Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga

Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga

Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga

MWARI akaongorora puraneti inonzi Pasi. Akanga achiigadzira kuti igarwe nevanhu. Akaona kuti zvinhu zvose zvaakanga achigadzira zvakanga zvakanaka. Zvakaitika ndezvokuti, basa iri parakanga rapera, akazivisa kuti rakanga ra“kanaka kwazvo.” (Genesi 1:12, 18, 21, 25, 31) Zvisinei, asati ataura mhedziso iyoyo yakakwana Mwari akataura nezvechimwe chinhu chakanga chis“ina kunaka.” Zvechokwadi, Mwari haana kuita chimwe chinhu chisina kukwana. Kwaingova kuti akanga asati apedza kusika. “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga,” akadaro Jehovha. “Ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira.”—Genesi 2:18.

Chakanga chiri chinangwa chaJehovha kuti nzanga yevanhu ive noupenyu husingaperi ine utano, mufaro, uye zvinhu zvakawanda muparadhiso yepasi. Baba wevanhu vose aiva Adhamu. Mudzimai wake, Evha, akava “mai vavapenyu vose.” (Genesi 3:20) Kunyange zvazvo pasi zvino razara nemabhiriyoni evana vavo, vanhu havana kumbokwana.

Nyaya yaAdhamu naEvha inonyatsozivikanwa. Asi inotibatsirei? Tingadzidzei pane zvakaitika kuvanhu vaviri vokutanga?

“Akavasika Murume Nomukadzi”

Adhamu paaipa mhuka mazita, akaona kuti dzaiva hono nehadzi asi iye akanga asina mukadzi. Saka paakaona chisikwa chakanaka chakanga chagadzirwa naJehovha kubva pambabvu yake, akafara. Achiziva kuti akanga ari munhu abva paari ane masikirwe akewo, Adhamu akadanidzira kuti: “Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu; uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa pamurume.”—Genesi 2:18-23.

Munhu aida “mubatsiri.” Zvino akanga ava naye akanyatsokodzera. Evha akanga akakodzera zvakakwana kuva mukwanisi waAdhamu—mukutarisira musha wavo womubindu nemhuka, mukubereka vana, uye mukukurudzira zvine unyanzvi nokuva shamwari yechokwadi inotsigira.—Genesi 1:26-30.

Jehovha akagovera chinhu chose chakanaka chaizodiwa nevaviri vacho. Nokuunza Evha kumurume wake uye nokudaro achibatanidza ukama hwavo zviri pamutemo, Mwari akatanga gadziriro dzokuroorana uye mhuri yaizoshandiswa kuronga nzanga. Nhoroondo yaGenesi inoti: “Munhu unofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.” Uye Jehovha paakakomborera vaviri vokutanga vakaroorana ndokuvaudza kuti vabereke, zviri pachena kuti aida kuti mwana oga oga aberekerwe mumhuri ine hanya, ina baba naamai vanomutarisira.—Genesi 1:28; 2:24.

“Nomufananidzo waMwari”

Adhamu aiva mwanakomana akakwana waMwari, akaitwa ‘nomufananidzo Wake uye akafanana naye.’ Asi sezvo “Mwari [ari] Mudzimu,” kufanana kwacho kwaisagona kuva kwomuviri. (Genesi 1:26; Johani 4:24) Kufanana kwacho kwaiva muunhu hwaiita kuti munhu ave nani kudarika mhuka nokure. Hungu, unhu hwakaiswa mumunhu kubvira pakutanga hwaiva rudo, uchenjeri, simba, uye kururamisira. Akapiwa rusununguko rwokuzvisarudzira zvaanoda uye kukwanisa kukura mumudzimu. Pfungwa yetsika yokuzvarwa unayo, kana kuti hana, yaimuita kuti akwanise kusiyanisa zvakarurama nezvisina kururama. Munhu aiva nounyanzvi hwokufunga, huchimuita kuti akwanise kufungisisa chikonzero chokuvapo kwevanhu, kuwana zivo yoMusiki wake, uye kutanga ushamwari Naye. Ashongedzerwa zvakadaro, Adhamu akanga ane zvose zvaaida kuti aite basa rake rokuva mutarisiri wemabasa aMwari epasi.

Evha Anotadza

Hapana mubvunzo kuti Adhamu akakurumidza kutaurira Evha nezvechinhu chimwe chakanga charambidzwa naJehovha chokuti: Vaigona kudya michero yemiti yose yaiva mumusha wavo womubindu kunze kwomumwe—muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. Vakanga vasingafaniri kudya michero yawo. Kana vaizodaro, vaizofa pazuva iroro chairo.—Genesi 2:16, 17.

