Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuramba Wakachena Mutsika

Unogona Kuramba Wakachena Mutsika

Unogona Kuramba Wakachena Mutsika

“Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.”—1 JOHANI 5:3.

1. Musiyano upi wetsika unooneka muvanhu nhasi?

KARE kare, muprofita Maraki akafuridzirwa kuti afanotaura nguva apo mufambiro wevanhu vaMwari waizosiyana kwazvo nowevanhu vasingashumiri Mwari. Muprofita wacho akanyora kuti: “Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.” (Maraki 3:18) Uprofita ihwohwo huri kuzadzika nhasi. Kuchengeta mitemo yaMwari, kusanganisira iya inoda kuti tirambe takachena mutsika, ndiyo nzira yokuchenjera uye yakarurama muupenyu. Asiwo, haisi nzira iri nyore nguva dzose. Nechikonzero chakanaka, Jesu akati vaKristu vanofanira kuzvishandisa nesimba kuti vawane ruponeso.—Ruka 13:23, 24.

2. Zvinhu zvipi zvinomanikidzira zvisiri zvomumuviri zvinoita kuti vamwe vaomerwe kuramba vakachena mutsika?

2 Nei zvakaoma kuti tirambe takachena mutsika? Chimwe chikonzero ndechokuti pane zvinomanikidzira zvisiri zvemiviri yedu. Indasitiri yezvinovaraidza inoratidza kurara pamwe kusingabvumirwi sokunofadza, kunonakidza, uye kunoratidza kukura, nepo isina basa zvachose nemigumisiro yakwo yakashata. (VaEfeso 4:17-19) Kurara pamwe kunowanzoratidzwa ndekwevanhu vasina kuroorana. Kakawanda mabhaisikopu nemapurogiramu eterevhizheni anoratidza vanhu vanorara pamwe mumuitiro wokufambidzana zvachero. Kakawanda, panenge pasina rudo nokuremekedzana. Vakawanda vakaona zvinhu zvakadaro kubvira pauduku. Uyezve, vanhu vanofurirwa zvakasimba nevezera ravo kuti vawirirane netsika dzemadiro, uye vaya vasingadaro dzimwe nguva vanonyombwa kana kutotukwa.—1 Petro 4:4.

3. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti vakawanda vari munyika vaite unzenza?

3 Kumanikidzirwa nemiviri yedu kunoitawo kuti zvitiomere kuramba takachena mutsika. Jehovha akasika munhu aine chido chokurara nomunhu, uye chido ichocho chinogona kuva chakasimba. Chido chakabatana chaizvo nezvatinofunga, uye unzenza hunobatanidzwa nokufunga kusingawirirani nepfungwa dzaJehovha. (Jakobho 1:14, 15) Somuenzaniso, maererano nokumwe kunzvera kuchangobva kuitwa kwakabudiswa muBritish Medical Journal, vakawanda vakarara nomunhu kokutanga vaingova neshungu dzokuda kunzwa kuti kurara nomunhu kunoita sei. Vamwe vaifunga kuti vanhu vakawanda vezera ravo vakanga vachigara vachirara navanhu, saka ivowo vaida kubvisa umhandara hwavo. Vamwezve vakati vakakurirwa nemanzwiro avo kana kuti vakanga “vakadhakwa zvishoma panguva yacho.” Kana tichida kufadza Mwari, tinofanira kufunga zvakasiyana neizvi. Kufunga kworudzii kuchatibatsira kuti tirambe takachena mutsika?

Vaka Kutenda Kwakasimba

4. Kuti tirambe takachena mutsika, tinofanira kuitei?

4 Kuti tirambe takachena mutsika, tinofanira kuziva kuti kutevedzera mararamire akadaro kunokosha. Izvi zvinoenderana nezvakanyorwa nomuapostora Pauro kuvaKristu vaiva muRoma kuti: “Muzviwanire chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana.” (VaRoma 12:2) Kuziva kuti kuchena mutsika kunokosha kunosanganisira zvinopfuura kungoziva kuti unzenza hunoshorwa muShoko raMwari. Zvinosanganisira kunzwisisa zvikonzero nei unzenza huchishorwa uye kuti tinobatsirwa sei nokuhurega. Zvimwe zvezvikonzero izvi zvakakurukurwa munyaya yakatangira ino.

