Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsika Dziri Kupera

Tsika Dziri Kupera

Tsika Dziri Kupera

“CHINHU chakadaro hachaiwanzoitika,” akadaro Helmut Schmidt, aimbova mutongi weGermany. Akanga achigurukuta pamusoro penyaya dzakanga dzichangoitika dzokusavimbika kwaiva pachena kwevakuru vakuru vehurumende kwakanga kwabuda pamapeji okutanga amapepanhau. “Tsika dzarasika nemhaka yemakaro,” akadaro.

Vakawanda vaizobvumirana naye. Tsika dzomuShoko raMwari, Bhaibheri, uye dzave dzichigamuchirwa nevakawanda senhungamiro yezvakanaka nezvakaipa dziri kuonekwa sedzisina basa. Izvi ndozvazvakaita kunyange munyika dzinonzi dzinoita zvechiKristu.

Tsika dzomuBhaibheri Dzinokosha Here?

Tsika dzakavakirwa pazvinodzidziswa muBhaibheri dzinosanganisira kuvimbika nokutendeseka. Asi, kunyengedza, uori, uye kubiridzira zvakapararira. The Times yeLondon inoshuma kuti mamwe matikitivha “ari kunzi akatyorera muhomwe mari inosvika £100 000 [Z$6 000 000] panguva imwe neimwe nokuita kuti zvinodhaka zvakabatwa zvitengeswezve kana kuita kuti umbowo hunosungisa makoronyera makuru hutsakatike.” MuAustria kubiridzira mune zveinishuwarenzi chinhu chakakurumbira zvikuru. Uye muGermany masayendisiti akakahadzika apo munguva ichangobva kupfuura vaongorori vakawana “imwe yenyaya dzinonyadza zvisingatauriki yokunyengedza mune zvesayenzi yomuGermany.” Mumwe purofesa, “mazvikokota wevane ruzivo rwezvokugara nhaka kwezvinhu vomuGermany,” akapomerwa kunyepera kana kuti kutanga mashoko akewo zvake pamwero mukuru.

Tsika dzomuBhaibheri dzinosanganisirawo kutendeseka pane vakaroorana, vanofanira kuva noukama hwechigarire. Asi nhamba iri kuwedzera yevakaroorana inopedzisira yave mudare rokurambana. Pepanhau reKaturike Christ in der Gegenwart (MuKristu Wepanguva Ino) rinoshuma kuti “kunyange muSwitzerland, ‘inochengetedza tsika dzayo’ michato yakawanda kwazvo iri kuparara.” MuNetherlands, 33 muzana yemichato yose inopera nokurambana. Mumwe mukadzi akaona kuchinja kwetsika muGermany mumakore mashoma adarika akanyora pamusoro pezvaimunetsa kuti: “Muchato zvino uri kuonekwa sowechinyakare uye usingachafambirani nenguva. Vanhu havachamboroora munhu kuti vagare naye kwoupenyu hwose.”

Ukuwo, mamiriyoni anoona tsika dzinodzidziswa muBhaibheri kuti dzinofanira kuvimbwa nadzo uye kuti dzinoshanda muupenyu hwomunyika yedu yamazuva ano. Vamwe vakaroorana vanogara pamuganhu weSwitzerland neGermany vakawana kuti kudzidza kurarama maererano netsika dzomuBhaibheri kwakavaita kuti vafare kwazvo. Kwavari, “panongova nenhungamiro imwe yezvinhu zvose zvoupenyu. Nhungamiro iyoyo iBhaibheri.”

Unofungei? Bhaibheri ringashanda senhungamiro inokosha here? Tsika dzomuBhaibheri dzinoshanda here nhasi?