Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Maererano nemirayiro yeBhaibheri nezvokushandisa ropa kwakafanira, Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei kurapwa pachishandiswa ropa romunhu pachake?

Panzvimbo pokusarudza pahwaro hwezvinodiwa nomunhu pachake kana kuti zvinotaurwa navanachiremba, muKristu mumwe nomumwe anofanira kunyatsofungisisa zvinotaurwa neBhaibheri. Inhau yake naJehovha.

Jehovha, uyo akatipa upenyu hwedu, akarayira kuti ropa harifaniri kudyiwa. (Genesi 9:3, 4) MuMutemo waIsraeri wekare, Mwari akarambidza kushandiswa kweropa pose pose nokuti rinomirira upenyu. Akarayira kuti: “Upenyu hwenyama huri muropa; ndakakupai iro paartari, kuti riyananisire mweya yenyu.” Zvakadini kana munhu akauraya mhuka nokuda kwezvokudya? Mwari akati: “Unofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.” * (Revhitiko 17:11, 13) Jehovha akadzokorora adzokororazve murayiro uyu. (Dheuteronomio 12:16, 24; 15:23) Soncino Chumash yechiJudha inoti: “Ropa harifaniri kuchengetwa asi kuonekwa serisina kukodzera kudyiwa nokuridururira pasi.” Hapana muIsraeri aifanira kuzvitorera, kuchengeta, uye kushandisa ropa rechimwe chisikwa, Mwari ari muridzi woupenyu hwacho.

Kusungirwa kuchengeta Mutemo waMosesi kwakaguma pakafa Mesiya. Asi, maonero aMwari okuti ropa idzvene anoramba aripo. Vachitumwa nomudzimu mutsvene waMwari, vaapostora vakarayira vaKristu ku‘rega ropa.’ Murayiro iwoyo waisafanira kurerutswa. Wakanga wakakosha mutsika sokurega unzenza kana kuti kunamata zvidhori. (Mabasa 15:28, 29; 21:25) Apo kupa nokuisira ropa kwakakurumbira muzana remakore rechi20, Zvapupu zvaJehovha zvakanzwisisa kuti nzira iyi yaipesana neShoko raMwari. *

Pane dzimwe nguva, chiremba achakurudzira murwere kupa ropa rake pachake mavhiki akati kuvhiya kusati kwaitwa (kupa ropa rako pachako usati wavhiyiwa) kuitira kuti kana zvichizodiwa, anogona kuisira murwere wacho ropa rake rakachengetwa. Zvisinei, kuunganidza, kuchengeta uye kuisira ropa zvakananga kwakadai kunopesana nezvinotaurwa muna Revhitiko uye Dheuteronomio. Ropa harifaniri kuchengetwa; rinofanira kudururirwa pasi—kuita seriri kudzorerwa kuna Mwari. Asi hazvo, Mutemo waMosesi hauchashandi zvino. Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza nheyo dzakaiswa naMwari mauri, uye zvakatsunga ‘kurega ropa.’ Nokudaro, hatipi ropa, uye hatichengeti ropa redu iro rinofanira ‘kudururirwa pasi’ kuti rizoisirwa. Kuita kwakadaro kunopesana nomutemo waMwari.

Dzimwe nzira kana kuti kuongorora kunoitwa neropa romunhu pachake hakunyatsooneki kuti kunopesana nenheyo dzaMwari dzakanyorwa. Somuenzaniso, vaKristu vakawanda vakabvumira rimwe ropa ravo kutorwa kuti riongororwe kana kuti kunzverwa, pashure pacho rozoraswa. Dzimwe nzira dzokurapa dzakatooma kunzwisisa dzinoitwa neropa romunhu pachake dzinogonawo kunzi dziitwe.

