Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsika dzomuBhaibheri Ndidzo Dzakanakisisa Here?

Tsika dzomuBhaibheri Ndidzo Dzakanakisisa Here?

Tsika dzomuBhaibheri Ndidzo Dzakanakisisa Here?

“NZANGA inoda gadziriro yetsika dzinokosha dzinopa nhengo dzayo chengeteko nenhungamiro.” Akadaro munyori ane unyanzvi nomushamarari wepaterevhizheni wokuGermany. Chokwadi izvozvo zvine musoro. Kuti nzanga yavanhu igadzikane uye ibudirire, vanhu vacho vanofanira kuva nehwaro hwakasimba hwezvinofanira kutevedzerwa zvinogamuchirwa nevakawanda zvinoratidza zvakarurama kana zvisina kururama, zvakanaka kana zvakaipa. Mubvunzo ndewokuti: Ndezvipi zvakanakisisa zvakanakira nzanga uye vanhu vayo?

Kana tsika dziri muBhaibheri dziridzo dzinogamuchirwa kuti dzitevedzerwe, dzinofanira kubatsira vanhu kuti vararame upenyu hwakagadzikana, hwokufara. Zvikaitwa pamwero mukuru izvozvo zvingaita kuti nzanga yavanhu vanoteerera tsika idzodzo ifare zvikuru uye kuti igadzikane zvikuru. Ndozvazviri here? Ngationgororei zvinotaurwa neBhaibheri panhau mbiri dzinokosha: kuvimbika pane vakaroorana uye kutendeseka muupenyu hwezuva nezuva.

Namatira Kune Wawakaroorana Naye

Musiki wedu akasika Adhamu ndokubva aita Evha kuti ave mudzimai wake. Kubatanidzwa kwavo ndokwaiva kuroorana kwokutanga munhau uye kwaifanira kuva ukama husingagumi. Mwari akati: “Munhu unofanira kusiya baba vake naamai vake, anamatire mukadzi wake.” Makore 4 000 gare gare, Jesu Kristu akadzokorora izvi zvinofanira kutevedzerwa nevateveri vake vose pakuroorana. Uyezve, akashora kurara nomunhu wausina kuroorana naye.—Genesi 1:27, 28; 2:24; Mateu 5:27-30; 19:5.

Maererano neBhaibheri, zvinhu zviviri zvinokosha kuti kuroorana kufadze kudanana nokuremekedzana kwevakaroorana vacho vose. Murume, anova iye musoro wemba, anofanira kuratidza rudo rwusina udyire nokutsvaka zvinonakira mudzimai wake. Anofanira kugara naye “nokuziva” uye haafaniri kumu“tsamwira zvikuru.” Mudzimai anofanira “kuremekedza . . . zvikuru” murume wake. Kana vakaroorana vakatevedzera nheyo idzi, zvinetso zvakawanda zvevakaroorana zvinogona kudziviswa kana kukurirwa. Murume achada kunamatira kumudzimai wake uye mudzimai kumurume wake.—1 Petro 3:1-7; VaKorose 3:18, 19; VaEfeso 5:22-33.

Mutemo weBhaibheri wokunamatira nokuvimbika kune wawakaroorana naye unobatsira pakuva nemba inofadza here? Chimbofunga zvakaratidzwa nokuongorora kwakaitwa muGermany. Vanhu vakabvunzwa kuti zvinhu zvipi zvinokosha mumuchato wakanaka. Chaiva pamusoro pezvose kuvimbika kune mumwe wako. Haungabvumi here kuti vanhu vakaroorana vanofara zvikuru pavanoziva kuti vavakaroorana navo vakavimbika?

Zvakadini Kana Zvinetso Zvikamuka?

Zvisinei, zvakadini kana murume nomudzimai vakapesana zvikuru? Zvakadini kana rudo rwavo rukapera? Mumamiriro ezvinhu akadaro hazvisi nani zvikuru here kudimbura muchato? Kana kuti mutemo weBhaibheri wokunamatira nokuvimbika kune wawakaroorana naye uchine musoro here?

Vanyori veBhaibheri vakaona kuti vanhu vose vakaroorana vachava nezvinetso nemhaka yokusakwana kwavanhu. (1 VaKorinde 7:28) Zvakare, vakaroorana vanoteerera mitemo yeBhaibheri yetsika vanoedza kukanganwira ndokugadzirisa zvinetso zvavo pamwe chete. Ichokwadi kuti pane mamiriro ezvinhu—akadai soupombwe kana kurohwa—apo muKristu angafunga zvakafanira kuparadzana kana kurambana. (Mateu 5:32; 19:9) Asi kukurumidza kurambana pasina chikonzero chakakura zvikuru kana kuti nokuda kuroora mumwe munhu kunoratidza udyire hwokusafunga vamwe. Chaizvoizvo hazviunzi kugadzikana kana mufaro muupenyu hwomunhu. Ngationei muenzaniso.

