Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuverenga Bhaibheri—Kunobatsira uye Kunonakidza

Kuverenga Bhaibheri—Kunobatsira uye Kunonakidza

Kuverenga Bhaibheri—Kunobatsira uye Kunonakidza

“Unofanira kuirangarira masikati nousiku.”—JOSHUA 1:8.

1. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kuverengawo zvakwo uye kunyatsoverenga Bhaibheri?

KUVERENGA mashoko anokosha ibasa rinobatsira. Mumwe muzivi wezvamatongerwe enyika wokuFrance Montesquieu (Charles-Louis de Secondat) akanyora kuti: “Kwandiri, kudzidza kwagara kuri chiororo chaicho chezvinonetesa muupenyu. Hapana kupera mwoyo kwandati ndambonzwa kukasapedzwa nokuverenga kweawa imwe.” Izvi zvinotova zvechokwadi kwazvo pakuverenga Bhaibheri. Munyori wepisarema akafuridzirwa akati: “Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorayirwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo.”—Pisarema 19:7, 8.

2. Nei Jehovha akachengetedza Bhaibheri kwezvizvarwa nezvizvarwa, uye anotarisira vanhu vake kuitei naro?

2 Sezvo ariye Munyori weBhaibheri, Jehovha Mwari akarichengetedza mumazana emakore okushorwa kwaro kwakasimba nevavengi varo, vechitendero nevenyika. Sezvo kuri kuda kwake kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi,” akaita kuti Shoko rake riwanikwe nevanhu vose. (1 Timoti 2:4) Zvinofungidzirwa kuti vanenge 80 muzana vevagari vepasi vanogona kutaurwa navo nokushandisa mitauro 100. Magwaro eBhaibheri rose anowanikwa mumitauro 370, uye zvimwe zvikamu zveMagwaro zvinogona kuverengwa mune mimwe mitauro 1 860 nemitauro midiki. Jehovha anoda kuti vanhu vake vaverenge Shoko rake. Anokomborera vashumiri vake vanoverenga Shoko rake, hungu, vanoriverenga mazuva ose.—Pisarema 1:1, 2.

Kuverenga Bhaibheri Kunodikanwa Kuvatariri

3, 4. Jehovha aidei kumadzimambo aIsraeri, uye zvikonzero zvipi zvaaizvidira zvinoshandawo kuvakuru vechiKristu nhasi?

3 Achitaura achitarisira nguva apo rudzi rwaIsraeri rwaizova namambo aiva munhu, Jehovha akati: “Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, unofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvaprista vaRevhi; inofanira kugara naye kuti aravemo mazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite; kuti mwoyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurayiro uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe.”—Dheuteronomio 17:18-20.

4 Cherechedza zvikonzero zvaiita kuti Jehovha ade kuti madzimambo aIsraeri ose aizovapo averenge bhuku romutemo waMwari mazuva ose: (1) “kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite”; (2) “kuti mwoyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake”; (3) “arege kutsauka pamurayiro uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe.” Vatariri vechiKristu nhasi havafaniri kutya Jehovha, kuteerera mitemo yake, kudzivisa kuzvikudza pamusoro pehama dzavo, uye kudzivisa kutsauka pamirayiro yaJehovha here? Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva zvechokwadi kunongokosha kwavari sezvakwakanga kwakaita kumadzimambo aIsraeri.

5. Dare Rinodzora rakanyorera Matare eMapazi chii nguva pfupi yakapfuura pamusoro pokuverenga Bhaibheri, uye nei vakuru vechiKristu vose vangaita zvakanaka kuteerera zano rakadaro?

