Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vanowana Mufaro Mukushumira

VaKristu Vanowana Mufaro Mukushumira

VaKristu Vanowana Mufaro Mukushumira

“Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—MABASA 20:35.

1. Mafungirei asina kururama akapararira nhasi, uye nei akaipa?

MUMAKUMI emakore okupedzisira ema1900, shoko rokuti “chindingoveni” rainzwiwa kakawanda. “Chindingoveni” zvinoreva chaizvoizvo kuti, “ini pakutanga” uye zvinoratidza mafungire anosanganisira udyire nemakaro nokusava nehanya nevamwe. Tinogona kuva nechokwadi chokuti mugore ra2000, chindingoveni hachina kupera. Kakawanda sei kaunonzwa mibvunzo yokuti, “Zvinondipei?” kana kuti, “Ndichawanei mazviri?” Mafungire oudyire akadaro haakonzeri mufaro. Zvakasiyana chaizvo nenheyo yakataurwa naJesu yokuti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.

2. Zvinooneka sei kuti kupa kunounza mufaro?

2 Ichokwadi here kuti kupa kunounza mufaro mukuru kupfuura kugamuchira? Hungu. Funga nezvaJehovha Mwari. Kwaari ndiko kune “tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Anopa zvose zvatinoda kuti tifare uye tibudirire. Chokwadi, ndiye Tsime re“zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Jehovha, “Mwari anofara,” anogara achipa. (1 Timoti 1:11) Anoda vanhu vake vaakasika, vaanopa zvakawanda kwazvo. (Johani 3:16) Fungawo nezvemhuri yevanhu. Kana uri mubereki, unoziva kuti zvinhu zvakawanda sei zvaunorega, zvinhu zvakawanda sei zvaunopa, kuti urere mwana. Uye kwemakore akawanda mwana haazivi zvinhu zvaunorega. Anozvirerutsa zvose. Asi, kuona mwana wako achibudirira nemhaka yokupa kwako kusiri kwoudyire kunoita kuti ufare. Nei? Nokuti unomuda.

3. Nei zvichifadza kushumira Jehovha nevatinotenda navo?

3 Saizvozvowo, kunamata kwechokwadi kunoratidzwa nokupa kwakavakirwa parudo. Sezvo tichida Jehovha uye tichida vatinotenda navo, zvinofadza kuvashumira, kuzvipa kwavari. (Mateu 22:37-39) Ani naani anonamata nevavariro dzoudyire anoguma asingachanyanyi kufara. Asi vaya vanoshumira vasina udyire, vachinyanya kufunga nezvokuti vangapei pane kuti vanotarisira kugamuchira chii, vanowana mufaro zvechokwadi. Chokwadi ichi chinonzwisiswa nokuongorora mamwe mashoko omuBhaibheri ane chokuita nokunamata kwedu kuti anoshandiswa sei muMagwaro. Tichakurukura matatu emashoko aya munyaya ino neinotevera.

Basa raJesu Rinoitirwa Vanhu Vose

4. “Basa rinoitirwa vanhu vose” muchiKristudhomu nderorudzii?

4 MuchiGiriki chapakuvamba, rimwe shoko rinokosha rine chokuita nokunamata nderokuti lei·tour·giʹa, rinoshandurwa kuti “basa rinoitirwa vanhu vose” muShanduro Yenyika Itsva. MuchiKristudhomu lei·tour·giʹa rakabudisa shoko rokuti “tsika.” * Zvisinei, tsika dzinongotevedzwa dzechiKristudhomu hadzisi basa rinoitirwa vanhu vose rinobatsira zvechokwadi.

5, 6. (a) Ibasai rinoitirwa vanhu vose raiitwa muIsraeri, zvichibatsirei? (b) Ibasai rinoitirwa vanhu vose rinokosha kwazvo rakatsiva riya raiitwa muIsraeri, uye nei?

5 Muapostora Pauro akashandisa shoko rechiGiriki rine ukama nerokuti lei·tour·giʹa achitaura nezvevapristi veIsraeri. Akati: “Mupristi wose anomira panzvimbo yake zuva nezuva kuti aite basa rinoitirwa vanhu vose [rudzi rwelei·tour·giʹa] uye kuti ape zvibayiro zvakafanana kazhinji.” (VaHebheru 10:11) Vapristi vechiRevhi vaiita basa rinoitirwa vanhu vose raikosha chaizvo muIsraeri. Vaidzidzisa Mutemo waMwari uye vaipa zvibayiro zvaifukidza zvivi zvevanhu. (2 Makoronike 15:3; Maraki 2:7) Vapristi nevanhu pavaitevera Mutemo waJehovha, rudzi rwacho rwaiva nezvikonzero zvokufara.—Dheuteronomio 16:15.

