Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uchifanira Kunyengetera?

Nei Uchifanira Kunyengetera?

Nei Uchifanira Kunyengetera?

“MUNOKUMBIRA, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira nokuda kwechinangwa chakaipa . . . Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:3, 8) Mashoko iwayo omudzidzi waJesu Jakobho angaita kuti tinyatsofunga zvikonzero zvedu zvokunyengetera.

Munyengetero haisi nzira yokuudza Mwari zvatinoda chete. Mumharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akati: “Mwari Baba venyu vanoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda musati mambovakumbira.” Asi, Jesu akatiwo: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa.” (Mateu 6:8; 7:7) Saka Jehovha anoda kuti timuudze zvatinonzwa kuti tiri kuda. Asi munyengetero unosanganisira zvakawanda kwazvo kupfuura izvozvo.

Shamwari dzechokwadi hadzikurukuri padzinenge dzichida chimwe chinhu chete. Dzinofarirana, uye ushamwari hwadzo hunokura padzinotaurirana kunzwa kwadzinoita. Saizvozvowo, munyengetero une chinangwa chikuru kupfuura kungokumbira zvatinoda. Unopa mukana wokusimbisa ukama hwedu naJehovha nokuratidza kuzvipira kwedu kwomwoyo wose kwaari.

Hungu, Mwari akatipa ropafadzo yomunyengetero kuitira kuti tiswedere pedyo naye. Izvi zvingaitika chete kana tikaratidza kunzwa kwatinoita kuna Mwari pane kudzokorora minyengetero iri mumusoro. Zvinofadza sei kutaura naJehovha mumunyengetero! Uyezve, chirevo cheBhaibheri chinoti: “Munyengetero wowakarurama unomufadza.”—Zvirevo 15:8.

“Kana ndirini, kuswedera pedyo naMwari ndizvo zvinondifadza,” akaimba kudaro Asafi munyori wepisarema. (Pisarema 73:28) Asi kuti tiswedere pedyo naMwari, tinofanira kuita zvakawanda kupfuura kunyengetera. Cherechedza kuti nhoroondo inotevera inoratidza sei izvozvi:

“Mumwe wevadzidzi [vaJesu] akati kwaari: ‘Ishe, tidzidzisei kunyengetera.’” Achipindura Jesu akati: “Nguva yose yamunonyengetera, itii, ‘Baba, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye.” (Ruka 11:1, 2) Tinganyengetera zvine musoro here munzira iyi tisati tatanga kudzidza zita raMwari uye matsveneserwe arichaitwa? Uye tinganyengetera maererano nemashoko aya aJesu kana tanga tisinganzwisisi chinonzi Umambo hwaMwari here? Tinogona kunzwisisa zvinhu izvi kana tikanyatsoongorora Bhaibheri. Zivo inowanikwa nenzira iyi ichatibatsira kuziva Mwari uye kunzwisisa nzira dzake. Uyezve, kusvika pakuzivana naJehovha Mwari kuchaita kuti tinzwe tiri pedyo zvikuru naye uye tichida kuzvipira kwaari zvikuru. Uyewo, izvi zvichatibatsira kutaura kwaari mumunyengetero takasununguka zvikuru.

Munyengetero Unogona Kugadzirisa Zvinetso

Kuva noukama hwepedyo naJehovha kuchatibatsira kugadzirisa zvinetso. Cherechedza kuti izvi zvakanga zvakadaro sei mumamiriro ezvinhu oga oga anotevera. Anoratidza zvakajeka kuti vaya vainyengetera vakakwanisa kusimbisa ukama hwavo naJehovha.

MuBrazil mumwe mukadzi anonzi Maria akanyengetera kuna Mwari kuti abatsirwe. Akanga oda kuita zvinopesana netsika dzinogamuchirwa munzanga, chimwe chikonzero chiri chounyengeri hwaaiona munzanga. Maria akanga atosiya murume wake, vana, nomusha. Akatangawo kushandisa zvinodhaka. Asi paakatadza kuwana mufaro, akazarura mwoyo wake kuna Mwari kuti abatsirwe.

Munguva pfupi yakatevera, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakasvika uye zvakasiyira Maria magazini yeNharireyomurindi yaiva nenyaya yairatidza kukosha kwokubvuma kutungamirirwa naMwari. Yakamubata mwoyo, uye akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zuva iroro chairo. Izvi zvakadzorerazve upenyu hwemhuri yake pakupedzisira. Sezvaaidzidza nezvaJehovha, aida kuratidzira kuti anomuda. “Ndakachinja mufambiro wangu,” akadaro Maria. “Murume wangu nemhuri pakutanga vakashora kudzidza kwandaiita Bhaibheri. Asi pavakaona kuchinja kwandaiita, vakatanga kundikurudzira.” Gare gare, Maria akatsaurira upenyu hwake kuMunzwi womunyengetero kuti amushumire.

