Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maonero aMwari Okuchena Mutsika

Maonero aMwari Okuchena Mutsika

Maonero aMwari Okuchena Mutsika

“Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.”—ISAYA 48:17.

1, 2. (a) Vanhu vanoona sei tsika yokurara pamwe kwavanhu? (b) VaKristu vanoona sei tsika yokurara pamwe kwavanhu?

NHASI, munzvimbo dzakawanda dzepasi, kuzvibata mutsika kwazosvika pakunzi inhau yomunhu oga. Vanhu vanoona kurara nomunhu sokuratidza rudo kwavanozvarwa vanakwo kunofanira kuitwa chero panguva yavanoda, kwete sechinhu chinofanira kuitwa nevakaroorana chete. Vanofunga kuti kana pasina anokuvadzwa, hapana chakaipa kuti munhu azvisarudzire kuzvibata kwaanofanira kuita. Mukuona kwavo, vanhu havafaniri kutongwa munyaya dzetsika, zvikurukuru kana yave nhau yokurara nomunhu.

2 Vaya vakasvika pakuziva Jehovha vane maonero akasiyana neaya. Vanotevera nhungamiro dzeMagwaro vachifara nokuti vanoda Jehovha uye vanoda kumufadza. Vanoziva kuti Jehovha anovada uye anopa nhungamiro yakavanakira, nhungamiro ichavabatsira zvechokwadi ndokuvaita kuti vafare. (Isaya 48:17) Mwari zvaari iye Anopa upenyu, zvine musoro kuti vatarire kwaari kuti avatungamirire mukushandisa kwavanoita miviri yavo, zvikurukuru munhau iyi yakabatana zvikuru nokupfuuridzirwa kwoupenyu.

Chipo Chinobva Kumusiki Ane Rudo

3. Vakawanda vari muchiKristudhomu vakadzidziswa chii nezvokurara pamwe kwavanhu, uye izvozvo zvinosiyana sei nezvinodzidziswa neBhaibheri?

3 Kusiyana nenyika yanhasi, vamwe vari muchiKristudhomu vave vachidzidzisa kuti kurara nomunhu kunonyadzisa, chivi, uye kuti “chivi chokutanga” mubindu reEdheni chakanga chiri chokunyengedza Adhamu kwakaita Evha kuti varare pamwe. Maonero akadaro anopesana nezvinotaurwa neMagwaro akafuridzirwa. Nhoroondo yeBhaibheri inotaura nezvevanhu vaviri vokutanga so“munhu nomukadzi wake.” (Genesi 2:25) Mwari akavaudza kuti vaite vana, achiti: “Berekai, muwande, muzadze nyika.” (Genesi 1:28) Hazvaizova nomusoro kuti Mwari arayire Adhamu naEvha kuti vabereke vana obva avaranga nokuti vateerera mirayiridzo yacho.—Pisarema 19:8.

4. Nei Mwari akapa vanhu simba rokurara pamwe?

4 Mumurayiro iwoyo wakapiwa vabereki vedu vokutanga, wakadzokororwa kuna Noa nevanakomana vake, tinoona chinangwa chikuru chokuti vanhu varare pamwe: kuti vabereke vana. (Genesi 9:1) Zvisinei, Shoko raMwari rinoratidza kuti vashumiri vake vakaroorana havasungirwi kurara pamwe pavanenge vave kuda kuita vana chete. Kurara pamwe ikoko kunogona kunyatsogutsa zvinodiwa zvemanzwire avo nezvomuviri uye kwoita kuti vakaroorana vave nomufaro. Inzira yavo yokuratidzirana rudo rukuru.—Genesi 26:8, 9; Zvirevo 5:18, 19; 1 VaKorinde 7:3-5.

Zvinorambidzwa naMwari

5. Mwari akarambidza chii pakurara pamwe kwavanhu?

5 Kunyange zvazvo kurara pamwe kuri chipo chinobva kuna Mwari, hakufaniri kuitwa pasina kuzvidzora. Nheyo iyi inoshanda kunyange mugadziriro yokuroorana. (VaEfeso 5:28-30; 1 Petro 3:1, 7) Kurara nomunhu wausina kuroorana naye hakubvumidzwi. Bhaibheri rakanyatsojeka panhau iyi. MuMutemo wakapiwa naMwari kurudzi rwaIsraeri, zvakanzi: “Usaita upombwe.” (Eksodho 20:14) Gare gare, Jesu akaratidzawo kuti “ufeve” uye “upombwe” zvinosanganisirwawo mu“kufunga kwakaipa” kunobuda mumwoyo uye kunosvibisa munhu. (Mako 7:21, 22) Muapostora Pauro akafuridzirwa kuti arayire vaKristu vaiva muKorinde kuti: “Tizai ufeve.” (1 VaKorinde 6:18) Uye mutsamba yake kuvaHebheru, Pauro akanyora kuti: “Roorano ngaikudzwe pakati pavose, mubhedha weroorano ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.”—VaHebheru 13:4.

