Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzidza—Kune Mubayiro uye Kunonakidza

Kudzidza—Kune Mubayiro uye Kunonakidza

Kudzidza—Kune Mubayiro uye Kunonakidza

“Kana ukahutsvaka . . . , [ucha]wana zivo yaMwari.”—ZVIREVO 2:4, 5.

1. Kuverengera kuvarairwa kunogona kutinakidza sei?

VANHU vazhinji vanongoverengera kunakidzwa. Kana mashoko acho akanaka, kuverenga kunogona kuva kunozorodza zvikuru. Kunze kwepurogiramu yavo yokuverenga Bhaibheri yenguva dzose, vamwe vaKristu vanowana mufaro chaiwo pakuverenga apo nepapo muMapisarema, Zvirevo, nhoroondo dzeEvhangeri, kana kuti dzimwe nzvimbo dzeBhaibheri. Runako rwomutauro pacharwo nepfungwa dzacho zvinonakidza zvikuru. Vamwe vanosarudza kuverengera kuvarairwa Yearbook of Jehovah’s Witnesses, nemagazini yeMukai!, nyaya dzoupenyu hwevamwe dzinobudiswa mumagazini iyi, kana kuti mashoko akadhindwa enhau, jogirafi, nokudzidza pamusoro pezvisikwa.

2, 3. (a) Mashoko omudzimu akadzika angaenzaniswa nezvokudya zvikukutu pakudii? (b) Kudzidza kunobatanidzei?

2 Nepo kungoverengera kunakidzwa kungava nzira yokuzorora nayo, kudzidza kunoda kufunga. Mumwe muzivi wokuEngland Francis Bacon akanyora kuti: “Mamwe mabhuku ndeokungoravidza, mamwe ndeokumedza, uye mamwe mashomanana ndeokutsenga nokudzeya.” Bhaibheri pasina mubvunzo riri muboka rokupedzisira. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Tine zvakawanda zvokutaura pamusoro pake [Kristu, akafanofananidzirwa naMambo Mupristi Merekizedheki] uye zvakaoma kuti zvitsanangurwe, zvamava vakagomara pakunzwa kwenyu. . . . Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zveavo vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.” (VaHebheru 5:11, 14) Zvokudya zvikukutu zvinofanira kutsengwa zvisati zvamedzwa nokudzeyiwa. Mashoko omudzimu akadzika anoda kufungisisa asati apinda nokuchengetwa.

3 Rimwe duramashoko rinorondedzera “kudzidza” richiti “chiito kana basa rokushandisa pfungwa kuti uwane zivo kana kunzwisisa, zvakadai sokuverenga, kuferefeta, zvichingodaro.” Zvinoratidza kuti zvinobatanidza zvakawanda kupfuura kungoverengawo zvakwo, zvichida tichitara mashoko sezvatinenge tichienda. Kudzidza ibasa, kushandisa pfungwa, uye kushandisa masimba okunzwisisa. Kunyange zvazvo kudzidza kuchida simba, zvisinei, izvi hazvirevi kuti hakungagoni kunakidza.

Kuita Kuti Kudzidza Kunakidze

4. Maererano nomunyori wepisarema, kudzidza Shoko raMwari kunogona sei kuva kunozorodza nokunopa mubayiro?

4 Kuverenga nokudzidza Shoko raMwari kunogona kuva kunozorodza nokunopa simba. Munyori wepisarema akazivisa kuti: “Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorayirwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; murau waJehovha wakaisvonaka unovhenekera meso.” (Pisarema 19:7, 8) Mitemo yaJehovha nezviyeuchidzo zvinomutsa mweya wedu, zvinovandudza kukura kwedu mumudzimu, zvinotipa mufaro womwoyo, uye zvinoita kuti meso edu apenye achinyatsoona zvinangwa zvinoshamisa zvaJehovha. Zvinofadza sei!

