Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maswederero Aungaita Pedyo naMwari

Maswederero Aungaita Pedyo naMwari

Maswederero Aungaita Pedyo naMwari

“Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi,” inodaro Jakobho 4:8. Achiratidza kuti anoda zvakadini kuti vanhu vave noukama hwapedyo naye, Jehovha Mwari akapa Mwanakomana wake nokuda kwedu.

ACHITAURA nezvokutanga kutida ikoku, muapostora Johani akanyora kuti: “Tinoda [Mwari], nokuti akatanga kutida.” (1 Johani 4:19) Asi isu pachedu kuti tiswedere pedyo naMwari, tinofanira kutora matanho akati. Akafanana nenzira ina dzatinoswedera nadzo pedyo navamwe vanhu, sedzakurukurwa munyaya yatangira ino. Ngatidziongororei zvino.

Cherechedza Unhu hwaMwari Hunoshamisa

Mwari ane unhu hwakawanda hunoshamisa, hwakatanhamara rudo rwake, uchenjeri, ruramisiro, nesimba. Uchenjeri hwake nesimba zvinoratidzwa pamwero mukuru muzvakasikwa zviri kure muchadenga nomunyika yakatipoteredza, kubva kumapoka makuru enyeredzi kusvika kumaatomu maduku-duku. Munyori wepisarema akati: “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.”—Pisarema 19:1; VaRoma 1:20.

Zvakasikwa zvinoratidzawo rudo rwaMwari. Somuenzaniso, magadzirirwo atakaitwa anoratidza kuti Mwari anoda kuti tinakidzwe noupenyu. Akatiita kuti tigone kuona ruvara, kuravidza uye kunhuwidza, kunakidzwa nenziyo, kuseka, kunakidzwa norunako, akatiita kuti tive nezvimwe zvakawanda zvatinokwanisa kuita uye zvimwe zvinotisiyanisa zvisinganyanyi hazvo kukosha muupenyu. Hungu, Mwari ane rupo, mutsa, norudo zvechokwadi—pasina mubvunzo hunova unhu hunoita kuti ave “Mwari anofara.”—1 Timoti 1:11; Mabasa 20:35.

Jehovha anofara nokuti kushandiswa kwouchangamire hwake nokutsigirwa kwahwo nezvisikwa zvake zvakachenjera zvakavakirwa zvikurukuru parudo. (1 Johani 4:8) Ichokwadi kuti Jehovha ndiye Changamire weChisiko Chose, asi anobata vanhu, zvikurukuru vashumiri vake vakatendeka, samabatiro anoita baba vane rudo vana vavo. (Mateu 5:45) Hapana chakavanakira chaanovanyima. (VaRoma 8:38, 39) Sezvambotaurwa, akatopa upenyu hweMwanakomana wake akaberekwa ari oga nokuda kwedu. Hungu, tiripo uye tine tarisiro youpenyu husingaperi nemhaka yorudo rwaMwari.—Johani 3:16.

Jesu akaita kuti tinzwisise zvakadzama unhu hwaMwari nokuti akatevedzera Baba vake zvakakwana. (Johani 14:9-11) Akanga asina udyire zvachose, aiva nomutsa, uye aifunga zvinoda vamwe. Pane chimwe chiitiko, Jesu akaunzirwa murume akanga ari matsi uye akanga ane chinetso chokutaura. Unogona kufungidzira kuti murume wacho angave aisanzwa kugadzikana mumapoka evanhu. Zvinofadza kuti Jesu akaenda nomurume uyu kunzvimbo yavo voga ndokumuporesa ikoko. (Mako 7:32-35) Unoonga vanhu vanofunga nezvemanzwiro aunoita uye vanoremekedza chiremera chako here? Kana zvakadaro, zvechokwadi uchaswedera pedyo zvikuru naJehovha naJesu sezvaunodzidza zvakawanda nezvavo.