6. MuBhaibheri, shoko rokuti “ufeve” rinosanganisira chii?

6 Chii chinorehwa neshoko rokuti “ufeve”? Rinobva pashoko rechiGiriki rokuti por·neiʹa, pane dzimwe nguva rinoshandiswa kureva kurara pamwe kwevanhu vasina kuroorana. (1 VaKorinde 6:9) Kumwewo, zvakaita sepana Mateu 5:32 uye Mateu 19:9, shoko racho rinoreva zvakawanda uye rinorevawo upombwe, makunakuna, uye kurara nemhuka. Zvimwe zviito zvokurara pamwe kwevanhu vasina kuroorana, zvakadai sokunanzva nhengo dzakavandika dzomumwe uye kurara nomunhu nokunobudisa tsvina, uye kubata-bata nhengo dzakavandika dzomumwe munhu, zvinogonawo kunzi por·neiʹa. Miitiro yose yakadaro inoshorwa—zvingava zvakajeka kana kuti zvisina kunanga—muShoko raMwari.—Revhitiko 20:10, 13, 15, 16; VaRoma 1:24, 26, 27, 32. *

Kubatsirwa Nemitemo yaMwari Yetsika

7. Tinobatsirwa sei nokuramba takachena mutsika?

7 Kuteerera nhungamiro yaJehovha yetsika dzokurara pamwe kwevanhu kunogona kuva chinhu chakaoma kuvanhu vasina kukwana. Muzivi wechiJudha akakurumbira womuzana remakore rechi12 Maimonides akanyora kuti: “Hapana chinhu chinorambidzwa muTorah yose [Mutemo waMosesi] chakaoma kuchengeta seicho chokurara nomunhu kunorambidzwa uye kurara pamwe kusiri pamutemo.” Asi, kana tikateerera nhungamiro yaMwari, tinobatsirwa zvikuru. (Isaya 48:18) Somuenzaniso, kuteerera panhau iyi kunobatsira kutidzivirira pazvirwere zvinotapuriranwa pabonde, zvimwe zvacho zvisingarapiki uye zvinogona kuuraya. * Tinodzivirirwa pakuva nenhumbu dzinoitwa vanhu vasina kuroorana. Kushandisa uchenjeri hwaMwari kunoitawo kuti tive nehana yakachena. Kuita kudaro kunoita kuti tizviremekedze uye kuti vamwe vatiremekedze, kusanganisira hama dzedu, vatakaroorana navo, vana vedu, uye hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Kunoitawo kuti tione kurara nomunhu munzira kwayo uye yakanaka kunoita kuti tive nomufaro pakuroorana. Mumwe mukadzi wechiKristu akanyora kuti: “Chokwadi cheShoko raMwari ndicho chinhu chinodzivirira zvakanakisisa chiripo. Ndiri kumirira kuroorwa, uye pandinenge ndaroorwa ndichanzwa kudada nokuudza Murume wechiKristu achandiroora kuti ndakaramba ndakachena.”

8. Mufambiro wedu wakachena ungasimudzira sei kunamata kwakachena?

8 Nokuramba tine mufambiro wakachena, tinogonawo kuita zvakawanda kubvisa kusanzwisiswa kwokunamata kwechokwadi uye tokwevera vanhu kuna Mwari watinonamata. Muapostora Petro akanyora kuti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi, kuti, muchinhu chavanokupomerai sevaiti vezvakaipa, vape mbiri kuna Mwari pazuva rokuongorora kwake nemhaka yemabasa enyu akanaka kwazvo avanoona.” (1 Petro 2:12) Kunyange avo vasingashumiri Jehovha vakatadza kuziva kana kubvuma mufambiro wedu wakachena, tinogona kuva nechokwadi chokuti Baba vedu vokudenga vanoona, vanobvuma, uye kunyange kufara nokuedza kwedu kutevera nhungamiro yavo.—Zvirevo 27:11; VaHebheru 4:13.

