Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Haiwa Nokutenda Kusingadzokeri Shure”!

“Haiwa Nokutenda Kusingadzokeri Shure”!

Nyaya Youpenyu

“Haiwa Nokutenda Kusingadzokeri Shure”!

YAKATAURWA NAHERBERT MÜLLER

Mwedzi mishomanana mauto aHitler apinda nechisimba muNetherlands, Zvapupu zvaJehovha zvakarambidzwa. Pasina nguva yakareba, zita rangu rakanga rava pakati pevaitsvakwa namaziso matsvuku neNazi, uye ndaivhimwa semhuka.

PANE imwe nguva, ndakazenge ndaneta nokuhwanda nokutiza zvokuti ndakaudza mudzimai wangu kuti zvingatova zvinozorodza kuti ndibatwe namauto. Ipapo mashoko orumwe rwiyo akauya mupfungwa dzangu: “Haiwa nokutenda kusingadzokeri shure, kunyange pakudzvinyirirwa nevavengi vose.” * Kufunga nezverwiyo irworwo kwakandisimbaradza kukandiyeuchidza nezvevabereki vangu kuGermany uye nezvezuva randakaimbirwa rwiyo urwu neshamwari dzangu dzichindioneka. Ndingakuudzewo pfungwa idzi here?

Muenzaniso Wavabereki Vangu

Pandakaberekwa muna 1913 muguta reCopitz muGermany, vabereki vangu vaive nhengo dzeChechi yeEvangelical. * Makore manomwe gare gare, muna 1920, baba vakasiya chechi yacho. Musi waApril 6, vakakumbira Kirchenaustrittsbescheinigung (Fomu Rokuzivisa Kubuda muChechi). Mabharani womuguta racho wezvevagari vomunyika akavazadzisira rimwe. Zvisinei, pashure pevhiki baba vakadzoka kuhofisi yacho vachitsanangura kuti fomu racho raive rasiyirira zita remwanasikana wavo. Mabharani wacho akazadza fomu rechipiri rairatidza kuti kubuda muchechi kwacho kwaishandawo pana Martha Margaretha Müller. Panguva iyoyo, Margaretha, hanzvadzi yangu, aive negore nehafu. Pakushumira Jehovha, baba vaive vasingagutsikane nokuita zvishomanana!

Gore iroro, vabereki vangu vakabhabhatidzwa neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Baba vakatirera isu vana vasingaiti zvokutamba, asi kuvimbika kwavo kuna Jehovha kwaiita kuti zvitiitire nyore kugamuchira nhungamiro yavo. Kuvimbika kwakaitawo kuti vabereki vangu vachinje. Somuenzaniso, pane nguva apo taive tisingabvumirwe kutamba panze misi yeSvondo. Zvisinei, mumwe musi weSvondo muna 1925 vabereki vedu vakatiudza kuti taizobuda kuti timbofamba-famba. Takatakura mbuva uye takava nenguva inofadza—kusiyana kwakadii nokugara takapfigirwa muswere wose! Baba vakati vaive vadzidza pfungwa dzakati kuti pakokorodzano yakanga ichangopfuura dzakagadzirisa mafungiro avo pamusoro pezvokuita musi weSvondo. Vakaratidzawo kuda kuchinja ikoko pane dzimwe nguva.

Kunyange zvazvo utano hwavabereki vangu hwaive husina kunaka, havana kumborega basa rokuparidza. Somuenzaniso, kuti tiparadzire turakiti rainzi Ecclesiastics Indicted, takakwira chitima mamwe manheru neungano yose ndokuenda kuguta reRegensburg, makiromita 300 kubva kuDresden. Mangwana acho, takaparadzira maturakiti muguta rose, uye patakapedza, takakwira chitima chokudzokera. Panguva yatakazosvika kumusha zvakare, maawa 24 akanga apfuura.