Nenguva isipi, pakamutswa nhau ine chokuita nomuchero wakarambidzwa. Evha akatyisidzirwa nenyoka, yakashandiswa sechokutaura nacho nomudzimu usingaoneki. Ichiita seisingazivi, nyoka yacho yakabvunza kuti: “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” Evha akapindura kuti zvaitenderwa kudya michero yemiti yose kunze kwomumwe. Asi nyoka yacho yakapikisa Mwari, ichiudza mukadzi wacho kuti: “Hamungafi zvirokwazvo; nokuti Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukadzi akatanga kuona muti wakarambidzwa nemaonero akasiyana. ‘Muti wakanga wakanaka kudyiwa, uye waifadza meso.’ Anyatsonyengedzwa, Evha akatyora mutemo waMwari.—Genesi 3:1-6; 1 Timoti 2:14.

Chivi chaEvha chakanga chisingadzivisiki here? Kana! Zviise munzvimbo yake. Zvakataurwa nenyoka zvaipesana zvachose nezvakanga zvataurwa naMwari naAdhamu. Waizonzwa sei dai mumwe munhu wausingazivi akapomera munhu waunoda uye waunovimba naye kuti haana kutendeseka? Evha angadai akaita nenzira yakasiyana, achiratidza kusemburwa nokushatirwa, kunyange kutoramba kuteerera. Pashure pezvose, nyoka yaiva ani kuti isave nechokwadi nokururama kwaMwari neshoko romurume wake? Nemhaka yokuremekedza nheyo youmusoro, Evha aifanira kunge akatsvaka zano asati aita chisarudzo. Nesuwo tinofanira kudaro kana tikazopiwa mashoko anopesana nemirayiridzo yaMwari. Asi, Evha akavimba mashoko oMuedzi, achida kuzvisarudzira pachake chakanga chakanaka nechakanga chakaipa. Paaipedza nguva yakawanda achifunga nezvepfungwa yacho, ndipo payaibva yanyanyawo kumufadza. Chikanganiso chakadini chaakaita nokuchengeta chishuvo chisina kururama, pane kuchibvisa mupfungwa dzake kana kuchikurukura nomusoro wake wemhuri!—1 VaKorinde 11:3; Jakobho 1:14, 15.

Adhamu Anoteerera Inzwi Romudzimai Wake

Munguva pfupi yakatevera Evha akanyengetedza Adhamu kuti aitewo chivi naye. Tingatsanangura sei kubvuma kwakaita Adhamu akaneta-neta? (Genesi 3:6, 17) Adhamu akashushikana mupfungwa kuti ovimbika kuna ani. Aizoteerera Musiki wake, akanga amupa zvinhu zvose, kusanganisira Evha, mudzimai wake anodiwa here? Adhamu aizotsvaka nhungamiro yaMwari pane zvaakanga ava kufanira kuita zvino here? Kana kuti murume uyu aizotsigirana nomudzimai wake here? Adhamu ainyatsoziva kuti izvo Evha aitarisira kuwana nokudya muchero wakarambidzwa zvainyengera. Muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Adhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi akanyengerwa kwazvo akasvika pakudarika.” (1 Timoti 2:14) Saka Adhamu akasarudza kusateerera Jehovha achiziva. Zviri pachena kuti akanyanya kutya kuparadzaniswa nomudzimai wake kupfuura kutenda simba raMwari rokugadzirisa mamiriro akanga aita zvinhu.

Zvakaitwa naAdhamu kwaiva kuzviuraya. Zvakagumawo nokupondwa kwevana vose avo Jehovha akamubvumira nengoni kubereka, sezvo vose vaiberekerwa mushurikidzo yechivi, norufu. (VaRoma 5:12) Chirango chokusateerera kwoudyire chakakura zvakadini!

Migumisiro Yechivi

Mugumisiro wechivi wakavapo pakarepo waiva nyadzi. Pane kuti vamhanye vachifara kunotaura naJehovha, vaviri vacho vakahwanda. (Genesi 3:8) Ushamwari hwavo naMwari hwakapera. Pavakabvunzwa zvavakanga vaita, havana kuzvidemba, kunyange zvazvo vose vaiziva kuti vakanga vatyora mutemo waMwari. Nokudya muchero wakarambidzwa, vakaramba kunaka kwaMwari.

Somugumisiro, Mwari akataura kuti marwadzo akawedzerwa aizovapo pakubereka vana. Evha aizoshuva murume wake, uye murume wake aizomudzora. Saka kuedza kwake kuwana kuzvimirira kwakaguma nezvakapesana chaizvo. Adhamu zvino aizodya zvibereko zvevhu nemarwadzo. Pane kugutsa nzara yake asingashandi zvakaoma muEdheni, aizofanira kuita zvokutamburira kuti ararame kusvikira adzokera kuguruva raakanga aumbwa naro.—Genesi 3:16-19.