Kunyange zvazvo José aiva nomudzimai akanaka uye Bhizimisi rinobhadhara muBolivia, akanga asingafari. Muitiro woupombwe wakaita kuti mudzimai wake amusiye. Akanwa doro kwazvo uye akanzwa asingabatsiri. José anoti: “Ndakatanga kunyengetera nomwoyo wangu wose, ndichibvunza chandaifanira kuita kuti ndifadze Mwari. Munguva pfupi yakatevera Zvapupu zvaJehovha zvakashanyira nzvimbo yangu yebhizimisi zvichindigovera zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha pachena, asi ndakazvidzinga. Izvi zvakaitika katatu. Pose pandainyengetera kuti ndibatsirwe, ndaiona zvasvika. Pakupedzisira, ndakasarudza kuti ndaizoteerera nguva inotevera. Ndakanga ndaverenga Bhaibheri rose uye ndine mibvunzo yakawanda, asi nguva yose zvakanga zvine mhinduro dzaindigutsa. Kudzidza nezvaJehovha kwakandipa chinangwa chitsva muupenyu, uye shamwari dzangu paZvapupu dzaiva mienzaniso inokurudzira! Ndakasiya musikana wandaishamwaridzana naye uye shamwari dzinonwa. Pasati papera nguva refu, ndakanga ndava nomudzimai wangu nevana vangu zvakare. Ndakabhabhatidzwa kumavambo a1999.”

MuItaly, muchato waTamara wakanga wava muchinetso, saka akanyengeterera uchenjeri. Akanga ava namafungire okumukira, zvaakanga arohwa uye aparadzaniswa nemhuri ane makore 14. Tamara anoti: “Ndakawana Bhaibheri ndokutanga kuriverenga. Mamwe manheru, ndakaverenga panoti ‘kuwana uchenjeri kwakafanana nokuwana pfuma yakavanzwa.’ Ndakanyengeterera uchenjeri ihwohwo. (Zvirevo 2:1-6) Mangwanani akatevera, Zvapupu zvaJehovha zvakandishanyira. Ndakatanga kudzidziswa Bhaibheri nazvo, asi zvakanditorera nguva kushandisa zvandaidzidza. Pakupedzisira, ndakasarudza kutevedzera nzira yechiKristu youpenyu ndokubhabhatidzwa. Zvino, nomurume wangu, ndinobatsira vamwe kuti vabatsirwe nouchenjeri hwaMwari.”

Beatriz akanga ari munhu aibva munzanga yevakabudirira muCaracas, Venezuela. Asi, akazviwana arambwa uye aodzwa mwoyo. Apererwa nezano, imwe nguva akapedza maawa akawanda achinyengetera. Mangwanani akatevera, bhero rapamusuwo rakarira. Ashatiriswa, akatarisa nepaburi rokudongorera naro ndokuona vanhu vaviri vane mabhirifikesi. Akanyepedzera kusava pamusha, asi vaviri vacho vasati vaenda, vakaisa hendibhiri napasi pomusuwo. Raiti, “Ziva Bhaibheri Rako.” Kuti kushanya kwavo kwaiva kwakabatana neminyengetero yake yousiku hwakanga hwapfuura here? Akavadana kuti vadzoke. Pasina nguva refu akanga ava kudzidza Bhaibheri uye akabhabhatidzwa gare gare. Achifara pakupedzisira, Beatriz zvino anodzidzisa vamwe kuti vangawana sei mufaro.

Carmen akanyengeterera kutamburira kwaaiita kuti akunde nhamo. Aiva nevana gumi uye murume chidhakwa, Rafael. “Ndaiedza kuwana mari nokuwachira vanhu mbatya,” akadaro Carmen. Asi tsika yaRafael yokunwa yakatowedzera. “Murume wangu akatozotanga kuchinja patakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Takadzidza nezvechipikirwa choUmambo—chokuti munguva pfupi iri kutevera Jehovha achabvisa nyika ine urombo uye inodzvinyirira. Minyengetero yangu kuna Mwari yakapindurwa pakupedzisira!” Kudzidza nzira dzaJehovha kwakabatsira Rafael kuti asanwe, uye akapfeka “unhu hutsva.” (VaEfeso 4:24) Iye nemhuri yake vakakwanisa kuvandudza mararamire avo. Rafael anoti: “Tingave tisina kupfuma, uye tisina imba yedu pachedu, asi tine zvatinoda muupenyu, uye tinofara.”

Pachapindurwa Minyengetero Yose

Kunyengetera kune zvakwakabatsira vanhu ava here? Zvechokwadi! Uye wacherechedza here kuti muzviitiko zvakawanda minyengetero yavo yakapindurwa apo mumwe munhu womuungano yechiKristu akavabatsira kuswedera pedyo kuna Jehovha Mwari nokudzidza Bhaibheri?—Mabasa 9:11.

Saka, tine zvikonzero zvakanaka zvokunyengetera. Munguva pfupi iri kutevera zvino, munyengetero wokuti Umambo hwaMwari huuye uye wokuti kuda kwake kuitwe pasi pano uchapindurwa. (Mateu 6:10) Kana Mwari achenesa pasi redu nokubvisa vaya vanomushora, “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha.” (Isaya 11:9) Zvadaro vose vanoda Jehovha vachava “norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari”—uye minyengetero yavo ichapindurwa zvechokwadi.—VaRoma 8:18-21.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Unoziva kuti nei tichifanira kunyengetera here?