Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mufaro Usingaperi—Mudenga Here Kana Kuti Pasi?

Mufaro Usingaperi—Mudenga Here Kana Kuti Pasi?

Mufaro Usingaperi—Mudenga Here Kana Kuti Pasi?

MUFARO wako unotsamira zvikurukuru pakuti unogara kupi here? Vanhu vakawanda vaizokurumidza kubvuma kuti mufaro unotsamira zvikuru pazvinhu zvakaita soutano hwakanaka, chinangwa muupenyu, uye ukama hwakanaka nevamwe. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinozvitaura nenzira iyi: “Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, pakuti ave nenzombe yakakodzwa pane mbengo.”—Zvirevo 15:17.

Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti musha wedu wapasi une nhau refu yoruvengo, chisimba, uye mamwe marudzi ouipi. Asi zvakadini nedenga, kana kuti nzvimbo yomudzimu, uko vanhu vakawanda vanotarisira kuenda kana vafa? Yagara iri nzvimbo yomufaro mukuru ine rugare norunyararo, isina kuvhiringidza kworudzi rupi norupi, sezvinofungwa nevakawanda here?

Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anogara kudenga pamwe chete nemamiriyoni ezvisikwa zvomudzimu zvinonzi ngirozi. (Mateu 18:10; Zvakazarurwa 5:11) Dzinorondedzerwa se“vanakomana . . . vaMwari” vomudzimu. (Jobho 38:4, 7) Kufanana nevanhu, ngirozi dzacho dzinewo rusununguko rwokuzvisarudzira; hadzisi marobhoti. Naizvozvo, idzowo dzingasarudza kuita zvakarurama kana kuti zvisina kururama. Ngirozi dzingasarudza kuita zvisina kururama here? Zvingatoshamisa vamwe kuziva kuti zviuru zvemakore zvakapfuura, ngirozi dzakawanda dzakatotadzira Mwari chaizvoizvo—dzakamupandukira!—Judha 6.

Vapanduki Mudenga

Chivi chakavapo munzvimbo yomudzimu nemhaka yokupandukira kwengirozi, yakasvika pakunzi Satani (Mudzivisi) uye Dhiyabhorosi (Mucheri). Iyi ngirozi yaimboteerera yakasarudza kuita zvisina kururama norusununguko rwayo rwokusarudza. Pashure paizvozvo yakafurira zvimwe zvisikwa zvomudzimu, zvokuti pakuzosvika munguva yaNoa, mafashamo asati aitika, zvakawanda zvacho zvakabatana naSatani mukupandukira Mwari.—Genesi 6:2, NW, mashoko omuzasi; 2 Petro 2:4.

Ngirozi idzi dzakatadza hadzina kubviswa kudenga pakarepo. Panzvimbo pezvo, kukwanisa kwadzo kupindako kwakabvumirwa—zviri pachena kuti dzairambidzwa zvimwe zvinhu—kwezviuru zvemakore. * Zvisinei, apo kubvumira kwaMwari ava vaiti vezvakaipa kwakaguma, “[v]akakandirwa” kunze kwedenga, kuti vaparadzwe pakupedzisira. Ipapo inzwi raiva mudenga rakati: “Nemhaka yeizvi farai, imi matenga nemi munogara maari!” (Zvakazarurwa 12:7-12) Zviri pachena kuti ngirozi dzakatendeka dzakafara zvikuru kuti pakupedzisira, matenga akanga abvisirwa ava vakonzeri vezvinetso vakaipa!

Tichifunga nezvemashoko aya akawanda asingawanzozivikanwi, zviri pachena kuti hapagoni kuva norugare rwechokwadi kana zvisikwa zvakangwara zvichirega kuteerera mitemo nenheyo zvaMwari. (Isaya 57:20, 21; Jeremia 14:19, 20) Ukuwo, apo zvose zvinoteerera mutemo waMwari, rugare norunyararo zvinotekeshera. (Pisarema 119:165; Isaya 48:17, 18) Naizvozvo kudai vanhu vose vaida nokuteerera Mwari uye vachidanana, zvechokwadi pasi raisazova musha unofadza here? Bhaibheri rinopindura kuti hungu!

