Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuva Norupo Zvikuru Kunounza Mufaro

Kuva Norupo Zvikuru Kunounza Mufaro

Kuva Norupo Zvikuru Kunounza Mufaro

SOMUTARIRI wechiKristu ane rudo, muapostora Pauro aive nehanya zvikuru nevaaitenda navo. (2 VaKorinde 11:28) Nechikonzero ichi, paakaronga kuunganidzwa kwemari nokuda kwevaKristu vanoshayiwa muJudhiya pakati pema50 C.E., akashandisa mukana wacho kudzidzisa chidzidzo chinokosha nezvorupo. Pauro akasimbisa kuti kupa nomufaro kunokosheswa zvikuru naJehovha: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.”—2 VaKorinde 9:7.

Vari Muurombo Hukuru, asi Vanopa

VaKristu vazhinji vomuzana remakore rokutanga vakanga vasina kukurumbira munzanga. Pauro akacherechedza kuti pakati pavo “havasi vane simba [vaive] vakawanda.” Vaive “zvinhu zvisina simba zvenyika,” “zvinhu zvakaderera zvenyika.” (1 VaKorinde 1:26-28) Somuenzaniso, vaKristu vaigara muMakedhoniya vaive “nourombo . . . hukuru” uye “vachitambudzika.” Kunyange zvakadaro, vatendi ivavo vanozvininipisa vokuMakedhoniya vakakumbira ropafadzo yokubvisa mupiro wemari ku“kushumirwa kwaiitirwa vatsvene”; uye Pauro akapupurira kuti zvavakapa “zvaipfuura zvavaikwanisa kuita chaizvo”!—2 VaKorinde 8:1-4.

Kunyange zvakadaro, kupa kwomutsa ikoko kwaisayerwa nouwandu hwezvapiwa. Asi chaituma kuti vadaro, kuda kugoverana, uye zvakaita mwoyo ndizvo zvaikosha. Pauro akaudza vaKristu veKorinde kuti zvose pfungwa nomwoyo zvinobatanidzwa pakupa mupiro. Akati: “Ndinoziva kuda kwemwoyo yenyu kwandiri kuzvirumbidza nako kune veMakedhoniya pamusoro penyu, . . . uye kushingaira kwenyu kwakanyandura vazhinji vavo.” Vaive ‘vakasarudza . . . mumwoyo yavo’ kupa nomutsa.—2 VaKorinde 9:2, 7.

‘Mweya Wavo Wakavakurudzira’

Muapostora Pauro angave aifunga nezvomuenzaniso wakare wokupa nemhaka yorupo, uyo wakaitika murenje mazana 15 emakore iye asati avapo. Ndudzi 12 dzaIsraeri dzaive dzasunungurwa muuranda muIjipiti. Zvino dzaive dzava mujinga meGomo reSinai, uye Jehovha akadzirayira kuvaka tebhenekeri yokunamatira dzoishongedza nemidziyo yokushandisa pakunamata. Izvi zvaizoda zvokushandisa zvakawanda, uye rudzi rwacho rwakakumbirwa kubvisa mipiro.

VaIsraeri ivavo vakaita sei? “Vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nemwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusongana.” (Eksodho 35:21) Rudzi rwacho rwakabvisa mipiro norupo here? Chaizvo! Mushumo unotevera wakapiwa kuna Mosesi: “Vanhu vanouya nezvakawandisa kupfuura zvinokwana kuita basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.”—Eksodho 36:5.

VaIsraeri vaive vakamira sei munyaya dzemari kare ikako? Nguva pfupi yakanga yapfuura, vaive varanda vanosiririsa, ‘vachinetswa [“nokutakura mitoro,” NW]’ vachirarama ‘upenyu hunonzwisa urombo,’ upenyu hwo“kunetswa.” (Eksodho 1:11, 14; 3:7; 5:10-18) Saka, hazvingabviri kuti vaive vakabudirira mune zvokunyama. Chokwadi, vaIsraeri vakabva munyika youranda hwavo nemakwai nemombe. (Eksodho 12:32) Asi izvozvo zvingava zvaive zvisina kuwanda, sezvo vachangobva muIjipiti, vakanyunyuta kuti vaive vasina nyama kana chingwa chokudya.—Eksodho 16:3.

Saka vaIsraeri vakawana kupi zvinokosha zvavakabvisa kuti tebhenekeri ivakwe? Kubva kune vaive vanatenzi vavo, vaIjipiti. Bhaibheri rinoti: “Vana vaIsraeri . . . vakakumbira kuna va[Ijipiti] zvishongo zvesirivheri, nezvishongo zvendarama, nenguo. . . . [VaIjipiti] vakavapa izvozvo zvavakakumbira.” Izvi zviito zvorupo zvakaitwa navaIjipiti zvaive chikomborero chaibva kuna Jehovha, kwete kuna Farao. Chinyorwa chaMwari chinoti: “Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pava[Ijipiti], vakavapa izvozvo zvavakakumbira.”—Eksodho 12:35, 36.