Funga Nezvounhu hwaMwari

Mumwe munhu angava nounhu hunoshamisa, asi tinofanira kufunga nezvomunhu iyeyo kuti tiswedere pedyo naye. Ndizvo zvazvinoitawo naJehovha. Kufungisisa nezvounhu hwake inhanho yechipiri inokosha pakuswedera pedyo naye. Mambo Davhidhi, murume aida Jehovha zvechokwadi uye akanga achi“diwa nemwoyo [waJehovha],” akati: “Ndinorangarira mazuva akare; ndinofungisisa zvose zvamakaita; ndinofunga basa ramaoko enyu.”—Mabasa 13:22; Pisarema 143:5.

Paunocherechedza zvinhu zvakasikwa zvinoshamisa kana kuverenga Shoko raMwari, Bhaibheri unofungisisa pamusoro pezvaunoona nezvaunoverenga here sezvaiita Dhavhidhi? Fungidzira mwanakomana achangobva kutambira tsamba inobva kuna baba vake vaanoda zvikuru. Aizoona sei tsamba iyoyo? Zvechokwadi haaizongoti tarisei zviri mukati mayo oikanda mudhirowa. Asi aizoiongorora, achitora chikamu chimwe nechimwe nomusiyano woga woga. Saizvozvowo, Shoko raMwari rinofanira kuva rinokosha kwatiri, sezvarakanga rakangoita kumunyori wepisarema akaimba kuti: “Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.”—Pisarema 119:97.

Rambai Muchikurukurirana Zvakanaka

Kukurukurirana kwakanaka ndikwo kunokosha muukama hwose. Kunosanganisira kutaura uye kuteerera—kwete nepfungwa chete asiwo nemwoyo. Tinotaura kumusiki nomunyengetero, unova nzira yokuremekedza yokutaura naMwari. Jehovha anofarira minyengetero yevanomuda nokumushumira uye vanobvuma Jesu Kristu somumiririri wake mukuru.—Pisarema 65:2; Johani 14:6, 14.

Munguva yakapfuura, Mwari akataura kuvanhu nenzira dzakasiyana-siyana, kusanganisira kuratidza, kurotesa, uye achishandisa ngirozi. Zvisinei, mazuva ano anodaro achishandisa Shoko rake rakanyorwa, Bhaibheri Dzvene. (2 Timoti 3:16) Shoko racho rakanakira zvakawanda. Rinogona kutariswa chero nguva. Kufanana netsamba, rinogona kudzokororwa radzokororwazve. Uye harisati richizochinjwa-chinjwa sezvinowanzoitwa nyaya dzinoita zvokuramba dzichitaurwa. Saka funga nezveBhaibheri somubatanidzwa mukuru wetsamba dzinobva kuna Baba vako vokudenga vanodiwa, uye nomutsamba idzi vabvumire kutaura newe zuva nezuva.—Mateu 4:4.

Somuenzaniso, Bhaibheri rinogadza maonero aJehovha chakanaka nechakaipa. Rinotsanangura chinangwa chake nokuda kwavanhu nepasi. Rinozivisa mabatiro aakaita navanhu namarudzi akasiyana-siyana, kubva kuvanamati vakavimbika kusvika kuvavengi vakakasharara. Nokuita kuti kubata kwaakaita navanhu kunyorwe nenzira iyi, Jehovha akatipa rondedzero younhu hwake yakadzama zvikuru. Anoratidza rudo, mufaro, kusuruvara, kuora mwoyo, hasha, ngoni, kuva nehanya—hungu, kusiyana-siyana kwakaita pfungwa dzake nemanzwiro aanoita, uye zvikonzero zvokuti adaro—zvose nenzira iri nyore kunzwisiswa navanhu.—Pisarema 78:3-7.