Kubva Pamusha

Kusonganirana kwangu neJugendgruppe (Boka Revechiduku) muungano medu kwakandibatsirawo kukura mumudzimu. Vhiki nevhiki, vechiduku vane makore anopfuura 14 vaisangana nehama dzakura dzomuungano. Taitamba mitambo nokuridza zviridzwa zvomumhanzi, taidzidza Bhaibheri, nokutaura nezvechisiko nesayenzi. Zvisinei, muna 1932, pandaiva namakore 19, kusonganirana kwangu neboka racho kwakapera.

Muna April gore iroro, Baba vakagamuchira tsamba yaibva kuhofisi yeWatch Tower Society muMagdeburg. Sosaiti yaitsvaga munhu aigona kutyaira motokari uye achida kupayona. Ndaiziva kuti vabereki vangu vaida kuti ndipayone, asi ndainzwa kuti ndaisakwanisa. Sezvo vabereki vangu vaive varombo, pamakore 14 ndaive ndatanga kugadzira mabhasikoro nemichina yokusona, pamwe nematapureta, nezvimwe zvinoshandiswa muhofisi. Ndaigosiya sei mhuri yangu? Yaida kutsigirwa neni. Uyezve, ndaive ndisina kunyange kubhabhatidzwa. Baba vakagara neni pasi ndokundibvunza mibvunzo yakati kuti vaone kana ndainzwisisa zvaibatanidzwa murubhabhatidzo. Apo mhinduro dzangu dzakavagutsa kuti ndaive ndafambira mberi mumudzimu zvakakwana kuti ndibhabhatidzwe, vakati: “Unofanira kuzvipa kuti uite basa iri.” Ndakadaro.

Pashure pevhiki imwe ndakakokwa kuMagdeburg. Pandakaudza shamwari dzangu dzomuBoka Revechiduku, dzakada kuonekana neni norwiyo rwomufaro. Dzakashamiswa norwiyo rwandakasarudza nokuti dzairwuti rwakanyanya kudzikama. Kunyange zvakadaro, vamwe vakatora maviolin, mamandolin, nemagitare ndokuimba vose vachiti: “Haiwa nokutenda kusingadzokeri shure, kunyange pakudzvinyirirwa nevavengi vose; kusingadederi pakutarisana nenhamo dzipi nedzipi dzepasi pano.” Zuva iroro, handina kumbofunga kuti mashoko iwayo aizondisimbaradza kakawanda sei mumakore aizotevera.

Kutanga Kune Zvinetso

Hama dzokuMagdeburg dzaona kuti ndinotyaira sei, dzakatironzesa motokari, ini nemamwe mapiyona mana, tikabva taenda kuSchneifel, nharaunda iri pedyo neBelgium. Pasina nguva takaona kuti motokari chinhu chaitodikanwa. Chechi yeKaturike yomunharaunda imomo yaisada kutiona, saka vomumusha, vachikurudzirwa navapristi, vaiwanzogarira kutitandanisa. Kakawanda, motokari yakatibatsira kutiza tisati tarwiswa nemapadza nemaforogo okuunganidzisa uswa.

Pashure peChirangaridzo muna 1933, mutariri wenharaunda, Paul Grossmann, akatiudza kuti basa reSosaiti muGermany raive rarambidzwa. Nguva pfupi pashure pacho, hofisi yebazi yakandikumbira kuuya nemotokari kuMagdeburg, kuzotora mabhuku ikoko, ndoaendesa kuruwa rweSaxony, makiromita 100 kubva kuMagdeburg. Zvisinei, panguva yandakazosvika kuMagdeburg, Gestapo (mapurisa epachivande eNazi) yaive yatopfiga mahofisi eSosaiti. Ndakasiya motokari iine imwe hama muLeipzig ndokudzokera kumusha—asi kwete kwenguva yakareba.

Hofisi yeSosaiti muSwitzerland yakandikumbira kuti nditange kupayona muNetherlands. Ndakaronga kuenda mukati mevhiki imwe chete kana mbiri. Zvisinei, Baba vakandipa zano rokuti ndiende pakare pakarepo. Ndakabvuma zano ravo, uye mumaawa mashomanana, ndakabva pamusha. Mangwana acho, mapurisa akauya kumba kwababa vangu kuzondisungira mhosva yokurega zvandaifanira kuitira nyika. Akanga adya manonoko.