5. Kudzidza kunogona kutiunzira mufaro mukuru munzira dzipi?

5 Patinoona zvibereko zvakanaka pabasa redu, tinowanzonakidzwa nokuriita. Saka, kuita kuti kudzidza kunakidze, tinofanira kukurumidza kushandisa zivo itsva yatinenge tawana. Jakobho akanyora kuti: “Asi iye anotarisisa mutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa, munhu uyu, achafara pakuuita kwake.” (Jakobho 1:25) Kukurumidza kushandisa zvatadzidza patiri kunounza kugutsikana kukuru. Kunzvera tine chinangwa chaicho chokupindura mubvunzo unenge wabvunzwa patinenge tichiita basa rokuparidza kana kuti rokudzidzisa kuchatiunzirawo mufaro mukuru.

Kutanga Kufarira Shoko raMwari

6. Munyori wePisarema 119 akataura achitii kufarira kwake Shoko raJehovha?

6 Munyori wePisarema 119, zvichida angava Hezekia paakanga achiri muchinda muduku, akataura kufarira kwake shoko raJehovha. Mumutauro wenhetembo, akati: “Ndichazvifadza nemitemo yenyu; handingakanganwi shoko renyu. Zvipupuriro zvenyuwo zvinondifadza kwazvo, . . . ndichazvifadza kwazvo nemirayiro yenyu, yandinoda. Unyoro hwenyu ngahuuye kwandiri, kuti ndirarame; nokuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha; murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.”—Pisarema 119:16, 24, 47, 77, 174.

7, 8. (a) Maererano nerimwe bhuku, zvinorevei ‘kuratidza kufarira’ Shoko raMwari? (b) Tingaratidza sei kuda kwedu Shoko raJehovha? (c) Ezra akazvigadzirira sei asati averenga Mutemo waJehovha?

7 Richitsanangura shoko rakashandurwa kuti “ndichazvifadza kwazvo” muPisarema 119, rimwe duramashoko reMagwaro echiHebheru rinoti: “Kushandiswa kwaro mundima Pis 119:16 kwakafanana ne[mashoko echiito] anoti rokufara . . . nerokufungisisa . . . Kutevedzana kwacho ndouku: fara, fungisisa, farira . . . Kubatana uku kungangoratidza kuti kufungisisa kune chinangwa ndiyo nzira iyo munhu anosvika nayo pakufarira shoko raYahweh. . . . Zvarinoreva zvinobatanidza mafungiro.” *

8 Hungu, kuda kwedu Shoko raJehovha kunofanira kubva mumwoyo wedu, panobva manzwire. Tinofanira kufadzwa nokumbomira pane dzimwe ndima dzatinenge tabva kuverenga. Tinofanira kufungisisa pfungwa dzomudzimu dzakadzika, tonyura madziri, todzifungisisa. Izvi zvinoda kufungisisa chinyararire nomunyengetero. SaEzra tinofanira kugadzirira mwoyo yedu kuverenga nokudzidza Shoko raMwari. Nezvake kwakanyorwa kuti: “Nokuti Ezra wakanga ashingaira nomwoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsraeri zvaakatema nezvaakatonga.” (Ezra 7:10) Cherechedza zvinangwa zvaEzra zvitatu zvokugadzirira mwoyo wake: kudzidza, kushandisa iye pachake, uye kudzidzisa. Tinofanira kutevera muenzaniso wake.

Kudzidza Sechiito Chokunamata

9, 10. (a) Munyori wepisarema akaratidza kufungisisa Shoko raJehovha munzira dzipi? (b) Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “zvandinofungisisa” rinorevei? (c) Nei zvichikosha kwatiri kuona kudzidza Bhaibheri se“chiito chokunamata”?