Saka, fungidzira kuti vaIsraeri vakanzwa sei. Zvizvarwa zvakawanda zvaive zvatambudzika muuranda hunorwadza uye kushayiwa. Zvino vaive vasununguka vava nepfuma yezvinhu zvokunyama. Vaizonzwa sei pamusoro pokusiyana nezvimwe zvinhu izvozvo? Vangave vakafunga kuti vaive vazvishandira uye vaive nekodzero yokuzvichengeta. Zvisinei, pavakanzi vapire mari yokutsigira kunamata kwakachena, vakadaro—uye kwete vasingadi kana kuita zvokuomera! Havana kukanganwa kuti Jehovha akanga aita kuti zvibvire kuti vawane zvinhu zvokunyama izvozvo. Saka, vakapa sirivheri nendarama nezvipfuwo zvavo zvakawandisa. Vaive ne‘mwoyo inoda.’ Vaka‘mutswa nemwoyo yavo.’ ‘Mweya wavo wakavakurudzira.’ Zvechokwadi zvaiva ‘zvipo zvemwoyo kuna Jehovha.’—Eksodho 25:1-9; 35:4-9, 20-29; 36:3-7.

Kuva Akagadzirira Kupa

Ukuru hwomupiro handihwo hunoratidza chaizvoizvo kuti mupi ane rupo zvakadini. Pane imwe nguva Jesu Kristu akatarira sezvo vanhu vaidonhedzera mari mumidziyo yokuisa mari yomutemberi. Vanhu vakapfuma vaidonhedzera mari yakawanda, asi Jesu akafadzwa paakaona chirikadzi yaishayiwa ichidonhedzera mari duku mbiri dzoukoshi huduku zvikuru. Akati: “Chirikadzi iyi, kunyange iri murombo, yadonhedzera kupfuura zvavaita vose. . . . Mukadzi uyu adonhedzera achibvisa pakushayiwa kwake zvose zvokurarama nazvo zvaanga anazvo.”—Ruka 21:1-4; Mako 12:41-44.

Mashoko aPauro kuvaKorinde aitsinhirana nepfungwa dzaJesu idzi. Nezvokubvisa mipiro yokubatsira vamwe vatendi vanoshayiwa, Pauro akati: “Nokuti kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika zvikuru maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.” (2 VaKorinde 8:12) Hungu, mipiro haisi yokuitirana makwikwi kana kuenzanisa. Munhu anopa maererano nezvaanowana, uye Jehovha anofadzwa nokufarira kupa.

Kunyange pasina munhu angapfumisa Jehovha chaizvoizvo, muridzi wezvinhu zvose, mipiro iropafadzo inopa vanamati mukana wokuratidza kumuda kwavo. (1 Makoronike 29:14-17) Mipiro inobviswa, kwete zvokuonererwa kana kuti nevavariro dzoudyire, asi nemafungiro akanaka uye kufambisira mberi kunamata kwechokwadi, inounza mufaro pamwe chete nechikomborero chaMwari. (Mateu 6:1-4) Jesu akati: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Tingawana mumwe womufaro iwoyo nokupa simba redu muushumiri hwaJehovha uye nokubvisawo chimwe chezvinhu zvedu zvokunyama kuti titsigire kunamata kwechokwadi nokubatsira vakafanirwa.—1 VaKorinde 16:1, 2.

Kuva Vakagadzirira Kupa Nhasi

Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuona kufambira mberi kwebasa renyika yose rokuparidza “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Mumakore gumi okupedzisira ezana remakore rechi20, vanhu vanopfuura 3 000 000 vakabhabhatidzwa kuratidza tsauriro yavo kuna Jehovha Mwari, uye ungano itsva 30 000 dzakaumbwa. Hungu, imwe chete paungano nhatu dzoga dzoga dzeZvapupu zvaJehovha dziriko nhasi yakaumbwa mumakore gumi okupedzisira! Kuzhinji kwokuwedzera uku imhaka yokushanda zvakaoma kwavarume navakadzi vapachokwadi vechiKristu vanopa nguva yavo nesimba kuti vashanyire vavakidzani vavo vovaudza nezvezvinangwa zvaJehovha. Kumwe kwokuwedzera kwacho imhaka yebasa remamishinari, anosiya misha yao oenda kunyika dziri kure kunobatsira mubasa rokuparidza Umambo. Kuwedzera kwacho kwave kuchiita kuti matunhu matsva arongwe, zvichiita kuti kudikanwe kugadzwa vatariri vematunhu vatsva. Uyewo, mamwe maBhaibheri okushandisa mubasa rokuparidza nokudzidza kwomunhu oga ave ari kudikanwa. Mamwe mabhuku akadhindwa ave ari kudikanwa. Uye kubva munyika imwe kuenda kune imwe, zvivako zvamapazi zvave zvichifanira kukudziridzwa kana kutsiviwa nezviri panzvimbo yakati kurei. Zvinodikanwa zvose izvi zvokuwedzera zvave zvichigoverwa nokubatsira kwemipiro yokuzvidira inobva kuvanhu vaJehovha.