Asi zvakadini nezveavo vanoramba nenzira youdyire kuchinja nzira dzavo dzakaipa? Vachavhiringidza nokusingaperi rugare rweavo vanoda kuita kuda kwaMwari zvechokwadi here? Aiwa, Mwari akabvisa ngirozi dzakaipa mudenga, uye achabvisawo vanhu vakaipa pasi pano.

Pasi Rakacheneswa

“Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu,” akadaro Mwari. (Isaya 66:1) Achiva musimboti woutsvene, Mwari haazobvumiri “chitsiko chetsoka” dzake kusvibiswa nezvakaipa nokusingagumi. (Isaya 6:1-3; Zvakazarurwa 4:8) Sokungobvisa kwaakaita matenga emidzimu yakaipa, ndiko kubvisawo kwaachaita pasi revanhu vose vakaipa, sezvinoratidzwa nendima dzeBhaibheri dzinotevera:

“Vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.”—Pisarema 37:9.

“Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.—Zvirevo 2:21, 22.

“Zvazvakarurama kuna Mwari kuti atambudze vanokutambudzai, asi, kunemi munotambudzika, muchazorora pamwe nesu pakuratidzwa kwaShe Jesu achibva kudenga nengirozi dzake dzine simba mumirazvo yemoto, sezvaanotsiva vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu. Ivava vachatongerwa kuparadzwa nokusingaperi vabve pamberi paShe nepamberi pembiri yesimba rake.”—2 VaTesaronika 1:6-9.

“Nyika [yevanhu vakaipa] iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.

Pasi Richaramba Rine Rugare Rukuru Here?

Kunyange zvazvo Magwaro achiratidza zvakajeka kuti kubvumira kwaMwari vakaipa kune pakunogumira, tingava nechokwadi sei chokuti uipi, kana hwangobviswa, hahuzotangizve? Inga wani hwakatangazve munguva pfupi zvichitevera Mafashamo omuzuva raNoa, zvokutoti Mwari aifanira kuvhiringidza kuronga kwavanhu kwakaipa nokunyonganisa mutauro wavo.—Genesi 11:1-8.

Chikonzero chedu chikuru chokuvimba kuti uipi hahuzotangizve ndechokuti pasi rinenge risingachatongwi nevanhu sezvazvakanga zvakaita nguva pfupi pashure peMafashamo. Panzvimbo pezvo, richatongwa noUmambo hwaMwari. Huchitonga huri kudenga, Umambo uhwu huchava hurumende imwe bedzi yapasi. (Dhanieri 2:44; 7:13, 14) Huchaita chimwe chinhu nokukurumidza mukurwisa upi noupi anoedza kutangazve uipi. (Isaya 65:20) Kutaura zvazviri, huchaparadza muvambi chaiye wouipi pakupedzisira—Satani Dhiyabhorosi—pamwe chete nemadhimoni, ngirozi dzakaipa dzakamutevera.—VaRoma 16:20.

Uyewo, vanhu havazovi nezvikonzero zvokufunganya nezvezvokudya, zvokupfeka, pokugara, uye basa—kushaikwa kwazvo nhasi kunotuma vamwe kuita upenyu hwoutsotsi. Hungu, pasi rose richachinjwa kuva paradhiso rinobereka rine zvakawanda nokuda kwavose.—Isaya 65:21-23; Ruka 23:43.

Zvinotokosha zvikuru, Umambo hwacho huchadzidzisa vanodzorwa nahwo munzira yakazara norugare youpenyu nepo panguva imwe chete huchivakwidziridza kusvika pakukwana kwakazara kwomunhu. (Johani 17:3; VaRoma 8:21) Pashure paizvozvo, vanhu havachazotamburi nokusava nesimba uye kuda kutadza, zvichiita kuti kuteerera Mwari kwakakwana kukwanisike uye kufadze, sezvazvakanga zvakaita kumurume akakwana Jesu. (Isaya 11:3) Kutaura zvazviri, Jesu akaramba akavimbika kuna Mwari kunyange mukutarisana nomuedzo mukuru nokutambudzwa—zvinhu zvichava zvisingazivikanwi muupenyu hwomuParadhiso.—VaHebheru 7:26.