5 Vakuru vechiKristu nhasi vane purogiramu yakabatikana zvikuru, zvichiita kuti kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kuve kwakaoma. Somuenzaniso, nhengo dzeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha nenhengo dzeMatare eMapazi munyika yose vose varume vakabatikana zvikuru. Asi, tsamba yenguva pfupi yakapfuura yakabva kuDare Rinodzora ichienda kuMatare eMapazi ose yakasimbisa kukosha kwokuverenga Bhaibheri mazuva ose uye muitiro wakanaka wokudzidza. Tsamba yacho yakati, izvi zvichawedzera kuda kwedu Jehovha uye chokwadi, uye zvi“chatibatsira kuchengetedza kutenda kwedu, mufaro, uye kutsungirira kusvika kumugumo une mbiri.” Vakuru vose vari muungano dzeZvapupu zvaJehovha vanonzwa zvimwezvo zvichidiwa. Kuverenga Magwaro zuva nezuva kuchavabatsira “kubata nokuchenjera.” (Joshua 1:7, 8) Kunyanya kwavari, kuverenga Bhaibheri kunova“batsira pakudzidzisa, kutsiura, kururamisa, uye kurovedza kwakarurama.”—2 Timoti 3:16, Revised Standard Version.

Kunodikanwa Kuvaduku Nevakuru

6. Nei Joshua akaverenga zvinonzwika mashoko ose omutemo waJehovha pamberi pendudzi dzaIsraeri dzakanga dzakaungana nevatorwa?

6 Munguva dzekare, kwakanga kusina makopi eMagwaro okuti munhu mumwe nomumwe ashandise pachake, naizvozvo Bhaibheri raiverengwa pamberi peungano. Pashure pokunge Jehovha amukundisa guta reAi, Joshua akaunganidza ndudzi dzaIsraeri pamberi peGomo reEbhari neGomo reGerizimu. Zvadaro, nhoroondo yacho inozotiudza kuti: “Akarava mashoko ose omurayiro, okuropafadza nookutuka, sezvazvakanyorwa zvose mubhuku yomurayiro. Kwakanga kusina shoko rimwe, pazvose zvakanga zvarayirwa Mosesi, risina kurahwa naJoshua pamberi peungano yose yavaIsraeri, navakadzi navana, navatorwa vakanga vagere pakati pavo.” (Joshua 8:34, 35) Vaduku navakuru, zvizvarwa zvemo navatorwa, vaifanira kuita sevakanyora mumwoyo yavo nepfungwa mufambiro waizounza chikomborero chaJehovha uye waizounza kusatendera kwake. Kuverenga Bhaibheri nguva dzose zvechokwadi kuchatibatsira panhau iyi.

7, 8. (a) Ndivanaani nhasi vakaita se“vatorwa,” uye nei vachifanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva? (b) “Vana” vari pakati pevanhu vaJehovha vangatevera muenzaniso waJesu munzira dzipi?

7 Nhasi mamiriyoni evashumiri vaJehovha akaita se“vatorwa” ivavo mupfungwa yomudzimu. Pane imwe nguva, aimborarama maererano nezvinodiwa nenyika, asi akashandura upenyu hwao. (VaEfeso 4:22-24; VaKorose 3:7, 8) Anofanira kuramba achizviyeuchidza nezvemitemo yaJehovha yezvakanaka nezvakaipa. (Amosi 5:14, 15) Kuverenga Shoko raMwari zuva nezuva kunoabatsira kuita izvi.—VaHebheru 4:12; Jakobho 1:25.

8 Panewo “vana” vakawanda pakati pevanhu vaJehovha vakadzidziswa mitemo yaJehovha nevabereki vavo asi vanofanira kuzvitendisa nezvokururama kwokuda kwake. (VaRoma 12:1, 2) Vangadaro sei? Muna Israeri, vapristi nevarume vakuru vakarayirwa kuti: “Unofanira kurava murayiro uyu pamberi pavaIsraeri vose, vaunzwe. Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu; uye kuti vana vako vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu.” (Dheuteronomio 31:11-13) Achirarama ari pasi poMutemo, Jesu achiri muduku pazera remakore 12 akaratidza kufarira kukuru kunzwisisa mitemo yaBaba vake. (Ruka 2:41-49) Gare gare, yakanga yave tsika yake kuteerera nokuverenga Magwaro musinagogi. (Ruka 4:16; Mabasa 15:21) Vaduku nhasi vangaita zvakanaka kutevera muenzaniso waJesu nokuverenga Shoko raMwari zuva nezuva nokupinda misangano nguva dzose uko Bhaibheri rinoverengwa nokudzidzwa.