Pashure pokunge waverenga chikamu cheShoko raMwari, ungabatsirwa sei nokuverenga kwako? Uye, ungaswedera sei chaizvoizvo pedyo naMwari? Chokutanga, funga pamusoro pezvawaverenga nokudzidza nezvaMwari somunhu, uchiita kuti zvinhu zvacho zvikubaye mwoyo. Wadaro udza Jehovha mumunyengetero pfungwa dzako namanzwiro aunoita nechomukati pamusoro pezvawaverenga uye kuti uchaedza sei kubatsirwa nazvo. Ndiko kukurukurirana ikoko. Chokwadika, kana uine zvimwe zvinhu zvauri kufungawo nezvazvo, izvozvi zvinogona kubatanidzwawo mumunyengetero wako.

Ita Zvinhu Pamwe Chete naMwari

Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vanhu vakare vakatendeka kuti vakafamba naMwari wechokwadi kana kuti pamberi pake. (Genesi 6:9; 1 Madzimambo 8:25) Izvozvo zvinorevei? Zvikurukuru kuti vairarama zuva rimwe nerimwe sokunge kuti Mwari aitova ipapo chaipo navo. Ichokwadi kuti vaiita zvivi. Asi, vaida mitemo yaMwari nenheyo, uye vairarama maererano nechinangwa chaMwari. Jehovha anoda vakadaro, uye anovatarisira, sezvinoratidzwa pana Pisarema 32:8 kuti: “Ndichakudzidzisa nokukurayira nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.”

Jehovha anogona kuva shamwari yakowo yapedyo—inofamba newe, ine hanya newe, uye inokupa mazano ababa. Muprofita Isaya akatsanangura Jehovha souyo “unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Sezvatinobatsirwa kudaro, tinonzwa kuvapo kwaJehovha sokunge kuti ari “kurudyi [rwedu],” sezvaingoita Dhavhidhi.—Pisarema 16:8.

Zita raMwari—Kuratidzwa Kwounhu Hwake

Zvitendero zvizhinji nenhamba iri kuwedzera yeshanduro dzeBhaibheri zvinokundikana kushandisa nokuita kuti zita raMwari pachake rizivikanwe. (Pisarema 83:18) Asi mumashoko echiHebheru apakuvamba, zita iroro—Jehovha—rinoonekwa ka7 000! (Nepo vachibvisa zita raMwari, vashanduri veBhaibheri vakawanda havadarowo nemazita avanamwari venhema vakawanda vanotaurwa mumashoko apakuvamba avanochengetedza, vakadai saBhaari, Bheri, Merodhaki, uye kunyange Satani!)

Vamwe vanhu vanofunga kuti kusiya zita raMwari inhau duku. Asi funga kuti: Zvakaoma here kana kuti zvakapfava kutanga ukama hwepedyo, hunonzwisisika nomunhu asina zita? Mazita okuremekedza akadai saMwari uye Ishe (anoshandiswawo kuna vanamwari venhema) angaratidza simba, chiremera, kana nzvimbo yaJehovha, asi zita rake pachake bedzi ndiro rinomuzivisa zvisina mubvunzo. (Eksodho 3:15; 1 VaKorinde 8:5, 6) Zita raMwari wechokwadi pachake rinoburitsa unhu hwake nezvaari. Nyanzvi yezvechitendero Walter Lowrie akagona paakati: “Munhu asingazivi Mwari nezita haanyatsomuzivi somunhu.”

Funga nezvaMaria, muKaturike wechokwadi anogara muAustralia. Apo Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kusangana naye, Maria akabvumira Zvapupu kumuratidza zita raMwari muBhaibheri. Akaita sei? “Pandakatanga kuona zita raMwari muBhaibheri, ndakasvimha. Ndakakurudzirwa kwazvo nokuziva kuti ndaikwanisa chaizvoizvo kuziva uye kushandisa zita raMwari pachake.” Maria akaramba achidzidza Bhaibheri, uye kokutanga muupenyu hwake, akasvika pakuziva Jehovha somunhu uye akakwanisa kuvaka ukama hunogara naye.