Kutanga muNetherlands

Musi waAugust 15, 1933, ndakasvika mumusha wemapiyona muHeemstede, guta riri makiromita 25 kubva kuAmsterdam. Mangwana acho, ndakaenda kunoparidza ndisingazivi kana shoko rechiDutch. Ndakatanga nokushandisa kadhi rechipupuriro, raive nemharidzo yakadhindwa. Zvakandikurudzira kwazvo apo mumwe mukadzi wechiKaturike akabvuma bhuku rinonzi Reconciliation! Zuva rakarero ndakagovera tumabhuku 27. Pakupera kwezuva rokutanga iroro, ndakafara kuti ndakanga ndogona kuparidza ndakasununguka zvakare.

Mumazuva iwayo, mapiyona akanga asina imwe nzira yokuwana nayo mari kunze kwemipiro yaigamuchirwa kana mabhuku agoverwa. Mari iyoyo yaishandiswa kutenga zvokudya nezvimwe zvinodiwa. Kana kamari kasara panopera mwedzi, kaizogovanwa nemapiyona kuti mumwe nomumwe ashandise pazvinodiwa zvake oga. Taive nezvishomanana zvokunyama, asi Jehovha aititsigira zvakanaka zvokuti muna 1934, ndakakwanisa kupinda imwe kokorodzano muSwitzerland.

Shamwari Yakatendeka

Pakokorodzano yacho, ndakaona Erika Finke aiva nemakore 18. Ndakanga ndamuzivira kumusha ndichiri kugarako. Aive shamwari yehanzvadzi yangu, Margaretha, uye ndaive ndagara ndichiyemura kutsigira chokwadi zvakasimba kwaErika. Pasina nguva yakareba abhabhatidzwa muna 1932, mumwe munhu akaudza Gestapo kuti Erika aive aramba kuti “Hitler Ngaarumbidzwe!” Gestapo yakamutsvaga ndokumubvunza kuti nei aive aramba. Erika akaverengera mupurisa aive mukamba Mabasa 17:3 ndokutsanangura kuti Mwari aive asarudza munhu mumwe bedzi kuva Muponesi, Jesu Kristu. “Pane vamwe here vanodavira zvaunoita?” mupurisa akabvunza. Erika akaramba kudura zita ripi neripi. Mupurisa paakatyisidzira kuti aizomuisa muchitokisi, Erika akamuudza kuti aisva afa zvake pane kudura mazita. Akamudzvokora ndokudaidzira kuti: “Buda muno. Enda kumba. Hitler Ngaarumbidzwe!”

Kokorodzano yapera, ndakadzokera kuNetherlands asi Erika akasara muSwitzerland. Kunyange zvakadaro, tose tainzwa kuti ushamwari hwedu hwakanga hwakura. Achiri muSwitzerland, Erika akanzwa kuti kumusha Gestapo yaimutsvaga. Akasarudza kugara muSwitzerland achipayona. Mwedzi mishomanana gare gare, Sosaiti yakamukumbira kuenda kuSpain. Akapayona muMadrid, ndokuzoenda kuBilbao, uye gare gare muSan Sebastián, umo kutambudzwa kwaipesvedzerwa navafundisi kwakapinza iye nomumwe waaipayona naye mujeri. Muna 1935 vakarayirwa kuti vabude muSpain. Erika akauya kuNetherlands, uye mugore iroro takaroorana.