Pakupedzisira, Adhamu naEvha vakadzingwa mumunda weEdheni. Jehovha akati: “Tarirai, munhu wava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe ungatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi . . .” “Mutsetse wacho unoperera panzira,” inodaro nyanzvi Gordon Wenham, uye tinosarirwa nokupedzisa pfungwa yaMwari—zvimwe nokuti, “rega ndimudzinge mubindu.” Munyori weBhaibheri anowanzotaura pfungwa yaMwari yakazara. Asi pano, Wenham anoenderera mberi achiti, “kusiyiwa kwemhedziso kunoratidza kuti Mwari akakurumidza kuita chiito. Akanga asati ambopedza kutaura pavakadzingwa mubindu racho.” (Genesi 3:22, 23) Naizvozvo, kukurukurirana kwose kwaJehovha nevaviri vokutanga kunoratidzika kuti kwakabva kwamira.

Adhamu naEvha havana kufa muzuva iroro remaawa 24. Zvisinei, vakafa mupfungwa yomudzimu. Vaparadzaniswa neTsime roupenyu zvisingagadzirisiki, vakatanga kuchembera kusvikira parufu. Fungidzira kuti kutarisana kwavo norufu kokutanga kunofanira kuva kwakavarwadza sei apo Abheri, mwanakomana wavo wechipiri akapondwa naKaini, dangwe ravo!—Genesi 4:1-16.

Pashure paizvozvo, pane zvishomanana kwazvo zvinozivikanwa nezvevanhu vaviri vokutanga. Mwanakomana wavo wechitatu, Seti, akaberekwa Adhamu paakanga ava nemakore 130. Adhamu akafa kwapera makore 800 kubva ipapo, ava nemakore 930, abereka “vanakomana navanasikana.”—Genesi 4:25; 5:3-5.

Chidzidzo Kwatiri

Kunze kwokuratidza chakakonzera mamiriro ezvinhu akaipa enzanga yevanhu nhasi, nhoroondo yevaviri vokutanga vakaroorana inodzidzisa chidzidzo chinokosha. Kuedza kupi nokupi kuzvimirira pana Jehovha Mwari ufuza husingatauriki. Vaya vakachenjera zvechokwadi vanotenda muna Jehovha neShoko rake, kwete muzivo yavo yavanofunga kuti vanayo. Jehovha anosarudza chakanaka nechakaipa, uye chaizvoizvo kuita zvakarurama kumuteerera. Kuita zvisina kururama kunoreva kutyora mitemo yake nokurega kuteerera nheyo dzake.

Mwari akapa uye achiri kupa vanhu vose mukana wokuwana zvose zvavangangoda—upenyu husingaperi, rusununguko, kugutsikana, mufaro, utano, rugare, kubudirira, uye kuziva zvinhu zvitsva. Zvisinei, kuti tiwane zvose izvi, zvinoda kuziva kuti tinotsamira zvakakwana pana Baba vedu vokudenga, Jehovha.—Muparidzi 3:10-13; Isaya 55:6-13.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]

Adhamu naEvhaIngano Zvadzo Here?

Kutenda muparadhiso yapakuvamba yakarasika nemhaka yechivi kwakanga kwakapararira muvaBhabhironi vekare, vaAsiriya, vaIjipiti, nevamwe. Chinhu chinodudzwa munhoroondo dzakawanda muti woupenyu waiva nomuchero waizopa upenyu husingaperi kune vaiudya. Saka vanhu vanoyeuka kuti chimwe chinhu chakaipa zvikuru chakaitika muEdheni.

Nhasi, vakawanda vanoramba nhoroondo yeBhaibheri yaAdhamu naEvha vachiti ingano zvayo. Asi, masayendisiti akawanda anobvuma kuti dzinza revanhu imhuri imwe ine mavambo mamwe chete. Nyanzvi dzezvechitendero dzakawanda dzinowana zvisingaiti kuramba kuti migumisiro yechivi chokutanga chakaitwa natateguru vedu tose chakapfuudzwa kuvanhu vose. Kutenda kuti vanhu vakabva kuzvinhu zvakawanda kwete chimwe kwaizovamanikidza kuti vataure kuti chivi chapakuvamba chakaitwa nemadzitateguru akawanda-wanda. Uyewo, izvi zvaizovaita kuti varambe kuti Kristu, “Adhamu wokupedzisira,” akadzikinura vanhu. Asi Jesu nevadzidzi vake havana kutarisana nedambudziko rakadaro. Vaiziva kuti nhoroondo yaGenesi ndeyechokwadi.—1 VaKorinde 15:22, 45; Genesi 1:27; 2:24; Mateu 19:4, 5; VaRoma 5:12-19.