9. Nei tichifanira kuvimba nenhungamiro yaMwari, kunyange zvazvo tingasanzwisisa zvizere zvikonzero zvake? Enzanisira.

9 Kutenda muna Mwari kunosanganisira kuvimba kuti anoziva zvakatinakira, kunyange kana tisinganyatsonzwisisi zvikonzero zvose zvokuti nei achititungamirira munzira yaanoita nayo. Chimbofunga muenzaniso uri muMutemo waMosesi. Mumwe mutemo pamusoro penzvimbo yaiungana mauto waiti tsvina yaifanira kufushirwa kunze kwomusasa. (Dheuteronomio 23:13, 14) Zvichida vaIsraeri vaishaya chikonzero chomurayiro iwoyo; vamwe vangadai vakafunga kuti hauna basa. Zvisinei, kubvira ipapo, sayenzi yezvokurapa yakasvika pakuziva kuti mutemo uyu wakabatsira kuti matsime emvura asasvibiswa uye wakaita kuti vasabatwa nezvirwere zvakawanda zvinotakurwa netumbuyu. Saizvozvo, pane zvikonzero zvokunamata, zvemagariro, zvemanzwire, zvomuviri, uye zvepfungwa zvakaita kuti Mwari angoti vanhu vakaroorana chete ndivo vanofanira kurara pamwe. Ngatichikurukurai mimwe mienzaniso mishoma iri muBhaibheri yeavo vakaramba vakachena mutsika.

Josefa—Akaropafadzwa Nokuzvibata Kwake Mutsika

10. Ndiani akaedza kunyengedza Josefa, uye akapindura sei?

10 Zvichida unoziva nezvomuenzaniso womuBhaibheri waJosefa, mwanakomana waJakobho. Pazera remakore 17, akazviwana ave muranda waPotifari, mukuru wavarindi vaFarao weIjipiti. Jehovha akaropafadza Josefa, uye nokufamba kwenguva akagadzwa kutarisira imba yose yaPotifari. Panguva yaakasvika makore okuma20, Josefa akanga ava “nomuviri wakanaka, akanakawo pachiso.” Akakwezva mudzimai waPotifari, uyo akaedza kumunyengedza. Josefa akajekesa paakanga amire chaipo, achitsanangura kuti kubvumirana nazvo kwaisazongova kusatendeseka kuna tenzi wake asiwo ku“tadzir[a] Mwari.” Nei Josefa akafunga sezvaakaita?—Genesi 39:1-9.

11, 12. Kunyange zvazvo pakanga pasina mutemo wakapiwa naMwari wakanyorwa wairambidza kuita ufeve noupombwe, nei Josefa aifanira kunge akafunga sezvaakaita?

11 Zviri pachena kuti chisarudzo chaJosefa chakanga chisiri chokutya kuwanikidzwa navanhu. Vemhuri yaJosefa vaigara kure zvikuru, uye baba vake vaifunga kuti akanga afa. Kudai Josefa akaita unzenza, vemhuri yake havaimbofa vakazviziva. Zvichida chivi ichocho chaigonawo kuvanzwa kuna Potifari nevashandi vake vechirume, sezvo pakanga pane nguva dzavaisava mumba. (Genesi 39:11) Asi, Josefa akaziva kuti mufambiro wakadaro wakanga usingagoni kuvanzirwa Mwari.

12 Josefa anofanira kuva akafunga pamusoro pezvaaiziva nezvaJehovha. Pasina mubvunzo aiziva zvakanga zvataurwa naJehovha mubindu reEdheni: “Naizvozvo munhu unofanira kusiya baba vake naamai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.” (Genesi 2:24) Uyezve, Josefa anofanira kunge aiziva zvakanga zvataurwa naJehovha kuna mambo weFiristia akanga atsunga kuchinya Sara, mbuya vakabereka baba vababa vaJosefa. Jehovha akaudza mambo iyeye kuti: “Tarira uchafa nokuda kwomukadzi wawatora; nokuti mukadzi uyu une murume. . . . Ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.” (Genesi 20:3, 6) Saka kunyange zvazvo Jehovha akanga asati apa mutemo wakanyorwa hake, zvaaifunga pamusoro pokuroorana zvakanga zvakajeka. Pfungwa yaJosefa yetsika dzakanaka, pamwe nechido chake chokufadza Jehovha, zvakamuita kuti arambe kuita unzenza.