Hondo Inoswedera

Pashure pomuchato wedu, takapayona muHeemstede, uye gare gare takatamira kuguta reRotterdam. Ndiko kwakaberekerwa mwanakomana wedu Wolfgang, muna 1937. Gore rakatevera takatamira kuguta reGroningen, kuchamhembe kweNetherlands, kwataishandisa musha mumwe chete nemapiyona okuGermany Ferdinand naHelga Holtorf nemwanasikana wavo. Mumwedzi waJuly muna 1938 Sosaiti yakatiudza kuti hurumende yechiDutch yaive yayambira kuti Zvapupu zvaive zvizvarwa zvokuGermany zvakanga zvisisabvumirwi kuparidza. Panenge panguva iyoyowo, ndakagadzwa kuva mushumiri wenharaunda (mutariri wedunhu), uye mhuri yedu yakatamira kuLichtdrager (Mutakuri Wechiedza), chikepe cheSosaiti chaishanda somusha wamapiyona aiparidzira nzvimbo dziri kuchamhembe kweNetherlands. Nguva zhinji, ndaive ndiri kure nemhuri yangu, ndichichovha bhasikoro kubva kune imwe ungano kuenda kune imwe kunokurudzira hama kuti dzirambe dzichiparidza. Uye hama dzakangoitawo saizvozvo. Dzimwe dzakatowedzera mabasa adzo. Wim Kettelarij aive muenzaniso wakanaka.

Pandakasangana naWim, aive murume wechiduku akaziva chokwadi asi aive akabatikana somushandi wepapurazi. Ndakamupa zano rokuti “kana uchida kuwana nguva yokushumira Jehovha unofanira kutsvaga rimwe basa.” Akadaro. Gare gare, patakasangana zvakare, ndakamukurudzira kupayona. Akapindura kuti “asi ndinofanira kushanda kuti ndidye.” Ndakamuvimbisa kuti “uchadya, Jehovha achakutarisira.” Wim akatanga kupayona. Gare gare, kunyange munguva yeHondo Yenyika II, akashanda somutariri anofambira. Nhasi, ane makore ave kuma80, Wim achiri Chapupu chinoshingaira. Zvechokwadi Jehovha akamutarisira.

Tarambidzwa uye Ndichitsvagwa

Muna May 1940, rinenge gore rimwe chete mwana wedu wechipiri aberekwa, Reina, mauto eDutch akakanda mapfumo pasi vaNazi vakatora Netherlands. Muna July Gestapo yakatora mahofisi eSosaiti nepokudhindira. Gore rakatevera, Zvapupu zvakasungwa zvasungwazve, uye ndakabatwa. Zvandaiva Chapupu uye ndiri wokuGermany wezera raidiwa, zvaive zvisina kuoma kufungidzira kuti Gestapo yaizoitei neni. Ndakada kutombofunga kuti ndaisazofa ndakaona mhuri yangu zvakare.

Ipapo muna May 1941, Gestapo yakandiburitsa mujeri ndokundirayira kuti ndinozviisa kubasa rechiuto. Ndaisagona kuzvidavira. Zuva rakarero ndakabva ndanyangarika, uye mwedzi iwoyo ndakadzokera mubasa redunhu. Gestapo yakandiisa pakati pevayaitsvaga nemaziso matsvuku.

Kuzvigona Kwakaita Mhuri Yangu

Mudzimai wangu nevana vaive vatamira kumusha weVorden kurutivi rwokumabvazuva rwenyika yacho. Zvisinei, kuti ndideredze mikana yokuvaisa pangozi, ndakaderedza zvikuru nzendo dzangu dzokumusha. (Mateu 10:16) Kuitira kundidzivirira, hama dzaisashandisa zita rangu chairo, dzichingoshandisa rokubata kumeso Duitse Jan (John wokuGermany). Kunyange mwanakomana wangu aiva namakore mana, Wolfgang, aisabvumirwa kutaura nezva“Baba” asi nezva“Ome Jan” (Sekuru John). Kwaari, izvi zvakanga zvakaoma mupfungwa.