9 Munyori wepisarema anotaura kuti akaratidza kuva nehanya nemitemo yaJehovha, mirayiro, nezviyeuchidzo. Anoimba achiti: “Ndichafungisisa zvirevo zvenyu, nokurangarira nzira dzenyu. . . . Ndichasimudzirawo maoko angu kumirayiro yenyu, yandinoda; ndichafungisisa mitemo yenyu. Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Ndine njere kupfuura vadzivisi vangu vose; nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa.” (Pisarema 119:15, 48, 97, 99) Chii chinorehwa ‘nokufungisisa’ Shoko raJehovha?

10 Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “zvandinofungisisa” rinorevawo “kudzamisa pfungwa,” “kudzokorora nhau mupfungwa.” “Rinoshandiswa maererano nokufungisisa mabasa aMwari . . . neshoko raMwari.” (Theological Wordbook of the Old Testament) Chimiro chezita rokuti “kufungisisa” rinoreva “kufungisisa kwemunyori wepisarema,” “kudzidza kwake kworudo” mutemo waMwari, se“chiito chokunamata.” Kuona kudzidza Shoko raMwari sorutivi rwokunamata kwedu kunowedzera kukukoshesa kwedu. Naizvozvo kunofanira kuitwa nokungwarira uye kuchibatsirwa nomunyengetero. Kudzidza rutivi rwokunamata kwedu uye kunoitirwa kuvandudza kunamata kwedu.

Kuchera Zvakadzika muShoko raMwari

11. Jehovha anozivisa sei pfungwa dzomudzimu dzakadzika kuvanhu vake?

11 Mukuyemura kwokuremekedza, munyori wepisarema akati: “Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.” (Pisarema 92:5) Uye muapostora Pauro akataura pamusoro pe“zvinhu zvakadzika zvaMwari,” pfungwa dzakadzika idzo Jehovha anozivisa kuvanhu vake “nomudzimu wake,” unoshanda paboka romuranda akatendeka, akangwara. (1 VaKorinde 2:10; Mateu 24:45) Boka romuranda rinogovera zvokudya zvomudzimu nokushingaira kuna vose—“mukaka” kuvatsva asi “zvokudya zvikukutu” nokuda kwe“vanhu vakuru.”—VaHebheru 5:11-14.

12. Ipa muenzaniso we“zvinhu zvakadzika zvaMwari” zvakatsanangurwa neboka romuranda.

12 Kuti tinzwisise “zvinhu zvakadzika zvaMwari” zvakadaro, zvinokosha kuti tidzidze nokunyengetera nokufungisisa Shoko rake. Somuenzaniso, mashoko akanaka kwazvo akabudiswa anoratidza nzira iyo Jehovha anogona kururamisira nokuva netsitsi panguva imwe. Kuratidza tsitsi kwake hakusi kurerutsa ruramisiro yake; asi, tsitsi dzaMwari dzinoratidza ruramisiro yake pamwe norudo rwake. Pakutonga mutadzi, Jehovha anotanga aona kana zvichibvira kuratidza tsitsi nemhaka yechibayiro chorudzikinuro cheMwanakomana wake. Kana mutadzi asingapfidzi kana kuti achipandukira, Mwari anobvumira ruramisiro kuti iitike pasina tsitsi nokuti dzinenge dzisina kufanira. Chero zvazvaita, akatendeka kumitemo yake yakanaka kwazvo. * (VaRoma 3:21-26) ‘Haiwa, ukuru hwouchenjeri hwaMwari!’—VaRoma 11:33.

13. Tinofanira kuratidza kuonga sei ‘mubatanidzwa’ wechokwadi chomudzimu chakaratidzwa kusvika zvino?

13 Somunyori wepisarema, tinofara nepfungwa yokuti Jehovha anogovana nesu pfungwa dzake dzakawanda. Dhavhidhi akanyora kuti: “Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei neni! Yakakura sei pakuverengwa kwayo! Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda.” (Pisarema 139:17, 18) Kunyange zvazvo zivo yedu nhasi ichimirira chikamu chidukuduku chepfungwa dzisingaverengeki idzo Jehovha achazivisa nokusingaperi kwose, tinoonga zvikuru ‘mubatanidzwa’ wechokwadi chomudzimu chinokosha chakaziviswa kusvika zvino uye tinoramba tichichera tichidzika mumubatanidzwa, kana kuti murwi, weShoko raMwari.—Pisarema 119:160, NW, mashoko omuzasi.

