Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutenga Nguva Yokuverenga Nokudzidza

Kutenga Nguva Yokuverenga Nokudzidza

Kutenga Nguva Yokuverenga Nokudzidza

“[Zvitengerei] nguva yakafanira, nokuti mazuva akaipa.”—VAEFESO 5:16.

1. Nei kuri kuchenjera kuti tironge nguva yedu, uye nzira iyo tinoshandisa nayo nguva yedu inogona kuratidzei pamusoro pedu?

ZVAKANZI “kusarudza nguva kuchengetedza nguva.” Munhu anorongera nguva yakati kuzvinhu zvinofanira kuitwa kazhinji achawana zvakawanda munguva yake. Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine awa yacho yakagadzwa, kune nguva yezvinhu zvose pasi pedenga.” (Muparidzi 3:1, Moffatt) Tose tine nguva yakaenzana; zviri kwatiri kuti tinoishandisa sei. Zvatinoisa pokutanga nenzira yatinogovanisa nayo nguva yedu zvinoratidza zvikuru chinokosha zvikuru mumwoyo medu.—Mateu 6:21.

2. (a) MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati chii pamusoro pezvinodiwa zvedu zvomudzimu? (b) Kuzviongorora kworudzii kungava kwakafanira?

2 Tinotofanira kupedza nguva tichidya uye takarara nokuti izvi zvinhu zvinodiwa nomuviri. Asi zvakadini nezvezvinodiwa zvedu zvomudzimu? Tinoziva kuti zvinofanirawo kugutswa. Mumharidzo yake yepaGomo, Jesu akazivisa kuti: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Ndicho chikonzero nei “muranda akatendeka, akangwara” achigara achitiyeuchidza nezvokukosha kwokuwana nguva yokuverenga nokudzidza Bhaibheri. (Mateu 24:45) Ungaziva kuti izvi zvinokosha zvakadini, asi unganzwa kuti hauna nguva yokudzidza kana yokuverenga Bhaibheri. Kana zvakadaro ngationgorore nzira nemitoo yokuwana nayo nguva yakawanda muupenyu hwedu yokuverenga Shoko raMwari, yokudzidza tiri toga, uye yokufungisisa.

Kuwana Nguva Yokuverenga Nokudzidza Bhaibheri

3, 4. (a) Muapostora Pauro akapa zanoi pamusoro pokushandisa nguva yedu, uye izvi zvinosanganisirei? (b) Pauro airevei paakatipa zano rokuti ‘tizvitengere nguva yakafanira’?

3 Tichiona nguva dzatiri kurarama, tose tinofanira kuteerera mashoko omuapostora Pauro okuti: “Rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira, nokuti mazuva akaipa. Nemhaka yeizvi musava mapenzi, asi rambai muchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.” (VaEfeso 5:15-17) Kutaura chokwadi, zano iri rinobata mativi ose oupenyu hwedu sevaKristu vakazvitsaurira, kusanganisira kuwana nguva yokunyengetera, kudzidza, misangano, uye kuitawo zvakawanda sezvinobvira mukuparidza “mashoko akanaka oumambo.”—Mateu 24:14; 28:19, 20.

4 Vashumiri vaJehovha vazhinji nhasi vanenge vanonetseka nokuwana mukana wokuverenga Bhaibheri nokudzidza zvakadzika muupenyu hwavo. Sezviri pachena, hatigoni kuwedzera imwe awa pazuva redu, naizvozvo zano raPauro rinofanira kureva chimwe chinhu chakasiyana. MuchiGiriki, mashoko okuti “muchizvitengera nguva yakafanira” anoratidza kutenga nechimwe chinhu. MuExpository Dictionary rake, W. E. Vine anoriti rinoreva “kushandisa mukana wose zvizere, kushandisa wose zvakanakisisa sezvo pasina unogona kudzoswa kana warasika.” Tinogona kutenga nguva yokuverenga nokudzidza Bhaibheri kupi kana kuti kuchii?

