Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Isina Kuora Mwoyo—Nokukurumidza

Nyika Isina Kuora Mwoyo—Nokukurumidza

Nyika Isina Kuora Mwoyo—Nokukurumidza

ZVINODIWA muupenyu zviri kuramba zvichiwedzera, uye zvikonzero zvokuora mwoyo zvakawanda. Takangaidzwa, tingazviwana zvakaoma kudzora manzwiro edu. Kunyange vanhu vanoda upenyu vangava vasingafari zvachose! Funga nezvemienzaniso mishomanana.

Munguva dzakare, muprofita Mosesi akaora mwoyo zvokuti akati kuna Mwari: “Chindiurayai henyu kamwe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege hangu kuona urombo hwangu.” (Numeri 11:15) Achitiza vavengi vake, muprofita Eriya akati: “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu.” (1 Madzimambo 19:4) Uye muprofita Jona akati: “Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.” (Jona 4:3) Asi Mosesi, Eriya, kana Jona havana kuzviuraya. Vose vaiziva murayiro waMwari wokuti: “Usauraya.” (Eksodho 20:13) Vaine kutenda kwakasimba muna Mwari, vaiziva kuti hapana mamiriro ezvinhu asina tariro uye kuti upenyu chipo chinobva kuna Mwari.

Zvakadini nezvinetso zvatinotarisana nazvo zvino? Kuwedzera kumarwadzo epfungwa nezvinetso zvokunyama, tingatofanira kushivirira kubatwa zvakaipa nenhengo dzemhuri, vavakidzani kana vamwe vasonganiri. Bhaibheri rinotaura nezvavanhu vakazara “nokusarurama kwose, uipi, kuchochora, ushati, vakazara neshanje, umhondi, kukakavadzana, unyengeri, vane pfini, vanhu vanoita makuhwa, vanyeyi, vavengi vaMwari, vanoita zvakaipa, vanozvikudza, vanozvitutumadza, vavambi vezvinhu zvakaipa, vasingateereri vabereki, vasina nzwisiso, vasingachengeti zvibvumirano, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasina ngoni.” (VaRoma 1:28-31) Kupoteredzwa navanhu vakadaro zuva nezuva kungaita kuti upenyu huite somutoro. Tingabatsira sei avo vanoda nyaradzo nokusunungurwa?

Kuda Kuteerera

Nhamo nokutambura zvinogona kuita kuti mumwe atadze kunyatsofunga. Murume akachenjera akati: “Kumanikidza kunoita muchenjeri benzi.” (Muparidzi 7:7) Saka munhu anotaura nezvokuzviuraya anoda kunyatsofungwa nezvake. Zvinetso zvaari kuva nazvo, mungava mumwoyo, munyama, mumafungiro, kana kuti mumudzimu, zvinoda kutarisirwa nokukurumidza. Zvechokwadi kurapa kwounyanzvi kunosiyana-siyana, uye kuzvisarudzira kunofanira kuitwa nezvenzira dzokurapwa nadzo.—VaGaratiya 6:5.

Chipi zvacho chingava chikonzero chokuda kuzviuraya, kuva nomunhu anonzwisisa, anonzwira urombo, uye anoshivirira wokuudza zviri kutsi kwemwoyo kungatobatsira kwazvo. Nhengo dzemhuri neshamwari dzinoda kuteerera dzingagona kubatsira. Kuwedzera kukunzwirana kwoushamwari nomutsa, pfungwa dzinovaka dzinobva muShoko raMwari dzinogona kubatsira zvikuru avo varasikirwa netariro.

Kubatsirwa Kumudzimu Kwevanotambura

Ungashamisika kuona kuti kuverenga Bhaibheri kunokurudzira zvakadini. Kunyange zvazvo risiri bhuku remirayiridzo yezvemashandiro epfungwa, Bhaibheri rinogona kutibatsira kukoshesa upenyu. Mambo Soromoni akati: “Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.” (Muparidzi 3:12, 13) Kuwedzera kubasa rinogutsa iro rinoita kuti upenyu hwedu huve nezvahunoreva, zvimwewo zvinhu—zvakadai semhepo inotonhorera, zuva, maruva, miti, neshiri—zvipo zvinobva kuna Mwari zvatinogona kufadzwa nazvo.

Chinotikurudzirawo kuvimbisa kweBhaibheri kuti Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vane hanya nesu. (Johani 3:16; 1 Petro 5:6, 7) Zvakakodzera kuti munyori wepisarema akati: “Ishe ngaaongwe, iye unotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, iye Mwari muponesi wedu.” (Pisarema 68:19) Kunyange tinganzwa tisina maturo uye tisingakoshi, Mwari anotikoka kuti tinyengetere kwaari. Pane chivimbo chokuti hapana anotsvaga kubatsirwa naye achizvininipisa uye nemwoyo wose achashorwa.