Kudikanwa kweHoro dzoUmambo

Kuwedzera kwenhamba yeZvapupu zvaJehovha kwaita kuti zvioneke kuti pane kudikanwa kweHoro dzoUmambo kukuru. Kuongorora kwakaitwa pakutanga kwegore ra2000 kwakaratidza kuti kunodikanwa Horo dzoUmambo 11 000 munyika dzichiri kubudirira, umo mari iri shoma. Funga nezveAngola. Pasinei nemakore akawanda ehondo yevagari vemo, nyika iyoyo iri kuva nokuwedzera kwenhamba yevazivisi voUmambo neavhareji ye10 muzana pagore. Zvisinei, zhinji dzeungano 675 dziri munyika iyi huru yomuAfrica dzinopindira panze. Munongova neHoro dzoUmambo 22 chete munyika macho, uye 12 dzaidzodzi chete ndidzo dzinotombova nedenga rakati kuti.

Zvakadarowo muDemocratic Republic of Congo. Kunyange hazvo muine ungano 300 muguta racho guru reKinshasa, munongova neHoro dzoUmambo gumi chete. Munyika iyi yose munodikanwa Horo dzoUmambo 1 500 nokukurumidza. Nemhaka yokuwedzera kukuru munyika dzomuEastern Europe, Russia neUkraine pamwe chete dzinoshuma kudikanwa kwemazana eHoro dzoUmambo. Kuwedzera kukuru munguva pfupi muLatin America kunonyanya kuonekwa muBrazil, umo mune Zvapupu zvinopfuura hafu yemiriyoni uye kudikanwa kukuru kwedzimwe Horo dzoUmambo.

Kuti kudikanwa kuri munyika dzakadaro kupedzwe, Zvapupu zvaJehovha zviri kushandisa chirongwa chinokurumidza chokuvaka Horo dzoUmambo. Chirongwa chacho chinowana mari kubva kumipiro youkama hwenyika yose, kuitira kuti kunyange ungano dzinoshayiwa zvikuru dzikwanise kuva nenzvimbo yakakodzera yokunamatira.

Kungofanana nomunguva dzaIsraeri wakare, zvakawanda zvinogona kuitwa nokuti vaKristu vechokwadi vano‘kudza Jehovha nezvavanazvo.’ (Zvirevo 3:9, 10) Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha rinoda kushandisa mukana uno kuonga zvikuru vose vane mwoyo yakavamutsa kuti vagoverane mukupa uku kwokuzvidira. Uye tinogona kuva nechivimbo kuti mudzimu waJehovha ucharamba uchiita kuti mwoyo yavanhu vake ide kutsigira zvinodikanwa mubasa riri kuramba richikura roUmambo.

Sezvo kuwedzera kwenyika yose kunopfuurira, ngatirambei tichitsvaga mikana yokuratidza kufarira nokuda kwatinoita kupa simba redu, nguva yedu, uye pfuma yedu. Uye ngatiwanei mufaro wechokwadi unounzwa nokupa kwakadaro.

[Bhokisi riri papeji 29]

“ISHANDISEI NOKUCHENJERA!”

“Ndine makore gumi. Ndiri kutumira mari iyi kuti mutenge pepa kana chimwe chinhu chokugadzirisa mabhuku.”—Cindy.

“Ndinoda kukutumirai mari iyi kuti mutigadzirire mamwe mabhuku. Ndakawana mari iyi nokubatsira baba vangu. Saka ishandisei nokuchenjera!”—Pam, ane makore manomwe.

“Ndakava nourombo pamusoro pedutu. Ndinovimba makachengeteka. Iyi [$2, U.S. (Z$100)] ndiyo mari yandiinayo yose mubhangi mangu.”—Allison, ane makore mana.

“Ndinonzi Rudy, uye ndine makore 11. Munun’una wangu Ralph ane makore matanhatu. Uye hanzvadzi yangu Judith ine makore maviri nehafu. Tanga tichichengeta kubva mumari yedu yokushandisa kwemwedzi mitatu kuti tibatsire hama dzedu dziri [mune imwe nharaunda yasakadzwa nehondo]. Takakwanisa kuchengeta madhora 20 [Z$1 000] atiri kutumira zvino.”