Tinofanira Kuisa Zvinokosha Pokutanga

5. Tinofanira kuva “nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe” sei uye nei?

5 Kuwedzera kumabasa edu enyika, tine zvinhu zvomudzimu zvakawanda zvatinofanira kuita. Sezvo tiri vashumiri vakazvitsaurira vaJehovha, tine “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinde 15:58) Nokuda kwechikonzero ichi, Pauro akarayira vaKristu muFiripi kuti va“ve nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:10) Izvi zvinoreva kuti zvinokosha zvinofanira kuiswa pokutanga. Zvinhu zvomudzimu nguva dzose zvinofanira kutangira zvinhu zvenyama. (Mateu 6:31-33) Asi, zvinodawo kuva pakati nepakati pakuita mabasa edu omudzimu. Tiri kugovanisa sei nguva yedu pakati pezvinhu zvakasiyana-siyana zvoupenyu hwedu hwechiKristu? Vatariri vanofambira vanotaura kuti pakati pe“zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe” izvo muKristu anofanira kungwarira, kudzidza kunoitwa munhu ari oga nokuverenga Bhaibheri kunowanzoregeredzwa.

6. Kutenga nguva yakafanira kunogona kusanganisirei maererano nebasa renyika kana kuti romumba?

6 Sezvataona, kutenga nguva yakafanira kunosanganisira “kushandisa mukana wose zvizere” uye “kushandisa mukana wose zvakanakisisa.” Naizvozvo kana kuverenga kwedu Bhaibheri nomuitiro wedu wokudzidza zvisina kutsarukana, zvingava zvakanaka kuzviongorora kuona kuti nguva yedu inopedzwa sei. Kana basa redu rokunyika richida kuti tiite zvakawandisa, richitora nguva yedu yakawandisa nesimba, tinofanira kuiita nhau yomunyengetero kuna Jehovha. (Pisarema 55:22) Tingangokwanisa kuita kumwe kugadziridza kungatisiyira nguva yakawanda nokuda kwezvinhu zvinokosha zvine chokuita nokunamata Jehovha, kusanganisa kudzidza nokuverenga Bhaibheri. Zvakarehwa nemazvo kuti basa ravakadzi hariperi. Naizvozvo hanzvadzi dzechiKristu dzinofanirawo kuisa zvinokosha pokutanga dzova nenguva chaiyo yokuverenga Bhaibheri nokudzidza zvakasimba.

7, 8. (a) Nguva ingawanzotengwa mumabasa api kuti ishandiswe kuverenga nokudzidza? (b) Chinangwa chenhandaro ndechei, uye kuchiyeuka kungatibatsira sei pakuisa zvinokosha pokutanga?

7 Kazhinji, vakawanda vedu tinogona kutenga nguva yokudzidza nokurega mabasa asingakoshi. Tingazvibvunza kuti, ‘Ndinopedza nguva yakawanda sei ndichiverenga magazini enyika kana mapepanhau, ndichiona mapurogiramu eterevhizheni, ndichiteerera mimhanzi, kana kuti ndichitamba mitambo yemavhidhiyo? Ndinopedza nguva yakawanda ndiri pakombiyuta kupfuura yandinoverenga Bhaibheri here?’ Pauro anoti: “Musava mapenzi, asi rambai muchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.” (VaEfeso 5:17) Kushandisa terevhizheni kwoupenzi kunoratidza saiko chikonzero chikuru chinoita kuti Zvapupu zvizhinji zvisapa nguva yakakwana yokuti munhu adzidze ari oga nokuverenga Bhaibheri.—Pisarema 101:3; 119:37, 47, 48.

8 Vamwe vangati havangagoni kungodzidza nguva dzose, vanoda kumbotandara. Kunyange zvazvo ichi chiri chokwadi, zvingava zvakanaka kumbofunga nezvokuti tinopedza nguva yakawanda sei tichizorora toienzanisa neyatinopedza tichinyatsodzidza nokuverenga Bhaibheri. Musiyano wacho ungangotishamisa. Kutandara nokuzorora, kunyange kuchikosha, kunofanira kuchengetwa kuri munzvimbo yakwo yakafanira. Chinangwa chakwo ndechokutizorodza nokuda kwemabasa matsva omudzimu. Mapurogiramu eterevhizheni mazhinji nemitambo yemavhidhiyo zvinosiya munhu arukutika, asi kuverenga nokudzidza Shoko raMwari kuchizorodza nokupa simba idzva.—Pisarema 19:7, 8.