6 MuMutemo kuita basa rinoitirwa vanhu vose yaiva ropafadzo chaiyo kuvapristi veIsraeri, asi basa ravo rakava risingakoshi Israeri paakarambwa pamusana pokusatendeka. (Mateu 21:43) Jehovha akaronga chimwe chinhu chinokosha kwazvo—basa rinoitirwa vanhu vose rinoitwa naJesu, Muprisiti Mukuru. Nezvake tinoverenga kuti: “Iye nemhaka yokuramba ari mupenyu nokusingaperi upristi hwake hauna kana vatsivi. Naizvozvo anokwanisawo kuponesa zvakakwana vanosvika Mwari nekwaari, nokuti anogara ari mupenyu kuti avakumbirire.”—VaHebheru 7:24, 25.

7. Nei basa raJesu rinoitirwa vanhu vose richibatsira zvisingaenzaniswi?

7 Jesu anoramba ari mupristi nokusingaperi, asina vatsivi. Saka, iye chete ndiye anogona kuponesa vanhu zvakakwana. Anoita basa iroro rinoitirwa vanhu vose risingaenzaniswi nerimwe, kwete mutemberi yakaitwa nevanhu, asi mutemberi yokufananidzira, gadziriro huru yaJehovha yokunamata yakatanga kushanda muna 29 C.E. Jesu zvino ari kushanda muNzvimbo Tsvene tsvene yetemberi iyoyo, mudenga. Ndiye “mushandi wepanzvimbo tsvene wevanhu vose [lei·tour·gosʹ] uye wepatende rechokwadi, iro Jehovha akamisa, kwete munhu.” (VaHebheru 8:2; 9:11, 12) Kunyange zvazvo nzvimbo yaJesu ichikosha kwazvo, achiri ‘mushandi wevanhu vose.’ Anoshandisa simba rake guru kupa, kwete kutora. Uye kupa kwakadaro kunomuita kuti afare. Mumwe wo“mufaro wakaiswa pamberi pake” uye wakamusimbisa kuti atsungirire muupenyu hwake hwose pasi pano.—VaHebheru 12:2.

8. Jesu akaita sei basa rinoitirwa vanhu vose kutsiva Sungano Yomutemo?

8 Pane rumwe rudzi rwebasa raJesu rinoitirwa vanhu vose. Pauro akanyora kuti: “Jesu akawana basa rinoitirwa vanhu vose rakatonyanya kunaka, zvokuti ndiyewo murevereri wesungano yakafanana iri nani, yakasimbiswa pamutemo pazvipikirwa zviri nani.” (VaHebheru 8:6) Mosesi akareverera sungano yaiva hwaro hwoukama hwaIsraeri naJehovha. (Eksodho 19:4, 5) Jesu akareverera sungano itsva, yakaita kuti paberekwe rudzi rutsva, “Israeri waMwari,” anoumbwa nevaKristu vakazodzwa nomudzimu vanobva kumarudzi akawanda. (VaGaratiya 6:16; VaHebheru 8:8, 13; Zvakazarurwa 5:9, 10) Raiva basa rinoitirwa vanhu vose rakanaka sei! Tinofara sei kuti tinonyatsoziva Jesu, mushandi wevanhu vose watinogona kunamata Jehovha nokwaari zvinogamuchirika!—Johani 14:6.

VaKristu Vanoitawo Basa Rinoitirwa Vanhu Vose

9, 10. Ndeapi mamwe marudzi emabasa anoitirwa vanhu vose anoitwa nevaKristu?

9 Hapana munhu anoita basa rinoitirwa vanhu vose rinokudzwa kufanana neraJesu. Zvisinei, vaKristu vakazodzwa pavanogamuchira mubayiro wavo wokudenga vanotora nzvimbo yavo pedyo naJesu voita naye basa rake rinoitirwa vanhu vose samadzimambo nevapristi vokudenga. (Zvakazarurwa 20:6; 22:1-5) Asi, vaKristu vari pasi pano vanoita basa rinoitirwa vanhu vose, uye vanowana mufaro mukuru mukuita kudaro. Somuenzaniso, zvokudya pazvakava zvishoma muParestina, muapostora Pauro akatakura mipiro yakabva kuhama dzaiva muEurope yokubatsira kuderedza nhamo yevaKristu vechiJudha vaiva muJudhiya. Iroro raiva basa rinoitirwa vanhu vose. (VaRoma 15:27; 2 VaKorinde 9:12) Nhasi, vaKristu vanofara kuita basa rakadaro, vachikurumidza kuyamura apo hama dzavo dzinotambura, dzinowirwa nenjodzi dzinongozviitikira dzoga, kana kuti nemamwe matambudziko.—Zvirevo 14:21.