Pandaive ndichihwanda, Erika akatarisira vana uye akaramba achiparidza. Reina paaiva nemakore maviri, Erika aimuisa pakeriya yebhasikoro oenda naye kunoparidzira mumaruwa. Kunyange hazvo zvokudya zvakava zvinonetsa kuwana, Erika haana kumbonyanya kushaya zvokudya zvemhuri. (Mateu 6:33) Mumwe murimi wechiKaturike, wandaive ndambogadzirira muchina wake wokusonesa, akamupa mbatatisi. Ndaimutumawo namashoko kuna Erika. Erika akambotenga chimwe chinhu muchitoro akabhadhara gulden rimwe (Z$16,46). Muridzi wechitoro, achiziva kuti Erika aigara akahwanda nokudaro asingakwanisi kuwana makadhi okutengesa zvokudya, akamupa chaaida ndokumupawo magulden maviri. Kuratidzirwa kwakadaro kwetsitsi kwakamubatsira kurarama.—VaHebheru 13:5.

Kushanda Pamwe Chete Nehama Dzakashinga

Panguva yose iyi, ndakaramba ndichishanyira ungano—kunyange zvangu ndaisangana nehama dzaive nemitoro muungano chete. Ndaisakwanisa kugara panzvimbo imwe chete kweanopfuura maawa mashomanana nokuti Gestapo yaigara ichinditsvaga. Vazhinji vehama nehanzvadzi vaisabvumirwa kusangana neni. Vaingozivana chete neZvapupu zviya zvaive zviri zvomuboka ravo duku rezvidzidzo zveBhaibheri. Nemhaka yeizvi, hanzvadzi mbiri dzokunyama dzaigara munzvimbo dzakasiyana dzeguta iroro dzakazoziva Hondo Yenyika II yatopera kuti dzose dzakanga dzava Zvapupu munguva yehondo.

Mumwe wemitoro yangu waive wokutsvaga pokuviga mabhuku eSosaiti. Taivigawo mapepa, mastencil namatapureta okuitisa makopi eNharireyomurindi, kuitira kana aizodiwa. Dzimwe nguva, taitofanira kuchinja-chinja pokuviga mabhuku aidhindwa neSosaiti. Ndinoyeuka ndichifambisa makatoni 30 akazara nemabhuku ndichiedza kuva asinganyumwirwi—basa rinobvundisa!

Uyewo, taironga kutakurwa kwezvokudya kubva kumapurazi ari nechokumabvazuva kweNetherlands kuendesa kumaguta ari kumavirira, kunyange zvazvo izvi zvairambidzwa. Taitutira zvokudya mungoro yaidhonzwa nebhiza tonanga kumavirira. Kana tasvika parwizi, taisakwanisa kushandisa rimwe ramazambuko nokuti aichengetwa namauto. Asi taitutira zvinhu zvedu pazvikepe zviduku, toyambutsa zvokudya mhiri kworukova, tozvitutirazve pane imwe ngoro. Pataisvika muguta rataienda, taimirira kuti kusvibe, topfekedza masokisi muzvitsiko zvebhiza, toenda chinyararire paisvikira zvokudya zveungano pakavanzika. Kubva ipapo, zvokudya zvaizoparadzirwa kuhama dzinoshayiwa.

Dai mauto eGermany aizowanikidza paisvikira zvokudya pakadaro, mumwe munhu aigona kuzvifira. Kunyange zvakadaro, hama dzakawanda dzakazvipira kubatsira. Somuenzaniso, vemhuri yokwaBloemink muguta reAmersfoort, vakapa imba yavo yokutandarira kuti ishandiswe kuchengetera zvokudya, kunyange zvazvo imba yavo yaive chinhambwe chidukuduku kubva pachiteshi chemauto eGermany! Zvapupu zvakashinga sezvizvi zvaiisa upenyu hwazvo mungozi nokuda kwehama dzazvo.

Jehovha akabatsira mudzimai wangu neni kuramba takatendeka mumakore ose okurambidzwa. Muna May 1945 mauto eGermany akakurirwa, uye upenyu hwangu hwokugara ndichitiza hwakapera. Sosaiti yakandikumbira kuramba ndichishanda somutariri anofambira kusvikira dzimwe hama dzawanika. Muna 1947, Bertus van der Bil akatora basa rangu. * Panguva iyoyo mwana wedu wechitatu akaberekwa, uye takagara nechokumabvazuva kwenyika iyoyo.

