Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pasi—Rinongova Nzvimbo Yokuedzera Here?

Pasi—Rinongova Nzvimbo Yokuedzera Here?

Pasi—Rinongova Nzvimbo Yokuedzera Here?

ZVINOZORODZA zvakadini! Akabudirira. Mudzidzi akanga ava nevhiki mbiri dzakaoma dzebvunzo akagamuchira mushumo unofadza pakupedzisira. Anogona zvino kupfuurira kubasa raanga agara achida.

Vanhu vakawanda vanoona upenyu pasi pano munzira yakafanana neiyi. Vanofunga nezvahwo sebvunzo yokutanga, yokuti vose vanofanira kupfuura nomairi. Avo “vanobudirira” vanopfuurira kuchimwe chinhu chiri nani murudzi rwakati rwoUpenyu pashure porufu. Zvechokwadi, zvaizosuruvarisa kudai upenyu huripo iye zvino—kunova kungoraramawo zvakwo kune vakawanda—hwaiva hwakanakisisa hungatarisirwa navanhu. Kunyange zvazvo akanga akagwinya uye akapfuma kwenguva yakareba youpenyu hwake, munhu anotaurwa muBhaibheri Jobho akati: “Munhu wakazvarwa nomukadzi une mazuva mashoma, azere nokutambudzika.”—Jobho 14:1.

Ichiratidza kufunga kwevakawanda, New Catholic Encyclopedia inoti: “Mbiri yokudenga ndiyo nguva yemberi iyo Mwari anofanorongera munhu. . . . Mufaro womunhu ungaonekwa kuva uri mukuva kwake nomufaro mukuru wokudenga.” Kuongorora kuchangobva kuitwa neChurch of Christ muUnited States kwakaratidza kuti vanhu 87 muzana pane vakabvunzwa vanotenda kuti zvimwe vangangoenda kudenga kana vafa.

Vasiri vaKristu vakawanda vanotarisirawo kubva pasi vachienda kunzvimbo iri nani kana vafa. Somuenzaniso, vaMuslim vanotarisira kuenda kuparadhiso yokudenga. Vateveri vemapoka eNyika Yakachena echiBuddha muChina nomuJapan vanotenda kuti nokuramba vachidzokorora “Amitabha,” zita raBuddha weChiedza Chisingagumi, vachaberekwazve muNyika Yakachena, kana kuti Paradhiso yokuMadokero, kwavachararama mumufaro mukuru kwazvo.

Zvinofadza kuti Bhaibheri, bhuku dzvene rakashandurwa nerakaparadzirwa kupfuura mamwe munyika, hariratidzi pasi senzvimbo yokubva pairi, danho rakati rokukuendesa kune imwe. Somuenzaniso, rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) MuBhaibheri munowanikwawo mashoko anozivikanwa zvikuru aJesu okuti: “Vakakomborerwa vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”—Mateo 5:5, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Pfungwa ine vakawanda yokuti kugara kwedu pasi ndekwenguva duku inoreva kuti rufu ndiwo musuo wokuupenyu hwakazara nomufaro pashure porufu. Kana zvakadaro, zvechokwadi rufu chikomborero. Asi vanhu vakawanda vanoona rufu nenzira iyoyo here, kana kuti vanotoedza kurebesa upenyu huno? Zvakaitika zvinoratidza kuti vanhu pavanova noutano nokuchengeteka zvakanaka, havadi kufa.

Kunyange zvakadaro, nemhaka yokuti upenyu pasi pano hwakazara nouipi nokutambura, denga richiri kuonekwa nevakawanda senzvimbo bedzi yokuwana rugare rwechokwadi nomufaro. Denga rinongova nzvimbo yomufaro mukuru une rugare, isina kana nouipi zvahwo nokusawirirana zvachose here? Uye Upenyu pashure porufu huchavapo bedzi munzvimbo yokudenga here? Ungashamiswa nemhinduro dzeBhaibheri. Tapota ramba uchiverenga.