5. Zvikurukuru, nei vaKristu vachifanira kuda kuramba vakachena mutsika?

5 Chaizvoizvo, kunyange zvakadaro, kuvaKristu zvikonzero zvakasimba kwazvo zvokusaita unzenza hwokurara nomunhu zvinobva paukama hwedu naMwari. Takadzidza kuti anoziva zvakatinakira. Kumuda kwedu kuchatibatsira kuvenga zvakaipa. (Pisarema 97:10) Mwari ndiye Anopa “zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Anotida. Nokumuteerera kwedu, tinoratidza kuti tinomuda uye tinoonga zvose zvaakatiitira. (1 Johani 5:3) Uyewo hatidi kuodza mwoyo waJehovha uye kumurwadzisa nokutyora mitemo yake yakarurama. (Pisarema 78:41) Hatidi kuita nenzira inozoita kuti nzira yake tsvene uye yakarurama yokunamata itaurwe zvakaipa nezvayo. (Tito 2:5; 2 Petro 2:2) Nokuramba takachena mutsika, tinoita kuti Munhu Mukuru Kwazvo afare.—Zvirevo 27:11.

6. Kuita kuti tsika dzedu dzizivikanwe navamwe kunobatsira sei?

6 Kana tatsunga chete kuti tinoda kuramba takachena mutsika, chimwezve chinodzivirira kuita kuti vamwe vazive zvatinenge tichitenda. Ita kuti vamwe vanhu vazive kuti uri mushumiri waJehovha Mwari uye kuti wakatsunga kuchengeta zvaanoda zvakanaka kwazvo. Upenyu hwako, muviri wako, chisarudzo chako. Chii chiri mungozi? Ukama hwako hunokosha naBaba vako vokudenga. Saka ita kuti zvive pachena kuti kutendeseka kwako mutsika hakuchinjiki. Dada nokumiririra Mwari nokuchengeta nheyo dzake. (Pisarema 64:10) Usambonyara kukurukura nevamwe tsika dzaunotenda. Kutaura kunogona kukusimbisa, kukudzivirira, uye kukurudzira vamwe kuti vatevere muenzaniso wako.—1 Timoti 4:12.

7. Tingapfuurira sei kutsunga kwedu kuramba takachena mutsika?

7 Tatsunga kuramba tine tsika dzakanaka kwazvo uye tazivisa zvatiri, tinofanira kutora matanho okuti tiomerere pakutsunga kwedu. Imwe nzira yokuita izvi ndeyokungwarira pakusarudza shamwari. “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo,” rinodaro Bhaibheri. Songanira navaya vane tsika dzakafanana nedzako; vachakusimbisa. Rugwaro urwu rwunotiwo: “Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Kusvika paunogona, nzvenga vanhu vanganetesa kutsunga kwako.—1 VaKorinde 15:33.

8. (a) Nei tichifanira kudyisa pfungwa dzedu zvinhu zvakanaka? (b) Tinofanira kurega chii?

8 Uyezve, tinoda kudyisa pfungwa dzedu zvinhu zvechokwadi, zvinokosha, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa. (VaFiripi 4:8) Tinoita izvi nokusarudza zvatinoona nezvatinoverenga uye nziyo dzatinoteerera. Kutaura kuti mabhuku ane zvounzenza haashatisi kwakangofanana nokutaura kuti mabhuku anotaura zvetsika dzakanaka haana zvaanazvo zvinobatsira. Yeuka kuti vanhu vasina kukwana vanogona kuita unzenza nyore nyore. Saka, mabhuku, magazini, mafirimu, nenziyo zvinokurudzira kunzwa kuda kurara nomunhu zvinotungamirira kuzvido zvakaipa, uye izvi pakupedzisira zvinogona kutungamirira kuchivi. Kuti tirambe takachena mutsika, tinofanira kuzadza pfungwa dzedu nouchenjeri hwaMwari.—Jakobho 3:17.

Nhanho Dzinotungamirira Kuunzenza

9-11. Sezvakarondedzerwa naSoromoni, inhanhoi dzakatungamirira rimwe jaya zvishoma nezvishoma kuti riite unzenza?

