Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndivanaani Vari Vashumiri vaMwari Nhasi?

Ndivanaani Vari Vashumiri vaMwari Nhasi?

Ndivanaani Vari Vashumiri vaMwari Nhasi?

“Kunyatsokwanisa kwedu kunobva kuna Mwari, uyo zvechokwadi akatiita vanonyatsokwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva”—2 VAKORINDE 3:5, 6.

1, 2. VaKristu vose vomuzana remakore rokutanga vaiva nomutoroi, asi zvinhu zvakachinja sei?

MUZANA remakore rokutanga C.E., vaKristu vose vaiva nomutoro unokosha—mutoro wokuparidza mashoko akanaka. Vose vakanga vakazodzwa uye vaiva vashumiri vesungano itsva. Vamwe vaiva nemimwe mitoro, yakadai sokudzidzisa muungano. (1 VaKorinde 12:27-29; VaEfeso 4:11) Vabereki vaiva nemitoro inorema mumhuri. (VaKorose 3:18-21) Asi vose vaiita basa guru uye rinokosha rokuparidzira. MuchiGiriki chepakutanga cheMagwaro echiKristu, mutoro uyu waiva di·a·ko·niʹa—basa, kana kuti ushumiri.—VaKorose 4:17.

2 Sezvo nguva yakafamba, zvinhu zvakachinja. Boka raizivikanwa sevafundisi, raizvichengetera ropafadzo yokudzidzisa rakatanga. (Mabasa 20:30) Vafundisi vaiva boka duku revaya vaizviti vaKristu. Rumwe ruzhinji rwose rwakazivikanwa sevanhuwo zvavo. Nepo vanhuwo zvavo vakadzidziswa kuti vane mitoro yakati, kusanganisira kupa mipiro yokutarisirwa kwevafundisi, vakawanda vangova vateereri zvavo vasingaiti chinhu munyaya yokuparidza.

3, 4. (a) Vanhu vari muchiKristudhomu vanova sei vashumiri? (b) MuchiKristudhomu ndiani anonzi mushumiri, uye nei zvinhu zvisina kudaro kuZvapupu zvaJehovha?

3 Vafundisi vanoti vashumiri (kubva pashoko rokuti mushumiri, shanduro yechiLatin yeshoko rokuti di·aʹko·nos, “mushandi”). * Kuti vave saizvozvo, vanopedza kudzidza mumakoreji kana kuti zvikoro uye vanogadzwa. The International Standard Bible Encyclopedia inoti: “‘Gadza’ uye ‘kugadzwa’ zvinowanzoreva chinzvimbo chinokosha chinopiwa vashumiri kana vapristi pachishandiswa tsika dzakapikirwa zviri pamutemo, pachinyanya kusimbiswa kuti ndivo vane simba rokuparidza Shoko kana kuitisa sakaramende, kana kuti zvose.” Ndiani anogadza vashumiri vacho? The New Encyclopædia Britannica inoti: “Mumachechi akaramba achishandisa dare remabhishopi rine mukurumbira munhau, bhishopi ndiye mushumiri anogadza nguva dzose. Mumachechi ePresbyterian, vashumiri vedare revakuru vechechi ndivo vanogadza.”

4 Saka, mumachechi echiKristudhomu, ropafadzo yokuva mushumiri yave ichipiwa kuvashomanana zvikuru. Asi, Zvapupu zvaJehovha hazvidaro. Nei zvisingadaro? Nokuti handizvo zvaiitwa muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga.

Ndivanaani Vari Vashumiri vaMwari Chaizvoizvo?

5. Maererano neBhaibheri, vaya vanoshanda sevashumiri vanosanganisira vanaani?

5 Maererano neBhaibheri, vanamati vose vaJehovha—vokudenga nevepasi—vashumiri. Ngirozi dzakashumira Jesu. (Mateu 4:11; 26:53; Ruka 22:43) Ngirozi dzino“shumira[wo] avo vachagara nhaka yoruponeso.” (VaHebheru 1:14; Mateu 18:10) Jesu aiva mushumiri. Akati: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira.” (Mateu 20:28; VaRoma 15:8) Naizvozvo, sezvo vateveri vaJesu vaifanira “kunyatsotevera tsoka dzake,” hazvishamisi kuti naivowo vanofanira kuva vashumiri.—1 Petro 2:21.