10 Pauro akataura nezverimwe basa rinoitirwa vanhu vose paakanyora kuti: “Kunyange ndiri kudururwa sechinopiwa chinonwiwa pachibayiro nebasa rinoitirwa vanhu vose iro kutenda kwakakutungamirirai kwariri, ndiri kufara uye ndinofara nemi mose.” (VaFiripi 2:17) Kushanda zvakaoma uko Pauro aiitira vaFiripi rakanga riri basa rinoitirwa vanhu vose raiitwa norudo nokushingaira. Basa rinoitirwa vanhu vose rakadaro riri kuitwa nhasi, kunyanya nevaKristu vakazodzwa, vanoshanda so“muranda akatendeka, akangwara,” vachigovera zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. (Mateu 24:45-47) Uyezve, seboka, ivava ‘vapristi vatsvene,’ vakapiwa basa rokupa “zvibayiro zvomudzimu zvakanaka kuna Mwari nomuna Jesu Kristu” uye ‘kuti vazivise kwose kwose kunaka kweakavadana kuti vabve murima vapinde muchiedza chake chinoshamisa.’ (1 Petro 2:5, 9) Kufanana naPauro, vanofara muropafadzo dzakadaro kunyange sezvavano‘zvidurura’ pakuita mabasa avo. Uye shamwari dzavo, “mamwe makwai,” dzinobatana navo ndokuvatsigira mubasa rokutaurira vanhu nezvaJehovha nezvinangwa zvake. * (Johani 10:16; Mateu 24:14) Ibasa rinoitirwa vanhu vose rinokosha uye rinofadza zvakadini!—Pisarema 107:21, 22.

Ita Basa Dzvene

11. Muprofitakadzi Ana akaratidza sei vaKristu vose muenzaniso wakanaka kwazvo?

11 Rimwe shoko rechiGiriki rine chokuita nokunamata kwedu nderokuti la·treiʹa, rinoshandurwa kuti “basa dzvene” muShanduro Yenyika Itsva. Basa dzvene rine chokuita nemabasa okunamata. Somuenzaniso, Ana, chirikadzi uye muprofitakadzi aiva nemakore 84 anorondedzerwa kuti “akanga asingamboshayiki patemberi, achiita basa dzvene [shoko rechiGiriki rine ukama nerokuti la·treiʹa] usiku nemasikati nokutsanya nokuteterera.” (Ruka 2:36, 37) Ana ainamata Jehovha nguva dzose. Muenzaniso wakanaka kwazvo wedu tose—vaduku nevakuru, varume nevakadzi. Kunyange Ana sezvaainyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose achimunamata patemberi nguva dzose, basa redu dzvene rinosanganisira munyengetero nokupinda misangano.—VaRoma 12:12; VaHebheru 10:24, 25.

12. Chii chiri chinhu chikuru chebasa redu dzvene, uye ichochi ibasa rinoitirwa vanhu vose sei?

12 Muapostora Pauro akataura nezvechinhu chikuru chebasa redu dzvene paakanyora kuti: “Mwari, wandinoitira basa dzvene ini sezvandiri rine chokuita nemashoko akanaka pamusoro peMwanakomana wake, ndiye chapupu changu chokuti ndinogarokududzai sei muminyengetero yangu ndisingaregi.” (VaRoma 1:9) Hungu, kuparidza mashoko akanaka harisi basa rinoitirwa vanhu vose kune vaya vanoanzwa chete asiwo chiito chokunamata Jehovha Mwari. Kunyange tikawana vanoteerera kana kusavawana, basa rokuparidza ibasa dzvene rinoitirwa Jehovha. Kuedza kwedu kutaurira vamwe nezvounhu hwakanaka kwazvo nezvinangwa zvorupo zvaBaba vedu vokudenga, kunotiunzira mufaro mukuru zvechokwadi.—Pisarema 71:23.

Ndokupi Kwatinoitira Basa Dzvene?

13. Vaya vanoita basa dzvene muchivanze chomukati chetemberi yaJehovha yomudzimu vane tariro yei, uye ndivanaani vanofara navo?