13. Zvichida, nei Josefa aisagona kunzvenga mudzimai waPotifari?

13 Zvisinei, mudzimai waPotifari akaramba akangoomerera, achimukumbira “mazuva ose” kuti arare naye. Nei Josefa aisangomunzvenga kuti zvipere? Sezvo akanga ari muranda, akanga ane mabasa okuita uye haana zvaaigona kuita kuti achinje mamiriro ake ezvinhu. Umbowo hwezvokuchera matongo hunopa pfungwa yokuti magadzirirwe edzimba dzokuIjipiti aiita kuti munhu atopinda nomuimba huru kuti asvike mudzimba dzokuchengetera zvinhu. Nokudaro, zvingadaro zvakanga zvisingabviri kuti Josefa anzvenge mudzimai waPotifari.—Genesi 39:10.

14. (a) Chii chakaitika kuna Josefa pashure pokutiza mudzimai waPotifari? (b) Jehovha akakomborera sei Josefa nokuda kwokutendeka kwake?

14 Pakazoita rimwe zuva ravakanga vari voga mumba. Mudzimai waPotifari akabata Josefa akashevedzera achiti: “Vata neni”! Josefa akatiza. Asvotwa nokuramba kwaJosefa, akamupomera kuti aida kumubata chibharo. Zvakazoguma nei? Jehovha akabva angomupa mubayiro nemhaka yokuperera kwake here? Kwete. Josefa akaiswa mutorongo akasungwa nezvisungo zvomumakumbo. (Genesi 39:12-20; Pisarema 105:18) Jehovha akaona kusaruramisira kwacho uye pakupedzisira akakwidziridza Josefa kubva mutorongo kuenda kuimba yamambo. Akava munhu wechipiri ane simba kwazvo muIjipiti uye akaropafadzwa nomudzimai navana. (Genesi 41:14, 15, 39-45, 50-52) Uyezve, nhoroondo yokutendeseka kwaJosefa yakanyorwa makore 3 500 akapfuura kuti vanhu vaMwari vafunge nezvayo kubvira ipapo. Zvikomborero zvinoshamisa zvakadini zvokuomerera pamitemo yaMwari yakarurama! Saizvozvowo, isu nhasi tingasaona pakarepo kubatsira kwokuramba takatendeseka mutsika nguva dzose, asi tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anoona uye achatikomborera munguva yakafanira.—2 Makoronike 16:9.

‘Sungano’ yaJobho ‘Nameso Ake’

15. ‘Sungano’ yaJobho ‘nameso ake’ yaiva yei?

15 Mumwe akanga akatendeseka aiva Jobho. Pamiedzo yakaunzwa kwaari naDhiyabhorosi, Jobho akaongorora upenyu hwake uye akazviti aida kurangwa zvakasimba kudai akanga atyora nheyo dzaJehovha dzetsika, kusanganisira dzokurara pamwe kwevanhu. Jobho akati: “Ndakaita sungano nameso angu; zvino ndingatarira musikana seiko?” (Jobho 31:1) Nokutaura uku, Jobho aireva kuti mukutsunga kwake kuramba akatendeseka kuna Mwari, akanga asarudza kudzivisa kunyange kuyeva mukadzi achimuchiva. Chokwadika, aizoona vakadzi muupenyu hwake hwezuva nezuva uye angangodaro aizovabatsira kudai vaizoda kubatsirwa. Asi kana kwave kutarisa nepfungwa yokuda kudanana navo, izvozvo zvakanga zviri kure naye. Asati atanga kuedzwa, akanga ari murume akapfuma kwazvo, “mukuru pakati pavana vaMabvazuva.” (Jobho 1:3) Zvisinei, haana kushandisa simba repfuma kukwezva vakadzi vakawanda. Zviri pachena kuti haana kumbotamba nepfungwa yokuita unzenza nevakadzi vaduku.

16. (a) Nei Jobho ari muenzaniso wakanaka kuvaKristu vakaroora? (b) Maitiro evarume vomuzuva raMaraki akanga akasiyana kwazvo sei neaJobho, uye zvakadini nanhasi?

16 Saka, munguva dzakanaka nedzakaoma, Jobho akaratidza kutendeseka mutsika. Jehovha akacherechedza izvi akamuropafadza zvikuru. (Jobho 1:10; 42:12) Jobho muenzaniso wakanaka zvakadini kuvaKristu vakaroora, zvose varume navakadzi! Ndosaka Jehovha aimuda zvakadaro! Kusiyana neizvi, mufambiro wevazhinji nhasi wakada kuti fananei kwazvo nezvakaitika muzuva raMaraki. Muprofita iyeye akashora masiyiro aiita varume vakawanda madzimai avo, kakawanda vachida kuroora vakadzi vaduku. Atari yaJehovha yakazara nemisodzi yemadzimai akasiyiwa, uye Mwari akashora ivavo vaka“nyengera” madzimai avo kudaro.—Maraki 2:13-16.