Kusuwa uye Mufaro

Hondo yapera, ndakanzwa kuti gore rimwe ndabva pamba ndichienda kuNetherlands, Baba vakaiswa mujeri. Vakaburitswa kaviri nokuda kwoutano husina kunaka, asi nguva imwe neimwe vaiiswazve mujeri. Muna February 1938, vakaendeswa kumusasa wavasungwa weBuchenwald ndokuzoendeswa kuDachau. Ikoko, musi waMay 14, 1942, baba vangu vakashaya. Vakaramba vakasimba vakatendeka kusvika kumugumo.

Amai vakaendeswawo kumusasa weDachau. Vakaramba vari ikoko kusvikira vasunungurwa muna 1945. Sezvo muenzaniso wakanaka wevabereki vangu vose wakabatsira pazvikomborero zvandakava nazvo, yaive ropafadzo kuuya kwakaita Amai kuzogara nesu muna 1954. Hanzvadzi yangu Margaretha—yaive iri kupayona muCommunist East Germany kubvira muna 1945—yakauyawo. Kunyange hazvo amai vairwara uye vasingagoni kutaura chiDutch, vakaramba vachiitawo ushumiri hwomumunda kusvikira upenyu hwavo hwapasi hwaguma vakatendeka muna October 1957.

Kokorodzano ya1955 muNuremberg, kuGermany, yakava inokosha. Tasvika, hama dzaibva kuDresden dzakaudza Erika kuti amai vake vaivapowo pakokorodzano. Sezvo Dresden yaitongwa neEast Germany, Erika akanga ava nemakore 21 asina kuona amai vake. Vakaronga kusangana, uye amai nemwanasikana vakambundirana. Kubatanidzwazve kunofadza zvakadini!

Nokufamba kwenguva, mhuri yedu yakakura kuva yevana vasere. Zvinosuruvarisa kuti takarasikirwa nomumwe wevanakomana vedu mutsaona yemotokari. Zvisinei, kuona vana vedu vose vasara vachishumira Jehovha kunotifadza zvikuru. Tinofara kuti mwanakomana wedu Wolfgang nomudzimai wake vari mubasa redunhu uye mwanakomana wavo anoshumirawo somutariri wedunhu.

Ndinofara kuti ndanga ndichizvionera kufambira mberi kwebasa raJehovha muNetherlands. Pandakatanga kupayona muno muna 1933, maive neZvapupu zvinenge zana rimwe chete. Nhasi, mune zvinopfuura 30 000. Kunyange zvazvo simba romuviri wedu zvino rave kudzikira, ini naErika tichakatsunga kurarama maererano nemashoko erwiyo rwuya rwemazuva akapfuura rwaiti: “Haiwa nokutenda kusingadzokeri shure.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Rwiyo 194.—Nziyo Dzerumbidzo Kuna Jehovha rechiRungu (1928).

^ ndima 7 Guta reCopitz, rava kunzi Pirna, rakaererana noRwizi Elbe, makiromita 18 kubva kuguta reDresden.

^ ndima 38 Nezvenyaya youpenyu yaHama Van der Bijl inoti, “Hapana Chinhu Chiri Nani Kupfuura Chokwadi,” ona Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1998.

[Mufananidzo uri papeji 23]

“Jugendgruppe” pakumbozorora mushure mebasa romumunda

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ini nemamwe mapiyona takashanda ndima yose yeSchneifel. Ndaiva nemakore 20

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndiina Erika naWolfgang muna 1940

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Muzukuru wangu Jonathan nomudzimai wake, Mirjam; Erika, inini, mwanakomana wangu Wolfgang nomudzimai wake, Julia

[Mufananidzo uri papeji 26]

Imwe hama yaive mujeri nababa vangu yakadhirowa mufananidzo wavo uyu muna 1941