Somuenzaniso, mune dzimwe nzira dzokuvhiya, rimwe ropa ringatsaudzirwa kubva mumuviri muinonzi hemodilution. Ropa rinosara mumurwere wacho rinosanganiswa nezvinoriita kuti rive dete. Gare gare, ropa rake riri kutenderera nokunze kwomuviri rinodzoserwa maari, naizvoizvo zvichiita kuti masero ake eropa adzokere pamwero wawo. Saizvozvowo, ropa rinobuda pachironda rinogona kuchingidzirwa romiminwa kuitira kuti masero matsvuku agone kudzorerwa kumurwere; uku kunonzi kutsvakiridza masero. Mune dzimwe nzira, ropa ringatsaudzirwa kumuchina unoshanda basa rinoitwa nenhengo dzomuviri kwenguva pfupi (somuenzaniso, mwoyo, mapapu, kana kuti itsvo). Ropa rinobva mumuchina zvino rinodzoserwa kumurwere wacho. Mune dzimwe nzira, ropa rinotsaudzirwa kumuchina unokamuranisa (centrifuge) kuitira kuti zvikamu zvaro zvinokuvadza kana kuti zvisina kunaka zvigone kubviswa. Kana kuti chinangwa chacho chingava chokubvisa chimwe chikamu chinoumba ropa uye kuchishandisa pane imwe nzvimbo yomuviri. Pane kumwewo kuongorora kunoitwa apo ropa rinotorwa kuti riiswe chiratidzo kana kuti kurisanganisa nomushonga, ipapo rozodzoserwa mumurwere wacho.

Maitirwe acho anogona kusiyana-siyana, uye nzira, marapiro, uye kuongorora kutsva zvichatangwa chaizvoizvo. Harisi basa redu kuongorora musiyano mumwe nomumwe uye kupa chisarudzo. MuKristu anofanira kuzvisarudzira kuti ropa rake richashandiswa sei mukati mokuvhiyiwa, kuongororwa kwoutano, kana kuti kurapwa kwamazuva ano. Pachine nguva, anofanira kuwana mashoko pamusoro pezvingangoitwa neropa rake paanenge achirapwa kubva kuna chiremba kana kuti nyanzvi. Ipapo anofanira kusarudza maererano nezvinobvumirwa nehana yake. (Ona bhokisi.)

VaKristu vanofanira kufunga nezvokuzvitsaurira kwavo kuna Mwari uye kusungirwa kwavo ‘kumuda nemwoyo wavo wose, mweya wose, simba rose, uye pfungwa dzose.’ (Ruka 10:27) Kusiyana nevakawanda vari munyika, Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa zvikuru ukama hwazvo hwakanaka naMwari. Mupi Woupenyu anokurudzira vose kuvimba neropa raJesu rakadeurwa. Tinoverenga kuti: “Naye [Jesu Kristu] tinosunungurwa norudzikinuro neropa raiye, hungu, kukanganwirwa kwokudarika kwedu, maererano nepfuma yomutsa wake usina kufanirwa.”—VaEfeso 1:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Purofesa Frank H. Gorman anonyora kuti: “Kudururira ropa pasi kunonyatsonzwisiswa sechiito chokukudza chinoratidza kuremekedza upenyu hwemhuka uye, nokudaro kuremekedza Mwari, akasika uye anopfuurira kutarisira upenyu ihwohwo.”

^ ndima 5 Nharireyomurindi yechiRungu yaJuly 1, 1951, yakapindura mibvunzo inokosha nezvenhau iyi, ichiratidza nei kuisirwa ropa rakapiwa kusina kukodzera.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 31]

Mibvunzo Yokuti Uzvibvunze

Kana rimwe ropa rangu rikatsaudzirwa kunze kwomuviri wangu uye kuerera kwaro kukatombovhiringidzwa kwenguva yakati, hana yangu ichandibvumira kuona ropa iri serichiri rutivi rwangu here, nokudaro ndisingadi kuti ‘ridururirwe pasi’?

Hana yangu yakarovedzwa neBhaibheri yaizonetseka here kana panguva yokuongororwa kana kuti yokurapwa rimwe reropa rangu raizotorwa, rovandudzwa, uye rozodzorerwa zvakare mumuviri wangu?