Kuzivisa Umambo hwaMwari muZvitsuwa zveFiji
Tiri Vaya Vane Kutenda
Kuzivisa Umambo hwaMwari muZvitsuwa zveFiji
JESU KRISTU akambotaura nezvemigwagwa miviri. Mumwe wakapamhama uye unoenda kurufu. Mumwe wacho wakamanikidzana asi unoenda kuupenyu. (Mateu 7:13, 14) Kuti vanhu vakwanise kusarudza mugwagwa chaiwo, Jehovha Mwari ane chinangwa chokuti mashoko akanaka oUmambo aparidzwe munyika yose. (Mateu 24:14) Saka vanhu kwose-kwose vari kuteerera shoko roUmambo, uye vamwe vari kusarudza upenyu nokuva “vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Tinokukoka kuti uverenge nezvokusarudza upenyu kwakaitwa navamwe muFiji nomuzvimwe zvitsuwa zviri pedyo nayo zvomuSouth Pacific.
Vaivimba naJehovha
Mere akanga ari musikana aienda kuchikoro paakatanga kunzwa shoko roUmambo muna 1964. Nokuti aive pachitsuwa chiri choga, aisawanzosangana neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, pakupedzisira akazokwanisa kuwana zivo yakarurama yeBhaibheri. Panguva iyoyo, akanga aroorwa nomumwe murume uyo akanga ari mambo mumusha make. Pamusana pechisarudzo chaMere chokurarama nenheyo dzeBhaibheri, murume wake nehama dzake vakamubata zvoutsinye, vamwe vomumusha vaimuzvidza. Kunyange zvakadaro akabhabhatidzwa muna 1991.
Gare gare murume waMere, Josua, akanyevenutsa mafungiro ake uye akatotanga kugara apo Mere aikurukura Bhaibheri navana vavo. Josua akarega kupinda Chechi yeMethodist. Zvisinei, sezvo aive ari mambo akaramba achitungamirira pamisangano yevhiki nevhiki yomumusha. Mukuona kwevomumusha Josua aive asisina kuvimbika, nokuti Chechi yeMethodist yaive chimwe chinhu chaikosha muupenyu hwomumusha weFiji. Saka mufundisi wemo akakurudzira Josua kudzoka kuchitendero chake chakare.
Josua akasimbisa noushingi kuti iye nemhuri yake vaiva vaita chisarudzo chavo uye vaiva vakatsunga kunamata Jehovha Mwari “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Pamusangano womumusha wakatevera, mambo mukuru akatonga kuti Josua nemhuri yake vabve mumusha savanhu vakaraswa. Vakapiwa mazuva manomwe kuti vasiye chitsuwa nemba yavo, munda, uye mbeu—hungu, zvaivararamisa zvose.
Hama dzomudzimu dzaive pane chimwe chitsuwa ndidzo dzakazobatsira Josua nemhuri yake, nepokugara nemunda wokurima mbeu. Josua nemwanakomana wake mukuru zvino vakabhabhatidzwa, uye mumwe mwanakomana ari kushumira somuparidzi asina kubhabhatidzwa wamashoko akanaka. Mere achangobva kutora upiyona hwenguva dzose (muzivisi woUmambo wenguva yakazara). Chisarudzo chavo chokushumira Jehovha chakaguma nokurasikirwa nechinzvimbo uye zvinhu zvokunyama, asi kufanana nomuapostora Pauro, vanozvitora sepasina kana zvichienzaniswa nezvavakawana.—VaFiripi 3:8.
Chisarudzo Chine Chokuita Nehana
Kusarudza kutevedzera hana yakarovedzwa neBhaibheri kunoda kutenda noushingi. Ndizvo chaizvo zvazvaive zvakaita Suraang achangobva kubhabhatidzwa, mukadzi wechiduku anogara paTarawa, chimwe chezvitsuwa zveKiribati. Suraang akakumbira mvumo yokuti abvumidzwe kusaita zvimwe zvinhu zvaaiita mubasa rake roukoti pane chimwe chipatara. Chikumbiro chake hachina kunyatsogamuchirwa nomufaro izvo zvakaita kuti atumirwe kune imwe nzvimbo duku yokurapa iri pachimwe chitsuwa chiri pacho choga uko akanga asisaonani navamwe vechitendero chake.