9 Kakawanda, pane nhanho dzinozivikanwa dzinotungamirira kuunzenza. Danho rimwe nerimwe rinotorwa rinoita kuti zviome zvikuru kudzokera shure. Ona kuti izvi zvinotsanangurwa sei pana Zvirevo 7:6-23. Soromoni anoona “jaya rakashayiwa njere,” kana kuti kushaya chinangwa chakanaka. Jaya racho riri ku“pfuura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba [yehure], richifamba nenzira kuimba yomukadzi; nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva.” Ichi ndicho chikanganiso charo chokutanga. Nenguva yorubvunzavaeni, ‘mwoyo’ waro waritungamirira, kwete kune imwewo nzira, asi kune yarinoziva kuti hure rinowanzowanika.

10 Tinoverengazve kuti: “Tarira, mukadzi akasongana naye, wakanga akafuka sechifeve anokunyengedzera pamwoyo.” Zvino rinomuona! Raigona kutendeuka rodzoka kumba, asi zvatooma kupfuura pakutanga, kunyanya sezvo risina tsika kwadzo. Mukadzi wacho anorimbundira oritsvoda. Zvarabvuma kutsvodwa, rinoteerera zvino kutsvetera kwake kwokunyengera: “Ndaifanira kuuya nezvibayiro nezvipiriso zvokuyananisa,” anodaro. “Nhasi ndaripa mhiko dzangu.” Zvibayiro zvaisanganisira nyama, furawa, mafuta, uye waini. (Revhitiko 19:5, 6; 22:21; Numeri 15:8-10) Nokutaura nezvazvo, angadaro airatidza kuti akanga achinamatawo, uye ipapowo, angava airizivisa kuti kumba kwake kwakanga kune zvinhu zvokudya nokunwa zvakanaka zvakawanda. “Uya,” anomukumbira kudaro, “tigute nokudana kusvikira mangwanani; ngatizvifadze nokudana kukuru.”

11 Mugumisiro wacho hauna kuoma kufungidzira. “Unomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.” Anomutevera kumba kwake “senzombe inoenda kwainondobayiwa” uye “seshiri inokurumidzira kurugombe.” Soromoni anopedzisa nemashoko anoita kuti ufungisise okuti: “Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.” Mweya wake, kana kuti upenyu, hunobatanidzwa nokuti “Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4) Chidzidzo chakasimba zvakadini kuvarume navakadzi! Tinofanira kusatora kunyange nhanho dzokutanga panzira inotungamirira pakusawana nyasha dzaMwari.

12. (a) Chirevo chokuti “rakashayiwa njere” chinorevei? (b) Tingava sei vakasimba mutsika?

12 Ona kuti jaya riri munhoroondo iyi “rakashayiwa njere.” Chirevo ichi chinotiudza kuti mafungiro aro, zvaraida, manzwiro aro omuviri, manzwiro aro omumwoyo, uye zvinangwa zvaro muupenyu zvakanga zvisingawirirani nezvinotenderwa naMwari. Kushaya kwaro tsika kwadzo kwakatungamirira kumigumisiro inosuruvarisa. Muano “mazuva okupedzisira,” zvinoda kuedza kukuru kuti urambe wakasimba mutsika. (2 Timoti 3:1) Mwari anogovera zvokuti tibatsirwe. Anogovera misangano yeungano yechiKristu kuti atikurudzire munzira yakarurama uye kuti tionane nevamwe vane chinangwa chatinachowo. (VaHebheru 10:24, 25) Pane vakuru vomuungano vanotifudza uye vanotidzidzisa nzira dzokururama. (VaEfeso 4:11, 12) Tine Shoko raMwari, Bhaibheri, kuti rititungamirire nokutichengetedza. (2 Timoti 3:16) Uye nguva dzose, tine mukana wokunyengeterera mudzimu waMwari kuti utibatsire.—Mateu 26:41.

Kudzidza Pazvivi zvaDhavhidhi

13, 14. Mambo Dhavhidhi akava sei muchivi chakakomba?

13 Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti kunyange vashumiri vaMwari vakakurumbira vakaitawo unzenza. Mumwe munhu akadaro akanga ari Mambo Dhavhidhi, akanga ashumira Jehovha akatendeka kwemakumi emakore. Hapana mubvunzo kuti aida Mwari zvikuru. Asi, akapinda munzira yechivi. Kufanana nejaya rakatsanangurwa naSoromoni, pakanga pane nhanho dzakatungamirira kuchivi chaDhavhidhi uye dzakabva dzachiwedzera.