Mukadzi Muduku Akachena

17. MuShuramiti akanga akaita sei so“munda wakakomberedzwa”?

17 Mumwe akaramba akatendeseka akanga ari musikana weShuramiti. Zvaakanga ari muduku uye akanaka, akadiwa kwete chete nomukomana aiva mufudzi asiwo namambo akapfuma waIsraeri, Soromoni. Munhau yacho yose inonakidza inotaurwa muRwiyo rwaSoromoni, muShuramiti akaramba akachena, zvichiita kuti aremekedzwe nevakanga vakamupoteredza. Kunyange zvazvo Soromoni akarambwa naye, akafuridzirwa kuti anyore nhau yacho. Mufudzi waaida akaremekedzawo mufambiro wake wakachena. Pane imwe nguva akataura kuti muShuramiti wacho akanga akafanana ne“munda wakakomberedzwa.” (Rwiyo rwaSoromoni 4:12) MuIsraeri yekare, minda yakanaka yakanga ine mhando dzakasiyana-siyana dzinofadza dzemiriwo, maruva anonhuwira, nemiti mikuru. Minda yakadaro yakanga yakakomberedzwa noruzhowa kana mudhuri uye yaigona kupindwa nepagedhi rinokiyiwa chete. (Isaya 5:5) Kumufudzi wacho, kuchena mutsika kwomuShuramiti wacho uye runako rwake zvakanga zvakafanana nomunda wakadaro une runako rusingawaniki pose pose. Akanga akachena zvokuperera. Rudo rwake rukuru kwazvo aizongoruratidza kumurume aizomuroora.

18. Nhoroondo yaJosefa, Jobho, uye muShuramiti inotiyeuchidza nezvechii?

18 Pakutendeseka mutsika, muShuramiti akapa muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwevakadzi vechiKristu nhasi. Jehovha akaona uye akaziva tsika dzomusikana weShuramiti ndokumuropafadza kungofanana nokuropafadza kwaakaita Josefa naJobho. Kuti isu tiwane nhungamiro, zviito zvavo zvokutendeseka zvakanyorwa muShoko raMwari. Kunyange zvazvo kuedza kwedu kuramba takatendeseka nhasi kusinganyorwi muBhaibheri, Jehovha ane “bhuku yokurangaridza” yokunyora vaya vanotsvaka kuita kuda kwake. Ngatisambokanganwa kuti Jehovha ari ku“teerera” uye anofara sezvatinoedza kuramba takachena mutsika takavimbika.—Maraki 3:16.

19. (a) Tinofanira kuona sei kuchena mutsika? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Kunyange zvazvo vaya vasina kutenda vangaseka, tinofara nokuteerera kwedu Musiki wedu ane rudo. Tine tsika dzokuzvibata dzakanaka kwazvo, tsika dzinodiwa naMwari. Chimwe chinhu chokudada nacho, chinhu chokukoshesa. Nokuramba takachena mutsika, tinogona kufara nechikomborero chaMwari uye tinogona kuramba tine tariro yakajeka yezvikomborero zvisingagumi zvomunguva yemberi. Kunyange zvakadaro, tingaitei chaizvoizvo kuti tirambe takachena mutsika? Nyaya inotevera ichakurukura mubvunzo uyu unokosha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona Nharireyomurindi, yaSeptember 1, 1983, mapeji 29-32.

^ ndima 7 Zvinosuruvarisa kuti pane zvimwe zviitiko apo muKristu asina mhaka anowana zvirwere zvinotapuriranwa pabonde kune waakaroorana naye asingatendi asina kuteerera nhungamiro yaMwari.

Ungatsanangura Here?

• Bhaibheri rinodzidzisa chii nezvokurara pamwe kwavanhu?

• Shoko rokuti “ufeve” rinosanganisira chii muBhaibheri?

• Tinobatsirwa sei nokuramba takachena mutsika?

• Nei Josefa, Jobho, nomusikana weShuramiti vari mienzaniso yakanaka kwazvo nokuda kwavaKristu nhasi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Josefa akatiza kuita unzenza

[Mufananidzo uri papeji 10]

Musikana weShuramiti akanga akafanana ne“munda wakakomberedzwa”

[Mufananidzo uri papeji 11]

Jobho akanga aita ‘sungano nameso ake’