Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyera sei Kubudirira?

Unoyera sei Kubudirira?

Unoyera sei Kubudirira?

RIMWE duramashoko rinotsanangura kubudirira so“kuwana pfuma, kudiwa, kana mukurumbira.” Iyoyo itsanangudzo yakakwana here? Pfuma, kudiwa, kana mukurumbira ndizvo chete zvinoyera kubudirira here? Usati wapindura, funga izvi: Jesu Kristu haana kuwana pfuma yokunyama muupenyu hwake. Haana kubvumwa navanhu vakawanda; kana kuzivikanwa zvakanyanya nevaidzora zvinhu muzuva rake. Asi, Jesu aiva munhu akabudirira. Nei?

Paaive pasi pano, Jesu aive “[aka]pfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:21) Amuka, Mwari akamupa mubayiro wokumupfekedza korona “yembiri nokukudzwa.” Jehovha akakwidziridza Mwanakomana wake “kunzvimbo yepamusoro akamupa nomutsa zita riri pamusoro pemamwe mazita ose.” (VaHebheru 2:9; VaFiripi 2:9) Mararamiro akaita Jesu akafadza mwoyo waJehovha. (Zvirevo 27:11) Upenyu hwake hwapasi hwakabudirira nokuti hwakaita chinangwa chahwo. Jesu akaita kuda kwaMwari ndokuunza rukudzo kuzita raiye Mwari. Mwari akakudzawo Jesu nepfuma, kudiwa nomukurumbira usingafi wakaitwa newedzidzo yapamusoro, wezvematongerwe enyika, kana gamba remitambo. Zvechokwadi Jesu ndiye aiva munhu akabudirira zvikuru kwazvo ati amborarama pasi pano.

Vabereki vechiKristu vanoziva kuti kana vaduku vavo vakatevera tsoka dzaKristu, vachipfuma kuna Mwari sezvakanga zvakaita Jesu, vachakohwa zvikomborero zvakapfuma iye zvino ndokuva nemibayiro isingafungidziriki mugadziriro itsva yezvinhu iri kuuya. Kumunhu muduku, hapana imwe nzira yokutevera nayo tsoka dzaKristu iri nani pane yokuita basa rakaitwa naJesu—nokupinda muushumiri hwenguva yakazara kana zvichibvira.

Zvisinei, mune dzimwe tsika muitiro wakakurumbira ndowokuti vechiduku vasapinda muushumiri hwenguva yakazara. Apo murume wechiduku anopedza chikoro, angatarisirwa kuwana basa renguva yakazara, oroora, ogara zvake. Dzimwe nguva, vechiduku vanobva mumamiriro ezvinhu akadaro vanorega kupinda muushumiri hwenguva yakazara nokusaziva. (Zvirevo 3:27) Nei? Nokufurirwa, vanotevedzera zvinodiwa zvetsika zvakatekeshera. Ndizvo zvakaitika kuna Robert. *

Apo Tsika Nehana Zvinosiyana

Robert akarerwa ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mumakore ake okuyaruka, mufambiro wake nesonganiro dzaaisarudza zvaisafadza. Amai vake vakatanga kumutyira. Saka, vakakumbira mumwe piyona, mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha, kumukurudzira. Robert anotsanangura zvakazoitika.

“Ndakaonga zvikuru kufarirwa kwandakaitwa nehama yacho piyona. Muenzaniso wayo wakanaka wakaita kuti ndide kutora kupayona sebasa roupenyu hwose ndichangopedza chikoro. Ipapo ndipo apo Amai vakatanga kutya zvakare—asi nechimwewo chikonzero. Munoona, mutsika dzedu hapana chakaipa kuti musikana apayone pakarepo achingobva kuchikoro, asi mukomana anotarisirwa kuti ambotanga achengeteka mune zvemari, pava paya angazofunga zvokupayona.

“Ndakava nounyanzvi hwebasa ndokutanga bhizimisi rangu pachangu. Pasina nguva ndaive ndabatanidzwa zvakasimba mune zvebhizimisi uye ndaive ndava kupinda misangano nokuparidza zvokungoitawo. Hana yangu yakanditambudza—ndaiziva kuti ndaigona kuwedzera kushumira Jehovha. Kunyange zvakadaro, kwaiva kutamburira chaiko kuti ndizvisunungure pane zvandaitarisirwa navamwe kuti ndiite, asi ndinofara kuti ndakadaro. Iye zvino ndakaroora, uye ini nomudzimai wangu tave tiri mapiyona kwemakore maviri apfuura. Nguva ichangopfuura, ndakagadzwa somushumiri anoshumira muungano. Ndinokwanisa kutaura nomwoyo wose kuti iye zvino ndinogutsikana chaizvo nokushumira Jehovha nomwoyo wangu wose, nepandinogona napo pose.”