Hungu, tinogona ku“swedera . . . pedyo naMwari,” kunyange zvedu tisingamuoni namaziso edu chaiwo. Tinogona “kuona” unhu hwake hwakaisvonaka mupfungwa dzedu nomwoyo uye tobva tawedzera kumuda. Rudo rwakadaro “chisungo chakakwana chokubatana.”—VaKorose 3:14.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Jehovha Anopindura Kumuda Kwaunoita

UKAMA hunoitika pane mativi maviri. Sezvatinoswedera pedyo naMwari, iye anopindura nokuswedera pedyo nesu zvikuru. Funga nezvemanzwiro aaiita pamusoro paSimiyoni naAna vakanga vakwegura, vose vari vaviri vakataurwa nezvavo nenzira yokuremekedza muBhaibheri. Munyori weEvhangeri Ruka anotiudza kuti Simiyoni akanga “akarurama uye aitya Mwari,” achimirira Mesiya. Jehovha akaona uhwu unhu hwakaisvonaka muna Simiyoni ndokuratidza rudo kuuyu murume akwegura anodiwa nokumuzivisa kuti “aisazoona rufu asati aona Kristu.” Jehovha akachengeta mhiko yake ndokutungamirira Simiyoni kurusvava Jesu, aive aunzwa navabereki Vake kutemberi muJerusarema. Achifadzwa uye achionga zvikuru, Simiyoni akambundira rusvava rwacho ndokunyengetera achiti: “Zvino, Changamire Ishe, mava kurega muranda wenyu achienda akasununguka murugare maererano nokuzivisa kwenyu; nokuti maziso angu aona mutoo wenyu wokuponesa nawo.”—Ruka 2:25-35.

“Muawa iyoyo chaiyo,” Jehovha akaratidzirawo rudo rwake kuna Ana akanga ava namakore 84 nokumutungamirira kuna Jesu zvekare. Bhaibheri rinotiudza kuti iyi chirikadzi yaikosha yaive patemberi nguva dzose “[i]chiita basa dzvene” kuna Jehovha. Achifashukira nokuonga, iye akatenda Jehovha nokuda kwomutsa wake unoshamisa sezvakaita Simiyoni, akazotaura nezvemwana “kune vose vaimirira kununurwa kweJerusarema.”—Ruka 2:36-38.

Hungu, Jehovha akaona kuti Simiyoni naAna vaimuda nokumutya zvakadzama sei uye kuti vaiva nehanya zvakadini mukuitwa kwechinangwa chake. Nhoroondo dzeBhaibheri dzakadaro hadzikuswededzi kuna Jehovha here?

SaBaba vake, Jesu aionawo munhu womukati chaiye. Achidzidzisa patemberi, akaona “chirikadzi yaishayiwa” ichibvisa “mari mbiri duku dzaikosha zvishoma kwazvo.” Kune vamwe vaiona chipo chake chaizoratidzika kuva chisingakoshi asi kwete kuna Jesu. Akarumbidza mukadzi uyu nokuti akapa zvose zvaaive nazvo. (Ruka 21:1-4) Nokudaro, tinogona kuvimba kuti Jehovha naJesu vanotionga kana tikavapa zvakanakisisa zvedu, zvisinei nokuti chipo chedu chikuru here kana kuti chiduku.

Nepo Mwari achifadzwa navanomuda, anorwadziwa apo vanhu vanobva kwaari vachitevera nzira yokuita zvakaipa. Genesi 6:6 inotiudza kuti Jehovha “akava neshungu pamwoyo pake” nemhaka yokuipa kwavanhu Mafashamo omuzuva raNoa asati aitika. Gare gare, vaIsraeri vasingateereri vakaramba vachi“edza Mwari, vaka[“rwadzisa,” NW] Mutsvene waIsraeri” rinodaro Pisarema 78:41. Hungu, Jehovha haasi “Mukonzeri Wokutanga” anozviisa pake oga uye asinganzwi. Iye zvechokwadi munhu, ane kunzwa kwakafanira, kusina kushatiswa nokusakwana, sezvakaita kwedu.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kufunga pamusoro pezvakasikwa naJehovha ndeimwe nzira yokuswedera pedyo naye