Mawanire Anoita Vamwe Mukana Wokudzidza

9. Ndezvipi zvakanakira kutevera zano rakapiwa mukabhuku kanonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—1999?

9 Mashoko okutanga ekabhuku ka1999 kanonzi Kunzvera Magwaro Zuva neZuva anoti: “Zvichava zvinobetsera zvikurusa kurangarira rugwaro rwezuva netsinhiro mubhukwana rino mangwanani. Uchanzwa sekunge kuti Jehovha, Murayiridzi Mukuru, anga achikumutsa nemirayiridzo yake. Jesu Kristu anotaurwa nezvake nenzira yeuprofita seanobetserwa nemirayiridzo yaJehovha mangwanani ega ega: ‘[Jehovha] unondimutsa mangwanani ose, unomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.’ Mirayiridzo yakadaro yakapa Jesu ‘rurimi rwavakadzidziswa’ kuti a‘zive kusimbisa vakaneta namashoko.’ (Isa. 30:20; 50:4; Mat. 11:28-30) Kumutsirwa zano rakakodzera nguva rinobva muShoko raMwari mangwanani ega ega hakusati kuchizokubetsera kubata nezvinetso zvako pachako chete asiwo kuchakushongedzera ‘rurimi rwavakadzidziswa’ kuti ubetsere vamwe.” *

10. Vamwe vanowana sei mukana wokuverenga nokudzidza Bhaibheri, uye vachiwana zvinobatsira zvipi?

10 VaKristu vakawanda vanoteerera zano iri nokuverenga rugwaro rwezuva nezuva netsinhiro uyewo kuverenga Bhaibheri kana kuti kudzidza mangwanani-ngwanani. MuFrance mumwe piyona akatendeka anomukira mangwanani oga oga opedza maminiti 30 achiverenga Bhaibheri. Chii chakamugonesa kuita izvi kwemakore ose? Anoti: “Ndinonzwa zvichibva pasi pemwoyo, uye ndinorambira papurogiramu yangu yokuverenga chero zvodini!” Chero nguva yezuva yatinosarudza, chinhu chinokosha ndechokuti tirambire papurogiramu yedu. René Mica, uyo ave ari mubasa roupiyona kwemakore anopfuura 40 muEurope uye muNorth Africa, anoti: “Kubva muna 1950 chave chiri chinangwa changu kupedza kuverenga Bhaibheri rose gore roga roga, chimwe chinhu chandaita ka49 zvino. Ndinofunga kuti izvi zvinokosha kuti ndirambe ndine ukama hwapedyo noMusiki wangu. Kufungisisa Shoko raMwari kunondibatsira kunzwisisa zviri nani ruramisiro yaJehovha nohumwe unhu hwake uye kwave kuchindisimbisa zvinoshamisa.” *

“Mugove Wavo Wezvokudya Panguva Yakafanira”

11, 12. (a) “Mutariri akatendeka, akangwara” ave achigovera “mugove . . . wezvokudya [zvomudzimu]” wechii? (b) “Mugove . . . wezvokudya” wave uchigoverwa panguva yakafanira sei?

11 Sezvinongoita kugara uchidya kunoitisa utano hwomuviri hwakanaka, purogiramu yenguva dzose yokudzidza nokuverenga Bhaibheri inokosha kuti uve noutano hwakanaka hwomudzimu. MuEvhangeri yaRuka, tinoverenga mashoko aJesu okuti: “Chaizvoizvo ndiani mutariri akatendeka, akangwara, achagadzwa natenzi wake paboka revashandi vake kuti arambe achivapa mugove wavo wezvokudya panguva yakafanira?” (Ruka 12:42) Kwemakore anopfuura 120 zvino, “mugove . . . wezvokudya [zvomudzimu] panguva yakafanira” wave uchigoverwa muNharireyomurindi, pamwe nomumamwe mabhuku eBhaibheri nezvinyorwa.