Simba Nematurusi Anoshanda Zvinodiwa

14. Zvirevo 2:1-6 inoratidza sei kudiwa kwesimba mukudzidza Shoko raMwari?

14 Kudzidza Bhaibheri kwakadzika kunoda simba. Pfungwa iyi inobuda zvakajeka pakuverenga nokungwarira Zvirevo 2:1-6. Cherechedza mashoko echiito okushanda ayo Mambo Soromoni akachenjera akashandisa kusimbisa simba rinodiwa kuwana zivo yaMwari, uchenjeri, uye nzwisiso. Akanyora kuti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye unopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenjere.” Hungu, kudzidza kune mubayiro kunoda kunzvera, kuchera, souri kutsvaka pfuma yakavanzwa.

15. Muenzanisoi womuBhaibheri unoratidza kudiwa kwenzira dzokudzidza nadzo dzakanaka?

15 Kudzidza kunopfumisa mumudzimu kunodawo nzira dzokudzidza dzakanaka. Soromoni akanyora kuti: “Kana simbi yakomara, munhu akasairodza, unofanira kunyanya kubata nesimba.” (Muparidzi 10:10) Kana mushandi achishandisa chokuchekesa chisingapinzi kana kuti akasachishandisa nounyanzvi, achatambisa simba rake uye basa rake rinenge risina kutsarukana. Saizvozvowo, zvinobatsira zvinobva munguva inopedzerwa mukudzidza zvingasiyana-siyana, zvichienderana nenzira yedu yokudzidza nayo. Mazano akanaka kwazvo anoshanda okuvandudza nzira yatinodzidza nayo anogona kuwanikwa muChidzidzo 7 cheBhuku rinoTungamirira reChikoro choUbati-ushe hwoUmwari. *

16. Mazano api anoshanda anopiwa kutibatsira kudzidza zvakadzika?

16 Kana mhizha yava kuda kutanga basa rayo, inobudisa maturusi aichada. Saizvozvowo, patinotanga kudzidza, tinofanira kusarudza muraibhurari yedu maturusi atichada pakudzidza. Tichirangarira kuti kudzidza ibasa uye kunoda simba repfungwa, zvakanakawo kugara zvakakodzera. Kana tichida kuti pfungwa dzedu dzirambe dzakamuka, kugara pachigaro chiri pane tafura kana kuti padhesiki kungava kunobatsira kupfuura kuzvambarara pamubhedha kana kuti kugara muchigaro chomunyorododo. Pashure pokudzidza zvakasimba kwechinguva, ungangowana zvichibatsira kumbozvitasanura kana kubuda panze kuti ufurwe nemhepo.

17, 18. Ipa mienzaniso yenzira dzokushandisa nadzo maturusi akanaka kwazvo okushandisa pakudzidza aunogona kuwana.

17 Tinewo maturusi mazhinji okushandisa pakudzidza asingaenzaniswi. Rokutanga pakati pawo iBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva, zvino rave kuwanika rakakwana kana kuti muchikamu mumitauro 37. Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rinoshandiswa nevakawanda rinoratidza kune mashoko anowirirana uye “Kurongwa kweMabhuku eBhaibheri” kunoratidza zita romunyori, nzvimbo yaakanyorera, uye nguva yaakatora. Rinewo mashoko omuBhaibheri akarongwa, mashoko okuwedzera, uye mepu. Mune mimwe mitauro, Bhaibheri iri rinodhindwa riri guru, richinzi Reference Bible. Rine zvataurwa pamusoro apa zvose nezvimwe zvakawanda, kusanganisira mashoko omuzasi anotsanangura zvakadzika, akarongwawo. Unonyatsoshandisa zvinowanika mumutauro wako here kuti zvikubatsire kuchera zvakadzika muShoko raMwari?