13 Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa kuti: “Sezvatichagamuchira umambo husingazununguswi, ngatirambei tine mutsa usina kufanirwa, uyo watingaitira nawo Mwari basa dzvene zvinogamuchirika nokumutya nokumuremekedza.” (VaHebheru 12:28) Vachitarisira nechivimbo kugara nhaka Umambo, vakazodzwa havatsuduguki mukutenda sezvavanonamata Wokumusoro-soro. Ndivo voga vanogona kumuitira basa dzvene mukamuri Dzvene uye muchivanze chomukati chetemberi yomudzimu yaJehovha, uye vanotarisira nechido chikuru kushanda naJesu muNzvimbo Tsvene tsvene, denga pacharo. Shamwari dzavo dzemamwe makwai dzinofara navo mutariro yavo inoshamisa.—VaHebheru 6:19, 20; 10:19-22.

14. Boka guru revanhu rinobatsirwa sei nebasa raJesu rinoitirwa vanhu vose?

14 Zvisinei, zvakadini nemamwe makwai iwayo? Sezvakafanoonekwa nomuapostora Johani, boka guru rawo rakabuda mumazuva ano okupedzisira, uye “[r]akageza nguo dza[r]o refu [ri]kadziita chena muropa reGwayana.” (Zvakazarurwa 7:14) Izvi zvinoreva kuti, kufanana nevakazodzwa vavanonamata navo, vanotenda basa raJesu rinoitirwa vanhu vose, kupa kwaakaita upenyu hwake hwomunhu akakwana nokuda kwevanhu. Mamwe makwai anobatsirwawo nebasa raJesu rinoitirwa vanhu vose mukuti ari “kubatisisa sungano ya[Jehovha].” (Isaya 56:6) Aiwa, havasi vamwe vesungano itsva, asi vanoibatisisa mukuti vanoteerera mitemo ine chokuita nayo uye vanoshandira pamwe negadziriro dzinoitwa nomairi. Vanosonganirana naIsraeri waMwari, vachidya zvokudya zvomudzimu zvimwechetezvo uye kushanda pamwe nenhengo dzake, vachirumbidza Mwari pachena uye kupa zvibayiro zvomudzimu zvinomufadza.—VaHebheru 13:15.

15. Boka guru revanhu rinoitira kupi basa dzvene, uye chikomborero ichi chinoitei pariri?

15 Saka, boka guru revanhu rinoonekwa ri“mire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, [r]akapfeka nguvo refu chena.” Uyezve, ri“ri pamberi pechigaro choumambo chaMwari; uye [ri]ri kumuitira basa dzvene masikati nousiku mutemberi yake; uye Agere pachigaro choumambo achatambanudza tende rake pamusoro pa[r]o.” (Zvakazarurwa 7:9, 15) MuIsraeri, vatendeuki vainamatira muchivanze chokunze chetemberi yaSoromoni. Munzira yakafanana, boka guru revanhu rinonamatira Jehovha muchivanze chokunze chetemberi yake yomudzimu. Kushumira imomo kunoita kuti vafare. (Pisarema 122:1) Kunyange pashure pokunge wokupedzisira weshamwari dzavo dzakazodzwa agamuchira nhaka yake yokudenga, vacharamba vachiita basa dzvene kuna Jehovha sevanhu vake.—Zvakazarurwa 21:3.

Basa Dzvene Risingagamuchiriki

16. Iyambiroi dzinopiwa nezvebasa dzvene?

16 Mumazuva aIsraeri wekare, basa dzvene raifanira kuitwa maererano nemitemo yaJehovha. (Eksodho 30:9; Revhitiko 10:1, 2) Nhasiwo, pane zvinodiwa zvinofanira kuitwa kana basa redu dzvene richizogamuchirika kuna Jehovha. Ndosaka Pauro akanyorera vaKorose kuti: “Isu . . . [hati]na kurega kukunyengetererai nokukumbira kuti muzadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwake nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu, kuti mufambe zvakafanira Jehovha muchimufadza kwazvo sezvamunoramba muchibereka zvibereko mubasa rose rakanaka muchiwedzera pazivo yakarurama pamusoro paMwari.” (VaKorose 1:9, 10) Hatisisu tinosarudza nzira yakarurama yokunamata nayo Mwari. Zivo yeMagwaro yakarurama, kunzwisisa zvomudzimu, uye uchenjeri hwaMwari zvinokosha. Pasina izvi, zvinhu zvingaminama kwazvo.

17. (a) Basa dzvene rakashatiswa sei mumazuva aMosesi? (b) Basa dzvene ringaitwa sei zvisirizvo nhasi?