6. Jesu akaratidza sei kuti vadzidzi vake vanofanira kuva vashumiri?

6 Ava kuda kukwira kudenga, Jesu akati kuvadzidzi vake: “Endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Vadzidzi vaJesu vaifanira kuva vaiti vevadzidzi—vashumiri. Vadzidzi vatsva vavaiita vaizodzidza kuchengeta zvinhu zvose zvakarayirwa naJesu, kusanganisira murayiro wokuenda kunoita vadzidzi. Angava murume kana mukadzi, munhu mukuru kana muduku, mudzidzi wechokwadi waJesu Kristu aizova mushumiri.—Joere 2:28, 29.

7, 8. (a) Magwaro api anoratidza kuti vaKristu vechokwadi vose vashumiri? (b) Mibvunzo ipi inomutswa pane zvokugadzwa?

7 Maererano neizvi, pazuva rePendekosti ya33 C.E., vadzidzi vose vaJesu vaivapo, varume nevakadzi, vakabatana mukutaura “zvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mabasa 2:1-11) Uyezve, muapostora Pauro akanyora kuti: “Munhu anotenda nemwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.” (VaRoma 10:10) Pauro akataura mashoko iwayo, kwete kuboka revafundisi vashoma, asi “kuavo vose va[iva] muRoma sevanodiwa vaMwari.” (VaRoma 1:1, 7) Saizvozvowo, vose ‘vatsvene vaiva muEfeso nevakatendeka vaiva pamwe naKristu Jesu’ vaifanira kuita kuti ‘tsoka dzavo dzipfeke kugadzirirwa kwemashoko akanaka orugare.’ (VaEfeso 1:1; 6:15) Uye vose vakanzwa tsamba yakanyorerwa vaHebheru vaifanira ku‘batisisa kuzivisa kwepachena tariro yavo vasingazununguki.’—VaHebheru 10:23.

8 Zvisinei, munhu anova mushumiri rini? Namamwe mashoko, anogadzwa rini? Uye ndiani anomugadza?

Kugadzwa Kuva Mushumiri—Rini?

9. Jesu akagadzwa rini, uye naani?

9 Nezvokuti munhu anogadzwa rini uye naani, funga muenzaniso waJesu Kristu. Akanga asina gwaro rokugadzwa kana kuti dhigirii rokuchikoro chakati kuti aratidze kuti akanga ari mushumiri, uye haana kugadzwa nomunhu upi noupi. Saka, nei tingataura kuti akanga ari mushumiri? Nokuti mashoko aIsaya akafuridzirwa akazadzika maari, anoti: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka.” (Ruka 4:17-19; Isaya 61:1) Mashoko iwayo anosiya pasina mubvunzo wokuti Jesu akapiwa basa rokuzivisa mashoko akanaka. Naani? Sezvo mudzimu waJehovha wakamuzodza kuti aite basa racho, zviri pachena kuti Jesu akagadzwa naJehovha Mwari. Izvi zvakaitika rini? Mudzimu waJehovha wakauya chaizvoizvo pamusoro paJesu paakabhabhatidzwa. (Ruka 3:21, 22) Naizvozvo, akagadzwa paakabhabhatidzwa.

10. Mushumiri wechiKristu anoitwa naani kuti ave “anonyatsokwanisa”?

10 Zvakadini nevateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga? Chinzvimbo chavo chokuva vashumiri vakachipiwawo naJehovha. Pauro akati: “Kunyatsokwanisa kwedu kunobva kuna Mwari, uyo zvechokwadi akatiita vanonyatsokwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva.” (2 VaKorinde 3:5, 6) Jehovha anoita sei kuti vanamati vake vakwanise kuva vashumiri? Funga muenzaniso waTimoti, akadanwa naPauro kuti “mushumiri waMwari mumashoko akanaka pamusoro paKristu.”—1 VaTesaronika 3:2.

11, 12. Timoti akafambira mberi sei kuti ave mushumiri?

11 Mashoko anotevera akataurwa kuna Timoti anotibatsira kunzwisisa kuti akava sei mushumiri: “Zvisinei, iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendiswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani uye kuti kubvira paucheche wakaziva zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kukuita uve akachenjera nokuda kwokuponeswa nokutenda muna Kristu Jesu.” (2 Timoti 3:14, 15) Hwaro hwokutenda kwaTimoti, hwaizomuita kuti azivise pachena, yaiva zivo yeMagwaro. Kuverenga kwomunhu ndiko kwaingodiwa here kuti izvi zviitike? Kwete. Timoti aida kubatsirwa kuti awane zivo yakarurama uye kuti anzwisise mumudzimu zvinhu zvaaiverenga. (VaKorose 1:9) Saka Timoti “akatendiswa.” Sezvo akanga aziva Magwaro “kubvira paucheche,” vakatanga kumurayiridza vanofanira kuva amai vake naambuya, sezvo zviri pachena kuti baba vake vakanga vasiri mutendi.—2 Timoti 1:5.