12 Cherechedza mashoko okuti “panguva yakafanira.” Panguva chaiyo, “Mudzidzisi [wedu] Mukuru” Jehovha, achishandisa Mwanakomana wake neboka romuranda, akatungamirira vanhu vake panhau dzedzidziso nomufambiro. Zvave zvichiita sokuti takanzwa pamwe chete inzwi richiti kwatiri: “Heyi nzira. Fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:20, 21) Uyezve, apo vanhu vanonyatsoverenga Bhaibheri nemabhuku ose eBhaibheri, vanowanzonzwa kuti pfungwa dzinotaurwa imomo dziri kunangidzirwa kwavari pachavo. Hungu, zano raMwari nenhungamiro zvichauya panguva yakafanira kwatiri, zvichitigonesa kutsungirira muedzo kana kuti kuita chisarudzo chokuchenjera.

Iva Netsika Dzokudya Dzakanaka

13. Ndedzipi dziri dzimwe tsika dzokudya zvomudzimu dzisina kunaka?

13 Kuti tibatsirwe zvizere no“mugove . . . wezvokudya” wakadaro unogoverwa panguva yakafanira, tinofanira kuva netsika dzokudya dzakanaka. Zvinokosha kuva nepurogiramu yenguva dzose yokuverenga Bhaibheri nokudzidza tiri toga uye kurambira pairi. Une tsika dzokudya zvomudzimu dzakanaka nenguva dzokudzidza uri woga zvakadzika nguva dzose here? Kana kuti unongonyobvora-nyobvora zvinhu zvakanyatsogadzirwa nokungwarira zvichiitirwa isu, uchidya uchimhanya, kana dzimwe nguva usingatodyi zvimwe zvokudya zvachose? Tsika dzokudya zvomudzimu dzisina kunaka dzakaparira vamwe kuva vasina kusimba mukutenda—kunyange kuwa.—1 Timoti 1:19; 4:15, 16.

14. Nei zvichibatsira kuverenga nokungwarira mashoko angaratidzika seatinoziva?

14 Vamwe vangafunga kuti vanotoziva kare dzidziso huru uye kuti hadzisiri nyaya dzose dzine zvinhu zvitsva chaizvo. Naizvozvo, kugara vachidzidza nokugara vachipinda misangano hazvikoshi. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti tinoda kuyeuchidzwa zvinhu zvatakatodzidza. (Pisarema 119:95, 99; 2 Petro 3:1; Judha 5) Kungofanana nomubiki anogona anogadzira zvokubika zvimwe munzira dzakawanda dzinonaka, boka romuranda rinopa zvokudya zvomudzimu zvinovaka munzira dzakasiyana-siyana. Kunyange munyaya dzinotaura nhau dzakambotaurwa nezvadzo kakawanda kare, pane dzimwe pfungwa duku dzatingasada kurasikirwa nadzo. Chokwadi ndechokuti zvatinowana pane zvatinoverenga zvinoenderana zvikuru nokuti tinopedzera nguva nesimba zvakawanda sei tichizvidzidza.

Zvinobatsira Zvomudzimu Zvinobva Pakuverenga Nokudzidza

15. Kuverenga nokudzidza Bhaibheri kunotibatsira sei kuva vashumiri vari nani veShoko raMwari?

15 Zvinobatsira zvatinowana pakuverenga nokudzidza Bhaibheri zvakawanda. Tinobatsirwa kuti tisvike pane zvimwe zvinodiwa patiri sevaKristu, kuti mumwe nomumwe wedu ave “mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Patinoramba tichiverenga nokudzidza Bhaibheri pfungwa dzedu dzinowedzera kuzadzwa nokufunga kunoita Mwari. Kana zvadaro, saPauro tichakwanisa ku‘taurirana navanhu tichishandisa Magwaro, tichitsanangura uye tichitendisa nezvakanyorwa’ chokwadi chinoshamisa chezvinangwa zvaJehovha. (Mabasa 17:2, 3) Unyanzvi hwedu pakudzidzisa huchawedzerwa, uye kutaurirana kwedu, hurukuro, nezano zvichawedzera kuvaka mumudzimu.—Zvirevo 1:5.