Magazini ino yagara ichikurudzira vechiduku kudzidza unyanzvi hwebasa kana kutanga zvimwe zvinodiwa zvinobatsira kuti uwane basa—vachiri pachikoro kana zvichibvira. Vachizviitirei? Kuti vapfume here? Kwete. Chikonzero chikuru ndechokuti vazogona kuzvitsigira zvakanaka kana vakura uye vashumire Jehovha zvakazara sezvavangakwanisa, zvikurukuru mubasa renguva yakazara. Zvisinei, zvaitika kakawanda kuti varume navakadzi vechiduku vanobatikana kwazvo mukutsvaga chokuita muupenyu zvokuti ushumiri hunoderera kukosha kwahwo. Vamwe havambofungi nezvokupinda mubasa renguva yakazara. Nei vasingadaro?

Mashoko aRobert ajekesa nyaya yacho. Paakangodzidza unyanzvi hwake hwebasa, Robert akatanga bhizimisi. Pasina nguva, akanga ava kuita basa rinofinha risina kwaraimusvitsa. Chinangwa chake chaiva chokuchengeteka mune zvemari. Asi pane munhu ari mukati kana kunze kweungano yechiKristu angasvitsa chinangwa ichocho zvakazara here? VaKristu vanofanira kuedza kuzvitarisira mune zvemari, vachitarisira mitoro yavo inoshandiswa mari nemazvo; asi vanofanirawo kuziva kuti munguva dzino dzisina chokwadi, vashomanana vanosvika pakunyatsozviti vakachengeteka mune zvemari. Ndicho chikonzero nei zvakataurwa naJesu zvakanyorwa pana Mateu 6:33 zvichinyaradza zvikuru kuvaKristu.

Robert anofara kuti akasarudza kutevedzera zvaida mwoyo wake panzvimbo pemitemo yetsika dzake. Nhasi, ari kunakidzwa nebasa renguva yakazara. Hungu, ushumiri hwenguva yakazara ibasa rinokudzwa. Robert anonzwa aine rugare nokuti ari kushumira Jehovha, sokutaura kwaanoita, ‘nepaanogona napo pose.’

Shandisa Zvizere Zvipo Zvako

Pane vanhu vakawanda vane zvipo pakati peZvapupu zvaJehovha. Vamwe vane mano okudzidza akakura; vamwe vane chipo chemabasa amaoko. Zvipo zvose izvi zvinobva kuna Jehovha, uyo anopa “vanhu vose upenyu nokufema nezvinhu zvose.” (Mabasa 17:25) Pasina upenyu, zvipo izvi zvaizova zvisingakoshi.

Saka, zvakangofanira kuti tishandise upenyu hwedu hwakatsaurirwa mubasa raJehovha. Ndizvo zvakasarudza kuita mumwe murume muduku aiva nechipo. Akararama muzana remakore rokutanga C.E. Ari nhengo yemhuri yakakwirira, akapedzera upwere hwake muguta rinozivikanwa zvikuru reTaso muKirikiya. Kunyange zvake aive muJudha pakuberekwa, akagara nhaka yokuva chizvarwa cheRoma kuna baba vake. Izvozvo zvaimubvumira kuva nekodzero neropafadzo dzakawanda. Paakazokura, akadzidza Mutemo nomumwe we“mapurofesa” apamusoro panguva iyoyo—Gamarieri. Zvairatidzika sokuti nenguva isipi ‘pfuma, kudiwa, nomukurumbira’ zvaizova zvake.—Mabasa 21:39; 22:3, 27, 28.

Murume muduku uyu aiva ani? Ainzi Sauro. Asi Sauro akava muKristu uye pakupedzisira akazova muapostora Pauro. Akakanda pasi zvaaifarira pakutanga ndokuzvipira mubasa raJehovha kwoupenyu hwake hwose somuKristu. Pauro akava anozivikanwa, kwete segweta rakakurumbira, asi somuparidzi anoshingaira wamashoko akanaka. Apedza anenge makore 30 ari mumishinari, Pauro akanyorera shamwari dzaiva muFiripi tsamba. Mairi akanyora nezvezvaaiita asati ava muKristu ndokuzoti: “Nemhaka ya[Jesu Kristu] ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona semarara akawanda, kuti ndiwane Kristu.” (VaFiripi 3:8) Kwete, Pauro haana kudemba nzira yaakanga ashandisa nayo upenyu hwake!

Zvakadini nerovedzo yakawanikwa naPauro kuna Gamarieri? Yakambobvira yamubatsira here? Hungu! Pazviitiko zvakawanda akabatsira pa“kudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.” Asi basa raPauro guru raiva rokuva muparidzi wamashoko akanaka—chimwe chinhu chaaisambogona kuva akadzidziswa nechikoro chake chapakuvamba.—VaFiripi 1:7; Mabasa 26:24, 25.

Zvakadarowo nhasi, vamwe vave vachikwanisa kushandisa zvipo zvavo namano uye kunyange dzidzo yavo kufambisira mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo. Somuenzaniso, Amy ane dhigirii repayunivhesiti recommerce nerimwe rezvomutemo. Aimbova nebasa raibhadhara zvikuru mukambani yamagweta, asi nhasi anoshanda somushumiri wokuzvipira asingabhadharwe muimwe yemahofisi ebazi eWatch Tower Society. Aya ndiwo matsananguriro anoita Amy upenyu hwake zvino: “Ndinofunga kuti ndakaita chisarudzo chakanakisisa chinobvira muupenyu hwangu. . . . Handina shungu nokukwikwidzana kana nomumwe wevandakadzidza navo kuyunivhesiti. Ndinodada nenzira yandakasarudza. Ndine zvose zvandinoda—upenyu hwokugutsikana, hunofadza uye basa rinogutsa.”