12 Zvisinei, zvakawanda zvaibatanidzwa kuti Timoti ave mushumiri. Chimwe chacho ndechokuti, kutenda kwake kwakasimbiswa nokusonganirana nevaKristu vaiva muungano dzaiva pedyo. Tinoziva sei? Nokuti Pauro paakatanga kusangana naTimoti, jaya racho rai“pupurirwa zvakanaka kwazvo nehama dzomuRistra neIkoniyumu.” (Mabasa 16:2) Uyezve, mumazuva iwayo dzimwe hama dzainyora tsamba kuungano kuti dzidzisimbise. Uye vatariri vaidzishanyira kuti vadzikurudzire. Gadziriro dzakadaro dzakabatsira vaKristu vakafanana naTimoti kufambira mberi mumudzimu.—Mabasa 15:22-32; 1 Petro 1:1.

13. Timoti akagadzwa rini kuva mushumiri, uye nei ungati kufambira mberi kwake mumudzimu hakuna kugumira ipapo?

13 Tichitarira murayiro waJesu wakanyorwa pana Mateu 28:19, 20, tinogona kuva nechokwadi chokuti pane imwe nguva kutenda kwaTimoti kwakamuita kuti atevedzere Jesu ndokubhabhatidzwa. (Mateu 3:15-17; VaHebheru 10:5-9) Ichi chaiva chiratidzo chokuzvitsaurira kwaTimoti nomweya wose kuna Mwari. Timoti paakabhabhatidzwa akava mushumiri. Kubva ipapo, upenyu hwake, simba rake, uye chinhu chose chaaiva nacho chakanga chava chaMwari. Izvi zvaiva musimboti wokunamata kwake, “basa dzvene.” Zvisinei, Timoti haana kubva agutsikana norukudzo rwaaiva narwo. Akaramba achikura mumudzimu, achiva mushumiri wechiKristu akakura mumudzimu. Izvi zvakaitika nemhaka yokusonganirana zvakanyanya kwaTimoti nevaKristu vakakura mumudzimu vakadai saPauro, kudzidza kwaaiita ari oga, uye basa rake rokudzidzisa achishingaira.—1 Timoti 4:14; 2 Timoti 2:2; VaHebheru 6:1.

14. Nhasi, mumwe munhu ano“da upenyu husingaperi” anofambira mberi sei kuti ave mushumiri?

14 Nhasi, kugadzwa nokuda kwoushumiri hwechiKristu kwakadarowo. Munhu ano“da upenyu husingaperi” anobatsirwa kudzidza nezvaMwari nezvinangwa zvake nokudzidza Bhaibheri. (Mabasa 13:48) Munhu wacho anodzidza kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwake uye kunyengetera kuna Mwari zvine chinangwa. (Pisarema 1:1-3; Zvirevo 2:1-9; 1 VaTesaronika 5:17, 18) Anosonganirana nevamwe vatendi uye anoshandisa gadziriro nezvinhu zvinogoverwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47; Zvirevo 13:20; VaHebheru 10:23-25) Saka anofambira mberi mugadziriro yakarongwa yedzidzo.

15. Chii chinoitika munhu paanobhabhatidzwa? (Onawo mashoko omuzasi.)

15 Pakupedzisira, mudzidzi weBhaibheri, aratidza kuda Jehovha Mwari uye kutenda kwakasimba muchibayiro chorudzikinuro, anoda kuzvitsaurira zvakakwana kuna Baba vake vokudenga. (Johani 14:1) Anozvitsaurira kudaro paanonyengetera ari oga obva abhabhatidzwa sechiratidzo chapachena chechiito ichocho chaakaita ari oga. Kubhabhatidzwa kwake ndikwo kunoratidza kugadzwa kwake nokuti ndipo paanozivikanwa somushumiri akazvitsaurira zvakazara, di·aʹko·nos, waMwari. Anofanira kuramba akaparadzana nenyika. (Johani 17:16; Jakobho 4:4) Azvipa zvakazara kuti ave “chibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari.” (VaRoma 12:1) * Mushumiri waMwari, anotevedzera Kristu.

Ushumiri hwechiKristu Chii?