“Ndine urombo nehama [dzakawirwa nedutu]. Ndakawana madhora 17 [Z$850] ndichishanda nababa vangu. Handisi kutumira mari ino nokuda kwebasa rakati, asi ndichakuregai muchisarudza.”—MacLean, ane makore masere.

[Bhokisi riri papeji 31]

Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo

MIPIRO YEBASA RENYIKA YOSE

Vakawanda vanotsaura, kana kuti kuronga, chitsama chemari chavanoisa mubhokisi romupiro rakanyorwa kuti “Mipiro Yebasa reSosaiti Remunyika Yose—Mateu 24:14.” Mwedzi woga woga ungano dzinoendesa zvitsama izvi zvimwe kudzimbahwe renyika yose muBrooklyn, New York, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yacho.

Mipiro yemari yokuzvidira ingatumirwawo zvakananga kuThe Treasurer’s Office, Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yeSosaiti inotarisira nyika yenyu. Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Mipiro iyi inofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti mipiro iyi chipo chakananga.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Mari ingapiwa kuWatch Tower Society negadziriro chaiyo yokuti kana mupi ave kuida, mari yacho inogona kudzorerwa kwaari. Nokuda kwemamwe mashoko, tapota nyorerai kuThe Treasurer’s Office pakero yakanyorwa pamusoro apa.

KURONGA KUBATSIRA VAMWE

Kuwedzera kuzvipo zvakananga zvemari nemipiro yemari yakarongwa, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo dzokubatsira basa renyika yose roUmambo. Idzi dzinosanganisira:

Inishuwarenzi: Watch Tower Society inganzi ndiyo inozowana inishuwarenzi youpenyu kana kuti muchirongwa chokurega basa kana kuti mudyandigere.

Maakaundi Okubhangi: Maakaundi okubhangi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhangi, kana kuti maakaundi okurega basa omunhu anganzi atarisirwe kana kuti kuita kuti kana wafa azopiwa Watch Tower Society, maererano nezvinodiwa nebhangi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi neMagwaro Anotaridza Mari iri Kumamwe Mabhizimisi: Mari dzebhizimisi nemagwaro anoratidza mari dziri kumamwe mabhizimisi zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe sechipo chakananga.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe nokuita chipo chakananga kana kuti nokuchengetera mupi wacho chivako kana nzvimbo kwoupenyu hwose, uyo anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Munhu anofanira kuzivisa Sosaiti asati apa Sosaiti chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Zvido Zvenhaka Nokuchengetesa: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society pachishandiswa chido chenhaka chapamutemo, kana kuti Sosaiti inganzi ndiyo inowana chibvumirano chokuchengetesa. Kuchengetesa kunobatsira sangano rechitendero kungapa kubatsira kwakati kwomutero.

Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” mipiro yorudzi urwu inonyatsoda kuti mupi wacho aronge. Sosaiti yakagadzira bhurocha riri mumutauro wechiRungu nechiSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide (Kupa Kwakarongwa Kwokubatsira Basa romuNyika Yose) kuti ribatsire vanhu vanoda kubatsira Sosaiti norumwe rudzi rwokuronga kubatsira vamwe. Bhurocha racho rakanyorerwa kupindura mibvunzo yakawanda yakagamuchirwa neSosaiti pamusoro pezvipo, zvido zvenhaka, nokuchengetesa. Rinewo mashoko okuwedzera pamusoro pezvivako kana nzvimbo, mari, uye kuronga mutero. Uye rakagadzirirwa kubatsira vanhu vari muUnited States vari kuronga kupa chipo chaicho kuSosaiti zvino kana kuti kusiya chido chenhaka pakufa kuti vasarudze mutoo wakanakisisa uye unoshanda zvakanaka vachifunga nezvemhuri dzavo nemamiriro ezvinhu omunhu oga. Bhurocha iri ringawanikwa nokukumbira rimwe zvakananga kuHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe.

Vapedza kurava bhurocha racho nokutaurirana neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, vakawanda vakakwanisa kubatsira Sosaiti uye panguva iyoyowo, vakawana kukosha kwezvakanakira kuita kudaro. Hofisi Yokuronga Kwomutsa inofanira kuziviswa uye kugamuchira gwaro ripi neripi rinokosha rine chokuita negadziriro idzi. Kana ungada ipi neipi yegadziriro idzi dzokuronga kwomutsa, unofanira kutaura neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero iri pasi apa kana kuti pahofisi yeSosaiti inoshanda munyika yenyu.

CHARITABLE PLANNING OFFICE

Watch Tower Society

Private Bag A-6113, Avondale

Runhare: 332137/8