Kuverenga Bhaibheri—Chinhu Chepanzvimbo Yokutanga

9. (a) Nei tisingafaniri kungokumba zvose pane zvatinoverenga? (b) Akatanga kubudisa magazini ino akati chii pamusoro pezvinotibatsira kudzidza Bhaibheri?

9 Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.” (Muparidzi 12:12) Munhu angawedzera kuti kuverenga mabhuku mazhinji anobudiswa nhasi hakungonetsi muviri chete asi, kutaura chokwadi, kune ngozi kupfungwa. Naizvozvo zvinokosha kusangokumba zvose. Kuwedzera pakuverenga mabhuku edu okudzidza Bhaibheri, tinofanira kuverenga Bhaibheri pacharo. Akatanga kubudisa magazini ino akanyorera vaverengi vayo kuti: “Musatongokanganwa kuti Bhaibheri ndiwo Mupimo wedu uye kuti pasinei hapo nokuti betsero dzedu dzinopiwa naMwari dzingava dzakadini idzo i‘betsero’ uye kwete zvinotsiva Bhaibheri.” * Nokudaro, kunyange zvazvo tisingaregeredzi mabhuku anotsanangura Bhaibheri, tinofanira kuverenga Bhaibheri pacharo.

10. “Muranda akatendeka, akangwara” akasimbisa sei kukosha kwokuverenga Bhaibheri?

10 Achiziva nezvokudiwa uku, kwemakore zvino “muranda akatendeka, akangwara” akaronga kuverenga Bhaibheri sechikamu chepurogiramu yeChikoro choUshumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari muungano imwe neimwe. (Mateu 24:45) Purogiramu yokuverenga Bhaibheri iripo zvino inopedza Bhaibheri rose mumakore anenge manomwe. Purogiramu iyi inobatsira vose kunyanya vatsva vasati vamboverenga Bhaibheri rose. Vanopinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chemamishinari uye Chikoro Chokurovedza Vashumiri pamwe nevatsva vemhuri yeBheteri vanofanira kuverenga Bhaibheri rose mugore rimwe. Chero purogiramu yaunotevera, iwe pachako kana kuti muri mhuri, kuitevera nomazvo kunoda kupa kuverenga Bhaibheri nzvimbo yokutanga.

Maitiro Ako Okuverenga Anoratidzei?

11. Nei tichifanira kudya mashoko aJehovha mazuva ose uye sei?

11 Kana zvichikunetsa kutevera purogiramu yako yokuverenga Bhaibheri, zvingava zvakakodzera kuzvibvunza kuti: ‘Maitiro angu pakuverenga kana kuona TV angakanganisa sei kukwanisa kwangu kuverenga Shoko raJehovha?’ Yeuka zvakanyorwa naMosesi—uye Jesu akazvidzokorora—zvokuti “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4; Dheuteronomio 8:3) Kungofanana nokufanira kudya kwatinoita chingwa kana kuti chimwe chakafanana mazuva ose oupenyu hwedu kuitira kuti tiraramise muviri wedu, tinofanirawo kupinza pfungwa dzaJehovha zuva nezuva kuti tirambe takakura mumudzimu. Tinogona kuwana pfungwa dzaMwari zuva rimwe nerimwe nokuverenga Magwaro.

12, 13. (a) Muapostora Petro anoenzanisira sei kupanga kwatinofanira kuita Shoko raMwari? (b) Pauro anoshandisa sei muenzaniso womukaka zvakasiyana naPetro?