Hapana anogona kutarisira nenzira yakarurama upenyu husina kana nechinetso zvacho. (Jobho 14:1) Asi chokwadi chinobva muShoko raMwari charatidza vanhu vakawanda kuti kuzviuraya handiyo nzira yakarurama yokugadzirisa zvinetso. Ingofunga chete nezvenzira iyo muapostora Pauro akabatsira nayo murindi wejeri akanga adumbirwa uyo akati “achimuka muhope uye achiona kuti misuo yejeri yakanga yakazaruka, akavhomora bakatwa rake uye akange ave kuda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vakanga vatiza.” Munguva duku, murindi wejeri iyeye akanga atopedzisa kuti kuzviuraya kwaive nani pane kuurayiwa zvinonyadzisa uye zvishoma nezvishoma nokuda kwokukundikana kwake. Asi muapostora akadanidzira achiti: “Usazvikuvadza, nokuti tose tiri muno!” Pauro haana kugumira pakutaura ikoko. Kutaura zvazviri, iye naSirasi vakamunyaradza ndokupindura mubvunzo wake wokuti: “Madzichangamire, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?” Vakapindura kuti: “Tenda kunaShe Jesu uye uchaponeswa, iwe neveimba yako.” Uye vakamutaurira shoko raJehovha navose veimba yake zvikaguma nokuti “iye nevekwake vakabhabhatidzwa pasina kunonoka.” Murindi wejeri iyeye neveimba yake vakafara zvikuru uye vakawana patsva zvinoreva upenyu.—Mabasa 16:27-35.

Nhasi, zvinozorodza sei kuziva kuti Mwari haakonzeri uipi! Shoko rake rinozivisa mudzimu wakaipa, u“nonzi Dhiyabhorosi uye Satani,”souyo “[u]ri kutsausa pasi rose rinogarwa.” Asi nguva yamuperera. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Nokukurumidza, kutambura kwose kwakaunzwa naSatani namadhimoni ake pavagari vapasi kuchaguma nokupindira kwaMwari. Nyika itsva yakapikirwa naMwari yozounza nzira yokupedza nayo zvachose zvikonzero zvokushaya tariro nokuzviuraya.—2 Petro 3:13.

Kunyaradzwa Kwevanochemera Kubatsirwa

Kunyange zvino, avo vakaora mwoyo vanogona kuwana nyaradzo kubva muMagwaro. (VaRoma 15:4) Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.” (Pisarema 51:17) Zvechokwadi, hatigoni kutiza kusangana nemimwe miedzo uye tinonzwa zvimwe zvinhu zvinokonzerwa nokusakwana. Asi kupinza zivo yakarurama yaBaba vedu vokudenga vane mutsa, rudo, uye vanonzwisisa kuchativimbisa kuti tinokosha mumeso ake. Mwari anogona kuva Shamwari yedu yokutanga uye Murayiridzi. Kana tikava noukama hwapedyo naJehovha Mwari, haambotiodzi mwoyo. “Ndini Jehova Mwari wako,” anodaro Musiki wedu, “unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17.

Kuvimba naMwari kwabatsira vanhu vakawanda. Kuenzanisira: Mara akanga agara apera simba nokuora mwoyo kwenguva refu paakafirwa nomwanakomana wake mumwe bedzi mutsaona yemotokari. * Akatya zvikuru uye akada kuzviuraya. Zvisinei, iye zvino anomuka nokukurumidza mangwanani ose kuti atarisire basa rake romumba. Anofarira kuteerera nziyo nokubatsira vamwe. Tariro yokuti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama” yabvisa mamwe emarwadzo okufa kwemwanakomana wake anodiwa uye yasimbisa kutenda kwake muna Mwari. (Mabasa 24:15) Sezvo Mara asina kumbova nechishuvo chokuva sengirozi kudenga, mashoko ePisarema 37:11 akamubaya mwoyo anoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”

Sandra, mumwe mukadzi wokuBrazil, aishanda zvakaoma kuti ave amai vakaisvonaka kuvana vake vatatu. Anobvuma kuti “Ndaive ndakabatikana zvokuti baba vangu pavakaerekana vafa uye ini, panguva iyoyo, ndichibva ndaziva kuti murume wangu aidanana nomumwe mukadzi, handina kana kumbofunga zvokunyengetera kuna Mwari.” Apererwa Sandra akaedza kuzviuraya. Chii chakamubatsira kunaya? Kuonga kwake zvinhu zvomudzimu. “Manheru mamwe namamwe ndinoverenga Bhaibheri ndisati ndaenda kunorara, uye ndinoedza kuita sendiri kuona vanhu vandinoverenga nezvavo. Ndinoverengawo magazini eNharireyomurindi neMukai!, uye ndinonyanya kufarira nyaya dzoupenyu nokuti dzinondibatsira kugutsikana namamiriro angu ezvinhu muupenyu.” Adzidza kuva akananga muminyengetero yake nokuti anoziva kuti Jehovha ishamwari yake yakanakisisa.

Nguva Yemberi Isina Kuora Mwoyo

Zvinonyaradza zvakadini kuziva kuti kutambura kwavanhu ndekwechinguva! Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, vana navakuru avo vari kutambudzwa noutsotsi, kusaruramisira, kana kufungirwa zvakashata vachafara. Sezvakafanotaurwa mupisarema rouprofita, Mambo akagadzwa naJehovha, Jesu Kristu, “ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri.” Uyezve, “uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi.” Zvechokwadi, “uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:12-14.

Nguva yokuzadzikwa kwamashoko iwayo ouprofita yava pedyo. Pfungwa yokurarama nokusingaperi pasi pano mumamiriro ezvinhu akadaro inokufadza here? Kana zvakadaro, une chikonzero chokufara uye kuona upenyu sechipo chinobva kuna Mwari. Uye kana ukagoverana zvipikirwa zvapaMagwaro zvinonyaradza izvi navamwe, ungatounza mufaro mukuru muupenyu hweavo vari kuchemera kubatsirwa munyika ino isina tsitsi norudo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Pane mikana yakawanda yokufara nhasi

[Mufananidzo uri papeji 7]

Unotarisira nyika isina kuora mwoyo here?