Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuparidza Umambo paAltiplano kuPeru

Kuparidza Umambo paAltiplano kuPeru

Tiri Vaya Vane Kutenda

Kuparidza Umambo paAltiplano kuPeru

PAKATI pemidungwerungwe yeMakomo eAndes yokumabvazuva neyokumavirira—panosangana Bolivia nePeru—pane Altiplano. Zita rayo rinoreva “bani rakakwirira,” kana kuti “rwenze.” Chikamu chikuru chayo chiri muBolivia.

Altiplano yakafara makiromita 100 uye yakareba makiromita 1 000, uye paavhareji yakakwirira mamita 3 700 pamusoro pomwero wegungwa. Ukakwira ndege uchienda ikoko uchibva kuguta guru rePeru riri mumhenderekedzo yegungwa, Lima, unopfuura El Misti rakafukidzwa nechando, gomo rinoputika rinosvika kumakore rakakwirira mamita 5 822. Hwakareba mamita 6 000 ndihwo urengarenga huri kure hwakafukidzwa nechando hweNevado Ampato neNevado Coropuna. Rwenze rwukuru rwunobva rwangooneka pakarepo—Altiplano yokumaodzanyemba kwePeru.

Puno ndiro guta guru reAltiplano yePeru, riri kuchamhembe kwakadziva kumavirira kunoperera Lake Titicaca, nyanza yenyika inofambika zvakanakisisa. Nemhaka yokuti nzvimbo yacho yakakwirira nemakiromita matatu, zvinotora nguva yakati kuti vashanyi vajairire mhepo iyi isiri yenguva dzose. VaIndia vaQuechua nevaAymara ndivo vanogara pedyo neLake Titicaca. Vanogona kuonekwa vachishanda mumachacras avo, kana kuti mapurazi maduku, vakapfeka nguo dzine ruvara rwakaisvonaka rutsvuku, rwegirini, kana kuti rwebhuruu. Kunyange zvazvo Spanish uriwo mutauro mukuru wokuPeru, Quechua neAymara inotaurwawo paAltiplano.

Kutungamirira Basa Rokuparidza

Vanhu vakawanda vanozvininipisa, vanoshanda zvakaoma vanotaura Quechua neAymara vachangobva kuwana zivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri. Zvikurukuru izvi imhaka yechikomborero chakapfuma chaJehovha pamabasa okushingaira anoitwa navazivisi voUmambo venguva yakazara vanoshanda samapiyona chaiwo.

Somuenzaniso, mapiyona chaiwo anonzi José naSilvia akanzi anoshanda kudhorobha rePutina, makiromita 50 kubva kuLake Titicaca. Mwedzi miviri isati yapera, Silvia akanga ava kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha 16, uye José, 14. Mumwedzi mitanhatu chete, nhamba yavaparidzi veungano yakawedzera kubva pa23 kusvika ku41. Munguva iyoyo, nhamba yevaipinda misangano yakakwira kubva pa48 kusvika kunhamba yapamusoro ye132.

“Patakatanga misangano yeungano munharaunda dziri dzoga idzi,” anodaro José, “takaona zvichishanda kutanga noMusangano Wavose uye Chidzidzo Chebhuku Cheungano. Izvi zvinoita kuti vachangobva kufarira zvivaitire nyore kutanga kupinda misangano.”

Hanzvadzi mbiri—imwe yacho piyona—ndidzo dzakatanga kuunza mashoko akanaka kunharaunda iri yoga yeMuñani, makiromita 20 kubva kuPutina. Ikoko dzakatanga chidzidzo cheBhaibheri nebofu rinonzi Lucio. * Rakakoka munin’ina waro Miguel, mumishinariwo zvake weKaturike uye mutungamiriri wenzanga womunharaunda iri pedyo. Shamwari yake payakabvunza Miguel chikonzero nei aienda kuMuñani vhiki dzose, akati aindodzidza pamusoro paJehovha neShoko rake. Ipapo mubvunzo wakamuka wokuti: “Nei tisingadzidziri Bhaibheri racho kuno?” Nemhaka yokufarira kwakaratidzwa navanhu vomunharaunda yaMiguel, Zvapupu zvakaronga kupinda misangano ikoko munguva pfupi yakatevera.

Miguel akatanga kuudza vamwe zvaaidzidza. Asi zvakadini nenzvimbo yake somumishinariwo zvake weKaturike uye mutevedzeri wagavhuna? Pane mumwe musangano pahoro yomunharaunda, akazivisa nezvokurega kwake kuva mumishinari weKaturike. Mumwe munhu aizogadzwa here? Mumwe munhu aiva muvateereri akati: “Tinodirei mumwe mumishinari kana isu tiri kudzidza chokwadi?” Chokwadi, zvaitaurwa apa zvinhu zvaidzidziswa neZvapupu zvaJehovha. Mumwe munhu akatizve: “Hatibvumi kuti urege woga. Tadii tangorega tose?” Vateereri vose vakabva vadanidzira pamwe chete kuti: “Tose tarega!”

Nguva pfupi pashure pacho zvidhori nezvipiyaniso zvakakurukurwa pamusangano womunharaunda. Mumwe murume akakumbira kuti vose vaivapo vaverenge Dheuteronomio 7:25, inoti: “Munofanira kupisa mifananidzo yavo yakavezwa yavamwari vavo; haufaniri kuchochora sirivha kana ndarama iri pavari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa nazvo; nokuti zvinonyangadza pamberi paJehovha Mwari wako.”

Ipapo murume wacho akakumbira vaya vaitsigira kuti zvidhori zvose zvipiswe kuti vasimudze maoko avo. Pakarepo maoko ose akasimudzwa. (Mabasa 19:19, 20) Zvino mhuri 23 pa25 dziri munharaunda iyi dziri kudzidza Shoko raMwari. Vanhu vaviri vari kushumira savaparidzi vasina kubhabhatidzwa, uye varoorani vashanu vari kuronga kunyoresa michato yavo kuitira kuti vave nokumira kwakachena pamberi paJehovha.—Tito 3:1; VaHebheru 13:4.

Kudzidzisa Namakaseti

Sezvo vakawanda vasina kudzidza paAltiplano, mavhidhiyo namakaseti eWatch Tower emitauro yomunharaunda iyoyo anobatsira zvikuru—kunyange pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha. Achibatsirwa nekaseti, mumwe piyona chaiye anonzi Dora anoitisa zvidzidzo mubhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Achiridza ndima imwe panguva, anobvunza mudzidzi weBhaibheri mibvunzo pamashoko aachangobva kunzwa.

Nhepfenyuro yeredhiyo yomunharaunda umu nguva nenguva inotepfenyura zvikamu zvebhurocha rinonzi Anodei mumutauro weQuechua. Inoita saizvozvo nezvikamu zvemagazini yeMukai! muSpanish. Nokudaro, vanhu vakawanda vanobvuma shoko roUmambo uye vanoda kudzidza zvakawanda panouya Zvapupu zvaJehovha kumisha yavo.

Altiplano haimbocherechedzwi navanhuwo zvavo asi kwete naMwari. Nemhaka yokuti Jehovha anoda vanhu, vanhu vakawanda vanogara pamusoro peAltiplano yeAndes vari kuva vamwe veboka rinopa mbiri imba yake yakaisvonaka yokunamata kwechokwadi.—Hagai 2:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mazita okutsiva ashandiswa munyaya ino.