12 Kana tichinzwisisa Bhaibheri, “kwete seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari,” richatikwezva sokupanga kunongoita mwana mukaka waamai vake. (1 VaTesaronika 2:13) Muapostora Petro akaita kuenzanisa ikoko, achinyora kuti: “Sevacheche vachangobva kuberekwa, pangai mukaka usina kushatiswa weshoko, kuti nawo mukure muzoponeswa, chero bedzi makaravira kuti Ishe ane mutsa.” (1 Petro 2:2, 3) Kana takazvinzwira toga zvechokwadi kuti “Ishe ane mutsa,” tichatanga kupanga kuverenga Bhaibheri.

13 Zvinofanira kucherechedzwa kuti Petro mundima ino akashandisa muenzaniso womukaka zvakasiyana nomuapostora Pauro. Kumucheche achangobva kuberekwa, mukaka unomupa zvose zvaanoda zvinovaka muviri. Muenzaniso waPetro unoratidza kuti Shoko raMwari rine zvose zvatinoda kuti ti“kure [ti]zoponeswa.” Pauro, kune rumwe rutivi, anoshandisa kudikanwa kwomukaka kuenzanisira muitiro wokusadya zvakakwana wevamwe vanoti vakakura mumudzimu. Mutsamba yake kuvaKristu vechiHebheru, Pauro akanyora kuti: “Kunyange muchifanira kuva vadzidzisi kana tichitarira nguva, imi munodazve mumwe munhu kuti akudzidzisei kubva pakutanga zvinhu zvepakutanga zvemashoko matsvene aMwari; uye mava sevanhu vanoda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu. Nokuti munhu wose anodya mukaka haazivi shoko rokururama, nokuti mucheche. Asi zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zveavo vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.” (VaHebheru 5:12-14) Kunyatsoverenga Bhaibheri kunogona kuita zvakawanda kukudza masimba edu okunzwisisa uye kumutsa chido chedu chokudya zvinhu zvomudzimu.

Nzira Yokuverenga Nayo Bhaibheri

14, 15. (a) Iropafadzo yei iyo Munyori weBhaibheri anotipa? (b) Tingabatsirwa sei nouchenjeri hwaMwari? (Ipa mienzaniso.)

14 Kuverenga Bhaibheri kunobatsira zvakanyanya hakutangi nokuverenga, asi nokunyengetera. Munyengetero iropafadzo inoshamisa. Zvinoita sokuti watanga kuverenga rimwe bhuku rine nyaya yakadzama nokudana munyori wacho kuti akubatsire kunzwisisa zvawava kuda kuverenga. Izvozvo zvinogona kuva zvinobatsira sei! Munyori weBhaibheri Jehovha, anokupa ropafadzo iyoyo. Imwe nhengo yedare raidzora romuzana remakore rokutanga yakanyorera hama dzayo kuti: “Kana upi noupi wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti anopa zvikuru vose asingazvidzi; uye achapiwa. Asi ngaarambe achikumbira nokutenda, asingambovi asina chokwadi.” (Jakobho 1:5, 6) Dare Rinodzora romuzuva ranhasi rinogara richitikurudzira kuverenga Bhaibheri tanyengetera.

15 Uchenjeri kushandiswa chaikwo kwezivo. Naizvozvo usati wavhura Bhaibheri rako, kumbira Jehovha kuti akubatsire kuona pfungwa dziri pauchaverenga dzinoda kushandiswa muupenyu hwako pachako. Batanidza zvinhu zvitsva zvawadzidza nezvawagara uchiziva. Zvibatanidze mu“muenzaniso wemashoko anopa utano” awakasvika pakuziva. (2 Timoti 1:13) Fungisisa nezvezviitiko zvomuupenyu hwevashumiri vaJehovha zvomunguva yakapfuura, wozvibvunza kuti waizodai wakaita sei mumamiriro ezvinhu akadaro.—Genesi 39:7-9; Dhanieri 3:3-6, 16-18; Mabasa 4:18-20.