16. Mimwe mitoro yaTimoti somushumiri yaiva yei?

16 Ushumiri hwaTimoti hwaisanganisirei? Aiva nemitoro inokosha seshamwari yaifamba naPauro. Uye paakava mukuru, Timoti akashanda nesimba pakudzidzisa nokusimbisa vamwe vaKristu. Asi chinhu chaikosha muushumiri hwake, sezvazvakanga zvakaitawo kuna Jesu naPauro, kwaiva kuparidza mashoko akanaka nokuita vadzidzi. (Mateu 4:23; 1 VaKorinde 3:5) Pauro akaudza Timoti kuti: “Asi iwe, svinurira zvinhu zvose, tambura zvakaipa, ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako kwazvo.”—2 Timoti 4:5.

17, 18. (a) VaKristu vanopinda muushumiri hwei? (b) Basa rokuparidza rinokosha sei kumushumiri wechiKristu?

17 Ndizvo zvazvakaitawo kuvashumiri vechiKristu nhasi. Vanoita ushumiri hwapachena, basa rouevhangeri, vachiratidza vanhu ruponeso pahwaro hwechibayiro chaJesu nokudzidzisa vanyoro kudana pazita raJehovha. (Mabasa 2:21; 4:10-12; VaRoma 10:13) Vanoratidza kubva muBhaibheri kuti Umambo ndihwo chete tariro yevanhu vanotambura uye vanoratidza kuti kunyange iye zvino zvinhu zvinova nani kana tikararama maererano nenheyo dzaMwari. (Pisarema 15:1-5; Mako 13:10) Asi muKristu haaparidzi evhangeri yezvinetso zvevanhu. Asi, anodzidzisa kuti ‘kuzvipira kuna Mwari kune chipikirwa choupenyu huno nohuchauya.’—1 Timoti 4:8.

18 Chokwadi, vashumiri vakawanda vane dzimwe nzira dzokushumira nadzo, dzingasiyana maererano nomuKristu mumwe nomumwe. Vakawanda vane mitoro yemhuri. (VaEfeso 5:21–6:4) Vakuru nevashumiri vanoshumira vane mitoro muungano. (1 Timoti 3:1, 12, 13; Tito 1:5; VaHebheru 13:7) VaKristu vakawanda vanobatsira kuvaka Horo dzoUmambo. Vamwe vane ropafadzo yakanaka kwazvo yokuzvipira kushanda pane mumwe wemisha yeBheteri yeWatch Tower Society. Zvisinei, vashumiri vose vechiKristu vanoparidza mashoko akanaka. Hapana anosiyiwa. Kuita basa iri ndiko kunozivisa munhu pachena kuti mushumiri wechiKristu wechokwadi.

Mafungire Omushumiri wechiKristu

19, 20. Vashumiri vechiKristu vanofanira kukudziridza mafungirei?

19 Vakawanda vevashumiri vechiKristudhomu vanotarisira kupiwa ruremekedzo rwakasiyana norwunopiwa vamwe, uye vanova nemazita okuremekedza akadai sokuti “revhurendi” uye “baba.” Zvisinei, mushumiri wechiKristu anoziva kuti Jehovha oga ndiye anofanira kuremekedzwa. (1 Timoti 2:9, 10) Hapana mushumiri wechiKristu anoda kuremekedzwa kwakakwirira zvakadaro kana kuti anotsvaka mazita chaiwo okuremekedza. (Mateu 23:8-12) Anoziva kuti zvinonyanyorehwa neshoko rokuti di·a·ko·niʹa i“basa.” Chiito chine chokuita naro dzimwe nguva chinoshandiswa muBhaibheri kureva mabasa omunhu, akadai sokuita basa rokupa vanhu zvokudya pamatafura. (Ruka 4:39; 17:8; Johani 2:5) Kunyange zvazvo kushandiswa kwarinoitwa pane zvine chokuita noushumiri hwechiKristu kwakakwirira zvikuru, di·aʹko·nos anongova mushandi.

20 Naizvozvo hapana mushumiri wechiKristu ane chikonzero chokunzwa achikosha kupfuura vamwe. Vashumiri vechokwadi vechiKristu—kunyange vaya vane mitoro inokosha muungano—varanda vanozvininipisa. Jesu akati: “Munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu, uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.” (Mateu 20:26, 27) Paairatidza vadzidzi vake mafungire akanaka okukudziridza, Jesu akageza tsoka dzavo, achiita basa romuranda akaderera kupfuura vose. (Johani 13:1-15) Ibasa rokuzvininipisa rakadini! Saka, vashumiri vechiKristu vanoshumira Jehovha Mwari naJesu Kristu vachizvininipisa. (2 VaKorinde 6:4; 11:23) Vanoratidza kuzvidukupisa mupfungwa pakushumirana. Uye pavanoparidza mashoko akanaka, vanoshandira vavakidzani vavo vasingatendi, zvisina udyire.—VaRoma 1:14, 15; VaEfeso 3:1-7.