14 Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ane zera riri pakati nepakati, zvichida mumakore ake okuvamba kwema50. Ari padenga remba yake, akaona Bhati-shebha akanaka achizvishambidza. Akabvunza nezvake akaziva kuti akanga ari ani. Akaziva kuti murume wake, Uria, akanga ari mubishi rokukomba Rabha, guta ravaAmoni. Dhavhidhi akaita kuti aunzwe kumba kwake uye akarara naye. Gare gare, zvinhu zvakaoma—Bhati-shebha akaona kuti akanga ave nenhumbu yaDhavhidhi. Achifunga kuti Uria aizorara nomudzimai wake usiku, Dhavhidhi akatuma nhume kunomushevedza kuhondo. Nokuita kudaro, Uria aizoita sababa vomwana waBhati-shebha. Asi Uria haana kuenda kumba kwake. Ashaya zvokuita kuti avanze chivi chake, Dhavhidhi zvino akadzora Uria kuRabha ane tsamba yaienda kumukuru wamauto ichitaura kuti Uria anofanira kuiswa panzvimbo yaanogona kuurayiwa. Nokudaro Uria akafa, uye Dhavhidhi akaroora chirikadzi yacho zvisati zvazivikanwa navazhinji kuti yakanga ine nhumbu.—2 Samueri 11:1-27.

15. (a) Chivi chaDhavhidhi chakafumurwa sei? (b) Dhavhidhi akaita sei paakatsiurwa naNatani zvine unyanzvi?

15 Zvakaita sokuti urongwa hwaDhavhidhi hwokuvhariridza chivi chake hwakanga hwabudirira. Mwedzi yakapfuura. Mwana wacho—mwanakomana—akaberekwa. Kana Dhavhidhi aifunga nezvechiitiko ichi paakanyora Pisarema 32, zviri pachena kuti hana yake yaimutambudza. (Pisarema 32:3-5) Zvisinei, chivi chacho chakanga chisina kuvanzika kuna Mwari. Bhaibheri rinoti: “Chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.” (2 Samueri 11:27) Jehovha akatuma muprofita Natani, akanangana naDhavhidhi nounyanzvi nokuda kwezvaakanga aita. Pakarepo Dhavhidhi akareurura uye akakumbira kuregererwa naJehovha. Kupfidza kwake kwechokwadi kwakaita kuti ayanane naMwari. (2 Samueri 12:1-13) Dhavhidhi haana kuramba kutsiurwa. Asi, akaratidza mafungiro anotsanangurwa pana Pisarema 141:5 okuti: “Wakarurama ngaandirove netsitsi; ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; musoro wangu haungaarambi.”

16. Soromoni akapa nyevero nezano rokutii nezvokutadza?

16 Soromoni, akanga ari mwanakomana wechipiri waDhavhidhi naBhati-shebha, anogona kunge akambofunga nezvechiitiko ichi chisingafadzi chomuupenyu hwababa vake. Akazonyora kuti: “Unofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; asi unozvireurura, achizvirasha, uchawana nyasha.” (Zvirevo 28:13) Kana tikaita chivi chakakomba, tinofanira kuteerera zano iri rakafuridzirwa, rinova zvose nyevero uye zano. Tinofanira kureurura kuna Jehovha toenda kune vakuru vomuungano kuti vatibatsire. Basa guru revakuru rinokosha nderokubatsira kudzorerazve mugwara vaya vakatsaukira mukuita zvakaipa.—Jakobho 5:14, 15.

Kutsungirira Migumisiro Yechivi

17. Kunyange zvazvo Jehovha achikanganwira zvivi, haatidziviriri pachii?

17 Jehovha akakanganwira Dhavhidhi. Nei? Nokuti Dhavhidhi akanga ari murume akatendeseka, nokuti ainzwira vamwe nyasha, uye nokuti kupfidza kwake kwakanga kuri kwechokwadi. Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi haana kudzivirirwa pane zvakaipa zvakazotevera. (2 Samueri 12:9-14) Izvozvo ndezvechokwadi nhasi. Kunyange zvazvo Jehovha asingaunzi zvakaipa pane vanopfidza, haavadziviriri pane zvinokonzerwa nezviito zvavo zvakaipa. (VaGaratiya 6:7) Unzenza hungaguma nokurambana, nhumbu isingadiwi, chirwere chinotapuriranwa pabonde, uye kurasikirwa nokuvimbwa uye kuremekedzwa.