Pachitsuwa ichocho itsika kuti vose vachangosvika vapire ku“mudzimu” womunzvimbo iyoyo. Vanhu vacho vanodavira kuti ukasaita izvi unofa. Sezvo
Suraang nevaimutsigira vakaramba kubvumira ichi chiito chokunamata zvidhori, vomumusha vakamirira kuti adzipwe nomudzimu uyu wakanga wakanganisirwa. Suraang zvaasina kumbokuvadzwa kana vaitsigira, mikana yakawanda yakazaruka yokupa uchapupu hwakaisvonaka.Asi miedzo yaSuraang yakanga isati yapera. Vamwe vavarume vaduku vapachitsuwa apa vanototi ndiro basa kuedza kudanana navakadzi vaduku vanoshanya. Zvisinei, Suraang akaramba kudanana navo akachengeta kuperera kwake kuna Mwari. Kutaura zvazviri, akatokwanisa kuva piyona wenguva dzose, kunyange zvazvo aigona kungodanwa chero nguva zvayo pamaawa 24 mubasa rake roukoti.
Mabiko akaitwa okuremekedza Suraang paakange ava kubva pachitsuwa ichi asati aitwa, vakuru vomumusha vakataura kuti ndiye mumishinari chaiye wokutanga kuvashanyira. Pamusana pokutsigira kwake zvakasimba nheyo dzeBhaibheri, vamwe pachitsuwa ichocho vakagamuchira zvakanaka shoko roUmambo.
Zvinetso Zvokunyama
Kuva kwemimwe misha kwayo yoga kunoita kuti vanhu vaJehovha vatamburire zvikuru kugoverana muushumiri nokupinda misangano yechiKristu. Funga nezvomuenzaniso weZvapupu zvina zvakabhabhatidzwa—murume mumwe navakadzi vatatu—vanopedza maawa vachienda nokudzoka kumisangano. Rwendo rwavo rwunosanganisira kuyambuka nzizi nhatu pakuenda napakudzoka. Kana mvura yakazara, hama yacho ndiyo inotanga kushambira ichiyambuka, yakatakura zipoto rokubikira hombe riine mabegi avo, mabhuku, nehembe dzemusangano. Anozoshambira achidzoka kuzobatsira hanzvadzi dzacho nhatu.
Rimwe boka duku, rinopinda misangano pachitsuwa chiri choga cheNonouti muKiribati, rinotarisana nezvinetso zvakasiyanawo. Mumba mavanosanganira munongokwana vanhu vanomwe kana vasere. Vamwe vanogara panze vachiita zvokudongorera nomumaburi emadziro ayo ewaya yehuku. Nzvimbo yacho iri panonyatsoonekwa navamwe vanhu vomumusha vanenge vachienda nokudzoka kumachechi avo anoorora. Hapana mubvunzo kuti vashumiri vaJehovha vanoziva kuti vanhu, kwete zvivako, ndivo vanodiwa pakuona kwaJehovha. (Hagai 2:7) Hanzvadzi imwe chete yakabhabhatidzwa iri pachitsuwa ichocho yava yechikuru uye haigoni kufamba kusvika kure. Asi inobatsirwa muushumiri nomumwe mukadzi muduku, muparidzi asati abhabhatidzwa anomusunda ari mukangoro kemaoko. Kuratidzira kuonga chokwadi kwakadii kwavanoita!
Vaparidzi vanopfuura 2 100 vari kushumira muzvitsuwa zveFiji vakatsunga kuramba vachizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Uye vane chivimbo chokuti vamwe vakawanda vachawedzera kuva “vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.”
[Mepu iri papeji 8]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Australia
Fiji