Tsungirira Muushumiri

21. Pauro akapiwa sei mubayiro nokuda kwokutsungirira muushumiri?

21 Kana ari Pauro, kuva mushumiri kwaida kutsungirira. Akaudza vaKorose kuti akatambura zvakawanda kuitira kuti aparidze mashoko akanaka kwavari. (VaKorose 1:24, 25) Zvisinei, nokuti akatsungirira, vakawanda vakagamuchira mashoko akanaka ndokuva vashumiri. Vakaberekwa sevana vaMwari uye sehama dzaJesu Kristu, netarisiro yokuva zvisikwa zvomudzimu pamwe naye mudenga. Mubayiro wokutsungirira une mbiri yakadini!

22, 23. (a) Nei vashumiri vechiKristu nhasi vachida kutsungirira? (b) Zvibereko zvipi zvakanaka kwazvo zvinobva mukutsungirira kwechiKristu?

22 Kutsungirira kunodiwa nhasi kune vaya vari vashumiri vaMwari chaizvoizvo. Vakawanda vanotambura mazuva ose nourwere kana kuti marwadzo okuchembera. Vabereki vanoshanda nesimba—vakawanda vavo vasina murume kana kuti mukadzi—kuti varere vana vavo. Noushingi, vana vanodzivisa zvinhu zvisina kururama zvinopesvedzera zvinenge zvakavapoteredza kuchikoro. VaKristu vakawanda vanotarisana nenhamo dzemari dzakaoma. Uye vakawanda vanotambudzwa kana kuti vanotarisana nenhamo pamusana pe“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzanhasi! (2 Timoti 3:1) Hungu, vashumiri vaJehovha vanoda kusvika mamiriyoni matanhatu nhasi vanogona kuti nomuapostora Pauro: “Munzira dzose tinozvirumbidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira zvakawanda.” (2 VaKorinde 6:4)Vashumiri vechiKristu havaregi. Vanofanira kurumbidzwa zvechokwadi nokuda kwokutsungirira kwavo.

23 Uyezve, sezvakwakaita kuna Pauro, kutsungirira kunounza zvibereko zvinoshamisa. Nokutsungirira, tinochengetedza ukama hwedu hwakasimba naJehovha ndokuita kuti mwoyo wake ufare. (Zvirevo 27:11) Tinosimbisa kutenda kwedu pachedu ndokuita vadzidzi, tichiwedzera hama dzechiKristu. (1 Timoti 4:16) Jehovha ave achitsigira vashumiri vake uye ave achikomborera ushumiri hwavo mumazuva ano okupedzisira. Somugumisiro, vakasara ve144 000 vakaunganidzwa, uye mamwe mamiriyoni ane tariro yechokwadi yokuva noupenyu husingaperi muparadhiso yepasi. (Ruka 23:43; Zvakazarurwa 14:1) Chokwadi, ushumiri hwechiKristu kuratidzwa kwengoni dzaJehovha. (2 VaKorinde 4:1) Tose zvedu ngatihukoshesei ndokufara kuti zvibereko zvahwo zvichagara nokusingaperi.—1 Johani 2:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mushoko rechiGiriki rokuti di·aʹko·nos ndimo munobva rokuti “mudhikoni,” mukuru mukuru muchechi. Mumachechi umo vakadzi vanogona kuva vadhikoni, vanganzi vadhikonikadzi.

^ ndima 15 Nepo VaRoma 12:1 ichinyanya kushanda kuvaKristu vakazodzwa, nheyo yacho inoshandawo kune “mamwe makwai.” (Johani 10:16) Ivava “vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake.”—Isaya 56:6.

Ungatsanangura Here?

• VaKristu vose vomuzana remakore rokutanga vaiva nomutoro wei?

• Mushumiri wechiKristu anogadzwa rini uye naani?

• Mushumiri wechiKristu anofanira kukudziridza mafungirei?

• Nei mushumiri wechiKristu achifanira kutsungirira pakutarisana nezvinetso?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Timoti akadzidziswa Shoko raMwari kubvira paucheche. Akava mushumiri akagadzwa paakabhabhatidzwa

[Mufananidzo uri papeji 18]

Rubhabhatidzo runoratidza tsauriro kuna Mwari uye runoratidza kugadzwa kwomunhu kuva mushumiri

[Mufananidzo uri papeji 20]

Vashumiri vechiKristu vanoda kushanda