Amy akasarudza nzira yakamuunzira rugare rwepfungwa, kugutsikana, nechikomborero chaJehovha. Zvechokwadi hapana mubereki wechiKristu anoda kuti mwana wake aite zvishoma pane izvi!

Kubudirira Muushumiri hwechiKristu

Chokwadika, zvinokosha kuona kubudirira muushumiri hwechiKristu pachahwo zvakafanira. Hazvina kuoma kunzwa kuti tabudirira patinenge tapedzera nguva inofadza muushumiri hwomumunda, tichigovera mabhuku anotsanangura Bhaibheri kana kuti tichikurukura navanasaimba nhau dzeBhaibheri dzinofadza. Asi kana tisingawanzoteererwi, tingava nomuedzo wokupedzisa kuti tiri kutambisa nguva yedu. Zvisinei, yeuka kuti imwe yetsanangudzo dzokubudirira ndeyo‘kusvika pakudiwa.’ Tinozodiwa naani? Hapana mubvunzo kuti naJehovha. Anotida kunyange vanhu vachiteerera mashoko edu kana kuti kwete. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake chidzidzo chinokosha munhau iyi.

Uchayeuka kuti Jesu akatuma vaparidzi voUmambo 70 “mumaguta ose nenzvimbo kwaaizouya iye.” (Ruka 10:1) Vaizoparidza mumaguta nomumisha vasingaperekedzwi naJesu. Ichi chaiva chiitiko chitsva kwavari. Nokudaro, Jesu akavapa mirayiridzo yakakwana asati avaendesa. Pavaisangana ne“shamwari yorugare,” vaifanira kuipupurira zvakakwana nezvoUmambo. Zvisinei, pavairambwa, vaifanira kungopfuura, vasina basa nazvo. Jesu akatsanangura kuti avo vaizoramba kuvateerera vaitoramba Jehovha pachake.—Ruka 10:4-7, 16.

Apo 70 vacho vakapedza basa ravo rokuparidza, vakadzoka nomushumo kuna Jesu “nomufaro, vachiti: ‘Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu nokushandisa zita renyu.’” (Ruka 10:17) Zvinofanira kuva zvaifadza kuvarume ivavo vasina kukwana kudzinga zvisikwa zvomudzimu zvine simba! Zvisinei, Jesu akayambira vadzidzi vake vaifara kwazvo kuti: “musafara pamusoro peizvi, kuti midzimu inozviisa pasi penyu, asi farai nokuti mazita enyu anyorwa kumatenga.” (Ruka 10:20) Ivo 70 vacho vangasava vaizova nesimba rokudzinga madhimoni nguva dzose, uye vaisazova nezviitiko zvakanaka nguva dzose muushumiri. Asi kana vaizoramba vakatendeka, vaizoramba vachitenderwa naJehovha.

Unoonga Vashumiri Venguva Yakazara Here?

Mumwe murume wechiduku akamboudza mumwe mukuru wechiKristu kuti: “Kana ndapedza chikoro chepamusoro, ndichaedza kutsvaga basa. Kana ndatadza kuwana basa, ipapo ndichafunga nezvokupinda murimwe remabasa enguva yakazara.” Zvisinei, iwayo haasi iwo maonero avakawanda vakatora ushumiri hwoupiyona. Vamwe vakarega mikana yokutsvaga mabasa anobhadhara kuti vapayone. Vamwe vakaramba mikana inofadza yokudzidza. Somuapostora Pauro, vakarega zvimwe zvinhu, asi saPauro, Robert, naAmy, havazvidembi pamusoro pezvisarudzo zvavakaita. Vanoonga ropafadzo yavo yokushandisa zvipo zvavo kurumbidza Jehovha, uyo akafanirwa nezvakanakisisa zvavangapa.

Nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, vakawanda veZvapupu zvakatendeka zvaJehovha havakwanisi kupayona. Zvichida vane zvavanofanira kutarisira zvinotaurwa naMagwaro. Kunyange zvakadaro, kana vari kushumira Mwari no‘mwoyo, mweya, nepfungwa’ dzavo dzose, Jehovha anofara navo. (Mateu 22:37) Kunyange zvavo vasingakwanisi kupayona pachavo, vanoziva kuti avo vari kupayona vakasarudza basa rakanaka.

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Musazvienzanisa negadziriro ino yezvinhu.” (VaRoma 12:2) Tichitsinhirana nezano raPauro, hatifaniri kurega zvinodiwa netsika kana kuti nenyika zvegadziriro ino zvichiumba mafungiro edu. Ungave uchikwanisa kupayona kana kuti kwete, ita kuti kushumira Jehovha kuve chinhu chikuru muupenyu hwako. Uchabudirira chero bedzi uchitenderwa naJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Usafira pabasa rinofinha risina kwarinokusvitsa