Peter akaona kuti muchato wake wakanga usisina upenyu sezvawaimbova. * Nokudaro, akasiya mudzimai wake ndokutanga kugara naMonika, akanga asiya murume wake. Zvinhu zvakafamba sei? Pasina mwedzi yakawanda, Peter akabvuma kuti kugara naMonika kwakanga “kusiri nyore kwazvo sezvandakanga ndafunga kuti kwaizova.” Nei? Kutadza kwavanhu kwakanga kuchingooneka muukama hwake hutsva sezvazvakanga zvakaita mune hwekare. Zvakatoipa zvikuru, chisarudzo chake chokukurumidza choudyire chakamupinza muzvinetso zvemari zvakakura. Uyezve, vana vaMonika vakanga vavhiringidzika mupfungwa nokuchinja kwakakura kwakaitika muupenyu hwavo hwemhuri.

Sezvinoratidzwa nechiitiko ichi, apo muchato unosangana nezvinetso, kurambana hakuwanzopedza zvinetso. Nokune rimwe divi, pakunangana nezvinetso, kurarama tichitevedzera tsika dzomuShoko raMwari, Bhaibheri, kakawanda kunogona kuita kuti muchato urambe wakasimba ndokuita kuti usvike pakugadzikana. Izvi ndozvakaitika kuna Thomas naDoris.

Thomas naDoris vakanga vakaroorana kwemakore anopfuura 30 apo Thomas akatanga kunwa zvokunwa zviye. Doris akaora mwoyo zvikuru, uye vaviri vacho vakakurukura nezvokurambana. Doris akaudza mumwe weZvapupu zvaJehovha. Chapupu chacho chakaratidza Doris zvinotaurwa neBhaibheri nezvomuchato, chichimukurudzira kusamhanyira kuparadzana asi kuti atange ataurirana nomurume wake kuti vaedze kuwana nzira yokuzvigadzirisa nayo. Izvozvo ndozvakaitwa naDoris. Pasina mwedzi yakawanda, vakanga vasisafungi nezvokurambana. Thomas naDoris vakanga vave kugadzirisa zvinetso zvavo pamwe chete. Kutevedzera zano reBhaibheri kwakasimbisa muchato wavo ndokuvapa nguva yokugadzirisa zvinhu.

Kutendeseka Muzvinhu Zvose

Kunamatira nokuvimbika kune wawakaroorana naye kunoda kusimba mutsika uye kuda zvinhu zvakarurama. Unhu ihwohwo hunodiwa kuti tirambe takatendeseka munyika isina kutendeseka. Bhaibheri rine zvakawanda zvokutaura nezvokutendeseka. Muapostora Pauro akanyora kuvaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva muJudhiya kuti: “Tinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Izvozvo zvinorevei?

Munhu akatendeseka ndewechokwadi uye haanyengeri. Anobata vamwe pasina rusaruro—zvakananga, zvine rukudzo, asinganyengedzi kana kutsausa. Zvakare, munhu akatendeseka munhu akaperera asinganyengedzi wokwake. Vanhu vakatendeseka vanoita kuti pave nokuvimbana netariro, zvinoita kuti pave nemafungiro akanaka uye ukama hwavanhu hwakasimba.

Vanhu vakatendeseka vanofara here? Vane chikonzero chakanaka chokuti vadaro. Pasinei nouori nokunyengedza zvakapararira—kana kuti zvichida nemhaka yazvo—vanhu vakatendeseka vanowanzoyemurwa nevamwe. Maererano nokunzvera kwakaitwa pakati pevechiduku, kutendeseka itsika yakakosheswa zvikuru ne70 muzana yevakapindura. Uyezve, zvisinei nezera redu, kutendeseka chinhu chinofanira kuva pokutanga kune vatinoona seshamwari dzedu.

Christine akadzidziswa kuba kubva panguva yaakanga ane makore 12. Nokufamba kwemakore akanga ava mvangamakomwe yamakoko. “Pane mazuva andaiunza mari inosvika DM 5 000 [Z$83 600] kumba,” anotsanangura kudaro. Asi Christine akasungwa kakawanda, uye aigara achiita zvinhu zvaigona kumuendesa kujeri. Apo Zvapupu zvaJehovha zvakamutsanangurira zvinotaura Bhaibheri pamusoro pokutendeseka, Christine akada mitemo yetsika iri muBhaibheri. Akadzidza kuteerera murayiro wokuti: “Anoba ngaachirega kuba.”—VaEfeso 4:28.