16. Mazanoi anoshanda anopiwa kutibatsira kuita kuti kuverenga kwedu Bhaibheri kuwedzere kubatsira nokuva kunoshanda?

16 Usangoverengera kupedza mapeji. Zvipe nguva. Imbogara pane zvauri kuverenga. Kana ukatadza kunzwisisa imwe pfungwa, tarisa kunowanika mamwe mashoko anowirirana kwakaratidzwa kana Bhaibheri rako richiratidza izvozvo. Kana pfungwa yacho isina kujeka zvakare, inyore kuti ugozowedzera kuinzvera gare gare. Paunenge uchiverenga, tara magwaro aunonyanya kuda kuyeuka kana kuti akope. Unogonawo kunyora mumicheto mashoko ako pachako uye kunowanika mamwe mashoko anowirirana. Pamagwaro aunofunga kuti rimwe zuva ungangoada mubasa rako rokuparidza nokudzidzisa, bata shoko guru wotarisa kuindekisi yemashoko ari muBhaibheri seri kweBhaibheri rako. *

Ita Kuti Kuverenga Bhaibheri Kunakidze

17. Nei tichifanira kufarira kuverenga Bhaibheri?

17 Munyori wepisarema akataura nezvomunhu anofara “unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” (Pisarema 1:2) Kuverenga kwedu Bhaibheri zuva nezuva hakufaniri kuva basa asi chinhu chinofadza chaicho. Imwe nzira yokuita nayo kuti kunakidze ndeyokuramba wakangwarira kukosha kwezvinhu zvadzidzwa. Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Munhu, wawana uchenjeri, une mufaro . . . Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kune vanounamatira; mumwe nomumwe unoubata une mufaro.” (Zvirevo 3:13, 17, 18) Simba rinodiwa pakuwana uchenjeri zvechokwadi rinoperera zviripo, nokuti nzira dzahwo inzira dzinonakidza, dzorugare, dzomufaro, uye pakupedzisira, upenyu.

18. Chii chimwe chinodiwa pamusoro pokuverenga Bhaibheri, uye chii chatichadzidza munyaya inotevera?

18 Hungu, kuverenga Bhaibheri kunobatsira uye kunonakidza. Asi kwakakwana here? Vanhu vechechi dzechiKristudhomu vave vachiverenga Bhaibheri kwemazana emakore, “vanogarodzidza asi vasingambokwanisi kusvika pazivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (2 Timoti 3:7) Kuti kuverenga Bhaibheri kuve nezvibereko tinofanira kukuita tine chinangwa chokushandisa zivo yacho yatinenge tawana muupenyu hwedu uye kuishandisa mubasa redu rokuparidza nokudzidzisa. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Izvi zvinoda simba nenzira dzakanaka dzokudzidza nadzo, dzinogonawo kuva dzinofadza uye dzine mubayiro, sezvatichaona munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Ona Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., peji 241.

^ ndima 16 Ona Nharireyomurindi yaMay 1, 1995, mapeji 16-17, “Zvikarakadzo Zvokuvandudza Kurava Kwako Bhaibheri.”

Mibvunzo Yokudzokorora

• Izanoi rakapiwa kumadzimambo aIsraeri rinoshanda kuvatariri nhasi, uye nei?

• Ndivanaani nhasi vakaita se“vatorwa” uye “vana,” uye nei vachifanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva?

• Munzirai dzinoshanda umo “muranda akatendeka, akangwara” akatibatsira nadzo kuverenga Bhaibheri nguva dzose?

• Tingabatsirwa sei nokunakidzwa chaizvoizvo nokuverenga Bhaibheri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vakuru kunyanya, vanofanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva

[Mufananidzo uri papeji 10]

Yakanga iri tsika yaJesu kuverenga Magwaro musinagogi