18. (a) Pauro akaudza ungano yeKorinde kuti yaifanira kuita sei neimwe nhau younzenza hwakakomba? (b) Jehovha anoratidza rudo nengoni kuvatadzi sei?

18 Kana isu pachedu takatadza zvakakomba, zviri nyore kunzwa tichiora mwoyo patinenge tichitambura zvakazokonzerwa nokukanganisa kwatakaita. Kunyange zvakadaro, hapana chinofanira kutidzivisa kupfidza nokuyanana naMwari. Muzana remakore rokutanga, Pauro akanyora kuvaKorinde kuti vaifanira kubvisa muungano munhu aiita ufeve hwemakunakuna. (1 VaKorinde 5:1, 13) Munhu wacho apfidza zvechokwadi, Pauro akarayira ungano kuti: “Munofanira kuti mumukanganwire nomutsa nokumunyaradza [uye] musimbise kumuda kwenyu.” (2 VaKorinde 2:5-8) Muzano iri rakafuridzirwa, tinoona rudo nengoni zvaJehovha kune vatadzi vanopfidza. Ngirozi dziri kudenga dzinofara kana mutadzi apfidza.—Ruka 15:10.

19. Kusuruvariswa zvakafanira nenzira yakaipa kungaita kuti tibatsirwe sei?

19 Kunyange tikasuruvariswa nezvakaipa, kuzvidemba kwatinonzwa kunogona kutibatsira kuti ‘tichenjere kuti tirege kuitazve zvakaipa.’ (Jobho 36:21) Chokwadi, migumisiro inorwadza yechivi inofanira kutidzivisa kuitazve chakaipa. Uyezve, Dhavhidhi akashandisa chiitiko chinosuruvarisa chaakawana kubva muchivi chaakaita kuti ape zano vamwe. Akati: “Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.”—Pisarema 51:13.

Mufaro Unobva Mukushumira Jehovha

20. Tikateerera zvinodiwa naMwari zvakarurama tinobatsirwa nei?

20 “Vanofara avo vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!” akadaro Jesu. (Ruka 11:28) Kuteerera zvinodiwa naMwari zvakarurama kunounza mufaro zvino uye munguva yemberi isingagumi. Kana taramba takachena mutsika, ngatirambirei munzira iyoyo nokushandisa zvizere zvose zvakagoverwa naJehovha kuti atibatsire. Kana takaita unzenza, ngatinyevenutswei nokuziva kuti Jehovha akagadzirira kukanganwira vaya vanopfidza zvechokwadi, uye ngatitsunge kusambodzokorora chivi chacho.—Isaya 55:7.

21. Kushandisa zano ripi rakapiwa nomuapostora Petro kungatibatsira kuramba takachena mutsika?

21 Nokukurumidza, nyika ino isina kururama ichapfuura, pamwe nemafungiro nemaitiro ayo ounzenza. Nokuramba takachena mutsika, tichabatsirwa zvino uye nokusingaperi. Muapostora Petro akanyora kuti: “Vanodiwa, sezvamakamirira zvinhu izvi, itai napamunogona napo kuti muwanike naye pakupedzisira musina ruvara uye musina gwapa muri murugare. . . . Zvamunofanoziva izvi, zvichenjererei kuti murege kutsauswa pamwe navo nokukanganisa kwevanhu vanozvidza mutemo mowa pakusimba kwenyu.”—2 Petro 3:14, 17.

Ungatsanangura Here?

• Nei zvingaoma kuramba takachena mutsika?

• Ndedzipi dzimwe nzira dzokutsigira nadzo kutsunga kwedu kuti titevere tsika dzakanaka kwazvo?

• Zvidzidzoi zvatingadzidza pazvivi zvejaya rinodudzwa naSoromoni?

• Muenzaniso waDhavhidhi unotidzidzisei nezvokupfidza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Zvinodzivirira kuita kuti vamwe vazive paumire panhau dzetsika

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Nokuti Dhavhidhi akapfidza zvechokwadi, Jehovha akamuregerera