Panguva yakazobhabhatidzwa Christine kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, akanga achisiri mbavha. Akanga achiedza kuva akatendeseka muzvinhu zvose, nokuti Zvapupu zvinosimbisa zvikuru kutendeseka nohumwe unhu hwechiKristu. Pepanhau rinonzi Lausitzer Rundschau rinoshuma kuti: “Mashoko etsika akadai sokutendeseka, kuva nomwero, uye kuda muvakidzani anokosheswa zvikuru mukutenda kweZvapupu.” Christine anonzwa sei nokuchinja kwoupenyu hwake? “Iye zvino ndava kufara zvikuru kuti ndakarega kuba. Ndinonzwa kuti ndava munhu womunzanga anoremekedzwa.”

Nzanga Yose Inobatsirwa

Vanhu vakavimbika kune vavakaroorana navo uye vakatendeseka havafari pachavo bedzi asi vanobatsira nzanga yose zvayo. Vashandirwi vanoda vashandi vasingabiridziri. Isu tose tinoda kuva nevavakidzani vakavimbika, uye tinoda kutenga muzvitoro zvavanamuzvinabhizimisi vakarurama. Hatiremekedzi vezvematongerwe enyika, mapurisa, uye vatongi vasina uori here? Nzanga inobatsirwa zvikuru apo nhengo dzayo dzinozvibata nokutendeseka sechinhu chinofanira kuitwa, kwete chete pazvinenge zvichidzinakira kuti dziite kudaro.

Uyezve, vakaroorana vakavimbika ndivo hwaro hwemhuri dzakagadzikana. Uye vanhu vakawanda vangabvumirana newezvematongerwe enyika wokuEurope akati: “Mhuri [yekare] nanhasi ichiri bako rinokosha rokuchengeteka kwavanhu nechinangwa.” Mumhuri mune rugare ndeumo vakuru nevana vane mukana wakanakisisa wokunzwa vakachengeteka mupfungwa. Saka vaya vakavimbika kune wavakaroorana naye vari kubatsira kuvaka nzanga yakagadzikana.

Chimbofunga kuti munhu wose aizobatsirwa sei kudai panga pasina vanhu vakarambwa, matare okurambana, uye nyaya dzokuchengetwa kwevana. Uye zvakadini kudai kwanga kusina mvangamakomwe, vanoba muzvitoro, vanoba mari, vakuru vakuru vane uori, kana kuti masayendisiti anonyengera? Izvozvo zvinongoita kunge hope zvadzo here? Kwete kune avo vanofarira Bhaibheri zvikuru uye zvarinotaura nezvenguva yemberi. Shoko raMwari rinopikira kuti Umambo hwaJehovha hunotungamirirwa naMesiya ndihwo huchange hwava kutonga nzanga yose yavanhu pasi pano munguva pfupi iri kutevera. Mukutonga kwoUmambo ihwohwo vanotongwa nahwo vose vachadzidziswa kurarama maererano netsika dzomuBhaibheri. Panguva iyoyo “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Tsika dzomuBhaibheri Ndidzo Dzakanakisisa

Mamiriyoni avanhu akaongorora Magwaro Matsvene akasvika pakuziva kuti zano reBhaibheri rakavakirwa pauchenjeri hwaMwari, hwakakwirira zvikuru kupfuura kufunga kwavanhu. Vakadaro vanoona Bhaibheri kuti rakavimbika uye kuti rinokosha muupenyu munyika yedu yazvino. Vanoziva kuti kuteerera zano riri muShoko raMwari kwakavanakira zvikuru.

Nokudaro, vanhu vakadaro vanoteerera zano reBhaibheri rokuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Vachiita kudaro, vanovandudza upenyu hwavo kwazvo, uye vanobatsirawo upenyu hweavo vakavapoteredza. Uye vanova nechivimbo chakasimba mu“upenyu . . . huchauya,” apo tsika dzomuBhaibheri dzichateverwa navanhu vose.—1 Timoti 4:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Pakunangana nezvinetso mumuchato, kurarama tichitevedzera mitemo yeBhaibheri kakawanda kunogona kuita kuti muchato urambe wakasimba ndokuita kuti usvike pakugadzikana

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Pasinei nouori hwakapararira—kana kuti zvichida nemhaka yahwo—vanhu vakatendeseka vanowanzoyemurwa nevamwe