18 Rimwe turusi rinokosha pakudzidza ndiyo enisaikoropidhiya yeBhaibheri ine mabhuku maviri inonzi Insight on the Scriptures. Kana une bhuku iri mumutauro waunonzwisisa, unofanira kugara unaro nguva dzose paunenge uchidzidza. Richakupa mashoko okutsanangura misoro mizhinji yeBhaibheri. Rimwe turusi rinobatsira zvakafanana ibhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Paunenge uchitanga kuverenga rimwe bhuku reBhaibheri, zvakanaka kunzvera chidzidzo chinowirirana mubhuku ra“Rugwaro Rwose” kuti uwane nhoroondo nenzvimbo yekwazvakaitikira, uye pfupiso yezviri mubhuku racho reBhaibheri uye kukosha kwazvo kwatiri. Chimwe chakawedzerwa nguva pfupi yapfuura pamaturusi mazhinji okushandisa pakudzidza akadhindwa iWatchtower Library yepakombiyuta, yave kuwanika iye zvino mumitauro mipfumbamwe.

19. (a) Nei Jehovha akatipa maturusi akanaka kwazvo okudzidza Bhaibheri? (b) Chii chinodiwa pakuverenga nokudzidza Bhaibheri kwakafanira?

19 Jehovha akagovera maturusi ose aya achishandisa “muranda akatendeka, akangwara” kuti agonese vashumiri vake vari pasi pano ku‘tsvaka ndokuwana zivo yaMwari.’ (Zvirevo 2:4, 5) Miitiro yakanaka yokudzidza inotigonesa kuti tisvike pakuziva Jehovha zviri nani uye kuva noukama hwapedyo naye. (Pisarema 63:1-8) Hungu, kudzidza ibasa, asi ibasa rinofadza uye rine mubayiro. Zvisinei, rinotora nguva, uye pamwe uri kufunga kuti, ‘Ndinogona kuwanepi nguva yokuti ndinyatsoverenga Bhaibheri nokudzidza ndiri ndoga?’ Izvi zvichataurwa munyaya yokupedzisira yedzino dzakatevedzana.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 New International Dictionary of Old Testament Theology & Exegesis, Vhoriyamu 4, mapeji 205-7.

^ ndima 12 Ona Nharireyomurindi yaAugust 1, 1998, peji 13, ndima 7. Sechirongwa chokudzidza Bhaibheri, ungadzokorora nyaya dzinodzidzwa dzose dziri mbiri dziri mumagazini iyoyo pamwe nenyaya ye“Ruramisiro,” “Tsitsi,” uye “Kururama” muenisaikoropidhiya yeBhaibheri inonzi Insight on the Scriptures, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

^ ndima 15 Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. Kana bhuku iri risiri mumutauro wako, zano rakanaka pamusoro penzira dzokudzidza nadzo rinogona kuwanikwa mumagazini eNharireyomurindi anotevera: August 15, 1993, mapeji 13-17; May 15, 1986, mapeji 19-20.

Mibvunzo Yokudzokorora

• Tinogona sei kuita kuti kudzidza kwedu kuzorodze uye kuve nomubayiro?

• Somunyori wepisarema, tingaratidza sei ‘kufarira’ uye ‘kuda’ Shoko raJehovha?

Zvirevo 2:1-6 inoratidza sei kudiwa kwesimba pakudzidza Shoko raMwari?

• Maturusi api akanaka kwazvo ayo Jehovha akagovera?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 14]

Kufungisisa chinyararire nomunyengetero zvinotibatsira kuwedzera kuda Shoko raMwari

[Mifananidzo iri papeji 17]

Unonyatsoshandisa maturusi okudzidza anowanika kuti uchere zvakadzika muShoko raMwari here?