16. Munzirai dzatinobatsirwa nadzo isu pachedu nokuverenga nokudzidza Shoko raMwari?

16 Uyezve, nguva inopedzerwa mukunzvera Shoko raMwari ichatigonesa kuwiriranisa upenyu hwedu zvizere nenzira dzaJehovha. (Pisarema 25:4; 119:9, 10; Zvirevo 6:20-23) Zvichasimbisa unhu hwedu hwomudzimu, hwakadai sokuzvininipisa, kuvimbika, uye mufaro. (Dheuteronomio 17:19, 20; Zvakazarurwa 1:3) Patinoshandisa zivo yatinowana pakuverenga nokudzidza Bhaibheri, tinokomborerwa nomudzimu waMwari unoyerera wakasununguka muupenyu hwedu, zvichiguma nezvibereko zvakawanda zvomudzimu mune zvose zvatinoita.—VaGaratiya 5:22, 23.

17. Uwandu pamwe norudzi rwokuverenga kwedu Bhaibheri toga kunowirirana sei noukama hwedu naJehovha?

17 Chinokosha zvikuru, nguva inotengerwa kuverenga nokudzidza Shoko raMwari kubva kune mimwe mibato ichaunza zvibereko zvikuru maererano noukama hwedu naMwari. Pauro akanyengeterera kuti vamwe vaKristu saiye va“zadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu, kuti [va]fambe zvakafanira Jehovha [va]chimufadza kwazvo.” (VaKorose 1:9, 10) Saizvozvowo, kuti isu ti“fambe zvakafanira Jehovha,” nesu tinofanira ku“zadzw[a] nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu.” Sezviri pachena, kuwana kwedu chikomborero chaJehovha nokutenderwa kunoenderana zvikuru nouwandu pamwe norudzi rwokuverenga nokudzidza kwedu Bhaibheri tiri toga.

18. Ndezvipi zvichava zvikomborero zvedu kana tikateerera mashoko aJesu akanyorwa pana Johani 17:3?

18 “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Urwu ndorumwe rugwaro runowanzoshandiswa zvikuru neZvapupu zvaJehovha kubatsira vamwe kunzwisisa kukosha kwokudzidza Shoko raMwari. Zvechokwadi kwatiri zvinokosha zvikuru kuti mumwe nomumwe wedu aitewo kudaro pachake. Tariro yedu yokurarama nokusingaperi yakabatana nokukura kwedu muzivo yaJehovha neMwanakomana wake, Jesu Kristu. Uye imbofunga kuti izvozvo zvinorevei. Kudzidza kwedu zvakawanda nezvaJehovha hakusi kuzotongoguma—uye kuchava nokusingaperi kuti tidzidze nezvake!—Muparidzi 3:11; VaRoma 11:33.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

^ ndima 10 Ona nyaya inoti “Nguva Yavanorirava Uye Kubetserwa Kwavanoita,” yakabudiswa mumagazini yeNharireyomurindi yaMay 1, 1995, mapeji 20-1.

Mibvunzo Yokudzokorora

• Chii chinoratidzwa nokushandisa kwatinoita nguva yedu?

• Nguva inogona kutengwa pamabasa api kuti ishandiswe kuverenga nokudzidza Bhaibheri?

• Nei tichifanira kungwarira tsika dzedu dzokudya zvomudzimu?

• Ndezvipi zvinobatsira zvatinowana pakuverenga nokudzidza Magwaro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Kuverenga nokudzidza Bhaibheri kuchatigonesa ‘kubata shoko rechokwadi zvakarurama’

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kudzikamisa mamwe mabasa muupenyu hwedu hwakabatikana nokutsvaka zvinhu zvomudzimu kunounza zvibereko zvikuru