17 Yeuka vaIsraeri mumazuva aMosesi. Tinoverenga kuti: “Mwari akafuratira akavarega kuti vaitire basa dzvene uto rokudenga.” (Mabasa 7:42) VaIsraeri ivavo vakanga vaona mabasa esimba aJehovha aakavaitira. Asi, vakanamata vamwe vanamwari pavakafunga kuti izvi zvaizovabatsira. Vakanga vasina kuvimbika, uye kuvimbika kunotodiwa kana basa redu dzvene richizofanira kufadza Mwari. (Pisarema 18:25) Ichokwadi kuti vashoma nhasi vangabva kuna Jehovha kuti vanamate nyeredzi kana mhuru dzendarama, asi kune mamwe marudzi okunamata zvidhori. Jesu akayambira kuti tirege kushumira “Pfuma”, uye Pauro akataura kuti kuchiva kunamata zvidhori. (Mateu 6:24; VaKorose 3:5) Satani anozviti ndimwari. (2 VaKorinde 4:4) Kunamata zvidhori kwakadaro kwakawanda uye musungo. Somuenzaniso, funga nezvomumwe munhu anoti anotevera Jesu asi vavariro yake chaiyo iri yokuva akapfuma kana kuti iye pachake anozvivimba uye anovimba nepfungwa dzake. Ari kushumira ani chaizvoizvo? Akasiyana chii nevaJudha vomuzuva raIsaya vakapika muzita raJehovha asi vakati mabasa ake makuru akaitwa nezvidhori zvisina kuchena?—Isaya 48:1, 5.

18. Basa dzvene rakaitwa zvisina kururama sei munguva yakapfuura uye nhasi?

18 Jesu akayambirawo kuti: “Awa iri kuuya apo munhu wose anokuurayai achafunga kuti aitira Mwari basa dzvene.” (Johani 16:2) Sauro, akazova muapostora Pauro, pasina mubvunzo aifunga kuti aishumira Mwari paaka‘tendera kupondwa kwaStefani’ uye ‘akava neshungu dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi vaShe.’ (Mabasa 8:1; 9:1) Nhasi, vamwe vanopara mhosva dzokuparadza nokuuraya madzinza vanotiwo vanonamata Mwari. Kune vakawanda vanoti vanonamata Mwari, asi chaizvoizvo vanonamata vanamwari vorudzi, dzinza, pfuma, munhu, kana kuti mumwewo mwari.

19. (a) Tinoona sei basa redu dzvene? (b) Rudzii rwebasa dzvene rwuchatiunzira mufaro?

19 Jesu akati: “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Aitaura kuna Satani, asi zvinokosha sei kuti tose titeerere mashoko ake! Kuitira Changamire Ishe wezvose zvakasikwa basa dzvene iropafadzo huru, inoshamisa. Uye chii chingataurwa nezvokuita basa rinoitirwa vanhu vose rine chokuita nokunamata kwedu? Kuitira vamwe vedu izvi ibasa rinofadza rinounza mufaro mukuru. (Pisarema 41:1, 2; 59:16) Asi, basa rakadaro rinounza mufaro chaiwoiwo kana richiitwa nomwoyo wose chete uye munzira yakarurama. Ndivanaani chaizvoizvo vari kunamata Mwari nenzira kwayo? Jehovha anogamuchira basa dzvene raani? Tinogona kupindura mibvunzo yakadaro kana tikaongorora shoko rechitatu romuBhaibheri rine chokuita nokunamata kwedu. Izvi tichazviita munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Tsika dzechiKristudhomu kakawanda kacho zvimwe ndedzomunamato kana kuti tsika dzakati, dzakadai seEucharist muChechi yeRoma Katurike.

^ ndima 10 Pana Mabasa 13:2, zvinonzi vaapostora nevadzidzisi vaiva muAndiyoki vakanga “vachishumira” (kushandurwa kweshoko rechiGiriki rine ukama nerokuti lei·tour·giʹa) Jehovha. Zvimwe kushumira uku kwaisanganisira kuparidzira vanhu.

Ungapindura Sei?

• Jesu akaita basa ripi rinoitirwa vanhu vose rinokosha?

• VaKristu vanoita basa ripi rinoitirwa vanhu vose?

• Basa dzvene rechiKristu chii, uye rinoitirwa kupi?

• Chii chatinofanira kuwana kana basa dzvene redu richizofadza Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vabereki vanowana mufaro mukuru mukupa

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

VaKristu vanoita basa dzvene pavanoyamura vamwe uye pavanozivisa mashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 14]

Tinoda zivo yakarurama nokunzwisisa kuti tive nechokwadi chokuti basa redu dzvene rinogamuchirika kuna Mwari