Chinoendera Vamwe Kudenga

Zvisinei, vaverengi vakawanda veBhaibheri vanoziva mashoko aJesu anoti: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo dzokugara dzakawanda. . . . Ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo.” (Johani 14:2, 3) Izvi hazvipokani netariro youpenyu husingaperi mupasi riri paradhiso here?

Dzidziso idzi hadzipokani. Chaizvoizvo, imwe inotsigira imwe. Kutanga, Bhaibheri rinoti nhamba ine painogumira yevaKristu vakatendeka chete—vanosvika 144 000 vavo—vanomutswa sezvisikwa zvomudzimu kuti vagare kudenga. Nei vachipiwa uyu mubayiro unoshamisa? Nokuti vanoumba boka rakaonekwa naJohani mune zvaakaratidzwa avo “vakava vapenyu vakatonga samadzimambo naKristu kwemakore ane chiuru.” (Zvakazarurwa 14:1, 3; 20:4-6) Zvichienzaniswa nemabhiriyoni ari pasi, vane 144 000 vacho i“boka duku” zvechokwadi. (Ruka 12:32) Uyezve, vachiva vakasangana nezvinetso zvakajairika kuvanhu, saJesu vachakwanisa “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu” sezvavanotarisira basa rokuchinjwa kwavanhu uye kwapasi.—VaHebheru 4:15.

Pasi—Musha Wavanhu Nokusingaperi

Nokupa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, Mwari akatanga kuunganidza vane 144 000 anenge makore 2 000 apfuura, uye zvinoratidza kuti boka iri zvino rakakwana. (Mabasa 2:1-4; VaGaratiya 4:4-7) Zvisinei, chibayiro chaJesu chakanga chisiri chezvivi zvevane 144 000 chete, “asi [ch]ezvenyika yosewo.” (1 Johani 2:2) Nokudaro, vose vanotenda muna Jesu vane tarisiro youpenyu husingaperi. (Johani 3:16) Avo vakarara muguva asi vachiyeukwa naMwari vachamutsirwa kuupenyu pasi pakacheneswa kwete kudenga. (Muparidzi 9:5; Johani 11:11-13, 25; Mabasa 24:15) Chii chichavamirira ipapo?

Zvakazarurwa 21:1-4 inopindura ichiti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu . . . Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Chimbozvifungidzira—vanhu vasunungurwa murufu, uye kurwadziwa nokuridza mhere zvarunosakisa zvapera nokusingagumi! Pakupedzisira, chinangwa chaJehovha chapakuvamba nokuda kwapasi nevanhu chichazadzika zvine mbiri.—Genesi 1:27, 28.

Chisarudzo Chedu—Upenyu Kana Kuti Rufu

Adhamu naEvha havana kubvira vapiwa mukana wokusarudza kuenda kudenga. Chisarudzo chavo chakanga chiri chokuteerera Mwari uye vorarama nokusingaperi muparadhiso yapasi kana kuti kusamuteerera vofa. Zvinosuruvarisa kuti vakasarudza kusateerera uye nokudaro vakadzokera ku“guruva” revhu. (Genesi 2:16, 17; 3:2-5, 19) Chakanga chisimbori chinangwa chaMwari chokuti mhuri yavanhu yose ife uye kuzadza denga ichipfuura nomuguva. Mwari akasika zviuru nezviuru zvengirozi kuti zvigare kudenga; zvisikwa zvomudzimu izvi hazvisi vanhu vakafa uye vakamutsirwa kuupenyu kudenga.—Pisarema 104:1, 4; Dhanieri 7:10.

Chii chatinofanira kuita kuti tigamuchire chikomborero chokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano? Danho rokutanga kudzidza Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene. “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi,” akadaro Jesu mumunyengetero, “kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

Kushandisa zivo iyoyo rimwe danho rokuwana mufaro usingaperi muParadhiso. (Jakobho 1:22-24) Avo vanorarama maererano neShoko raMwari vane tarisiro yokuona nemaziso avo pachavo kuzadzika kwouprofita hunofadza hwakadai souhwo hwakanyorwa pana Isaya 11:9, hunoti: “[Vanhu havangakuvadzi] kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Tisu tatsveyamisa mabhii.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Nokuda kwokukurukurwa kwokuti nei Mwari akabvumira uipi mudenga nepasi, ona bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 70-9.

[Mifananidzo iri papeji 7]

“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29