuva razvinenge zvakatiomera pano neapo.” Panzvimbo pokudaro, kuregererei kuva shamwari chaiyo nomuteereri akanaka? Hungu, edza kubatsira uyo apererwa netariro kuona kuti upenyu hwakafanirwa nokurarama.Munyori wokuFrance Voltaire akanyora kuti: “Murume anozviuraya nhasi, mukusurukirwa, aizodai akakungura kuramba achirarama dai akamirira kwevhiki imwe.” Saka, kana zvakadaro, vanhu vapererwa vangawana sei kuti upenyu hunokosha?
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Nhamba inowedzera yavaduku navakuru vanozviuraya
[Mufananidzo uri papeji 4]
Ungabatsira sei uyo asisina tariro?