Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunyengetera Kune Zvakunobatsira Here?

Kunyengetera Kune Zvakunobatsira Here?

Kunyengetera Kune Zvakunobatsira Here?

PANE imwe nguva, anenge munhu wose anoda kunyengetera. Chokwadi ndechokuti, vanhu vemapoka ezvitendero zvinenge zvose vanonyengetera nomwoyo wose. Somuenzaniso, kane zviuru pazuva, muBuddha angadzokorora munyengetero wokuti “Ndinoisa kutenda kwangu muna Amida Buddha.”

Nemhaka yezvinetso zviri kuramba zviripo mupasi rose, zvine musoro kubvunza kuti: Vanhu vanotarisira kuwanei nokunyengetera? Minyengetero yose iyoyi ine zvairi kubatsira here?

Nei Vanhu Vachinyengetera?

Vanhu vakawanda vokuMabvazuva vanonyengetera kumadzitateguru avo nokune vanamwari vechiShinto kana kuti Tao. Vanoita kudaro netarisiro yokukunda bvunzo muchikoro, kukohwa zvirimwa zvakanaka, kana kudzivirira zvirwere. Nezvavanoita, vaBuddha vanotarisira kuwana zvikomborero. VaHindu vanonyengetera nemwoyo wose kuna vanamwari vavo uye vanamwarikadzi vavanoda kwazvo kuti vawane zivo, upfumi, nedziviriro.

Vamwe vaKaturike vanotarisira kubatsira vanhu nokupira upenyu hwavo semamongi kana sevakadzi vakapikira usisita mudzimba dzokunamatira dzinenge dzakapfigwa kana kuti machechi, vachinyengetera vasingaregi. Mamiriyoni eVakaturike anotsvaka nyasha kuna Mariya nokutaura minyengetero nomusoro, zvichida vachibatsirwa noruzariro. Munyika dzokumabvazuva, vakawanda vanoshandisa midziyo ine munyengetero wakanyorwa. Vapurotesitendi vanodzokorora mashoko oMunyengetero waShe, kunyange zvazvo vangataurawo manzwire avo kuna Mwari nomuzvarirwo. VaJudha vakawanda vanofamba madaro akareba kunonyengetera kuWestern Wall iri muJerusarema, vachitarisira kudzorerwa kwetemberi uye nhambo itsva yokubudirira norugare.

Kunyange zvazvo mamiriyoni achinyengetera kwazvo, nzanga yevanhu iri kutonyanya kutambudzwa nezvinetso zvourombo, kupindwa muropa, kuparara kwemhuri, utsotsi, uye hondo. Zvingava kuti vanhu vose ivava havasi kunyengetera nenzira yakarurama here? Nemhaka yeizvi, pane munhu anonzwa minyengetero chaizvoizvo here?

Pane Munhu Anonzwa Minyengetero Here?

Minyengetero haingabatsiri chaizvoizvo kutoti ikanzwiwa. Munhu paanonyengetera, anodavira zvakajeka kuti mumwe munhu ari munyika isingaoneki yomudzimu anonzwa. Zvisinei, minyengetero haifambiswi nemasaisaiwo zvawo emhepo. Vanhu vakawanda vanodavira kuti mumwe munhu anogona kuziva pfungwa dzeari kunyengetera wacho. Angava ani iyeye?

Kuti pfungwa dzinombotanga sei mumabhiriyoni etsinga dzinoumba cerebral cortex youropi hwedu chinhu chisinganzwisiswi kwazvo nevaongorori. Kunyange zvakadaro zvine musoro kuti Iye akagadzira uropi anogona kuziva zviri mupfungwa idzodzo. Haasi mumwe munhu kunze kwoMusiki wedu, Jehovha Mwari. (Pisarema 83:18; Zvakazarurwa 4:11) Minyengetero inofanira kuendeswa kwaari. Asi Jehovha anoteerera minyengetero yose yakadaro here?

Minyengetero Yose Inonzwiwa Here?

Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare aiva murume aigaronyengetera. Somunyori wepisarema akafuridzirwa naMwari, akaimba kuti: “Imi vokunzwa munyengetero, vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.” (Pisarema 65:2) Jehovha anokwanisa kunzwisisa minyengetero inotaurwa muzviuru zvemitauro ipi neipi inotaurwa nevanhu. Chokwadi chokuti hapana pfungwa dzomunhu dzinogona kubata mashoko akawanda kwazvo hachirevi kuti Mwari haagoni kuteerera vose vanonyengetera kwaari nenzira inogamuchirika.

Asi, Jesu Kristu—aivawo murume aigaronyengetera—akaratidza kuti haisi minyengetero yose inofadza Mwari. Cherechedza zvakataurwa naJesu nezvomuitiro waiva wakakurumbira panguva iyoyo wokudzokorora minyengetero iri mumusoro. Maererano neJerusalem Bible yeKaturike, akati: “Muminyengetero yenyu musadzokorora zvisina musoro sezvinoita vahedheni, nokuti vanofunga kuti nokushandisa mashoko akawanda vachazviita kuti vanzwiwe.” (Mateu 6:7) Hatingatarisiri kuti Jehovha ateerere minyengetero isingaratidziri manzwire edu chaiwo.

Chichiratidzira kuti nei mimwe minyengetero isingafadzi Mwari, chirevo cheBhaibheri chinoti: “Unoramba kunzwa murayiro nenzeve yake, kunyange nomunyengetero wake unonyangadza.” (Zvirevo 28:9) Chimwe chirevo chinoti: “Jehovha uri kure navakaipa; asi unonzwa munyengetero wavakarurama.” (Zvirevo 15:29) Pane imwe nguva vatungamiriri vekare vechiJudha pavakava nemhaka inorema, Jehovha akazivisa kuti: “Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa.”—Isaya 1:1, 15.

Muapostora Petro akataura nezvechimwe chinhu chingaita kuti minyengetero isagamuchirike kuna Mwari. Petro akanyora kuti: “Imi varume, rambai muchigara navo saizvozvowo nokuziva, muchivakudza sezvamunoita mudziyo usina simba, iye mukadzi, zvamuriwo vagari venhaka navo yenyasha dzisina kufanirwa dzoupenyu, kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7) Minyengetero yomurume asingateereri zano rakadaro ingashaya nokwainosvika!

Zviri pachena kuti zvimwe zvinhu zvinofanira kuitwa kana minyengetero ichizonzwiwa. Zvisinei, vakawanda vanonyengetera havanyanyi kuita basa nokuita izvo Mwari anoda kwatiri. Ndosaka kunyengetera nomwoyo wose kwakawanda kusina kuguma nenyika iri nani.

Saka, Mwari anodei kuti minyengetero yedu inzwiwe? Mhinduro ine chokuita nechatinonyengeterera chacho chaicho. Zvechokwadi, kana tichida kuziva kana minyengetero yedu ine zvainobatsira, tinofanira kunzwisisa chinangwa chayo. Nei Jehovha akaita kuti zvikwanisike kuti titaure naye?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

G.P.O., Jerusalem